RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 12/1 p. 11
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Jerusarema—“Guta raMambo Mukuru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Sayenzi Yezvinocherwa Mumatongo—Ndiyo Ingaita Kuti Tive Nokutenda Here?
    Mukai!—2002
  • Jerusarema Rapasi Rinosianiswa neJerusarema Rokudenga
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • ChiKristu Chinopararira pavaJudha Vomuzana Remakore Rokutanga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 12/1 p. 11

WAIZVIZIVA HERE?

Ndizvo here kuti vaJudha vakauya kuJerusarema paPendekosti yemugore ra33 C.E. vaibva ‘kumarudzi ose evanhu vari pasi pedenga’?

Vanhu vari kukurukura mumugwagwa wakazara vanhu papendekosti ya33 C.E. muJerusarema

Mugwagwa wakazara vanhu muJerusarema paPendekosti yemuna 33 C.E.

Kunze kwenyaya yemuBhaibheri iri pana Mabasa 2:5-11, munyori werudzi rwechiJudha akararamawo panguva iyi ainzi Philo, akanyora nyaya yaitsanangura nezveboka guru revanhu vakauya kuJerusarema paPendekosti yemuna 33 C.E.

Achitaura nezvevanhu vaiuya kuJerusarema, Philo akanyora kuti: “Vanhu vasingaverengeki vaiuya kumitambo yose yaiitwa vachibva kumaguta asingaverengeki, vamwe vavo vachiuya nemumigwagwa uye vamwe nemugungwa, vachibva kumabvazuva, kumadokero, kuchamhembe nekumaodzanyemba.” Akataurawo zviri mutsamba yakatumirwa naAgrippa I, muzukuru waHerodhi Mukuru, achinyorera mambo weRoma ainzi Caligula. Tsamba yacho yakataura kuti Agrippa akati nezveJerusarema: “Guta Dzvene . . . harisi guta guru renyika yeJudhiya chete asi redzimwe nyika dzakawanda, nekuti vanhu vakawanda vaibva mariri nguva nenguva vachienda kune dzimwe nyika dzaiva pedyo.”

Agrippa akanyora nyika dzaigara mapoka evaJudha kusanganisira nzvimbo dziri kure dziri kuMesopotamia, North Africa, Asia Minor, Greece, uye zvitsuwa zviri kugungwa reMediterranean. Muongorori anonzi Joachim Jeremias akati, “Kunyange zvazvo [Agrippa] asina kunyora nezvenzendo dzekuenda kuJerusarema, zviri pachena kuti vaienda ikoko kunonamata nekuti waiva mutemo kuti vaJudha vose vaende ikoko.”—Dheuteronomio 16:16.

Vanhu vanosvika zviuru vaiuya kuJerusarema panguva yemitambo yechiJudha vaigara kupi?

Nzvimbo yaigezerwa muJerusarema

Matongo enzvimbo yaigezerwa akawanikwa muJerusarema

Pane mitambo mitatu yaiitwa gore negore muJerusarema inoti Paseka, Pendekosti, uye Mutambo Wematumba. Pakatanga chiKristu, mazana ezviuru zvevanhu aiuya kuJerusarema pamitambo iyi achibva muIsraeri nedzimwe nyika dzaigara vaJudha. (Ruka 2:41, 42; Mabasa 2:​1, 5-​11) Vanhu vose ava vaiuya kuzonamata, saka vaifanira kuwana kwekugara.

Vamwe vainorara kudzimba dzeshamwari; vamwewo vaigara padzimba dzaibhadharwa. Vamwe vaidzika matende muJerusarema uye kunze kwemasvingo aro. Nguva yekupedzisira yaakanga ari muJerusarema, Jesu akawana pekugara muguta reBhetani raiva pedyo.​—Mateu 21:17.

Pane zvivako zvakati kuti zvakawanikwa pedyo netemberi zvaiva nenzvimbo dzekugezera dzakawanda. Zvinofungidzirwa kuti vanhu vaiuya kuzonamata ndivo vaigara pazvivako izvi kuti vageze vasati vapinda mutemberi. Mashoko akawanikwa akanyorwa pane chimwe chezvivako izvi anoratidza kuti Theodotus, uyo aiva mupristi uye mutungamiriri wesinagogi, “akavaka sinagogi kuti ive nzvimbo yekuverengera mabhuku mashanu ekutanga eBhaibheri uye . . . akavakawo imba yaiva nemakamuri ekugara aibhadharwa, uye akaita kuti pave nemvura, achiitira kuti zvishandiswe nevarombo vainge vashanya.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe