Batirai Jehovha Nomwoyo Mumwe
“Ipapo ndichapa kumarudzi mutauro wakachena, kuti vose vagodana pazita raJehovha, kuti vamubatire nechinzwano.”—ZEFANIA 3:9, American Standard Version.
1, 2. (a) Jehovha zvino ari kuparira zadziko youporofitai? (b) Uporofita ihwohwu hunomutsa mibvunzoi?
JEHOVHA MWARI ari kuita chimwe chinhu nhasi icho vanhu voga vaisatongogona kuita. Mitauro 3 000 inotaurwa munyika ino yakakamuraniswa, asi Mwari zvino ari kuparira zadziko youhu uporofita: “Ndichavigira vanhu [mutauro wakachena (NW)], kuti vose vadane zita raJehovha, vamushumire nomwoyo mumwe.”—Zefania 3:9.
2 Chii chiri uyu “mutauro wakachena”? Ndivanaani vanoutaura? Uye kunorevei kuti ‘kubatira Mwari nomwoyo mumwe’?
Ivo Vanotaura “Mutauro Wakachena”
3. Chii chiri “mutauro wakachena,” uye neiko avo vanoutaura vasina kukamuraniswa?
3 Pazuva rePentekosta 33 N.V., mudzimu mutsvene waMwari wakadururirwa pavadzidzi vaJesu Kristu, uchivasimbisa kutaura mundimi dzavakanga vasina kudzidza. Ikoku kwakavagonesa kuudza vanhu vendimi dzakawanda “pamusoro pezvinhu zvakaisvonaka zvaMwari.” Jehovha nokudaro akavamba kupinza vanhu vemigariro yose yedzinza muchinzwano. (Mabasa 2:1-21, 37-42, NW) Apo Vamarudzi vanotenda gare gare vakava vateveri vaJesu, vabatiri vaMwari zvamazvirokwazvo vaiva vanhu vemitauro yakawanda, vamadzinza akawanda. Ivo havana kutongoparadzaniswa nemipingo yenyika, zvisinei, nemhaka yokuti ivo vose vanotaura “mutauro wakachena.” Uyu ndiwo mutauro unotauriranwa wezvokwadi yaMagwaro wakadeya kutaurwa pana Zefania 3:9. (VaEfeso 4:25) Avo vanotaura “mutauro wakachena” havana kukamuraniswa asi “vanotaura nebvumirano,” vachiva “vakabatanidzwa zvakakodzera mundangariro imwe cheteyo nomumufungo mumwe chetewo.”—1 VaKorinte 1:10, NW.
4. Zefania 3:9 yakanongedzera sei kubatira pamwe yemitauro yakawanda namadzinza akawanda, uye inowanwa kupi nhasi?
4 “Mutauro wakachena” wakanga uri wokugonesa vanhu vamarudzi ose namadzinza kubatira Jehovha “nomwoyo mumwe,” chaizvoizvo, ‘nepfudzi rimwe.’ Ivo vaizobatira Mwari “nechinzwano” (The New English Bible); “nomwoyo mumwe” (The New American Bible); kana kuti “nechinzwano chavose uye nepfudzi rakabatana.” (The Amplified Bible) Imwe shanduro inorava, kuti: “Ipapo ndichachenesa miromo yamarudzi ose, kuti vose vagodana pazita raJehovha ndokubatira pamwe mubasa rake.” (Byington) Batira pamwe yakadaro yemitauro yakawanda namadzinza akawanda mubasa raMwari inowanwa bedzi pakati peZvapupu zvaJehovha.
5. Zvapupu zvaJehovha zvinokwanisa kushandisa kuchii mutauro upi noupi wavanhu?
5 Sezvo vose veZvapupu zvaJehovha vachitaura “mutauro wakachena” wezvokwadi yapaMagwaro, vanokwanisa kushandisa mutauro upi noupi wavanhu zvinoremekedzwa zvikurusa—kurumbidza Mwari nokuzivisa mashoko akanaka oUmambo. (Marko 13:10; Tito 2:7, 8; VaHebheru 13:15) Kwakaisvonaka sei kuti “mutauro wakachena” unodarozvo kugonesa vanhu vamapoka amarudzi ose kubatira Jehovha nomwoyo mumwe!
6. Jehovha anorangarira sei vanhu, asi chii chichava chebetsero kana mwero wakati worusaruro uri mumwoyo momuKristu akati?
6 Apo Petro akanga achipupurira kuna Kornerio navamwe vaVamarudzi, iye akati: “Ndinonzwisisa zvamazvirokwazvo kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwuri rwose iye anomutya naanoita zvakarurama anogamuchirika kwaari.” (Mabasa 10:34, 35, By) Mukuwirirana nedzimwe shanduro, Jehovha “haasi Muremekedzi wavanhu,” “haasaruri vanhu,” uye “haaratidzi chizivano.” (The Emphatic Diaglott; Phillips; New International Version) Savabatiri vaJehovha, tinofanira kurangarira vanhu vamapoka ose orudzi sezvaanoita. Asi zvakadiniko kana mwero wakati worusaruro uchirambira mumwoyo momuKristu wakati? Ipapo kuchava kunobetsera kucherechedza kuti Mwari wedu asingasaruri anobata sei navabatiri vake vorudzi rwuri rwose, dzinza, uye rurimi.—Onawo Mukai! wechiNgezi waNovember 8, 1984, mapeji 3-11.
Ivo Vanodikanwa
7. Pamusoro poukama naMwari, muKristu mumwe anosiana sei nomumwe worudzi rwupi norwupi kana kuti dzinza?
7 Kana iwe uri Chapupu chakabhapatidzwa chaJehovha, sezvingabvira zvikurusa pane imwe nguva wakanga ‘uchigomera nokuchema pamusoro pezvinhu zvinonyangadza’ zvinoitika mutsika ino yakaipa. (Ezekieri 9:4) Iwe wakanga ‘wakafa muzvivi zvako,’ asi Mwari nenzira yengoni akakukwevera kwaari amene kupfurikidza naJesu Kristu. (VaEfeso 2:1-5; Johane 6:44) Muna izvozvi, hauna kusiana navamwe avo zvino vari vatendi biyako. Ivowo vainetswa nouipi, vakanga ‘vakafa muzvivi zvavo,’ uye vakava vagamuchiri vengoni dzaMwari kupfurikidza naJesu Kristu. Uye pasinei zvapo nedzinza redu kana kuti rudzi, kunongova bedzi kupfurikidza nokutenda kuti upi noupi wedu zvino ane chimiro naJehovha Mwari sezvapupu zvake.—VaRoma 11:20.
8. Hagai 2:7 iri kuzadzikwa sei zvino?
8 Mashoko ouporofita aHagai 2:7 (NW) anotibetsera kuona kuti tinofanira kurangarira sei vatendi biyedu vamarudzi akasiana-siana. Ipapo Jehovha akazivisa, kuti: “Ndichazunungusa marudzi ose, uye zvinhu zvinodikanwa zvamarudzi ose zvinofanira kupinda; uye ndichazadza imba ino nembiri.” Uku kukwidzwa kwakadeya kutaurwa kworudzidziso rwakachena kuri kuitika patembere yechokwadi yaMwari, nzvimbo yenamatwo yake. (Johane 4:23, 24) Asi chii chiri “zvinhu zvinodikanwa zvamarudzi ose”? Ivo zviuru zvavadi vokururama zvinoita zvakanaka kubasa rokuparidzira Umambo. Vachibva mumarudzi ose nomumadzinza, ivo vari kudirana ku‘gomo reimba yaJehovha,’ vachiva Zvapupu zvake zvakabhapatidzwa norutivi rwe“boka guru” ramarudzi ose. (Isaya 2:2-4; Zvakazarurwa 7:9, NW) Avo vanorumbidza Jehovha sorutivi rwesangano rake rapasi ndivanhu vakachena, vane tsika, voumwari—vanodikanwa zvikurusa zvamazvirokwazvo. Zvirokwazvo, ipapoka, muKristu wechokwadi ari wose anofanira kuda kuratidza rudo rwouhama kuava vose vanodikanwa vanogamuchirika kuna Baba vedu vari kudenga.
Hunhu Hwavo Hutsva
9. Kunyange kana isu munguva yakapfuura taisafunga zvakanaka nezvevokumwe, neiko zvinhu zvichifanira kuva zvakasiana zvino zvatiri maKristu?
9 Hama dzedu dzomudzimu nehanzvadzi kupota pasi vanodikanwawo nemhaka yokuti vakateerera zano roku‘bvisa hunhu hwekare nemiitiro yahwo ndokuzvipfekedza vamene hunhu hutsva.’ “Kupfurikidza nezivo yakarurama [ihwo] huri kuvandudzwa mukuwirirana nomufananidzo waiye akahusika, umo musina muGiriki kana kuti muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, wokumwe, muSitia, muranda, akasununguka, asi Kristu zvinhu zvose muna vose.” (VaKorose 3:9-11, NW) Kana mumwe munhu kare aisafunga zvakanaka nezvomuJudha, muGiriki, kana kuti vamwe vokumwe kwaari, zvinhu zvinofanira kuva zvakasiana zvino izvo iye ari muKristu. Pasinei zvapo nedzinza, rudzi kana kuti shambidziko, avo vane “hunhu hutsva” vanosakurira ndokuratidzira chibereko chomudzimu mutsvene waMwari—rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, uye kuzvidzora. (VaGaratia 5:22, 23) Ikoku kunovaita kuti vadiwe navanamati biyavo vaJehovha.
10. Kana tikaedzwa kutaura kusakanaka pamusoro pavatendi biyedu vedzinza ripi neripi kana kuti rudzi, Tito 1:5-12 inogona sei kutibetsera?
10 Kusafanana navabatiri vaJehovha, vamwe vanhu venyika vanotaura zvakashata pamusoro pavanhu vemigariro yorudzi isiri yavo vamene. Chokwadi, pamusoro pavanhu vake amene, muporofita weKrete akamboti: “VaKrete vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, navanokara vano usimbe”! Muapostora Pauro akayeuchidzwa nezvamashoko iwayo apo kwakava kuri madikanwa kunyaradza vadzidzisi venhema pakati pamaKristu apachitsuwa cheKrete. Asi Pauro zvamazvirokwazvo akanga asiri kuti: ‘MaKristu ose eKrete anoreva nhema uye anokuvadza, ane usimbe, uye anokara.’ (Tito 1:5-12) Aiwa, nokuti maKristu haatauri zvakaipa nezvavamwe. Uyezve, voruzhinji vamaKristu iwayo eKrete vakanga vapfeka “hunhu hutsva,” uye vamwe vakanga vari vakakwaniriswa mumudzimu nokuda kwokugadzwa savakuru. Ikoku kunofanirwa nomurangariro wakakomba kana tichimboedzwa kuita kutaura kukuru kwakashata pamusoro pehama dzedu dzomudzimu nehanzvadzi vedzinza rakati kana kuti rudzi.
Rangarira Vamwe Kuti Vakuru
11. Kana rusaruro rworudzi rwupi norwupi rwuri mumwoyo womuKristu, chii chaanogona kuita?
11 Pano rumwe rutivi, kana muKristu akanga achisarura rimwe dzinza kana kuti rudzi, iye zvimwe aizoratidzira ikoku namashoko kana kuti nezviito. Uyewo, ikoku kwaigona kuparira mirangariro yakakuvadzwa, zvikurukuru muungano yakaumbwa navanhu vemigariro yakasiana-siana yorudzi. Zvirokwazvo, hakuna muKristu aizoda kuisa nhamo yakadaro pachinzwano chavanhu vaMwari. (Pisarema 133:1-3) Naizvozvo kana rusaruro rwupi norwupi rwuri mumwoyo womuKristu, iye anogona kusanonyengetera, kuti: “Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu; ndiidzei, muzive ndangariro dzangu; mutarire kana pane nzira yakaipa mandiri, mundifambise munzira isingaperi.”—Pisarema 139:23, 24.
12. Nei tisingafaniri kuganza matiri timene kana kuti muvamwe vomugariro wedu wedzinza?
12 Kwakanaka kuva nomurangariro wechokwadi wokuti tose zvedu tiri vanhu vasina kukwana vangagona kusatongova nechimiro naMwari kudai kwakanga kusati kuri nokuda kwechibairo chaJesu Kristu. (1 Johane 1:8–2:2) Chii, ipapoka, chinotiita kuti tisiane navamwe? Sezvo tisina chinhu chatisina kugamuchira, neiko tichifanira kuganza matiri timene kana kuti muvamwe nezvomugariro wedu worudzi?—Enzanisa na 1 VaKorinte 4:6, 7.
13. Tinogona sei kugovera kuchinzwano cheungano, uye chii chinogona kudzidzwa muna VaFiripi 2:1-11?
13 Tinogona kugovera kuchinzwano cheungano kana tikaziva ndokuratidza kuonga mavara akanaka avamwe. Muapostora wechiJudha Pauro akatipa tose zvedu zvokufunga paakaudza VaFiripi Vamarudzi, kuti: “Zadzisai mufaro wangu, muve nokufunga kumwe, muve norudo rumwe, nomweya mumwe, nendangariro imwe, musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka.” Chimiro chakafanira chokuti tiratidzire vanhu biyedu vedzinza ripi neripi kana kuti rudzi chakaratidzirwa muna Jesu Kristu. Kunyange zvazvo iye akanga ari chisikwa chomudzimu chine simba, iye “akasvika pakuva akafanana navanhu” uye akazvininipisa amene kusvikira papfundo rorufu padanda rokutambudzira nokuda kwavanhu vanotadza vedzinza riri rose norudzi. (VaFiripi 2:1-11, NW) Savateveri vaJesu, ipapoka, hatifaniri kuva here vane rudo, vanozvininipisa, uye vane ngoni, tichiziva kuti vamwe vakuru kwatiri?
Teerera Uye Cherechedza
14. Tingabetserwa sei kurangarira vamwe savakuru kwatiri?
14 Tingabetserwa kurangarira kuti vamwe vakuru kwatiri kana tikateerera chaizvoizvo pavanotaura ndokusanocherechedza mufambiro wavo. Somuenzaniso, tingafanira kubvuma nokutendeseka kwatiri timene kuti mukuru biyedu—zvichida werimwe dzinza—akatipfuura mumano okupa zano rinobudirira muChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari. Tinganzwisisa kuti ndihwo umudzimu hwake, kwete hazvo chisarudzo chake chamashoko kana kuti nzira yokutaura, hunomugonesa kuwana miuyo yakanaka mukubetsera vatendi biyake kuva vazivisi nyanzvi voUmambo. Uye kuri pachena kuti Jehovha ari kukomborera nhamburiko dzake.
15. Chii chatingacherechedza patinoteerera kutaura kwavanamati biyedu?
15 Patinokurukura nehama dzedu nehanzvadzi kana kuti kuteerera tsinhiro dzadzo pamisangano, tinganzwisisa kuti vamwe vavo vane nzwisiso iri nani yezvokwadi dzakati dzapaMagwaro kupfuura yatinayo. Tikanzwisisa kuti rudo rwavo rwouhama runoratidzika kuva rwakasimba zvikuru, ivo vanoratidzika kuva vane kutenda kukuru, kana kuti vanopa hufakazi hwechivimbo chikuru zvikuru muna Jehovha. Naizvozvo kana vari vomugariro wedu wedzinza kana kuti kwete, ivo vanotikurudzira kurudo namabasa akaisvonaka, vanobetsera kusimbisa kutenda kwedu, uye vanotisunda kuvimba zvizere zvikuru naBaba vedu vokudenga. (Zvirevo 3:5, 6; VaHebheru 10:24, 25, 39) Jehovha sezvinooneka akaswedera pedyo navo, ndozvatinofanira kuitawo.—Enzanisa naJakobho 4:8.
Vanokomborerwa Uye Vanochengetwa
16, 17. Enzanisira idi rokuti Jehovha haasaruri mukukomborera vabatiri vake vorudzi rwupi norwupi kana kuti dzinza.
16 Jehovha haasaruri mukukomborera vabatiri vake vorudzi rwupi norwupi kana kuti dzinza. Somuenzaniso, rangarira nyika yeBrazil. Kwakanga kusati kuri kuvafundisi vokumwe asi pamiromo yavakwasvi vasere veBrazil apo vanhu muBrazil vakatanga kunzwa shoko roUmambo munenge mugore ra 1920. Chikomborero chaJehovha chave chiri pachena, nokuti pakasvika gore rebasa ra 1987, makanga mune chiverengero chapamusoro chavazivisi voUmambo 216 216 munyika iyoyo yavagari vemo 141 302 000—reshiyo yomuparidzi mumwe kuvane 654.
17 Rangarira mumwe muenzaniso wechikomborero choumwari. Muna April 1923 Zvapupu zviviri zvitema zvaJehovha zvakabva kuchitsuwa cheCaribbean cheTrinidad zvakatumirwa kundozivisa shoko roUmambo muWest Africa. Naizvozvo kwakadaro kuti Hama naHanzvadzi W. R. Brown vakabatira ikoko kwamakore, iye achiva anozivikanwa sa“Bhaibheri Brown.” Ivo “vakasima” uye “Mwari wakameresa” sezvo vamwe vakashandawo munharaunda iyoyo huru. (1 VaKorinte 3:5-9) Nhasi, vazivisi voUmambo vanopfuura 32 600 muGhana uye vanopfuura 133 800 muNigeria moga.
18, 19. Ipa mienzaniso yokuti Mwari wedu asingasaruri anochengeta sei vabatiri vake vamadzinza ose namarudzi.
18 Jehovha haasati achingokomborera bedzi vabatiri vake vamarudzi ose namadzinza asi anovatsigirawo. Somuenzaniso, rangarira chinoitika cheZvapupu zviviri zveJapan zvaJehovha. Pana June 21, 1939, Katsuo Miura nomudzimai wake vakasungwa zvisakarurama, vakapinzwa mutorongo, uye vakaparadzaniswa nomukomana wavo aiva namakore mashanu okukura, uyo aifanira kutarisirwa nambuya wake. Hanzvadzi Miura akasunungurwa pashure pemwedzi misere, asi Hama Miura akachengetwa kwaanopfuura makore maviri asati atongwa. Iye akatambura kubatwa zvakaipa, akawanwa ane mhaka, uye akagamuchira tongero yamakore mashanu. Mutorongo muHiroshima, Mwari akamutsigira naMagwaro, ayo akagovera nyaradzo isingakundikani nesimba. Kupfurikidza nerakaratidzika kuva nenji, Hama Miura akapona pana August 6, 1945, apo kuputika kwebhomba reatomu kwakaparadzanya torongo rake. Mwedzi miviri gare gare, akakwanisa kukumbanira mudzimai wake kuchamhembe kweJapan.
19 Mukati meHondo yeNyika II, chitambudzo chakakomba chakatamburwa neZvapupu zvaJehovha munyika dzakawanda. Somuenzaniso, Robert A. Winkler akanga ari hama imwe yeGermany yakatambura mumisasa yechibharo yeNazi muGermany neNetherlands. Nemhaka yokuti haasati aizotengesa Zvapupu biyake, akarohwa noutsinye kwazvo zvokuti aisagona kuzivikanwa. Asi iye akanyora, kuti: “Mifungo yezvipikirwa zvaJehovha zvokubetsera munhu mumarudzi ose enhamo yakandipa nyaradzo nesimba zvokutsungirira zvose izvozvi. . . . Chitanhatu ndakanga ndarohwa neGestapo, uye paMuvhuro wakatevera wacho ndaifanira kubvunzurudzwazve navo. Chii chaizoitika zvino uye chii chandaifanira kuita? Ndakatendeukira kuna Jehovha mumunyengetero, ndichivimba nezvipikirwa zvake. Ndakaziva kuti ikoku kwakareva kushandiswa kwounyanzvi hwehondo youmwari nokuda kwebasa roUmambo nokudzivirirwa kwehama dzangu dzechiKristu. Wakanga uri muedzo mukuru wokuti nditsungirire uye zuva rechinomwe ndakanga ndaneta chose chose, asi ndakaonga Jehovha kuti musimba rake ndakakwanisa kutsungirira uyu muedzo ndokuchengeta perero yangu.”—Pisarema 18:35; 55:22; 94:18.
Tinoonga Uhama Hwedu
20. Kuremekedza kwedu vatendi biyedu vedzinza riri rose norudzi kunogona sei kuwedzerwa?
20 Nenzira isingapanikirwi, Jehovha anokomborerawo uye anotsigira Zvapupu zvake zvorudzi rwuri rwose nedzinza. Iye haasaruri, uye savabatiri vake vakazvitsaurira, hatina pembedzo kana kuti chikonzero chokuratidza rusaruro. Uyezve, kuremekedza kwedu hama dzedu nehanzvadzi dzedzinza riri rose kuchawedzera kana tikarangarira nzira idzo dziri huru kwatiri. Idzowo dzinoshandisa uchenjeri hwokudenga, uhwo husingaiti misiano yorusaruro asi hunobereka chibereko chakaisvonaka. (Jakobho 3:13-18) Hungu, uye mutsa wadzo, rupo, rudo, uye mamwe mavara oumwari anotigovera muenzaniso wakaisvonaka.
21. Chii chatinofanira kuva takatsunga kuita?
21 Tinofanira kuva vanoonga sei, ipapoka, nokuda kwouhama hwedu hwamadzinza akawanda, hwamarudzi akawanda! Nebetsero nechikomborero zvaBaba vedu vokudenga, ngati“mubatirei nomwoyo mumwe” murudo rwouhama uye nokuremekedzana. Zvamazvirokwazvo, chinofanira kuva chishuvo chedu chapachokwadi nedonzo rakasimba kubatira Jehovha nomwoyo mumwe.
Ndedzipi Dziri Tsinhiro Dzako?
◻ “Mutauro wakachena” unogonesa vabatiri vaJehovha vemigariro yose yedzinza kuitei?
◻ Hagai 2:7 iri kuzadzikwa sei nhasi, uye ikoku kunofanira kutapura sei murangariro wedu wavamwe vabatiri vaMwari?
◻ VaFiripi 2:3 inogona sei kutapura ukama hwedu navanhu vedzinza riri rose kana kuti rudzi?
◻ Kana tikateerera ndokucherechedza, chii chatinganzwisisa pamusoro pavatendi biyedu vemimwe migariro yorudzi?
[Mifananidzo iri papeji 17]
Vanhu vedzinza riri rose norudzi vari kurumbidza Jehovha nomwoyo mumwe
[Mufananidzo uri papeji 18]
Sanoteerera uye iva anocherechedza. Uchasundwa norudo nokutenda zviri pachena mumashoko namabasa ezvimwe Zvapupu zvaJehovha