-
Ona Kusiyana Kwakaita VanhuNharireyomurindi (Yekudzidza)—2018 | January
-
-
9. Chii chichabatsira vechidiki kuti vateerere vabereki vavo?
9 Kana vana vakafunga zvakanaka zvavakaitirwa nevabereki vavo vanogona kuzvidzivirira kuti vasava nepfungwa yekusada kuteerera. Vechidiki vanofanirawo kunzwisisa kuti Mwari, Baba vedu tese, anovatarisira kuti vateerere vabereki vavo. Vechidiki pavanotaura zvakanaka nezvevabereki vavo vanoita kuti vamwe vechidiki varemekedzewo vabereki vavo. Asi kana vabereki vasina rudo rukuru rwekuzvarwa narwo kuvana vavo, zvingaomera vana vacho kuti vateerere zvichibva pamwoyo. Ukuwo kana wechidiki akaona kuti vabereki vake vanonyatsomuda, zvinoita kuti ade kuvafadza kunyange paanova pamuedzo wekusateerera. “Kunyange zvazvo ndaiwanzova nekapfungwa kekuda kuita zvisina kunaka,” anobvuma kudaro Austin, “vabereki vangu vaiisa mitemo isina kuoma, vaitsanangura zvikonzero zvemitemo yacho uye vaiita kuti tigare tichikurukura. Izvi zvaindibatsira kuti ndivateerere. Ndaigona kuona kuti vanondida, uye izvozvo zvaiita kuti ndide kuvafadza.”
10, 11. (a) Unhu hupi hwakaipa hunoratidza kuti vanhu havadanani? (b) VaKristu vechokwadi vanoda vamwe vanhu kusvika pakadini?
10 Pauro akanyora nezvehumwe unhu hunoratidza kuti vanhu havadanani. Pashure pekunge ataura ‘nezvekusateerera vabereki,’ akataura ‘nezvekusaonga’ nekuti unhu uhwu hunorondedzera vaya vasingaongi mutsa wavanoratidzwa nevamwe. Vanhu vaizovawo vasina kuvimbika. Vaisazoda kubvumirana, vachiratidza kuti havadi kuyanana nevamwe. Paizova nevanhu vanomhura, uye vatengesi, vanotaura mashoko asina kunaka pamusoro pevamwe vanhu, kunyange pamusoro paMwari. Uye paizova nevanhu vanochera vamwe, vanhu vanotaura zvinokuvadza nechinangwa chekukanganisa mukurumbira wakanaka wevamwe.a
-
-
Ona Kusiyana Kwakaita VanhuNharireyomurindi (Yekudzidza)—2018 | January
-
-
a Shoko rechiGiriki rinoreva “mucheri” kana kuti “mupomeri” ndidi·aʹbo·los, shoko rinoshandiswa muBhaibheri richireva Satani, uyo akachera Mwari.
-