RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 4/15 pp. 13-18
  • Famba Sezvinorairidzwa naMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Famba Sezvinorairidzwa naMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vakarairidzwa uye Vakabetserwa
  • Murairidzo Unobetsera Mitezo Yemhuri
  • Murairidzo Wakanaka
  • Zvakadiniko Nevatano Pamberi Peroorano?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Dzidziso Inobetsera Yenguva Dzedu Dzinotambudza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Zvakaipei Kurara Mose Musati Maroorana?
    Mukai!—2004
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisarara Nomunhu Wandisina Kuroorana Naye?
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 4/15 pp. 13-18

Famba Sezvinorairidzwa naMwari

“Hendei kugomo raJehovha . . . , iye uchatidzidzisa nzira dzake, uye isu tichafamba namakwara ake.”—MIKA 4:2.

1. Mukuwirirana naMika, chii icho Mwari aizoitira vanhu vake mumazuva okupedzisira?

MUPOROFITA waMwari Mika akadeya kutaura kuti mu“mazuva okupedzisira,” nguva yedu, vanhu vakawanda vaizotsvaka Mwari nokushingaira, kuti vamunamate. Ivava vaizokurudzirana, vachiti: “Hendei kugomo raJehovha . . . , iye uchatidzidzisa nzira dzake, uye isu tichafamba namakwara ake.”—Mika 4:1, 2.

2, 3. Kudeya kutaura kwaPauro pamusoro pavanhu vanova vanoda mari kuri kuzadzikwa sei nhasi?

2 Kufunda kwedu 2 Timotio 3:1-5 kunogona kutibetsera kuona miuyo yokurairidzwa naMwari muma“zuva okupedzisira.” Munyaya yapfuura, takavamba nokucherekedza betsero dziri kuuya kuna avo vanorangarira zvakakomba nyevero yaPauro yokusava “vanozvida.” Pauro akawedzera kuti munguva yedu vanhu vaizovawo “vanoda mari.”

3 Hakuna munhu anoda dhigirii rapakoreji munhau yazvino uno kuti aone kuti mashoko iwawo anosanokodzera sei nguva dzedu. Hausati warava here nezvevawaniri vemari navatungamiriri vamasangano amabhizimisi vasingagutswi nokuwana mamirioni gore rimwe nerimwe? Ava vadi vemari vanoramba vachida yakawanda, kunyange nemitoo isiri yapamutemo. Mashoko aPauro anokodzerawo vakawanda nhasi avo, nepo vasina kupfuma, vanochiva zvakafanana, vasingatongogutswi. Ungaziva vakawanda vevakadaro munharaunda yenyu.

4-6. Bhaibheri rinobetsera sei vaKristu kudzivisa kuva vanoda mari?

4 Izvo Pauro akadudza runongova chete rutivi rusingadzivisiki rwomugadzirirwo womunhu here? Kwete mukuwirirana noMunyori weBhaibheri, uyo kare kare akataura iyi zvokwadi: “Kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.” Cherekedza, Mwari haana kuti, ‘Mari ndicho chisakiso chezvinhu zvose zvinokuvadza.’ Iye akataura kuti ndiko “kuda mari.”—1 Timotio 6:10.

5 Nenzira inofadza, mashoko akapoteredza mashoko aPauro akabvuma kuti vamwe vaKristu vakaisvonaka muzana ramakore rokutanga vakanga vakapfuma mutsika yezvinhu yakanga iripo, kana vakagara nhaka pfuma kana kuti vakaiwana. (1 Timotio 6:17) Kunofanira kuva pachena, ipapoka, kuti upi kana upi uri mugariro wedu wemari, Bhaibheri rinotinyevera nezvengozi yokuva mudi wemari. Bhaibheri rinogovera mumwe murairidzo upi noupi pamusoro pokudzivisa uhu utera hwakakomba nohunozivikanwa here? Zvamazvirokwazvo rinodaro, makadai somuMumharidzo yaJesu yapaGomo. Uchenjeri hwayo hwakakurumbira munyika. Cherekedza somuenzaniso, icho Jesu akataura pana Mateo 6:26-33.

6 Sezvakanyorwa pana Ruka 12:15-21, Jesu akataura nezvomumwe murume akapfuma akaramba achiedza kuunganidza pfuma yakawanda asi uyo akarasikirwa noupenyu hwake kamwe kamwe. Chii chakanga chiri pfundo raJesu? Iye akati: “Muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti upenyu hwomunhu hahuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.” Pamwe chete nokupa zano rakadaro, Bhaibheri rinoshurikidza unyope uye rinosimbisa ukoshi hwemubato wokutendeseka. (1 VaTesaronika 4:11, 12) Haiwa, vamwe vangaramba kuti idzi dzidziso hadzikodzeri nguva dzedu—asi dzinodaro, uye dziri kushanda.

Vakarairidzwa uye Vakabetserwa

7. Chikonzeroi chatinacho chechivimbo chokuti tinogona kushandisa nokubudirira zano reBhaibheri pamusoro pepfuma?

7 Murudzi norudzi, unogona kuwana mienzaniso chaiyoiyo yavarume navakadzi vanobva mumwero yose yechaunga nemari vakashandisa nheyo dzoumwari pamusoro pemari. Vakazvibetsera vamene nemhuri dzavo, seizvo kunyange vokunze vanogona kuona. Somuenzaniso, mubhuku rinonzi Religious Movements in Contemporary America, rakabva kumubudisi wePrinceton University, nyanzvi yamavambo amadzinza avanhu yakanyora, kuti: “Muzvinyorwa zve[Zvapupu] nomuhurukuro dzeungano zvinoyeuchidzwa kuti hazvisati zvichitsamira pamotokari itsva, zvipfeko zvinodhura, kana kuti kurarama kwoumbozha nokuda kwomugariro wazvo. Panguva imwe cheteyo Chapupu chinofanira kupa basa rakafanira rezuva kumubatirwi wacho [uye chinofanira] kuva chakatendeseka zvikuru kwazvo . . . Mavara akadaro anoita kunyange murume asina unyanzvi hwakawanda ave mubatiri anobetsera, uye zvimwe Zvapupu zviri kuChamhembe kwePhiladelphia, zvakakwira kunzvimbo dzebasa rine mutoro wakati.” Nenzira yakajeka, vanhu vakagamuchira murairidzo wakabva kuna Mwari kupfurikidza neShoko rake vakasvinudzirwa kuzvimiro zvendangariro zvinokuita kuti kuve kwakaoma zvikuru kubata nemigariro yazvino uno. Zvinoitika zvavo zvinobvumikisa kuti murairidzo weBhaibheri unotungamirira kuupenyu huri nani, hunofadza zvikuru.

8. Neiko “vanozvirumbidza, vanozvikudza,” uye “vanotuka” zvichigona kubatanidzwa, uye chii chiri revo yaaya mashoko matatu?

8 Tinogona kubatanidza zvinhu zvitatu zvinotevera Pauro anoronga. Mumazuva okupedzisira, vanhu vaizova “vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka.” Izvi zvitatu hazvina kufanana, asi zvose zvine chokuita norudado. Chokutanga ndicho “vanozvirumbidza.” Duramashoko rinotaura kuti shoko rechiGiriki guru pano rinoreva: “‘Munhu anozvikoshesa amene zvikuru kupfuura zvinoruramisa uchokwadi,’ kana kuti ‘anovimbisa zvinopfuura zvaanogona kuita.’” Unogona kunzwisisa chikonzero nei mamwe maBhaibheri achishandisa shoko rokuti “vanozvitutumadza.” Tevere kunouya “vanozvikudza,” kana kuti chaizvoizvo “kuonekwa somukuru.” Pakupedzisira, “vanotuka.” Vamwe vangafunga nezvavatuki seavo vanotaura nokusaremekedza nezvaMwari, asi shoko guru rinobatanidza kutaura kunokuvadza, kunozvidza, kana kuti kunotuka vanhu. Naizvozvo Pauro ari kunongedzera kukutuka kwakanangidzirwa kuna vose vari vaviri Mwari nomunhu.

9. Mukupesana nezvimiro zvendangariro zvakaparira zvinokuvadza, zvimiroi zvendangariro Bhaibheri rinokurudzira vanhu kukudziridza?

9 Unonzwa sei paunenge une vanhu vanokodzera rondedzero yaPauro, vangava vashandi biyako, vokuchikoro biyako, kana kuti hama dzokunyama? Kunoita kuti upenyu hwako huve huri nyore zvikuru here? Kana kuti vanhu vakadaro vanoomesa upenyu hwako, vachikuita kuti kukuomere zvikuru kubata nenguva dzedu here? Shoko raMwari, kunyanguvezvo, rinotidzidzisa kudzivisa izvi zvimiro zvendangariro, richigovera murairidzo wakadai sounowanwa pana 1 VaKorinte 4:7; VaKorose 3:12, 13; uye VaEfeso 4:29.

10. Chii chinoratidzira kuti vanhu vaJehovha vanobetserwa nokugamuchira murairidzo weBhaibheri?

10 Kunyange zvazvo vaKristu vasina kukwana, kushandisa kwavo uyu murairidzo wakaisvonaka kunovabetsera zvikuru kwazvo muidzi nguva dzinotambudza. Magazini yeItaly La Civiltà Cattolica yakataura kuti chikonzero chimwe nei Zvapupu zvaJehovha zvichiramba zvichikura “ndechokuti sangano racho rinopa mitezo yaro zivikanwo chaiyoiyo uye yakasimba.” Asi, kupfurikidza nokuti “zivikanwo yakasimba,” munyori akareva here kuti “vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka”? Mukupesana, magazini yeJesuit inotaura kuti sangano racho “rinopa mitezo yaro zivikanwo chaiyoiyo uye yakasimba, uye inzvimbo yavo uko vanogamuchirwa noushamwari nepfungwa youhama nechinzwano.” Hakusati kuri pachena here kuti zvinhu Zvapupu zvakadzidziswa zviri kuzvibetsera?

Murairidzo Unobetsera Mitezo Yemhuri

11, 12. Pauro akaratidza sei nenzira yakarurama zvaizova zvakaita mugariro mumhuri dzakawanda?

11 Tingabatanidza muboka zvinhu zvina zvinotevera, zvinoti wiriranei. Pauro akadeya kutaura kuti mukati memazuva okupedzisira, vakawanda vaizova “vasingateereri vabereki, vasingaongi, [vasingavimbiki, NW] vasina rudo chairwo.” Unoziva kuti zviviri zvouhu utera—kuva vasingaongi nokuva vasingavimbiki—zvose zvakatipota. Zvisinei, tinogona kuona zviri nyore chikonzero nei Pauro akazviisa pakati pokuva “vasingateereri vabereki” na“vasina rudo chairwo.” Zvina zvacho zvakabatana.

12 Anodokuva munhu upi noupi anocherekedza, muduku kana kuti mukuru, angatofanira kubvuma kuti kusateerera vabereki kwakapararira, uye kuri kuipa zvikuru. Vabereki vakawanda vanonyunyuta kuti vanhu vaduku vanoratidzika kuva vasingaongi zvose zvavanoitirwa. Pwere dzakawanda dzinonyunyuta kuti vabereki vadzo havana kuvimbika chaizvoizvo kwadziri (kana kuti kumhuri yose zvayo) asi vakabatikana mumabasa avo, mifarwa, kana kuti ivo vamene. Panzvimbo pokuedza kuwana kuti ndiani ane mhaka, tarira miuyo yacho. Paradzano pakati pavakura nepwere inowanzotungamirira vechiduku kuita bumbiro ravo vamene retsika, kana kuti utere. Chii chiri muuyo wacho? Mwero unowedzera wemimba dzavechiduku chiri kuyaruka, kubvisa mimba, uye hosha dzinopfuudzwa muvatano. Kazhinji kazhinji zvikuru, kushaikwa kwechidakadaka chomuzvarirwo pamusha kunotungamirira kumasimba masimba. Zvimwe unogona kurondedzera mienzaniso yomunzvimbo yako, chibvumikiso chokuti chidakadaka chomuzvarirwo chiri kunyangarika.

13, 14. (a) Mukutarisana nokuipa kwemhuri dzakawanda, neiko tichifanira kupa ngwariro kuBhaibheri? (b) Rudzii rwezano rokuchenjera Mwari anopa pamusoro poupenyu hwemhuri?

13 Ikoku kungatsanangura chikonzero nei vakawanda zvikuru vava kupandukira avo vaimboratidzika kuva rutivi rwemhuri yavo yakatambanudzwa, vedzinza rimwe chetero, rudzi, kana kuti boka. Rangarira, zvisinei, kuti hatisati tiri kumutsa izvi zvinhu kuti tisimbise zvakaipa zvoupenyu nhasi. Fariro dzedu mbiri huru ndeidzi: Dzidziso dzeBhaibheri dzinogona kutibetsera kudzivisa kutambura nezvikanganiso izvo Pauro akaronga, uye tichabetserwa nokushandisa dzidziso dzeBhaibheri muupenyu hwedu here? Mhinduro dzinogona kuva hungu, sezviri pachena pamusoro pamapfundo mana iwayo ari mundaza yaPauro.

14 Kutaura kunobatanidza zvose kunosanoruramiswa: Hapana dzidziso inopfuura iyo inobva muBhaibheri mukuita upenyu hwemhuri hunofadza uye rune budiriro yakanaka. Ikoko kunotsigirwa nomuenzanisowo zvawo wezano yaro iro rinogona kubetsera mitezo yemhuri kwete chete kudzivisa mhinganidzo asi kubudirira. VaKorose 3:18-21 inosanoenzanisira ikoko, kunyange zvazvo pane zvimwe zvikamu zvamashoko zvakawanda zvakaisvonaka nezvinoshanda zvakanangidzirwa kuvarume, vakadzi, uye vana. Uyu murairidzo unoshanda muzuva redu. Sezvinobvumwa, kunyange mumhuri dzavaKristu vechokwadi, mune zvakaoma nedenho. Bva, miuyo yose zvayo inobvumikisa kuti Bhaibheri riri kugovera dzidziso inobetsera zvikuru yemhuri.

15, 16. Mugariroi mumwe munzveri akawana pakufunda Zvapupu zvaJehovha muZambia?

15 Kwegore nehafu, munzveri wokuYunivhesiti yeLethbridge, Canada, akafunda upenyu hwechaunga muZambia. Iye akagumisa, kuti: “Zvapupu zvaJehovha zvinowana budiriro huru zvikuru kupfuura mitezo yamamwe masangano mukuchengeta mibatanidzwa yakatsiga yeroorano. . . Budiriro yazvo inomirira ukama hwokuchinjana hwakavandudzwa pakati pomurume nomudzimai, avo, mukuedza kwavo kwebatira pamwe kuchangobva kuwanwa, kusingatyisidziri, vazova vanozvidavirira mukubatana kwavo mumwe nomumwe kumutungamiriri mutsva, Mwari. . . . Murume Chapupu chaJehovha anodzidziswa kukura mukuita mutoro nokuda kwegarikano yomudzimai wake navana. . . . Murume nomudzimai vanokurudzirwa kuva vanhu vane perero . . . Ichi chinodikanwa chikuru cheperero chinosimbisa roorano.”

16 Fundo iyoyo yakavakirwa pazvinoitika chaizvoizvo zvakawanda. Somuenzaniso, uyu munzveri akataura kuti mukusiyana nomupimo, “Varume Zvapupu zvaJehovha kazhinji zvikuru zvikuru vanowanwa vachibetsera vadzimai vavo mumapindu, kwete bedzi mukati morutivi rwokugadzirira, asiwo nokudyara nokutimba.” Kuri pachena nokudaro kuti zvinoitika zvisingaverengeki pasi rose zvinoratidza kuti murairidzo weBhaibheri unotapura upenyu.

17, 18. Miuyoi inoshamisa yakaoneka mufundo pamusoro penhaka yorudzidziso nevatano yapamberi peroorano?

17 Nyaya yapfuura yakadudza zvinowanwa muJournal for the Scientific Study of Religion. Muna 1991 yaiva nenyaya ine musoro unoti: “Nhaka Yorudzidziso Nevatano Yapamberi Peroorano: Ufakazi Hunobva Mumuenzaniso Worudzi Wavakuru Vaduku.” Zvimwe unoziva kuti vatano yapamberi peroorano yakapararira sei. Pazera duku vakawanda vanotera kuruchiva, uye vechiduku vakawanda vane shamwari dzevatano dzakawanda. Dzidziso dzeBhaibheri dzinogona kuchinja uyu mutoo unozivikanwa here?

18 Vanapurofesa vatatu vakafunda nhau yacho vakakarira kuwana ‘kuti vayaruki navakuru vaduku vakarerwa mugamuchidzanwa rinongwarira zvikuru rechiKristu vaizova nebviro shomanene yokuva nevatano yapamberi peroorano.’ Asi maidi akaratidzei? Vose zvavo, pakati pe 70 ne 82 muzana vakanga vapinda muvatano yapamberi peroorano. Nokuda kwavamwe “nhaka yokududzirwa chaikoiko kweBhaibheri [yakaderedza] bviro yevatano yapamberi peroorano, asi kwete mu‘vatano yapamberi peroorano yavechiduku.’” Vanzveri vacho vakatsinhira pamusoro pedzimwe pwere dzakabva mudzinoratidzika kuva mhuri dzorudzidziso idzo “dzakaratidzira bviro huru zvikuru yevatano yapamberi peroorano padzakaenzaniswa neVemutsauko Vose.”—Mashoko akatsveyamiswa ndeedu.

19, 20. Murairidzo waMwari wakabetsera nokudzivirira sei pwere dzakawanda pakati peZvapupu zvaJehovha?

19 Vanapurofesa vacho vakawana zvakapesana chaizvo pakati pepwere dzeZvapupu zvaJehovha, idzo dzaiva pakati pe“boka rakasiyana zvikurusa namamwe.” Neiko? “Mwero wokuzvipira nokubatana kwechaunga zvinoparirwa nezvinoitika, kariro, uye kutora rutivi . . . kazhinji kazhinji zvingaparira mwero yakakwirira yeomerero kunheyo dzokutenda.” Vakawedzera, kuti: “Zvapupu zvinokarirwa kuita mitoro youfundisi savayaruki navakuru vaduku.”

20 Naizvozvo murairidzo weBhaibheri wakatapura Zvapupu zvaJehovha nokuda kwezvakanaka kupfurikidza nokuzvibetsera kudzivisa utere. Ikoko kunoreva dziviriro pahosha dzinopfuudzwa muvatano, dzimwe dzadzo dzisingarapiki uye dzimwe dzinouraya. Hakurevi dzvinyiriro kukubvisa mimba, uko Bhaibheri rinodzidzisa kuti kwakaenzana nokuponda. Kunorevawo vakuru vaduku vanokwanisa kupinda muroorano vane hana dzakachena. Ikoko kunoreva roorano dzakavakirwa panheyo yakasimba zvikuru. Idzidziso dzakadaro dzinogona kutibetsera kugonana, kuva noutano zvikuru, vanofara zvikuru.

Murairidzo Wakanaka

21. Zvinhui Pauro akadeya kutaura zvakarurama nokuda kwenguva yedu?

21 Zvino dzokera kuna 2 Timotio 3:3, 4, uye cherekedza izvo Pauro akataura kuti zvaizoita kuti nguva dzedu dzive dzakaoma kubata nadzo nokuda kwavakawanda—asi kwete nokuda kwavose: “[Vanhu vaizova] vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, [uye] vanoda zvenyika kupfuura Mwari.” Kwakarurama sei! Kunyanguvezvo, murairidzo unobva muBhaibheri unogona kutidzivirira ndokutishongedzera kuti tigonane nazvo, kubudirira.

22, 23. Pauro akagumisa ndaza yake nezanoi rakanaka, uye chii chiri revo yaro?

22 Muapostora Pauro anogumisa ndaza yake zvakanaka. Anoshandura chinhu chokupedzisira kuva murairo woumwari unogona kutiunzirawo betsero isingayerwi. Pauro anodudza avo “vano mufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako; ufuratire vanhu ivavawo.” Yeuka kuti pwere dziri mumachechi akati chaizvoizvo dzine mwero wakakwirira wevatano yapamberi peroorano kupfuura avhareji. Chokwadi, kunyange kana utere hwavaendi kuchechi ivavo huri pamwero wapaavhareji bedzi, ikoko hakusati kwaizova chibvumikiso here chokuti chimiro chavo chokunamata hachina simba? Kupfuurirazve, dzidziso dzerudzidziso dzinochinja nzira iyo vanhu vanoita nayo mubhizimisi here, nzira iyo vanobata nayo navaduku vavo, kana kuti nzira yavanobata nayo hama dzokunyama?

23 Mashoko aPauro anoratidza kuti tinofanira kushandisa zvatinodzidza muShoko raMwari, kuva nenzira yokunamata iyo inoratidzira simba chairoiro rechiKristu. Pamusoro paavo vane chimiro chokunamata chisina simba, Pauro anotiudza, kuti: “Ufuratire vanhu ivavawo.” Iwoyo murairo wakajeka, uyo uchatiunzira betsero chaidzoidzo.

24. Zano riri muna Zvakazarurwa ganhuro 18 rakaenzana sei nezano raPauro?

24 Munzirai? Eya, bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinoratidzira mukadzi wokufananidzira, hure, anonzi Bhabhironi Guru. Ufakazi hunoratidza kuti Bhabhironi Guru rinomirira umambo hwenyika yose hworudzidziso rwenhema, uhwo Jehovha Mwari akanzvera ndokuramba. Bva, hatifaniri kubatanidzwa. Zvakazarurwa 18:4 inotiraira kuti: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro.” Harisati riri shoko rimwe chetero iro Pauro akapa, “ufuratire vanhu ivavawo” here? Kuwirirana kwedu ndiimwe nzira tinogona kubetserwa nayo nomurairidzo waMwari.

25, 26. Inguvai yemberi yakachengeterwa avo zvino vanogamuchira ndokushandisa murairidzo waJehovha Mwari?

25 Nokukurumidza Mwari achapindira zvakananga muzvinhu zvavanhu. Achabvisa rudzidziso rwose rwenhema uye rutivi rwose rwasara rwetsika yakaipa iripo. Ikoko kuchava chisakiso chokufara, seizvo Zvakazarurwa 19:1, 2 inoratidzira. Pasi pano avo vanogamuchira ndokutevera murairidzo waMwari vachabvumirwa kuramba vachitevera dzidziso dzake apo mhinganidzo dzeidzi nguva dzinotambudza dzinenge dzapfuura.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

26 Kurarama muParadhiso ichadzorerwa iyoyo yapasi zvamazvirokwazvo kuchava kunofadza kupfuura fungidziro yedu. Mwari anopikira kuti kunotibvirira, uye tinogona kumuvimba chose chose. Iye nokudaro anotipa chikonzero chikuru chokugamuchira ndokutevera dzidziso yake inobetsera. Rini? Ngatitevere mirairidzo yake zvino munguva dzedu dzinotambudza uye kupfuurira kupinda muParadhiso yaanopikira.—Mika 4:3, 4.

Mapfundo Okufungisisa

◻ Vanhu vaJehovha vanobetserwa sei nezano rake pamusoro pepfuma?

◻ Magazini yeJesuit yakapupurira miuyoi yakanaka iri kuuya kuvabatiri vaMwari kupfurikidza nokushandisa Shoko rake?

◻ Imwe fundo muZambia yakazivisa betseroi dzakauya kumhuri dzaishandisa murairidzo woumwari?

◻ Idziviriroi inogovera murairidzo woumwari nokuda kwavanhu vaduku?

[Bhokisi riri papeji 15]

MUTENGO WAKADINI WOKUBHADHARA!

“Vechiduku vanotarisana nengozi huru yeAIDS nemhaka yokuti vanoda kuedza vatano nemirimo, vanopinda mungozi ndokuraramira nguva yacho, uye nemhaka yokuti vanonzwa kuti havafi ndokuzvidza chiremera,” unodaro mushumo wakapiwa pamusangano pamusoro peAIDS navechiduku.—Daily News yeNew York, Svondo, March 7, 1993.

“Vasikana vechiduku vanoda vatano vari kuoneka se‘vatungamiri vakuru’ vemurakatira weAIDS, fundo yeUnited Nations muEurope, Africa neSoutheast Asia yakawana kudaro.”—The New York Times, Chishanu July 30, 1993.

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Murairidzo weBhaibheri unobetsera Zvapupu zvaJehovha muungano dzazvo nokumba

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe