Batira Jehovha Nokuvimbika
“Nomumwe munhu akavimbika imi [Jehovha] muchaita nokuvimbika.”—2 SAMUERI 22:26, NW.
1. Jehovha anoita sei naavo vakavimbika kwaari?
JEHOVHA haagoni kuripirwa nokuda kwezvose izvo anoitira vanhu vake. (Pisarema 116:12) Zvipo zvake zvomudzimu nezvokunyama netsitsi huru zvinoshamisa sei! Mambo Dhavhidhi waIsraeri wakare aiziva kuti Mwari anoitawo nokuvimbika naavo vakavimbika kwaari. Dhavhidhi akadaro murwiyo rwaakaronga “nenguva yaakarwirwa naJehovha pamaoko avavengi vake vose, napamaoko a[Mambo] Sauro.”—2 Samueri 22:1.
2. Ndaapi ari mamwe mapfundo anopiwa murwiyo rwaDhavhidhi rwakanyorwa muna 2 Samueri ganhuro 22?
2 Dhavhidhi akavamba rwiyo rwake (runowirirana nePisarema 18) kupfurikidza nokurumbidza Jehovha so“Mugoveri wokupukunyuka” mumhinduro kumunyengetero. (2 Samueri 22:2-7, NW) Ari mutembere yake yokudenga, Mwari akaita chiito kuti anunure mubatiri wake akavimbika pavavengi vane simba. (2Sa 22 Ndima 8-19) Dhavhidhi nokudaro akatuswa nokuda kwokuronda nzira yakarurama nokuchengeta nzira dzaJehovha. (2Sa 22 Ndima 20-27) Akatevera kududzwa akanga ari mabasa akaitwa musimba rakapiwa naMwari. (2Sa 22 Ndima 28-43) Pakupedzisira, Dhavhidhi akadudza rununuro pavawaniri vemhaka pamusha napavavengi vokumwe ndokupa kuonga kuna Jehovha so“Unopa mambo wake kuponeswa kukuru, unoitira muzodzwa wake unyoro.” (2Sa 22 Ndima 44-51) Jehovha anogona kutinunurawo kana tikaronda nzira yakarurama ndokutsamira paari nokuda kwesimba.
Chinoreva Kuva Akavimbika
3. Mumurangariro wapaMagwaro, chii chakunoreva kuva akavimbika?
3 Rwiyo rwaDhavhidhi rwenunuro runotipa iyi vimbiso inonyaradza “Nomumwe munhu akavimbika imi [Jehovha] muchaita nokuvimbika.” (2 Samueri 22:26, NW) Chipauro chechiHebheru cha·sidhʹ icho chinoratidzira “mumwe munhu akavimbika,” kana kuti “munhu womutsa worudo.” (Pisarema 18:25, NW, mashoko omuzasi) Zita rokuti cheʹsedh rine mufungo womutsa uyo unozvibatanidza umene nenzira yorudo nechinhu kutozosvikira donzo rawo pamusoro pacho rawanwa. Jehovha anoratidzira rudzi irworwo rwomutsa nokuda kwavabatiri vake, kunyange sezvavanoruratidzira nokuda kwake. Urwu ruvimbiko rwakarurama, rutsvene runoshandurwa kuti “mutsa worudo” uye“rudo rwokuvimbika.” (Genesi 20:13; 21:23, NW) MuMagwaro echiGiriki, “ruvimbiko” rune pfungwa youtsvene noruremekedzo, inoratidzirwa muzita rokuti ho·si·oʹtes nechipauro hoʹsi·os. Ruvimbiko rwakadaro runobatanidza kutendeka nokuzvipira uye runoreva kuva akazvipira nokusanoita mabasa ose kuna Mwari. Kuva akavimbika kuna Jehovha kunoreva kunamatira kwaari nokuzvipira kwakasimba kwazvo zvokuti kunobatira senamo ine simba.
4. Ruvimbiko rwaJehovha runoratidzwa sei?
4 Ruvimbiko rwaJehovha amene runoratidzwa munzira dzakawanda. Somuenzaniso, iye anoita chiito chokutonga mukurwisana navakaipa nemhaka yorudo rwokuvimbika nokuda kwavanhu vake noruvimbiko kururamisiro nokururama. (Zvakazarurwa 15:3, 4; 16:5) Ruvimbiko kusungano yake naAbrahama rwakamusunda kuva ane mwoyo murefu kuvaIsraeri. (2 Madzimambo 13:23) Avo vakavimbika kuna Mwari vanogona kuvimba nebetsero yake kusvikira kumugumo wenzira yavo yokuvimbika uye vanogona kuva nechokwadi chokuti iye achavayeuka. (Pisarema 37:27, 28; 97:10) Jesu akasimbiswa nokuziva kuti se“akavimbika” mukuru waMwari, mweya wake waisazosiiwa uri muSheori.—Pisarema 16:10; Mabasa 2:25, 27, NW.
5. Sezvo Jehovha akavimbika, chii chaanoda kuvabatiri vake, uye mubvunzoi uchapiwa rangariro?
5 Sezvo Jehovha Mwari akavimbika, iye anoda ruvimbiko rwavabatiri vake. (VaEfeso 4:24) Somuenzaniso, varume vanofanira kuva vakavimbika kuti vakwanirise nokuda kwokugadzwa savakuru veungano. (Tito 1:8) Zvinhui zvinofanira kusunda vanhu vaJehovha kumubatira nokuvimbika?
Kuonga Zvinhu Zvakadzidzwa
6. Tinofanira kunzwa sei pamusoro pezvinhu zvapaMagwaro zvatadzidza, uye chii chatinofanira kuyeuka pamusoro pezivo yakadaro?
6 Kuonga zvinhu zvapaMagwaro zvatakadzidza kunofanira kutisunda kubatira Jehovha nokuvimbika. Muapostora Pauro akakurudzira Timotio, kuti: “Rambira pane zvawakadzidza nezvawakatendiswa, uzive kuti wakazvidzidza kunani, kuti kubvira paucheche hwako wakaziva manyoro matsvene anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa nokutenda kuri muna Kristu Jesu.” (2 Timotio 3:14, 15) Yeuka kuti zivo yakadaro yakabva kuna Mwari kupfurikidza no“muranda akatendeka naakachenjera.”—Mateo 24:45-47, NW.
7. Vakuru vanofanira kunzwa sei pamusoro pezvokudya zvomudzimu zvinogoverwa naMwari kupfurikidza nomuranda akatendeka?
7 Zvikurukuru vakuru vakagadzwa vanofanira kuonga zvokudya zvomudzimu zvinovaka zvinogoverwa naMwari kupfurikidza nomuranda akatendeka. Makore apfuura vakuru vashomanene vakashaiwa kuonga kwakadaro. Mumwe mucherekedzi akati ava varume “vakanga vachitsoropodza nyaya dzomuNharireyomurindi, vasingadi kuigamuchira . . . somukoto waMwari wezvokwadi, vachiedza nguva dzose kupesvedzera vamwe munzira yavo yokufunga.” Zvisinei, vakuru vakavimbika havatongoedzi kupesvedzera vamwe kuramba zvipi nezvipi zvezvokudya zvomudzimu zvinogoverwa naMwari kupfurikidza nomuranda akatendeka.
8. Zvakadiniko kana tisinganzwisisi zvizere pfundo rakati rapaMagwaro rinopiwa nomuranda akatendeka naakachenjera?
8 SeZvapupu zvakazvitsaurira zvaJehovha, tose zvedu tinofanira kuva vakavimbika kwaari nokusangano rake. Hatisati tichitongofanira kunyange kurangarira kutsauka kubva muchiedza chaMwari chinoshamisa, tichironda nzira yokuwa pakutenda iyo inogona kutungamirira kurufu rwomudzimu zvino noruparadziko rwokupedzisira. (Jeremia 17:13) Asi zvakadiniko kana kwakatiomera kugamuchira kana kuti kunzwisisa zvizere pfundo rakati rapaMagwaro rinopiwa nomuranda akatendeka? Ipapo ngatibvume nenzira yokuzvininipisa kwatakadzidza zvokwadi ndokunyengeterera uchenjeri hwokubata nouyu muedzo kutozosvikira wasvika pamugumo nokujekeswa kunobudiswa kwenhau.—Jakobho 1:5-8.
Onga Uhama hwechiKristu
9. Ko 1 Johane 1:3-6 inoratidza sei kuti maKristu anofanira kuva nomudzimu woruwadzano?
9 Kuonga kwomwoyo wose mudzimu woruwadzano uri mukati mouhama hwedu hwechiKristu kunogovera imwe sundo yokubatira Jehovha nokuvimbika. Kutaura idi, ukama hwedu naMwari naKristu haugoni kuva hwakanaka mumudzimu pasina uyu mudzimu. Muapostora Johane akaudza maKristu akazodzwa, kuti: “Izvo zvatakaona, nezvatakanzwa, ndizvo zvatinokuparidziraiwo, kuti nemiwo muyanane [“wadzane,” Diaglott] nesu; kuyanana kwedu tinako naBaba, noMwanakomana wake Jesu Kristu. . . . Kana tichiti, ‘tinoyanana naye,’ tichifamba murima, tinoreva nhema, hatiiti zvokwadi.” (1 Johane 1:3-6) Iyi nheyo inoshanda kumaKristu ose, kana tariro yawo iri yokudenga kana kuti yapasi.
10. Kunyange zvazvo Yuodhia naSintike sezviri pachena vakanga vane chinetso chokupedza chinetso chavo pachavo, Pauro akarangarira sei ava vakadzi?
10 Nhamburiko inodikanwa kuchengeta mudzimu woruwadzano. Somuenzaniso, vakadzi vechiKristu Yuodhia naSintike sezviri pachena vakakuwana kwakaoma kupedza chinetso pakati pavo. Pauro nokudaro akavapangira “kuti vave nomwoyo mumwe munaShe.” Iye akawedzera, kuti: “Newewo, shamwari yangu yazvokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni [mumashoko akanaka, NW], pamwe chete naKremensi, navamwe vakabata pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku youpenyu.” (VaFiripi 4:2, 3) Vakadzi voumwari ivavo vakanga varwa pamwe chete naPauro navamwe [“mumashoko akanaka” NW], uye akanga ane chokwadi chokuti vakanga vari pakati paavo ‘vaiva namazita aiva mubhuku roupenyu.’
11. Kana muKristu akavimbika akasangana nechinetso chomudzimu, kwaizova kwakakodzera kurangarirei?
11 MaKristu haapfeki chiratidzo kuti aratidze zvaakaropafadzwa kuita musangano raJehovha uye kuti vakamubatira sei nokuvimbika. Kana ane chinetso chomudzimu, kwaisazova kuri kworudo sei kufuratira makore awo ebasa rokuvimbika kuna Jehovha! Sezvingabvira, uyo akadanwa kuti “shamwari yangu yazvokwadi pabasa” akanga ari hama yakavimbika yaidisa kubatsira vamwe. Kana uri mukuru, uri “shamwari . . . yazvokwadi pabasa,” yakagadzirira kupa betsero nenzira yokunzwira tsitsi here? Tose zvedu ngatirangarire zvakanaka zvinoitwa navatendi biyedu, kunyange sezvinoita Mwari, uye kuvabetsera nenzira yorudo kutakura mitwaro yavo.—VaGaratia 6:2; VaHebheru 6:10.
Hakuna Kumwezve Kwokuenda
12. Apo kutaura kwaJesu kwakaparira ‘vadzidzi vakawanda kuenda kuzvinhu zviri shure,’ chimiroi icho Petro akava nacho?
12 Tichasundwa kubatira Jehovha nokuvimbika nesangano rake kana tikayeuka kuti hakuna kumwezve kwokuenda nokuda kwoupenyu husingagumi. Apo kutaura kwaJesu kwakaparira ‘vadzidzi vakawanda kuenda kuzvinhu zviri shure,’ iye akabvunza vaapostora vake, kuti: “Nemi munoda kubvawo here?” Petro akapindura, kuti: “Ishe, tichagoenda kunaaniko? Ndimi muna mashoko oupenyu husingaperi. Isu takatenda, tikaziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”—Johane 6:66-69.
13, 14. (a) Neiko chiJudha chomuzana rokutanga ramakore chakanga chisina nyasha dzoumwari? (b) Chii icho chimwe Chapupu chenguva refu chaJehovha chakataura pamusoro pesangano rinooneka raMwari?
13 “Mashoko oupenyu husingaperi” akanga asingawanwi muchiJudha chezana rokutanga ramakore N.V. Chivi chacho chikuru chakanga chiri kurambwa kwaJesu saMesia. ChiJudha chakanga chisina kuvakirwa chose chose paMagwaro echiHebheru mune chimwe chezvimiro zvacho. VaSadhuse vakaramba kuvapo kwengirozi uye vakanga vasingadaviri murumuko. Kunyange zvazvo vaFarise vasina kubvumirana navo muna ikoku, ivo vakashatisa Shoko raMwari nenzira yokutadza nemhaka yamagamuchidzanwa avo asiri apamagwaro. (Mateo 15:1-11; Mabasa 23:6-9) Aya magamuchidzanwa akapinza vaJudha muuranda ndokukuita kuti kuomere vakawanda kugamuchira Jesu Kristu. (VaKorose 2:8) Shingairo nokuda kwa‘magamuchidzanwa amadzibaba ake’ yakaparira Sauro (Pauro) mukusaziva kwake kuti ave mutambudzi anorura wavateveri vaKristu.—VaGaratia 1:13, 14, 23.
14 ChiJudha chakanga chisina nyasha dzaMwari, asi Jehovha akakomborera sangano rakaumbwa navateveri voMwanakomana wake—‘vanhu vanoshingairira mabasa akaisvonaka.’ (Tito 2:14) Sangano iroro richiripo, uye nezvaro Chapupu chenguva refu chaJehovha chakati: “Kana chinhu chimwe chave chiri chinokosha zvikurusa kwandiri, yave iri nhau yokuramba ndiri pedyo nesangano rinooneka raJehovha. Chinoitika changu chapakuvamba chakandidzidzisa kuti hakuna kunaka sei kuvimba nokurangarira kwohunhu. Apo ndangariro yangu yakanga yava yakasarudza papfundo iroro bedzi, ndakatsunga kuramba ndiri pedyo nesangano rakatendeka. Munhu anogonazve sei kuwana nyasha dzaJehovha nechikomborero?” Hakuna kumwezve kwokuenda nokuda kwenyasha dzoumwari noupenyu husingagumi.
15. Kubatirei pamwe nesangano rinooneka raJehovha uye naavo vanotakura mutoro mariri?
15 Mwoyo yedu inofanira kutisunda kubatira pamwe nesangano raJehovha nemhaka yokuti tinoziva kuti iro roga rinotungamirirwa nomudzimu wake uye riri kuzivisa zita rake namadonzo. Chokwadika, avo vanoita mutoro mariri havana kukwana. (VaRoma 5:12) Asi “kutsamwa kwaJehovha kwakavamukira” Aroni naMiriami apo vakawanira Mosesi mhaka ndokukanganwa kuti iye, kwete ivo, akanga aronzeswa mutoro wakapiwa naMwari. (Numeri 12:7-9) Nhasi, maKristu akavimbika anobatira pamwe na“vatungamiriri” nemhaka yokuti ndizvo izvo Jehovha anoda. (VaHebheru 13:7, 17) Ufakazi hworuvimbiko rwedu hunobatanidza kupinda misangano yechiKristu nguva dzose nokuita tsinhiro dzino‘nyandura vamwe kurudo namabasa akaisvonaka.’—VaHebheru 10:24, 25.
Iva Anovaka
16. Chishuvo chokuitirei vamwe chinofanira kutisundawo kubatira Jehovha nokuvimbika?
16 Chishuvo chokuva anovaka kuvamwe chinofanira kutisundawo kubatira Jehovha nokuvimbika. Pauro akanyora, kuti: “Kuziva kunouyisa kuzvikudza, asi rudo runosimbisa.” (1 VaKorinte 8:1) Sezvo rudzi rwakati rwezivo rwakaita kuti vanarwo vazvikudze, Pauro anofanira kuva akareva kuti rudo runovakawo avo vanoratidza vara iroro. Bhuku rakanyorwa naMapurofesa Weiss naEnglish rinoti: “Munhu ane simba rokuda kazhinji kazhinji anodiwawo. Simba rokutambanudzira mutsa nerangariro murutivi rwuri rwose rwoupenyu . . . muuyo wakatanhamara unovaka pamunhu anotambanudza kunzwa kwakadaro pamwe chete napamunhu anokugamuchira uye nokudaro kunounza mufarwa kuna vose vari vaviri.” Kupfurikidza nokuratidza rudo, tinovaka vamwe nesu timene, sezvinorehwa namashoko aJesu, anoti: “Kupa kune mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
17. Rudo runovaka sei, uye chii charuchatidzivisa kuita?
17 Pana 1 VaKorinte 8:1, Pauro akashandisa shoko rechiGiriki rokuti a·gaʹpe, rinoratidzira rudo rune nheyo. Irwo runovaka, nokuti rune mwoyo murefu uye rune mutsa, runoshivirira uye runotsungirira zvinhu zvose, uye harutongokundikani. Urwu rudo runobvisa mirangariro inokuvadza, zvakadai sorudado negodo. (1 VaKorinte 13:4-8) Rudo rwakadaro ruchatidzivisa kunyunyuta pamusoro pehama dzedu, idzo dzisina kukwana kunyange sezvatiri. Ruchatidzivisa kuva vakafanana na“vasingadi Mwari” avo “vakapinda pakavanda” pakati pamaKristu echokwadi omuzana rokutanga ramakore. Ava varume vakanga “vachiramba ukuru, nokutuka avo vane kubwinya,” sezviri pachena vachichera vanhu vakadai savatariri vakazodzwa vechiKristu avo vakanga vane mbiri yakati yakaiswa pavari. (Judhasi 3, 4, 8) Muruvimbiko kuna Jehovha, ngatisatongotera kumuedzo wokuita chinhu chipi nechipi chakafanana.
Dzivisa Dhiabhorosi!
18. Chii icho Satani angada kuita kuvanhu vaJehovha, asi neiko asingagoni kuita saizvozvo?
18 Kuziva kuti Satani anoda kuparadza chinzwano chedu savanhu vaMwari kunofanira kuwedzera kutsunga kwedu kubatira Jehovha nokuvimbika. Satani angatoda kunyange kuparadza vose vavanhu vaMwari, uye vabatiri vapasi vaDhiabhorosi pane dzimwe nguva vanouraya vanamati vechokwadi. Asi Mwari haasati achizobvumira Satani kuuraya vose zvavo. Jesu akafa kuti “aparadze uyo une simba rorufu, iye Dhiabhorosi.” (VaHebheru 2:14) Nzvimbo yaSatani yokushandisa simba yakaganhurirwa zvikurukuru chifo chokudzingwa kwake mudenga pashure pokunge Kristu ava Mambo muna 1914. Uye munguva yakafanira yaJehovha, Jesu achaparadza Satani nesangano rake.
19. (a) Inyeveroi pamusoro penhamburiko dzaSatani iyo magazini ino yakapa makore apfuura? (b) Kuti tidzivise misungo yaSatani, kungwarirai kwatinofanira kushandisa mukubata navatendi biyedu?
19 Magazini ino yakambonyevera, kuti: “Kudai Satani, dhiabhorosi, achigona kuparira nyongano pakati pavanhu vaMwari, achigona kuvaparira kukakavara nokurwisana pakati pavo vamene, kana kuti kuratidzira ndokukudziridza murangariro woudyire uyo waizotungamirira kukuparadzwa kworudo nokuda kwehama, nomutoo iwoyo aizobudirira mukuvaparadza.” (The Watch Tower, May 1, 1921, peji 134) Ngatirege kubvumira Dhiabhorosi kuparadza chinzwano chedu, zvichida kupfurikidza nokutiparira kucherana kana kuti kurwisana. (Revhitiko 19:16) Satani ngaarege kutongotinyengera nenzira yakadaro zvokuti tinokuvadza somunhu oga avo vanobatira Jehovha nokuvimbika kana kuti kuita kuti upenyu huvaomere zvikuru. (Enzanisa na 2 VaKorinte 2:10, 11.) Panzvimbo pezvo, ngatishandise mashoko aPetro, anoti: “Svinurai, murinde; muvengi wenyu Dhiabhorosi, unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza. Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda.” (1 Petro 5:8, 9) Kupfurikidza nokuva nechimiro chakasimba mukurwisana naSatani, tinogona kuchengeta chinzwano chedu chakakomborerwa savanhu vaJehovha.—Pisarema 133:1-3.
Vimba naMwari Nokunyengetera
20, 21. Kuvimba naJehovha nokunyengetera kwakabatana sei nokumubatira nokuvimbika?
20 Kuvimba naMwari nokunyengetera kuchatibetsera kupfuurira kubatira Jehovha nokuvimbika. Apo tinoona kuti iye ari kupindura minyengetero yedu, tinoswededzwa pedyo zvikuru naye nguva dzose. Kuvimba naJehovha Mwari nokunyengetera kwakakurudzirwa apo muapostora Pauro akanyora, kuti: “Ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza maoko matsvene, vasina kutsamwa nenharo.” (1 Timotio 2:8) Somuenzaniso, kunokosha sei kuti vakuru vavimbe naMwari nokunyengetera! Ratidzirwo yakadaro yoruvimbiko kuna Jehovha pakuungana kuti vakurukure nhau dzeungano kuchabetsera kudzivisa nharo dzisingagumi nokutsamwa kunobvira.
21 Kuvimba naJehovha Mwari kwokunyengetera kunotibetsera kutarisira ropafadzo mubasa rake. Mumwe murume uyo akanga abatira Jehovha nokuvimbika kwamakumi amakore aigona kuti: “Kugamuchira kwedu kwokudisa mugove upi noupi watinopiwa musangano raMwari renyika yose, uye kurambira kwedu panzvimbo yedu yebasa, tisingazununguki, zvinounza nyemwerero yaMwari yetendero panhamburiko dzedu dzapachokwadi. Kunyange kana basa rinogoverwa rikaratidzika kuva rakaderera, kazhinji kazhinji kunoitika kuti pasina kuitwa kwaro kwokutendeka mamwe mabasa anokosha akawanda haangagoni kuitwa. Nokudaro kana tichizvininipisa uye tichifarira zvakananga kurumbidza zita raJehovha uye kwete redu timene, ipapo tinogona kuva nechokwadi chokuti nguva dzose tichava ‘vakatsiga, vasingazununguki, tichiva nezvizhinji zvokuita mubasa raJehovha.’”—1 VaKorinte 15:58.
22. Zvikomborero zvakawanda zvaJehovha zvinofanira kutapura sei ruvimbiko rwedu?
22 Pasinei zvapo nezvatinoita mubasa raJehovha, chokwadika, hatigoni kumuripira nokuda kwezvaanotiitira. Takachengeteka sei musangano raMwari, takakombwa naavo vari shamwari dzake! (Jakobho 2:23) Jehovha akatikomborera nechinzwano chinobva murudo rwouhama rwakasimba kwazvo zvokuti Satani amene haagoni kurudzura. Naizvozvo ngatiomerere kuna Baba vedu vokudenga vakavimbika ndokushandira pamwe chete savanhu vavo. Zvino uye nokuda kwokusingagumi kwose, ngatibatire Jehovha nokuvimbika.
Waizopindura Sei?
◻ Chii chakunoreva kuva akavimbika?
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvinofanira kutisunda kubatira Jehovha nokuvimbika?
◻ Neiko tichifanira kudzivisa Dhiabhorosi?
◻ Munyengetero unogona sei kutibetsera kuva vabatiri vakavimbika vaJehovha?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Vabatiri vakavimbika vaJehovha havabvumiri Muvengi wavo akafanana neshumba, Dhiabhorosi, kuvhiringidza chinzwano chavo