Vabereki, Farirai Vana Venyu
“Baba vako namai vako ngavafare.”—ZVIREVO 23:25.
1. Chii chichaparira vabereki kufarira vana vavo?
KWAKAISVONAKA sei kuona kamuti kachikura ndokuva muti mukuru unogovera runako nomumvuri—zvikurukuru kana wakausima ndokuutarisira! Nenzira yakafanana, vabereki vanotarisira vana vanokura kuva vabatiri vakakura mumudzimu vaMwari vanowana mufarwa mukuru mavari, sezvo chirevo cheBhaibheri chichiti: “Baba vowakarurama vachafara kwazvo; uye wakabereka mwana wakachenjera, uchafadzwa naye. Baba vako namai vako ngavafare, mai vakakubereka ngavafare kwazvo.”—Zvirevo 23:24, 25.
2, 3. (a) Vabereki vanogona sei kudzivisa nhamo nehasha? (b) Chii icho zvose zviri zviviri tumiti navana zvinoda kuti zvive manyuko omufarwa?
2 Bva, mwana haangoerekani ava “akarurama” ne“akachenjera.” Nhamburiko huru inodikanwa kudzivisa vaduku kuva manyuko e“shungu” ne“zvinovava,” kunyange sezvo basa richigona kubatanidzwa mukuchinja kamuti kuva muti mukuru. (Zvirevo 17:21, 25) Somuenzaniso, mbango dzokutsigira dzinogona kurovedza kamuti kuti kakure kakatwasuka uye kakasimba. Kugoverwa kwemvura kwenguva dzose kunokosha, uye kamuti kangada kudzivirirwa pazvipuka. Pakupedzisira, kusanzaura kunobetsera kuparira muti wakaisvonaka.
3 Shoko raMwari rinoratidza kuti vana vanoda zvinhu zvakadai sokurovedzwa kwoumwari, kuzara nemvura yechokwadi cheBhaibheri, kudzivirirwa pakubatwa zvisina kufanira mutsika, uye chirango chorudo kuti chisanzaure mavara asingadikanwi. Kuti vagovere izvi zvinodikanwa, vanababa zvikurukuru vanokurudzirwa kurera vana vavo “pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Ikoku kunobatanidzei?
Simbiso Pamashoko aJehovha
4. Ibasai iro vabereki vanaro kuvana vavo, uye chii chinodikanwa vasati vagona kuriita?
4 “Kurayira kwaShe” kunoreva kurayira kufunga kwedu kuti kuwirirane nokuda kwaJehovha. Vabereki, ipapoka, vanofanira kuroverera mundangariro dzavaduku vavo kufunga kwaJehovha panhau. Uye vanofanirawo kutevedzera muenzaniso waMwari wokugovera chirango chine tsitsi, kana kuti kurovedza kwokururamisa. (Pisarema 103:10, 11; Zvirevo 3:11, 12) Asi vabereki vasati vagona kuita ikoku, ivo vamene vanofanira kupinza mashoko aJehovha, seizvo muporofita waMwari Mosesi akarayira vaIsraeri vakare, kuti: “Mashoko awa [anobva kuna Jehovha] andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako.”—Dheuteronomio 6:6.
5. Vabereki vechiIsraeri vaifanira kurayiridza vana vavo rini uye munzirayi, uye ku“roverera” kunorevei?
5 Fundo yenguva dzose yeBhaibheri, kufungisisa, uye munyengetero zvinoshongedzera vabereki kuita izvo Mosesi akatevera kurayira: “Unofanira kushingaira ku[aroverera, NW] [mashoko aJehovha] vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “roverera” rinoreva “kudzokorora,” “kutaura wataurazve,” “kuroverera zvakajeka.” Cherekedza nzira iyo Mosesi akasimbisazve nayo dikanwo yokuchengeta mashoko aJehovha ari pakutanga: “Unofanira kuasungira paruoko rwako, chive chiratidzo; uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso ako. Unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako.” Nenzira yakajeka, Jehovha anoda kuti vabereki vape vana vavo ngwariro yenguva dzose, yorudo!—Dheuteronomio 6:7-9.
6. Vabereki vakanga vachifanira kurovererei muvana vavo, uye nebetseroi?
6 Chii chiri “mashoko awa” aJehovha ayo vabereki vaifanira kuroverera muvana vavo? Mosesi akanga achangobva kudzokorora inowanzodanwa kuti Mirayiro Gumi, kubatanidza mirayiro yokusauraya, kusaita upombwe, kusaba, kusapa uchapupu hwenhema, uye kusachiva. Zvinodikanwa zvetsika zvakadaro, pamwe chete nomurayiro woku“d[a] Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose,” zvakanga zviri zvikurukuru izvo vabereki vechiIsraeri vaifanira kuroverera muduku wavo. (Dheuteronomio 5:6-21; 6:1-5) Haungabvumi here kuti urwu ndirwo rudzi rwokudzidzisa urwo vana vanoda nhasi?
7. (a) Vana vakanga vachienzaniswa nei muBhaibheri? (b) Chii chatichanzvera zvino?
7 Baba vechiIsraeri vakaudzwa, kuti: “Mukadzi wako uchava somuzambiringa, unobereka zvakanaka, mukati meimba yako; vana vako vachava semiti yemiorivhi, vakakomberedza tafura yako.” (Pisarema 128:3) Bva, kuti vabereki vafarire “tumiti” twavo panzvimbo pokuwana nhamo, vanofanira kufarira vana vavo somunhu oga, zuva nezuva. (Zvirevo 10:1; 13:24; 29:15, 17) Ngatinzverei nzira iyo vabereki vanogona nayo kurovedza, kudiridza mumudzimu, kudzivirira, uye kuranga nenzira yorudo vana vavo munzira yakadaro zvokuti vanosvika pakuvafarira chaizvoizvo.
Kurovedza Kubvira Paucheche
8. (a) Ndivanaani vakabatira sembango dzokurovedza dzaTimotio? (b) Rovedzo yacho yakavamba rini, uye nomugumisiroi?
8 Rangarira Timotio, uyo akagamuchira tsigiro yaibva, sokunge zvakadaro, kumbango mbiri dzakasimwa zvakasimba dzokurovedza—mai vake nambuya vake. Sezvo baba vaTimotio vakanga vari muGiriki uye sezviri pachena vasingatendi, vakanga vari mai vake vechiJudha, Juniki, uye mai vavo, Roisi, vakarovedza mukomana wacho ‘kubvira paucheche mumanyoro matsvene.’ (2 Timotio 1:5; 3:15; Mabasa 16:1) Shingairo yavo mukudzidzisa Timotio—kunyange apo akanga ari mucheche—“mabasa ake [Jehovha], anoshamisa, aakaita” yakatuswa zvikuru. (Pisarema 78:1, 3, 4) Timotio akava mufundisi munyika dzaiva kure, zvichida apo akanga achiri wechiduku, uye akanga ane basa rakatanhamara mukusimbisa ungano dzapakuvamba dzechiKristu.—Mabasa 16:2-5; 1 VaKorinte 4:17; VaFiripi 2:19-23.
9. Vaduku vanogona sei kudzidza kudzivisa misungo yokudisa zvenyika?
9 Vabereki, muri rudzii rwembango dzokurovedza? Somuenzaniso, munoda kuti vana venyu vatange murangariro wakadzikama wezvinhu zvokunyama here? Ipapo munofanira kugadza muenzaniso wakarurama kupfurikidza nokusaronda zvinhu zvazvino uno zvikurusa kana kuti zvimwe zvinhu zvamusingadi chaizvoizvo. Kana mukasarudza kuronda betsero dzokunyama, musashamisika apo vana venyu vanokutevedzerai. (Mateo 6:24; 1 Timotio 6:9, 10) Zvirokwazvo, kana mbango dzokurovedza dzisina kutwasuka, kamuti kanogona sei kukura kakatwasuka?
10. Inhungamiro yaani iyo vabereki vanofanira kutsvaka nguva dzose, uye chimiroi chendangariro chavanofanira kuva nacho?
10 Vabereki vanofarira vana vavo nguva dzose vachatsvaka betsero youmwari kuti vavarovedze, nguva dzose vachirangarira zvinofarirwa zvikurusa navana vavo mumudzimu. Vamwe mai vevana vana vakarondedzera, kuti: “Kunyange vana vedu vasati vazvarwa, nguva dzose tainyengetera kuna Jehovha kuti atibetsere kuva vabereki vakanaka, kutungamirirwa neShoko rake, uye kurishandisa muupenyu hwedu.” Vakawedzera, kuti: “‘Jehovha anova pakutanga’ kwakanga kusati kuri kutaurawo zvako asi nzira yatairarama nayo upenyu hwedu.”—Vatongi 13:8.
Kugovera “Mvura” Nguva Dzose
11. Chii icho zvose zviri zviviri tumiti navana zvinoda kuti zvikure?
11 Tumiti zvikurukuru tunoda kugoverwa mvura nguva dzose, sezvinoratidzirwa nenzira iyo miti inokura nayo zvakanaka parutivi porwizi. (Enzanisa naZvakazarurwa 22:1, 2.) Vachechewo vachakura mumudzimu kana vakagoverwa nguva dzose mvura yechokwadi cheBhaibheri. Asi vabereki vanofanira kurangarira urefu hwokupa ngwariro kwomwana wavo. Zvichida marusando mapfupi enguva nenguva omurayiridzo angava anoshanda zvikuru kupfuura mashoma akareba. Musarerutsa ukoshi hwemarusando mapfupi akadaro. Kupedza nguva pamwe chete kunokosha kuti kutange ukama hwapedyo pakati pomubereki nomwana, kuva pedyo kunokurudzirwa kwakurudzirwazve muMagwaro.—Dheuteronomio 6:6-9; 11:18-21; Zvirevo 22:6.
12. Chii chiri ukoshi hwokunyengetera navaduku?
12 Rumwe rwamarusando navaduku runogona kuva pakupera kwezuva. Imwe pwere inoyeuka, kuti: “Vabereki vangu vaigara pamucheto pomubhedha wedu usiku huri hwose ndokutiteerera tichitaura minyengetero yedu timene.” Nezvoukoshi hwokuita izvi, mumwe akati: “Ikoko kwandipinza mumuitiro wokunyengetera kuna Jehovha usiku huri hwose ndisati ndarara.” Apo vana zuva nezuva vanonzwa vabereki vavo vachitaura pamusoro paJehovha uye vachinyengetera kwaari, anova munhu chaiyeiye kwavari. Rimwe jaya rakati: “Ndaigona kuvhara maziso angu mumunyengetero kuna Jehovha ndokuona munhu chaiyeiye akaita sasekuru. Vabereki vangu vakandibetsera kuona kuti Jehovha anoita rutivi muchinhu chiri chose chatinoita nokutaura.”
13. Nhambo dzomurayiridzo dzenguva dzose dzinogona kubatanidzei?
13 Kubetsera vaduku kupinza mvura yechokwadi cheBhaibheri, vabereki vanogona kubatanidza zvinhu zvakawanda zvinoshanda munhambo dzemirayiridzo dzenguva dzose. Vabereki vevaviri vasati vasvika zera rechiduku vakati: “Vana vose vari vaviri vakatanga kugamuchira rovedzo yokugara chinyararire muHoro yoUmambo kuvambira muvhiki dzavo dzokutanga dzoupenyu.” Vamwe baba vakarondedzera icho mhuri yavo shomanene yaiita: “Takaronga mabhuku ose eBhaibheri pamakadhi ndokurovedza kuaisa munhevedzano, tose zvedu tichiita madzoro. Vana nguva dzose vakanga vachikarira ikoku.” Mhuri dzakawanda dzinobatanidza nhambo yomurayiridzo mupfupi vasati vadya kana kuti zvimwe vadya. Vamwe baba vakati: “Chirariro chave chiri nguva yakanaka yokuti tikurukure rugwaro rwezuva nezuva rweBhaibheri.”
14. (a) Mibatoi inotusa mumudzimu ingagoveranwa navaduku? (b) Ibviroi yokudzidza iyo vana vanayo?
14 Vaduku vanofarikanyawo kuteerera nhoroondo dzakajeka dzeBhaibheri dziri muBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.a “Apo vana vakanga vari vaduku,” vamwe varoorani vakadaro, “chidzidzo mubhuku raNhau dzeBhaibheri chaifukidzwa, uye ipapo vana vaipfeka zvipfeko ndokutamba mativi muchimiro chekamutambo. Vaida ikoku uye kazhinji kazhinji vaiomerera pakuita inopfuura nhau imwe pafundo.” Usarerutsa bviro yomwana wako yokudzidza! Vana vane makore mana vakaziva nomusoro maganhuro akazara ebhuku raNhau dzeBhaibheri uye vakatodzidza kurava Bhaibheri! Imwe pwere inoyeuka kuti apo yakanga ine anenge makore matatu nehafu okukura, nguva nenguva yakadudza zvisina kururama kuti “zvisarudzo zvokutonga,” asi baba vayo vakaikurudzira kupfuurira kurovedza.
15. Inhaui dzinogona kubatanidzwa mukurukurirano navana, uye ufakazii huripo hwokuti kurukurirano dzakadaro ndedzoukoshi?
15 Marusando navaduku vako anogonawo kushandiswa kuvagadzirira kuti vagoverane mvura yechokwadi navamwe, zvakadai sokupfurikidza nokutsinhira pamisangano. (VaHebheru 10:24, 25) “Mukati memarusando edu erovedzo, ndaifanira kutsinhira namashoko angu ndimene,” imwe pwere inoyeuka kudaro. “Ndakanga ndisingabvumidzwi kurava chete ndisinganzwisisi.” Mukuwedzera, vana vanogona kurovedzwa kuva negoverano ine revo muushumiri hwomumunda. Mumwe mukadzi akarerwa navabereki vanotya Mwari anotsanangura, kuti: “Takanga tisitongori vanamugudzadungwe vaingoperekedza havo vabereki vedu mubasa ravo. Taiziva kuti taiva negoverano, kunyange zvazvo kwakanga kuri bedzi kuridza bhero rapasuo ndokusiya hendibhiri. Kupfurikidza nokugadzirira nokungwarira tisati taita mimwe mibato yokupera kwevhiki kumwe nokumwe, taiziva chataizotaura. Hatina kutongomuka pamangwanani oMugovera tichibvunza kana takanga tichienda muushumiri. Taiziva kuti takanga tiri kuenda.”
16. Nei kuva wenguva dzose mukuita fundo yemhuri navana kuchikosha?
16 Dikanwo yokugovera nguva dzose vaduku mvura yechokwadi cheBhaibheri haigoni kusimbiswa zvinopfuura izvi, zvinoreva kuti fundo yeBhaibheri yemhuri yevhiki nevhiki inokosha. Vamwe baba vevana vaviri vanotaura kuti “chinhu chikuru mukushatirisa vana kusava wenguva dzose.” (VaEfeso 6:4) Ivo vakati: “Mudzimai wangu neni takasarudza zuva nenguva ndokuitisa nenzira yokutendeka fundo yemhuri parudungwe irworwo. Hakuna kutora nguva yakareba vana vasati vaikarira panguva iyoyo.” Rovedzo yose yakadaro kubvira paucheche inokosha, maererano nechokwadi chokuti, ‘Maumbirwo anoitwa kamuti, ndiko kukura kunoita muti wacho.’
17. Chii chakakosha sokugovera vaduku zvokwadi dzeBhaibheri?
17 Kugovera vaduku zvokwadi dzeBhaibheri kunokosha, asi muenzaniso wavabereki wakaenzana zvakafanana. Vana vako vanokuona uchifunda, uchipinda misangano nguva dzose, uchigoverana muushumiri hwomumunda, hungu, uchifarira kuita kuda kwaJehovha here? (Pisarema 40:8) Kunokosha kuti vadaro. Nenzira inokosha, mumwe mwanasikana akati nezvamai vake, vakanga vatsungirira chishoro chomurume wavo uye vakanga varera vana vatanhatu kuti vave Zvapupu zvakatendeka: “Chakatiorora zvikurusa muenzaniso waMai vamene—waitaura zvikuru kupfuura mashoko.”
Kugovera Vaduku Dziviriro
18. (a) Vabereki vanogona sei kugovera vana vavo dziviriro yavanoda? (b) Rudzii rwomurayiridzo urwo vaduku muna Israeri vakagamuchira pamusoro pemitezo yomuviri yokubereka nayo?
18 Sezvo tumiti kazhinji kazhinji tuchida dziviriro pazvipuka zvine ngozi, mutsika ino yakaipa yezvinhu, vaduku vanoda dziviriro pa“vanhu vakaipa.” (2 Timotio 3:1-5, 13) Vabereki vanogona sei kupa iyi dziviriro? Kupfurikidza nokuvabetsera kuwana uchenjeri hwoumwari! (Muparidzi 7:12) Jehovha akarayira vaIsraeri—kubatanidza “pwere” dzavo—kuti vateerere kuraviwa kwoMutemo wake, kwaibatanidza kuzivikanwa kwomufambiro wakafanira nousakafanira muvatano. (Dheuteronomio 31:12; Revhitiko 18:6-24) Mitezo yomuviri yokubereka nayo inodudzwa yadudzwazve, kubatanidza “zvinoyerera” uye “pamberi.” (Revhitiko 15:1-3, 16; 21:20; 22:24; Numeri 25:8; Dheuteronomio 23:10) Nemhaka youshati hwakakomba hwenyika yanhasi, vaduku vanofanira kuziva kushandiswa kwakafanira nokusina kufanira kwemitezo yomuviri yakadaro iyo inobatanidzwa muchisiko icho Mwari akadana kuti “zvakanaka kwazvo.”—Genesi 1:31; 1 VaKorinte 12:21-24.
19. Chii chiri murayiridzo wakafanira wokugovera vaduku pamusoro pemitezo yavo yakavanzika yomuviri?
19 Nenzira yakanakisisa vabereki vose vari vaviri pamwe chete, kana kuti mutarisiri mukuru mumwe nomumwe, vanofanira kuzivisa mwana mitezo yakavanzika yomuviri wake. Vanofanira ipapoka kutsanangura kuti hapana mumwe munhuzve anofanira kubvumirwa kubata mitezo iyi. Sezvo vabati zvisina kufanira vevana kazhinji kazhinji vachiedza kuti vana vanoita sei kukuita kwamanomano kwevatano, mwana anofanira kudzidziswa kudzivisa zvakasimba ndokuti, “Ndichakutaurira!” Dzidzisa vaduku vako kuti nguva dzose vanofanira kutaurira munhu upi noupi anoedza kuvabata nenzira inoita kuti vasanzwa zvakanaka, pasinei hapo netyisidziro dzinotyisa dzinoitwa.
Kugovera Chirango Chorudo
20. (a) Chirango chakafanana sei nokusanzaura? (b) Chii chiri tapuro yokutanga yechirango, asi chii chiri mugumisiro?
20 Vaduku vanobetserwa nechirango chorudo, sezvinoita muti nokusanzaurwa. (Zvirevo 1:8, 9; 4:13; 13:1) Apo mapazu asingadikanwi anotemwa, kukura kwamamwe kunokurudzirwa. Naizvozvo kana vana venyu vachinangidzira ngwariro zvikurukuru pazvinhu zvokunyama kana kuti vari kusendama kusonganiro yakaipa kana kuti varaidzo isina kunaka, izvi zvimiro zvendangariro zvakaipa zvakafanana nemapazu zvinofanira kutemwa. Kana zvikabviswa, vana vako vachabetserwa kukura munhungamiro yomudzimu. Pakutanga chirango chakadaro chingasaratidzika kuva chinofadza, sezvo kusanzaura kungaparira kuvhiringidza muti. Asi mugumisiro wakaisvonaka wechirango kukura kunomutsidzirwa munzira yaunoda kuti mwana wako akure nayo.—VaHebheru 12:5-11.
21, 22. (a) Chii chinoratidzira kuti chirango hachifadzi kupa kana kuti zvimwe kugamuchira? (b) Nei vabereki vachifanira kusarega kupa chirango?
21 Kunobvumwa nyore nyore kuti chirango hachifadzi kuchipa kana kuti zvimwe kuchigamuchira. “Mwanakomana wangu akanga achipedza nguva yakati wandei neimwe pwere iyo vakuru vakanga vanyevera kuti yakanga isiri musonganiri akanaka,” vamwe baba vakadaro. “Ndaifanira kuva ndakaita chiito nokukurumidza zvikuru kupfuura zvandakaita. Kunyange zvazvo mwanakomana wangu asina kubatanidzwa muchakaipa chiri pachena chipi nechipi, kwakatora nguva yakati kugadziridza kufunga kwake.” Mwanakomana wacho akatsinhira, kuti: “Pandakaregedzeswa shamwari yangu yakanakisisa, ndakaparadzwa.” Asi akawedzera, kuti: “Ichi chakanga chiri chisarudzo chakanaka, sezvo nokukurumidza pashure pezvo akadzingwa.”
22 “Kurayira kwokurayirirwa inzira youpenyu,” rinodaro Shoko raMwari. Naizvozvo pasinei hapo nokuti chirango chingava chakaoma sei kupa, usarega kuchipa vana vako. (Zvirevo 6:23; 23:13; 29:17) Pashure penguva yakati, vachafara kuti wakavaruramisa. “Ndinoyeuka ndichishatirirwa kwazvo vabereki vangu zvikuru pandairangwa,” imwe pwere inoyeuka kudaro. “Zvino ndingadai ndakatoshatirwa kudai vabereki vangu vakanga vandinyima chirango ichocho.”
Tuso Yakafanira Nhamburiko Yacho
23. Nei ngwariro yose yorudo inoiswa muvaduku yakafanira nhamburiko yacho?
23 Hapagoni kuva nomubvunzo pamusoro pako, vana avo vabereki, pamwe chete navamwe, vanofarira mugumisiro wokupa ngwariro yakawanda yezuva nezuva, yorudo. Zvisinei, nhamburiko yose inoiswa mavari—vangava vana vokunyama kana kuti vokumudzimu—yakafanira zvikuru ituso inogona kufarikanywa. Muapostora akwegura Johane akaratidza ikoku apo akanyora, kuti: “Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi.”—3 Johane 4.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Unoyeuka Here?
◻ Chii icho zvose zviri zviviri tumiti navana zvinoda kuti zvigova zvakafanirwa nerumbidzo?
◻ Munzirai, chaizvoizvo, umo vabereki vanogona kubatira sembango dzokurovedza?
◻ Chii chinogona kubatanidzwa mumarusando emirayiridzo navaduku, uye chii chavanofanira kudzidziswa kudzivisa?
◻ Chirango chinobetsera sei mwana, sezvinoita kusanzaura nokuda kwomuti?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 10]
Courtesy of Green Chimney’s Farm