-
Bhaibheri Ringakubatsira Sei?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
CHIDZIDZO 01
Bhaibheri Ringakubatsira Sei?
Tese zvedu tinombozvibvunza nezveupenyu, kutambura, rufu, uye ramangwana. Tinonetsekawo kuti tingawana kupi cheuviri uye kuti tingaita sei kuti tive nemhuri dzinofara. Vakawanda vakaona kuti Bhaibheri rinopindura mibvunzo inokosha uye rine mazano anobatsira muupenyu. Unobvuma here kuti Bhaibheri rinogona kubatsira chero ani zvake?
1. Ndeipi mimwe mibvunzo inopindurwa neBhaibheri?
Bhaibheri rinopindura mibvunzo iyi inokosha: Upenyu hwakatanga sei? Tiri kumboraramirei pasi pano? Nei vanhu vakanaka vachitambura? Kana munhu afa chii chinenge chaitika kwaari? Kana vanhu vese vachida runyararo, nei panyika paine hondo dzakawanda kudai? Pasi pano pachange pamira sei mune ramangwana? Bhaibheri rinotikurudzira kutsvaga mhinduro dzemibvunzo yakadai, uye vakawanda vakatowana mhinduro dzaro dzinogutsa.
2. Bhaibheri ringatibatsira sei kuti tinakidzwe neupenyu hwedu?
Bhaibheri rinotipa mazano anobatsira. Rinotidzidzisa zvatingaita kuti tifare mumhuri dzedu. Rinotipawo mazano ezvatingaita kana pfungwa dzedu dzakaremerwa uye ekuti tinakidzwe nebasa ratinoita. Patichange tichidzidza newe bhuku rino uchaona kuti Bhaibheri ringatibatsira sei panyaya idzi nedzimwe dzakawanda. Uchazvionera wega kuti “Magwaro ese . . . anobatsira.”—2 Timoti 3:16.
Bhuku rino harisi iro Bhaibheri pacharo. Asi richakubatsira kuongorora Bhaibheri. Saka tinokukurudzira kuti uverenge mavhesi anenge akanyorwa imomo, uchiona kuti anobatana sei nezvauri kudzidza.
WEDZERA KUONGORORA
Ongorora kuti Bhaibheri rakabatsira sei vamwe vanhu, zvaungaita kuti unakidzwe nekuriverenga, uye kuti zvakanakirei kutsvaga munhu anokubatsira kurinzwisisa.
3. Bhaibheri rinogona kutitungamirira muupenyu
Bhaibheri rakafanana nechiedza chinonyatsovheneka. Rinotibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka uye kuziva zvichaitika mune ramangwana.
Verengai Pisarema 119:105, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Munyori wepisarema iri aiona sei Bhaibheri?
Ko iwe unorionawo sei?
4. Unogona kuwana mhinduro dzemibvunzo yako muBhaibheri
Mumwe mukadzi akawana mhinduro dzemibvunzo yakanga yamunetsa kwemakore muBhaibheri. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:
Muvhidhiyo iyi, mukadzi uyu aiva nemibvunzo ipi?
Kudzidza Bhaibheri kwakamubatsira sei?
Bhaibheri rinotikurudzira kuti tibvunze mibvunzo. Verengai Mateu 7:7, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Ndeipi mibvunzo yauinayo yaunofunga kuti inopindurwa neBhaibheri?
5. Unogona kunakidzwa nekuverenga Bhaibheri
Vanhu vakawanda vanonakidzwa nekuverenga Bhaibheri uye riri kuvabatsira. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:
Vechidiki vari muvhidhiyo vanoona sei nyaya yekuverenga?
Nei vava kunakidzwa nekuverenga Bhaibheri?
Bhaibheri rinotaura kuti rinogona kutinyaradza uye kutipa tariro. Verengai VaRoma 15:4, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Unoda kuziva zvakawanda nezvetariro inotaurwa muBhaibheri uye kunyaradza kwaringatiita here?
6. Tinogona kubatsirwa nevamwe kunzwisisa Bhaibheri
Kunyange zvazvo zvakanaka kuverenga Bhaibheri uri wega, vakawanda vakaona kuti kukurukura Bhaibheri nevamwe kunobatsira. Verengai Mabasa 8:26-31, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Tinganzwisisa sei Bhaibheri?—Ona vhesi 30 ne31.
Murume wekuItiopiya aida kubatsirwa kuti anzwisise Magwaro. Mazuva ano vanhu vakawanda vari kuona kuti kukurukura Bhaibheri nevamwe kunobatsira
VAMWE VANOTI: “Kudzidza Bhaibheri kutambisa nguva.”
Ko iwe unoti kudii? Nei uchidaro?
PFUPISO
Bhaibheri rinotipa mazano anotibatsira pakurarama kwatinoita zuva nezuva, rinopindura mibvunzo inokosha, uye rinotinyaradza nekutipa tariro.
Kudzokorora
Bhaibheri rinogona kutipa mazano panyaya dzakaita sei?
Ndeipi mimwe mibvunzo inopindurwa neBhaibheri?
Ungada kudzidza nezvei muBhaibheri?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Fungisisa kuti mazano ari muBhaibheri anoshanda sei mazuva ano.
“Zvinodzidziswa neBhaibheri Zvinobatsira” (Nharireyomurindi Nhamba 1 2018)
Ona kuti Bhaibheri rakabatsira sei mumwe murume akakura achifunga kuti haabatsiri chinhu uye asingafari.
Ongorora kuti Bhaibheri rinobatsira sei muupenyu hwemhuri.
“Zvinhu 12 Zviri Kubatsira Mhuri Kuti Dzifare” (Mukai! Nhamba 2 2018)
Inzwa kuti Bhaibheri rinofumura sei nhema dzinotaurwa nevakawanda panyaya yekuti ndiani ari kutonga panyika.
-
-
Bhaibheri Ishoko Ratakatumirwa naMwariRarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
1. Nei Bhaibheri richinzi rakabva kuna Mwari, iro rakanyorwa nevanhu?
Bhaibheri rakanyorwa nevarume vangasvika 40, uye rakatora makore 1 600 richinyorwa, kubva muna 1513 B.C.E. kusvika muna 98 C.E. Vanhu vakarinyora vakanga vakasiyana-siyana. Asi kunyange zvakadaro, Bhaibheri rese rinopindirana. Zvingaitika sei izvozvo? Nekuti zvese zvakanyorwa imomo zvaibva kuna Mwari. (Verengai 1 VaTesaronika 2:13.) Vanhu vakarinyora vakanga vasinganyori pfungwa dzavo, asi kuti “vakataura zvichibva kuna Mwari, vachitungamirirwa nemweya mutsvene.”a (2 Petro 1:21) Mwari akashandisa mweya mutsvene wake kuti afemere vanhu kunyora pfungwa dzake.—2 Timoti 3:16.
-
-
Bhaibheri Ishoko Ratakatumirwa naMwariRarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
4. Bhaibheri rinotaura kuti ndiani akarinyora
Onai VHIDHIYO. Kana yapera verengai 2 Timoti 3:16, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera.
Nei Bhaibheri richinzi iShoko raMwari, iro rakanyorwa nevanhu?
Unofunga kuti zvingaitika here kuti Mwari aite kuti vanhu vanyore pfungwa dzake?
Mukuru wekambani anogona kutuma mushandi kunyora tsamba; asi mashoko ari mutsamba yacho anenge ari emukuru wekambani. Ndozvakaitawo Mwari, akaita kuti vanhu vanyore mashoko ake muBhaibheri
-