RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g21 nha. 1 p. 15
  • Unogona Kuziva Zvinotaurwa neMusiki

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kuziva Zvinotaurwa neMusiki
  • Mukai!—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anokukurudzira Kuti Ushandise Mazano Aanokupa
  • Unogona Kuziva Zvinotaurwa naMwari
  • Tinoteerera Mwari Sei?
    Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi
  • Mwari Ariko Here? Kuzviziva Kune Basa Here?
    Mukai!—2015
  • Tinofanira Kusarudza Kuti Tichateerera Ani
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2024
  • Dzidziso Dzechokwadi Dzinofadza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2021
g21 nha. 1 p. 15

Unogona Kuziva Zvinotaurwa neMusiki

“Magwaro ese akafemerwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) Muvhesi iyi shoko rekuti ‘kufemera’ rinoreva kuti Mwari Wemasimbaose akaisa pfungwa dzake muvanhu vainyora Bhaibheri.

BHAIBHERI

  • Mabhuku eBhaibheri.

    66

    Mabhuku ari muBhaibheri.

  • Ruoko ruri kunyora uye nechepamusoro pane chiedza chiri kubva kudenga.

    40

    Varume vakashandiswa naMwari kunyora Bhaibheri.

  • Mudziyo unoratidza nguva.

    1513 B.C.E.

    Gore rakatanga kunyorwa Bhaibheri, (pava nemakore anopfuura 3 500!)

  • Mabhii emitauro yakasiyana-siyana.

    3 000+

    Mitauro inowanika Bhaibheri.

Mwari Anokukurudzira Kuti Ushandise Mazano Aanokupa

‘Ini, Jehovha, ndini . . . ndinokudzidzisa zvinokubatsira, ndini ndinokutungamirira munzira yaunofanira kufamba nayo. Kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita serwizi uye kururama kwako semafungu egungwa.’—ISAYA 48:17, 18.

Zvione sekuti Mwari ari kukuudza mashoko aya. Anoda kuti uve nerugare nemufaro usingaperi uye anogona kukubatsira kuti uzviwane.

Unogona Kuziva Zvinotaurwa naMwari

‘Mashoko akanaka anofanira kuparidzwa kumarudzi ese.’—MAKO 13:10.

“Mashoko akanaka” anosanganisira vimbiso yaJehovha yekuti achabvisa kutambura, achaita kuti nyika ive paradhiso, uye achamutsa hama dzedu dzakafa. Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza mashoko aya anobva muBhaibheri pasi rese.

Pandakaverenga Bhaibheri, Ndakabva Ndatanga Kunyatsonzwisisa

“Kubvira pandaiva mudiki, ndaisanyatsonzwisisa kuti Musiki ndiani. Zvaindinetsa kuti, ‘Nei vamwe vaiti rudzi rumwe nerumwe runa mwari warwo kana kuti musiki warwo?’ Saka ndinofarira chaizvo zvinotaurwa neBhaibheri pana VaRoma 3:29, kuti Mwari wechokwadi ndiMwari wevanhu vemarudzi ese. Anewo zita rekuti Jehovha uye anoda kuti tive neushamwari naye.”—Rakesh.

Rakesh.
    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe