RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g10 April pp. 26-27
  • Zvikamu Zvose zveBhaibheri Zvichiri Kushanda Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvikamu Zvose zveBhaibheri Zvichiri Kushanda Here?
  • Mukai!—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoshandisa Testamende Yekare Here?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • “Zvakanyorerwa Kuti Tirayiridzwe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Sumo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Chii Chinonzi Bhaibheri?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mukai!—2010
g10 April pp. 26-27

Zvinotaura Bhaibheri

Zvikamu Zvose zveBhaibheri Zvichiri Kushanda Here?

“Mazuva ano Bhaibheri harina kana charinombobatsira munhu, kunze kwokuita kuti azive zvinhu zvisina basa zvinongoita kuti abudirire pakutamba mitambo uye kupindura mibvunzo paterevhizheni.”

“Zvinotaurwa neBhaibheri nezvemadzinza emhuri, umhandara, uye kutya Mwari zvaiva nebasa pamararamiro enguva yakanyorwa Bhaibheri, asi hazvina basa muZana Remakore rechi21.”

“Bhaibheri rakanga ratova rechinyakare risati ratombodhindwa kekutanga.”

MASHOKO aya haana nguva yakareba atorwa paIndaneti paikurukurwa nyaya yokuti “Bhaibheri nderechinyakare uye harisisina basa here?” Iwe unozviona sei? Unobvumirana nazvo here?

Ungasabvumirana nevaya vanoti Bhaibheri haribatsiri zvachose, asi zvimwe iwewo hauna chokwadi chokuti zvose zviri muBhaibheri zvinoshanda here. Uyezve, maBhaibheri anoshandiswa mumachechi akawanda akakamurwa kuva Testamende Yekare uye Testamende Itsva, zvichipa pfungwa yokuti chikamu cheBhaibheri chinokwana 75 kubva muzana ndechekare, hachichashandi.

Iye zvino hapana munhu achiri kupa zvibayiro zvemhuka zvinotaurwa muMutemo waMosesi. Saka, zvose zvinodonongodzwa mubhuku raRevhitiko zvine chokuita nezvibayiro zvakachengeterwei? (Revhitiko 1:1–7:38) Ko zvakadini nezvitsauko zvokutanga zva1 Makoronike, zvinongotaura nezvemazita emadzinza chete chete? (1 Makoronike 1:1–9:44) Mazuva ano kana pasina anokwanisa kuronda dzinza rake kusvika kumunhu anotaurwa muzvitsauko izvozvo, mazita acho anobatsirei?

Tomboti watanha apuro mumuti. Wangova neapuro racho, muti wakaribereka unenge usisina basa here? Hazvingadaro kana uchiri kuda mamwe maapuro! Bhaibheri ringafananidzwa nemuti iwoyo womuapuro. Zvimwe zvikamu zveBhaibheri, zvakadai seMapisarema kana kuti Mharidzo yePagomo, zvingaita sokuti zvinonyanya kushanda uye zvinofarirwa chaizvo. Kunyange zvazvo tingakoshesa zvikamu izvozvo, kufanana nezvatingaita apuro ratingave tichifarira, tingapedzisira tati zvimwe zvikamu zvose hazvina basa here? Bhaibheri pacharo rinomboti chii panyaya iyi?

Munenge mugore ra65 C.E., muapostora Pauro akanyora tsamba yake yechipiri kuna Timoti, achimuyeuchidza kuti: “Kubvira paucheche wakaziva zvinyorwa zvitsvene, zvinokwanisa kuita kuti uve akachenjera kuti uwane ruponeso uchishandisa kutenda muna Kristu Jesu.” Akaenderera mberi achiti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.” (2 Timoti 3:15, 16) Pauro paakanyora kuti “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira,” aingotaura nezveTestamende Itsva chete here?

Cherechedza kuti Pauro paari kutaura nezvaTimoti, ari kuti akaziva “zvinyorwa zvitsvene” kubvira “paucheche.” Kana kuri kuti Timoti aiva nemakore okuma30 pakanyorwa tsamba iyi sezvinotaurwa nevamwe, saka zvinoreva kuti aiva mucheche panenge panguva yakafa Jesu. Panguva iyoyo hapana chero chikamu cheTestamende Itsva, kana kuti cheMagwaro echiGiriki chakanga chanyorwa. Amai vaTimoti vaiva muJudha, saka zvinyorwa zvitsvene zvavangave vakamudzidzisa achiri mwana muduku zvinofanira kuva zvaiva Testamende Yekare, kana kuti Magwaro echiHebheru. (Mabasa 16:1) Saka hapana mubvunzo kuti zvairehwa naPauro kuti “Rugwaro rwose” zvaisanganisira Testamende Yekare yose, yaiva nemitemo yezvibayiro uye mazita emadzinza.

Iye zvino, kunyange kwapera makore 1 900, tichiri kubatsirwa nezvikamu zveBhaibheri izvozvo nenzira dzakawanda. Kutanga, tine Bhaibheri nokuti Mwari akava nechokwadi chokuti ranyorwa uye rachengetedzwa nevanhu vaakanga asarudza. (VaRoma 3:1, 2) KuvaIsraeri vekare, Mutemo waMosesi waisangova chinhu chinoyera chaizochengeterwa zvizvarwa zvaizotevera, asi waiva bumbiro remitemo rerudzi irworwo. Zvinhu zvinodonongodzwa muMutemo wacho izvo zvingaita sokuti mazuva ano hazvina basa kwatiri zvaikosha pakurarama kwevaIsraeri vekare. Uyezve, zvakanyorwa muBhaibheri zvine chokuita nemadzinza zvaikosha kuti vanhu vazoziva Mesiya, uyo akagara ataurwa kuti aizova muzukuru chaiye waMambo Dhavhidhi.—2 Samueri 7:12, 13; Ruka 1:32; 3:23-31.

Kunyange zvazvo vaKristu vasiri kutungamirirwa noMutemo waMosesi, vanofanira kutenda muna Mesiya, Jesu Kristu, uyo akagara ataurwa nezvake. Madzinza ekare akanyorwa muBhaibheri anoratidza kuti zvechokwadi “mwanakomana waDhavhidhi” akanga apikirwa aiva Jesu. Uye mashoko akadzama aiva nechokuita nezvibayiro anoita kuti tinyanye kuonga chibayiro chinotokosha zvakanyanya chakapiwa naJesu, zvichiita kuti kutenda kwatinoita kukosha kwechibayiro chacho kuwedzere.—VaHebheru 9:11, 12.

Pauro akanyorera ungano yevaKristu vemuzana remakore rokutanga yaiva kuRoma kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” (VaRoma 15:4) Rugwaro urwu rwunotiyeuchidza kuti Bhaibheri rakanyorwa kuti tibatsirwe, kwete isu chete. Kwemakore anopfuura 3 500 mashoko akafuridzirwa ari muBhaibheri ave achitungamirira, achidzidzisa uye achiruramisa vanhu vaMwari. Izvi zvave zvichiitika kubvira murenje reSinai, muNyika Yakapikirwa, muutapwa hweBhabhironi, muutongi hweRoma uye iye zvino munyika yose. Hapana kana rimwe bhuku ringaenzaniswa neBhaibheri. Kungofanana nezvakaita midzi yemuti wemuapuro uya, kukosha kwezvimwe zvikamu zveBhaibheri kungava kwakati omei kuona pakutanga. Kuti uone kukosha ikoko, ungatofanira kumboti cherei-cherei uye uchaona kuti kutamburira zviripo.

WAKAMBOFUNGA NEZVEIZVI HERE?

● Timoti akaziva “zvinyorwa zvitsvene” kubvira rini?—2 Timoti 3:15.

● Zvikamu zvipi zveBhaibheri zvakafuridzirwa uye zvinobatsira?—2 Timoti 3:16.

● “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare” zvingatibatsira sei?—VaRoma 15:4.

[Mifananidzo iri papeji 27]

Mashoko akadzama ari muBhaibheri anoita kuti tinyanye kuonga chibayiro chakapiwa naJesu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe