Kuzivisa Nyoka
“Zvino rimwe zuva vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo.”—JOBHO 1:6.
1. (a) Ndeipi iri mviromviro nerevo yezita rokuti Satani? (b) “Satani” anowanika kangani muMagwaro, uye mibvunzoi inomuka?
CHII chiri mviromviro yezita rokuti Satani? Rinorevei? Mumugariro waro weBhaibheri, rakaumbwa richibva mumabhii matatu echiHebheru ש (Sin), ט (Tehth), uye נ (Nun). Nezviratidzo zvawo zvamavhawero, aya mabhii anoumba shoko rokuti “Satani,” iro, mukuwirirana nenyanzvi Edward Langton, “rinotorwa mumavambo anoreva ‘kushora,’ kana kuti ‘kuva kana kuti kuita somuvengi.’” (Enzanisa na 1 Petro 5:8.) Kunyange zvazvo zita rokuti Satani richioneka kanopfuura ka 50 muBhaibheri, iro rinooneka ka 18 bedzi muMagwaro echiHebheru uye ipapo bedzi mumabhuku a 1 Makoronike, Jobho, uye Zekaria. Naizvozvo mibvunzo inomuka, Munhu akaziva rini nezvokupanduka nomubato waSatani? Satani anotanga kuziviswa zvakajeka rini muMagwaro echiHebheru?
2. Mubvunzoi usina kupindurwa nokukurumidza pashure pokupanduka kwaAdhama naEvha?
2 Bhaibheri rinotsanangura mumashoko akapfava asi akadzama kuti chivi nokupanduka zvakavapo sei pasi pano, muiro rakanga riri bindu reparadhiso muMiddle East. (Ona Genesi, ganhuro 2 ne 3.) Kunyange zvazvo musimudziri wokusateerera kwaAdhama naEvha achiziviswa senyoka, hakuna nhungamiro yokukurumidza inopiwa pamusoro pokuti ndiani akanga ari simba chairoiro noungwaru zvaiva seri kwenzwi rakabudiswa nenyoka. Kunyanguvezvo, Adhama akava nenguva refu yokurangarira pamusoro pezvinoitika zvomuEdheni izvo zvakatungamirira kukudzingwa kwake mumunhanga weparadhiso.—Genesi 3:17, 18, 23; 5:5.
3. Kunyange zvazvo asina kunyengedzwa, Adhama akatadza sei, uye chii chaiva muuyo kurudzi rwomunhu?
3 Sezvinooneka, Adhama aiziva kuti mhuka hadzitauri noungwaru hwavanhu. Iye aizivawo kuti Mwari akanga asina kutaura kwaari kupfurikidza nemhuka ipi neipi pamberi pomuedzo waEvha. Naizvozvo ndianiko akanga audza mudzimai wake kusateerera Mwari? Pauro anotaura kuti kunyange zvazvo mukadzi akanyengedzwa chose chose, Adhama haana kunyengedzwa. (Genesi 3:11-13, 17; 1 Timotio 2:14) Zvichida Adhama akaziva kuti chisikwa chakati chisingaoneki chakanga chichipa chisarudzo chokusateerera kuna Mwari. Bva, kunyange zvazvo iye amene asina kusvikwa nenyoka, akasarudza kubvumirana nomudzimai wake mukusateerera. Chiito chamaune nechamambune chaAdhama chokusateerera chakapunza foroma yokukwana, chakatanga urema hwechivi, uye chakatungamirira kushurikidzo yakadeya kutaurwa yorufu. Uye nokudaro, achishandisa nyoka, Satani akava muurayi wapakuvamba.—Johane 8:44; VaRoma 5:12, 14.
4, 5. (a) Rutongesoi rwouporofita rwakapiwa panyoka? (b) Ndizvakavanzikai zvakabatanidzwa nouporofita ihwohwo?
4 Kupanduka kwomuEdheni kwakaguma norutongeso rwouporofita rwakabva kuna Mwari. Rutongeso irworwo rwakabatanidza “chakavanzika chinoyera” icho chaizotora zviuru zvamakore kuti chizaruke chose chose. Mwari akati kunyoka: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pembeu yako nembeu yake. Iye achakupwanya mumusoro uye iwe uchaipwanya muchitsitsinho.”—VaEfeso 5:32; Genesi 3:15, NW.
5 Uporofita ihwohwu hunokosha hunobatanidza zvakavanzika zvinoverengeka. Ndiani akarehwa chaizvoizvo no“mukadzi”? Akanga ari Evha here, kana kuti akanga ari mukadzi wokufananidzira here woukoshi hukuru zvikuru kupfuura Evha? Uyewo, chii chakarehwa ne‘mbeu yomukadzi’ uye ‘mbeu yenyoka’? Uye ndiani chaizvoizvo akanga ari nyoka ine mbeu yaizovengana nembeu yomukadzi? Sezvatichakurukura nokukurumidza, Jehovha sezviri pachena akasarudza kuti iyi mibvunzo yaizowana mhinduro yakazara zvikuru munguva yake yakafanira.—Enzanisa Dhanieri 12:4 naVaKorose 1:25, 26.
Humwe Hufakazi Hwokupanduka Mumatenga
6. Chiratidzoi chokupanduka mumatenga chakaonwa pamberi chaipo paMafashamo?
6 Sezvo nhau yeBhaibheri inopetenuka, imwe ratidziro yokupanduka pamwero wakakwirira zvikuru woupenyu kupfuura uyo wavanhu inoziviswa pamberi chaipo paMafashamo, makore 1 500 pashure pokuwira kwomunhu muchivi. Nhauro yeBhaibheri inotiudza kuti “vanakomana vaMwari vakaona vakunda vavanhu kuti vakanaka, vakazvitsaurira pakati pavose vavakada kuva vakadzi vavo.” Vana vakuru veiyi mibatanidzwa isiri yomuzvarirwo vakazivikanwa sava“Nefirimi,” “vanhu vane simba vakare, vakanga vakakurumbira.” (Genesi 6:1-4; enzanisa naJobho 1:6 nokuda kwokuzivikanwa kwa“vanakomana vaMwari wechokwadi.”) Makore 2 400 gare gare, Judhasi akapa tsinhiro pfupi paichi chinoitika paakanyora, kuti: “Navatumwa . . . vakasiya pavaifanira kugara, vakavachengeta muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira pakutongwa kwezuva guru.”—Judhasi 6; 2 Petro 2:4, 5.
7. Pasinei zvapo noushati hwomunhu, kusiiwai kunofadza kwatinowana muakawanda amabhuku enhau eBhaibheri?
7 Panguva ino pamberi paMafashamo “kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwomwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.” Kunyanguvezvo, Satani haana kuziviswa zvakananga mubhuku rakafuridzirwa raGenesi sepesvedzero ine simba yaiva seri kwokupanduka kwengirozi nouipi hwomunhu. (Genesi 6:5) Zvamazvirokwazvo, munhau yose yamarudzi aIsraeri naJudha, nokuwirazve kwavo kwenguva refu mukunamata zvidhori nokunamata kwenhema, Satani haatongodudzwi mumabhuku eBhaibheri akafuridzirwa aVatongi, Samueri, uye Madzimambo sepesvedzero isingaoneki yaiva seri kweizvi zvinoitika—ikoku pasinei zvapo nokubvuma kwaSatani amene kuti akanga achi“pota-pota nenyika.”—Jobho 1:7; 2:2.
8. Pakuvamba Jobho aiziva here nezvorutivi rwakaitwa naSatani mukutambura kwake? Tinoziva sei?
8 Kunyange apo tinorangarira nhauro inokosha yaJobho nemiedzo yake, tinoona kuti Jobho haasati achitongotaura kuti miedzo yake yakaparirwa nomuvengi, Satani. Sezviri pachena, iye akanga asingazivi panguva yacho nezvenhau yaitsamira pamuuyo womufambiro wake. (Jobho 1:6-12) Iye haana kuziva kuti Satani akanga aparira njodzi yacho kupfurikidza nokudenha perero yaJobho pamberi paJehovha. Nokudaro, apo mudzimai waJobho akamutsiura namashoko okuti: “Ko ucharambira nazvino pakururama kwako here? Shora Mwari, ufe hako!” iye akangopindura zvake kuti: “Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?” Asingazivi manyuko echokwadi emiedzo yake, iye sezviri pachena akairangarira seinobva kuna Mwari uye naizvozvo chimwe chinhu chinofanira kugamuchirwa. Nokudaro, uyu wakava muedzo wakakomba zvikuru weperero yaJobho.—Jobho 1:21; 2:9, 10.
9. Mubvunzoi une mufungo unogona kumutswa pamusoro paMosesi?
9 Zvino mubvunzo unomuka. Kana, sezvatinodavira, Mosesi akanyora bhuku raJobho uye naizvozvo aiziva kuti Satani akanga achifamba-famba mupasi, neiko kuchidaro kuti iye haasati achitaura nezvaSatani nezita muripi neripi ramabhuku ePentateuch, ayo iye akanyorawo? Hungu, neiko Satani achidudzwa kashoma kwazvo muMagwaro echiHebheru?a
Kuwadzanyurwa Kwakaganhurirwa kwaSatani
10. Satani akapiwa sei wadzanyurwo yakaganhurirwa bedzi muMagwaro echiHebheru?
10 Kunyange zvazvo achishurikidza mibato inofuridzirwa namadhemoni, Jehovha muuchenjeri hwake sezviri pachena aiva nezvikonzero zvakanaka zvokuva nechokwadi chokuti Muvengi wake, Satani, anofanira kupiwa wadzanyurwo yakaganhurirwa bedzi muMagwaro echiHebheru. (Revhitiko 17:7; Dheuteronomio 18:10-13; 32:16, 17; 2 Makoronike 11:15) Nokudaro, kunyange zvazvo vanyori vechiHebheru vanofanira kuva vaiva nezivo yakati yaSatani nebasa rake rokupanduka mumatenga, ivo vakafuridzirwa bedzi kurondedzera ndokuwadzanyura zvivi zvavanhu vaMwari nezvamarudzi akanga akavapoteredza nokupa zano pamusoro pouipi hwavo. (Eksodho 20:1-17; Dheuteronomio 18:9-13) Zita raSatani raisawanzodudzwa.
11, 12. Tinoziva sei kuti vanyori veBhaibheri vechiHebheru vakanga vasiri vasingazivi nezvaSatani nepesvedzero yake?
11 Nemhaka yezvinoitika zvomuEdheni, kushata kwa“vanakomana vaMwari vechokwadi,” uye chinyorwa chiri mubhuku raJobho, vanyori veBhaibheri vakafuridzirwa vechiHebheru vakanga vasiri vasingazivi nezvepesvedzero yakaipa, inopfuura yomuzvarirwo yaSatani. Muporofita Zekaria, uyo akanyora mukupera kwezana ramakore rechitanhatu P.N.V., akava nechiono chomuprista mukuru Joshua “Satani amire paruoko rwake rworudyi, kuti ave mudzivisi wake. Jehovha akati kuna Satani: ‘Jehovha ngaakutuke, iwe Satani.’” (Zekaria 3:1, 2) Uyewo, munyori Ezra, achinyora nhau yaIsraeri naJudha muzana ramakore rechishanu P.N.V., akataura kuti “Zvino Satani wakamukira vaIsraeri, akakurudzira Dhavhidhi kuti averenge vaIsraeri.”—1 Makoronike 21:1.
12 Nokudaro, pakasvika nguva yaZekaria, mudzimu mutsvene wakanga uchirega basa raSatani richiva rakajeka zvikuru muMagwaro. Asi mamwe mazana amakore mashanu aizopfuura ichi chisikwa chakaipa chisati chawadzanyurwa chose chose muShoko raMwari. Nehwaro hweBhaibheri, chikonzeroi chatinogona kusvika pachiri nokuda kweiyi nguva mukuwadzanyura zvizere Satani?
Mhinduro Yechakavanzika
13-15. (a) Izvokwadii huru dziri mhinduro kukunzwisisa chikonzero nei Satani akapiwa wadzanyurwo yakaganhurirwa muMagwaro echiHebheru? (b) Nokuuya kwaJesu, Satani akaiswa pachena sei?
13 Nokuda kwomuKristu ane kutenda muShoko raMwari, mhinduro huru yemibvunzo iyoyi neyapfuura yatamutsa haiwanwi mukutsoropodza manyoro eBhaibheri, sokunge Bhaibheri rinongova zvaro bhuku rakanyorwa zvakanaka, muuyo chose chose woungwaru hwavanhu. Mhinduro inoziviswa muzvokwadi mbiri huru dzeBhaibheri. Kutanga, sokunyora kwakaita Mambo Soromoni: “Gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.” (Zvirevo 4:18; enzanisa naDhanieri 12:4; 2 Petro 1:19-21.) Zvokwadi inoziviswa pashoma napashoma muShoko raMwari panguva yaMwari, mukuwirirana nokudikanwa nesimba ravabatiri vake rokupinza zvokwadi yakadaro.—Johane 16:12, 13; enzanisa naJoh 6:48-69.
14 Zvokwadi huru yechipiri iri muizvo muapostora Pauro akanyora kumudzidzi wechiKristu Timotio: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera nokuda kwokudzidzisa, . . . kuti munhu waMwari agova anokwanisa zvizere, akashongedzerwa chose chose nokuda kwebasa riri rose rakanaka.” (2 Timotio 3:16, 17, NW) Mwanakomana waMwari, Jesu, aizowadzanyura Satani, uye ikoku kwaizonyorwa muRugwaro, nokudaro kuchishongedzera ungano yechiKristu kumira yakasimba mukurwisana naSatani mukutsigirwa kwouchangamire hwaJehovha.—Johane 12:28-31; 14:30.
15 Pazvikonzero izvozvi zvakavanzika zvaGenesi 3:15 zvakaziviswa pashoma napashoma. Munhungamiro yomudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa, Magwaro echiHebheru akagovera rumbonera pana Mesia anouya, kana kuti Mbeu. (Isaya 9:6, 7; 53:1-12) Mukuwirirana naikoku, iwo akava nokupenya kupfupi kwechiedza pabasa raSatani soMuvengi waMwari nomuvengi worudzi rwomunhu. Asi nokuuya kwaJesu, Satani akaratidzwa pachena chose chose sezvo akaita chiito chakajeka nechakananga mukurwisana neMbeu yakapikirwa, Jesu Kristu. Sezvo zvinoitika zvakaitika muzana rokutanga ramakore iroro renguva yedu yechiKristu, mabasa o“mukadzi,” sangano romudzimu rokudenga raJehovha, uye eMbeu, Jesu Kristu, akajekeswa muMagwaro echiKristu echiGiriki. Panguva imwe cheteyo, basa raSatani, “nyoka yapakuvamba,” rakajekeswa zvizere zvikuru.—Zvakazarurwa 12:1-9; Mateo 4:1-11; VaGaratia 3:16; 4:26.
Chakavanzika Chinoyera Chinoziviswa
16, 17. Chii chakabatanidza “chakavanzika chinoyera chaKristu”?
16 Muapostora Pauro akanyora zvikuru kwazvo pamusoro pe“chakavanzika chinoyera chaKristu.” (VaEfeso 3:2-4, NW; VaRoma 11:25; 16:25) Ichi chakavanzika chinoyera chaifanira kuva nechokuita ne“mbeu” yechokwadi iyo pakupedzisira yaizopwanya nyoka yapakuvamba, Satani Dhiabhorosi. (Zvakazarurwa 20:1-3, 10) Chakavanzika chacho chakabatanidza idi rokuti Jesu akanga ari mutezo wokutanga nomukuru we“mbeu” iyoyo asi kuti iye aizokumbanirwa navamwe, “vadyi venhaka pamwe,” kutanga vanobva kuvaJudha uye ipapo vanobva kuvaSamaria naVamarudzi, kupedza chiverengero che“mbeu” iyoyo.—VaRoma 8:17; VaGaratia 3:16, 19, 26-29; Zvakazarurwa 7:4; 14:1.
17 Pauro anotsanangura, achiti: “Muzvimwe zvizvarwa ichi chakavanzika hachina kuziviswa kuvanakomana vavanhu sezvo zvino chakaziviswa kuvaapostora vake vatsvene navaporofita nomudzimu.” Uye chii chakanga chiri chakavanzika ichocho? “Ndiko kuti, kuti vanhu vamarudzi ose vanofanira kuva vadyi venhaka nemitezo biyake yomuviri navagoverani nesu vechipikirwa pamwe naKristu Jesu kupfurikidza namashoko akanaka.”—VaEfeso 3:5, 6, NW; VaKorose 1:25-27.
18. (a) Pauro anoratidza sei kuti nguva yaidikanwa kuzivisa revo ye“chakavanzika chinoyera”? (b) Uku kuzivisa kwaizotapura sei nzwisiso pamusoro pe“nyoka yapakuvamba”?
18 Pauro akaororwa kuti iye pavanhu vose anofanira kushandiswa kuzivisa “pfuma isinganzverwi yaKristu, nokuratidza vose kuti kugoverwa kwakadiniko kwezvakavanzika, zvakanga zvakafukidzwa muna Mwari, wakasika zvose.” Kana kuti sezvaakataura kuvaKorose, kuti: “Chakavanzika, chakanga chakafukidzwa kubvira pakutanga kwenguva nendudzi, asi zvino chakaratidzwa vatsvene vake.” Nenzira ine mufungo, kana chakavanzika pamusoro pe“mbeu” chakaziviswa pakupedzisira, chaizobatanidzawo kuziviswa kwakakwana kwoMuvengi mukuru, “nyoka yapakuvamba.” Sezviri pachena, Jehovha haana kusarudza kuita kuti nhau naSatani ive huru kutozosvikira pakuuya kwaMesia. Uye ndiani ari nani kuzivisa Satani kupfuura Mbeu, Kristu Jesu amene?—VaEfeso 3:8, 9; VaKorose 1:26.
Jesu Anowadzanyura Muvengi
19. Jesu akawadzanyura sei Muvengi?
19 Pakuvamba muushumiri hwake, Jesu akaramba chose chose Muedzi namashoko anoti: “Ibva, Satani! Nokuti kwakanyorwa kuti, ‘NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndokwaari oga kwaunofanira kuita basa rinoyera.’” (Mateo 4:3, 10, NW) Panhambo yakasiana, Jesu akawadzanyura vavengi vake vorudzidziso vanochera avo vaiva nevavariro yakashata kwaari kupfurikidza nokushurikidza mutsigiri wavo nokumuwadzanyura sesimba raiva seri kwenyoka muEdheni, achiti: “Imi muri vababa venyu Dhiabhorosi, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. Iye wakanga ari muurayi kubva pakutanga; haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamune zvokwadi. Kana achireva nhema, unoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba vadzo.”—Johane 8:44.
20. Hwaroi hwaiva naJesu hwokuwadzanyura Satani?
20 Jesu aigona sei kuva nechokwadi kwazvo mukushurikidza kwake Satani? Aigona sei kumuziva zvakanaka kudaro? Imhaka yokuti iye akanga avapo pamwe chete naSatani mumatenga! Kunyange iyeyo asati apandukira Changamire Ishe Jehovha norudado, Jesu, seShoko, akanga amuziva. (Johane 1:1-3; VaKorose 1:15, 16) Iye akanga acherechedza mabasa ake amanomano kupfurikidza nenyoka muEdheni. Iye akanga aona pesvedzero yake yamanomano pana Kaini akauraya munun’una wake. (Genesi 4:3-8; 1 Johane 3:12) Gare gare, Jesu aivapo mudare rokudenga raJehovha “apo vanakomana vaMwari wechokwadi vakapinda . . . , uye Satani akapfuurira kupindawo pakati pavo.” (Jobho 1:6, NW; 2:1) O, hungu, Jesu aimuziva zvikuru kwazvo uye akanga akagadzirira kumufumura nokuda kwezvaakanga ari—murevi wenhema, mhondi, mucheri, uye muvengi waMwari!—Zvirevo 8:22-31; Johane 8:58.
21. Mibvunzoi yasara kuti ipindurwe?
21 Nomuvengi ane simba akadaro anopesvedzera rudzi rwomunhu nenhau yarwo, mibvunzo zvino ndeiyi: Satani anowadzanyurwa muMagwaro echiKristu echiGiriki kusvikira kuimwe tambanukoi? Uye tinogona sei kudzivisa mazano ake amanomano ndokuchengeta perero yedu yechiKristu?—VaEfeso 6:11, Kingdom Interlinear.
[Mashoko Omuzasi]
a Purofesa Russell anoti mubhuku rake The Devil—Perceptions of Evil From Antiquity to Primitive Christianity: “Idi rokuti Dhiabhorosi haasati achiwadzanyurwa zvizere muTestamende Yakare hachisi chikonzero chokuramba kuvapo kwake muumwari hwazvino uno hwechiJudha nechiKristu. Ikoko kwaizova pfungwa yenhema yapakuvamba: murangariro wokuti zvokwadi yeshoko—kana kuti pfungwa—inofanira kuwanwa muchimiro chayo chapakuvamba zvikurusa. Panzvimbo pezvo, zvokwadi yenhau iri kufambira mberi munguva.”—Peji 174.
Unoyeuka Here?
◻ Ndizvakavanzikai pamusoro paGenesi 3:15 zvaida kutsanangurwa?
◻ Hufakazii hwokupanduka mumatenga huripo muMagwaro echiHebheru?
◻ Izvokwadii mbiri dzinotibetsera kunzwisisa nei Satani asingawanzodudzwa muMagwaro echiHebheru?
◻ Chii icho “chakavanzika chinoyera chaKristu” chine chokuita nokuziviswa kwaSatani nebasa rake?
[Mifananidzo iri papeji 9]
Pesvedzero yaSatani yaiva pachena zvikuru pakati porudzi rwomunhu munyika yapamberi paMafashamo
[Mufananidzo uri papeji 10]
Akanga ari Satani—munhu chaiyeiye—akadenha Mwari pamusoro peperero yaJobho