Chitsauko 1
Mashoko aJehovha Epanguva Iyoyo Uye Iye Zvino
1, 2. Vamwe vakatsvaka sei pfuma yakavanzwa, asi chii chingakubatsira kuti unakidzwe noupenyu?
KWEMAKORE akawanda, vanhu vazhinji vaitarisira kuwana pfuma yakavanzwa. Wakamboverenga here nhoroondo dzezvakaitika kare dzevanhu vaifamba vachiongorora nzvimbo, vaichera mumatongo, nevamwe vainyatsotsvaka pfuma yakadaro? Kunyange zvazvo iwe pachako ungasatsvaka saizvozvo, waizoita sei kudai waizowana pfuma yakadaro? Chokwadi zvaizogutsa zvikuru kudai pfuma iyoyo yaigona kunatsiridza upenyu hwako kana kuita kuti hufadze uye hubudirire zvakanyanya!
2 Vanhu vakawanda havamboendi kunotsvaka pfuma chaiyo yakadaro, asi vangava vachitsvaka mufaro nokuvavarira kuwana mari, utano hwakanaka, uye mhuri inofara, pfuma isingawanikwi nokuchera muvhu. Uyewo hapana mepu chaiyo chero ipi zvayo inoratidza kwokuwana pfuma iyoyo. Sezvaunoziva, unofanira kushanda nesimba kuti uwane mufaro uye ubudirire. Ndokusaka vakawanda vachionga zano rinobatsira rokuti vangasvika sei pazvinangwa zvavo voita kuti upenyu hwavo hunakidze uye hubudirire zvakanyanya.
3, 4. Ungawana kupi zano rinobatsira rokuti ungararama sei?
3 Chaizvoizvo une zano rinoshanda, murayiridzo wakatobatsira vamwe kuti vafare. Bhaibheri rinopa zano rakanaka chaizvo pakurarama, sezvakaonekwa nevakawanda. Munyori wemabhuku wokuEngland anonzi Charles Dickens akati nezveBhaibheri: “Ndiro bhuku rakanaka chaizvo rati rambovako kana kuti richazombovapo munyika . . . nokuti rinokudzidzisa zvidzidzo zvakanaka chaizvo izvo chero munhu upi zvake akasikwa . . . angatungamirirwa nazvo.”
4 Mashoko iwayo haashamisi vaya vose vanoona Bhaibheri serakafuridzirwa naMwari. Zvimwe unobvuma vimbiso yatinoverenga pana 2 Timoti 3:16, inoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.” Izvi zvinoreva kuti Bhaibheri rine mashoko anobatsira zvikuru anogona kuratidza vanhu kuti vangararama sei mazuva ano mumatambudziko akaoma chaizvo enyika. Vaya vanotungamirira nhanho dzavo vachishandisa Bhaibheri vangasvika pakuva noupenyu hunonakidza zvechokwadi uye hunobudirira zvikuru.
5-7. Ungatsvaka mazano anobatsira muzvikamu zvipi zveBhaibheri?
5 Zvisinei, muzvikamu zvipi zveBhaibheri maunofunga kuti ndimo maungawana zano iroro? Vamwe vachafunga nezveMharidzo yepaGomo, umo Jesu akapa zano rinoshanda panyaya dzoupenyu hwezuva nezuva. Vamwe vangayeuka tsamba dzomuapostora Pauro. Uye chero munhu upi zvake angawana zano rinobatsira muMapisarema uye muna Zvirevo—mabhuku akazara nouchenjeri. Chaizvoizvo, zvichienderana nemamiriro ako ezvinhu kana kuti matambudziko aunotarisana nawo, chero bhuku ripi zvaro reBhaibheri rinogona kukubatsira, kunyange mabhuku eBhaibheri anonyanya kutaura nezvezvakaitika kare, akadai semabhuku anobva pana Joshua kusvika kuna Esteri. Zvakaitika zviri imomo zvine zvidzidzo zvinonyevera munhu wose anenge achivavarira kufara pakushumira Mwari. (1 VaKorinde 10:11) Chokwadi, mabhuku iwayo anopa zano raunogona kushandisa pakutungamirira nhanho dzako, pakuita kuti upenyu hwako hubudirire. Yeuka chokwadi ichi: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.”—VaRoma 15:4; Joshua 1:8; 1 Makoronike 28:8, 9.
6 Zvisinei, pane chikamu cheBhaibheri chisingamboongororwi nevakawanda mungawanikwa pfuma. Ichi chikamu chemabhuku 12 anowanzonzi Vaprofita Vaduku. Mabhuku aya anowanzowanika tabva pamabhuku eBhaibheri makuru, raEzekieri naDhanieri asi tisati tasvika kuEvhangeri yaMateu. (MaBhaibheri akawanda akaronga mabhuku acho 12 seizvi: Hosiya, Joeri, Amosi, Obhadhiya, Jona, Mika, Nahumi, Habhakuki, Zefaniya, Hagai, Zekariya, uye Maraki.) Sezvataona, Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari, uye rinobatsira pakudzidzisa uye kuratidza vanhu kuti vangararama sei. Izvozvo zvinosanganisira mabhuku aya here?
7 Zvechokwadi zvinodaro! Kutaura zvazviri, mabhuku aya anonzi Vaprofita Vaduku ane pfuma inobatsira chaizvo pakutiratidza kuti tingararama sei mazuva ano. Kuti unzwisise chikonzero nei vamwe vanhu vasingafungi nezvemabhuku aya, funga nezvokudanwa kunoitwa mabhuku acho 12 mumitauro yakawanda: Vaprofita Vaduku. Zita iroro ringakanganisa maonero anoita vanhu mabhuku aya here? Ringava rakati kanganisei kunyange mafungiro ako here?
“VAPROFITA VADUKU” HAVAKOSHI CHAIZVOIZVO HERE?
8. (a) Mwari akapa murayiridzo achishandisa nzira ipi inokosha? (b) Mabhuku 12 ari kukurukurwa anowanzonzi chii, asi chii chinorehwa nezita racho?
8 Muapostora Pauro akatanga tsamba yake yaakanyorera vaHebheru achiti: “Mwari, uyo akataura kare kare panguva zhinji uye nenzira zhinji nemadzitateguru edu achishandisa vaprofita, akataura nesu pakuguma kwemazuva ano achishandisa Mwanakomana.” (VaHebheru 1:1, 2) Mwari zvaakanga achishandisa vaprofita vaiva vanhu kuti ataure mashoko ake, hatitombofaniri kuona chero ipi zvayo yenhume idzodzo se“isingakoshi” kana kuti zvadzakanyora. Kunyange zvakadaro, zita rokuti “Vaprofita Vaduku” rakaita kuti vamwe vaone zviri mumabhuku acho sezvisinganyanyi kukosha. Vamwe vakagumisa kuti mashoko ari mumabhuku aya ane simba shoma kupfuura mamwe mabhuku eBhaibheri. Zvisinei, chokwadi ndechokuti zita rokuti “Vaprofita Vaduku”a sokushandiswa kwarinoitwa mumitauro yakawanda rinongoratidza kuti mabhuku aya 12 mapfupi pane mamwe.
9. Nei kureba kwebhuku reBhaibheri kusingaratidzi kukosha kwaro?
9 Kupfupika kwebhuku reBhaibheri hakuratidzi ukoshi hwaro kwauri. Bhuku raRute rakapfupika zvikuru kupfuura mabhuku anoritangira uye anoritevera, asi mariri unogona kuwana mashoko anobaya mwoyo chaizvo! Bhuku iroro rakapfupika rinosimbisa kuda kwatinofanira kuita kunamata kwechokwadi, rinoratidza kukoshesa vakadzi zvikuru kunoita Mwari, uye rinopa mashoko akadzama, anokosha, ane chokuita nedzinza raJesu. (Rute 4:17-22) Somumwe muenzaniso, pedyo nokunoperera Bhaibheri, uchawana bhuku raJudha. Rakapfupika zvokuti mune mamwe maBhaibheri akadhindwa, harizadzi peji imwe chete. Kunyange zvakadaro, mune mashoko anokosha zvikuru nemazano zvaunowana mariri: zvakaitirwa ngirozi dzakaipa naMwari, kunyeverwa nezvevarume vakaipa vanoverevedza vachipinda muungano, uye kukurudzirwa kurwira kutenda zvakasimba! Unogona kuva nechokwadi chakafanana chokuti mabhuku anonzi nevanhu Vaprofita Vaduku, kunyange zvazvo ari mapfupi, zviri maari hazvisi zvinhu zvakaderera kana kuti zvisingakoshi kwauri.
MABHUKU AYA NDEOUPROFITA MUPFUNGWA IPI?
10, 11. (a) Vamwe vangafungei pavanonzwa shoko rokuti “vaprofita”? (b) Maererano neBhaibheri, vaprofita vaiva vanaani, uye vaiitei?
10 Chimwe chinhu chokufunga nezvacho chine chokuita nemashoko okuti “vaprofita” uye “uprofita.” Mashoko aya angayeuchidza munhu nezvokufanotaura zvichaitika munguva yemberi. Vanhu vakawanda vanofunga nezvomuprofita somunhu anongofanozivisa—zvichida nemashoko asinganzwisisiki anogona kududzirwa nenzira dzakawanda—zvichaitika munguva yemberi. Izvi zvinokanganisa maonero anoita vamwe mabhuku aya 12.
11 Chokwadika, sezvaunoverenga mabhuku aya 12, unokurumidza kuona kuti ane mashoko akawanda anofanozivisa zvichaitika, akawanda acho ane chokuita nokuuya kwezuva guru raJehovha. Izvozvo zvinoenderana nepfungwa huru yeshoko rokuti “muprofita.” Muprofita aiva munhu aiva noukama hwapedyo naMwari uye aiwanzoshandiswa kuzivisa zvaizoitika. Kutanga naInoki, vaprofita vakawanda vomuBhaibheri vakafanotaura zvaizoitika munguva yemberi.—1 Samueri 3:1, 11-14; 1 Madzimambo 17:1; Jeremiya 23:18; Mabasa 3:18; Judha 14, 15.
12. Ungaratidza sei kuti kuva muprofita kwaireva zvinopfuura kungofanotaura zvinhu zvaizoitika?
12 Zvisinei, tinofanira kuyeuka kuti basa revaprofita vaJehovha rakanga risiri rokungotaura mashoko aibva kuna Mwari ezvaizoitika. Mwari aiwanzoshandisa vaprofita sevanhu vaiudza vamwe zvaaida vachimumiririra. Somuenzaniso, tingasafunga nezvaAbrahamu, Isaka, uye Jakobho sevanhu vakafanotaura zvaizoitika munguva yemberi, asi Pisarema 105:9-15 rinoti vaiva vaprofita. Pane dzimwe nguva, Mwari akavashandisa kuzivisa zvinhu zvaizoitika munguva yemberi, zvakadai sepaya Jakobho paakakomborera vanakomana vake. Asi madzitateguru iwayo aivawo vaprofita pakuti aiudza mhuri dzawo zvakanga zvataurwa naJehovha nezvokuva kwavo nebasa rokuita muchinangwa chaMwari. (Genesisi 20:7; 49:1-28) Chimwe chinoratidza zvinoreva shoko reBhaibheri rokuti “muprofita” ndechokuti Aroni akashumira somuprofita waMosesi. Aroni akaita basa romuprofita nokuva mutauriri, kana kuti “muromo,” waMosesi.—Eksodho 4:16; 7:1, 2; Ruka 1:17, 76.
13, 14. (a) Enzanisira kuti vaprofita vaiita zvaipfuura kungofanozivisa zvaizoitika. (b) Ungabatsirwa sei nokuziva kuti vaprofita vaitaura zvaipfuura kungofanozivisa zvaizoitika?
13 Fungawo nezvevaprofita, Samueri naNatani. (2 Samueri 12:25; Mabasa 3:24; 13:20) Jehovha akavashandisa vari vaviri kuzivisa zvaizoitika munguva yemberi, asi akaitawo kuti vashumire sevaprofita nedzimwe nzira. Somuprofita, Samueri akakurudzira vaIsraeri kusiya kunamata zvidhori ndokutangazve kunamata kwakachena. Uye akazivisa mutongo waMwari kuna Mambo Sauro, watinodzidza kubva pauri kuti Jehovha anokoshesa kuteerera kupfuura zvibayiro zvezvinhu zvokunyama. Chokwadi, kuva kwaSamueri muprofita kwaisanganisira kutaura kwake maonero aiita Mwari nzira yakanga yakanaka yokurarama nayo. (1 Samueri 7:3, 4; 15:22) Muprofita Natani akafanotaura kuti Soromoni aizovaka temberi uye kuti umambo hwake hwaizosimbiswa zvikuru. (2 Samueri 7:2, 11-16) Asi Natani akanga achishumirawo somuprofita paakabudisa pachena chivi chaDhavhidhi naBhati-shebha chaakaitira Uriya. Ndiani angakanganwa kubudisa pachena kwakaita Natani upombwe hwaDhavhidhi—mufananidzo womupfumi akatora gwayana rimwe chete romurombo raaida zvikuru? Natani aivawo nebasa pakuronga kunamata kwechokwadi panzvimbo tsvene yaMwari.—2 Samueri 12:1-7; 2 Makoronike 29:25.
14 Chinhu chinokosha ndechokuti hatifaniri kufunga nezvemashoko ari mumabhuku aya ouprofita seokungofanozivisa zvichaitika chete—kufanotaura zvinhu zviri munguva yemberi. Ane mashoko akafuridzirwa naMwari ane chokuita nezvimwe zvinhu zvakawanda, zvinosanganisira kunzwisisa zvakanaka kwazvo kuti vanhu vaMwari kare ikako vaifanira kurarama sei uye mararamiro atinofanira kuita mazuva ano. Chokwadi, tinovimbiswa kuti zvatinowana muBhaibheri, kusanganisira mabhuku aya 12, zvinobatsira chaizvo uye zvinoshanda, zvichibatsira vanhu kuona nzira yakanaka zvikuru yokurarama nayo. Mabhuku aya akafuridzirwa anotipa mazano anokosha anogona kutibatsira ‘kurarama nepfungwa dzakanaka nokururama nokuzvipira kuna Mwari pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino.’—Tito 2:12.
NZIRA DZAUNGABATSIRWA NADZO
15, 16. (a) Kufananidzira kupi kungawanika mu“Vaprofita Vaduku”? (b) Zvinhu zvipi zvokufananidzira zvouprofita zviri mumabhuku iwayo?
15 Pane nzira dzakawanda dzatinogona kubatsirwa nadzo nokuverenga Shoko raMwari rakafuridzirwa. Mamwe mabhuku eBhaibheri anotiudza zvakaitika pane imwe nguva, uye mamwe ndeokudetemba, rimwe nerimwe riine ukoshi hwakasiyana nemamwe. Mamwezve, anosimbisa kufananidzira, sezvazvakaita mumabhuku aya 12. Somuenzaniso, Jesu akanga achitaura nezvezviitiko zvomubhuku raJona paakati: “Chizvarwa chakaipa nechoupombwe chinoramba chichitsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chomuprofita Jona. Nokuti Jona zvaakanga ari mudumbu rehove huru kwemazuva matatu nousiku hutatu, naizvozvo Mwanakomana womunhu achava mumwoyo wenyika kwemazuva matatu nousiku hutatu. Vanhu vokuNinivhi vachamuka pakutongwa nechizvarwa chino uye vachachipa mhosva; nokuti vakapfidza pane zvakaparidzwa naJona, asi tarirai! mumwe munhu anopfuura Jona ari pano.”—Mateu 12:39-41.
16 Nenzira yakajeka, Jesu akaona kuti bhuku raJona raisangova nhoroondo yezvakaitirwa Jona naMwari, yebasa romuprofita wacho muNinivhi, uye zvakazoitika Jona paakazivisa shoko raMwari rokunyevera. Jesu akaziva kuti muprofita Jona aiva nebasa rokufananidzira, rairatidza zvaizoitika kuna Jesu Kristu, kufa kwake uye kumutswa pazuva rechitatu. Uyezve, zvakaitwa nevaNinivhi zvakapa musiyano—musiyano wezvakaitwa nevaJudha vakawanda pane zvaiparidzwa naJesu uye mabasa ake. (Mateu 16:4) Nenzira yakakodzera, tinonzwisisa kuti mabhuku aya 12 ane zvinhu zvokufananidzira zvouprofita, kana kuti zvimwe zvinhu zvaizoitika nenzira yakafanana, zvaiva nechokuita nezvaizoitira Mwari vanhu vake mazuva ano. Kudzidza kwakadaro kunonakidza zvikuru uye kunokosha.b
17. Bhuku rino rinokurukura sei mabhuku 12 evaprofita vaduku?
17 Zvisinei, manyorerwo akaitwa bhuku rino rawakabata haasi okudzidza zvinorehwa nokufananidzira kwebhuku raJona kana kuti mamwe mabhuku acho 11. Uyewo manyorerwo acho haasi okuongorora ndima nendima. Asi, rinonyanya kuomerera pamashoko ari mumabhuku aya atinogona kushandisa muupenyu hwedu hwezuva nezuva. Zvibvunze kuti: ‘Mumabhuku aya 12, izano ripi rinobatsira kana kuti zano raMwari randinopiwa naJehovha? Mabhuku aya angandibatsira sei “kuti ndirarame nepfungwa dzakanaka nokururama nokuzvipira kuna Mwari pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino”? Anondiudzei nezvokurarama kwechiKristu, tsika, upenyu hwemhuri, uye mafungiro zvomumazuva ano akaoma, sezvo “zuva raJehovha riri kuuya, nokuti rava pedyo”?’ (Tito 2:12; Joeri 2:1; 2 Timoti 3:1) Sezvaunowana mhinduro dzinogutsa, zvimwe uchawana ndima dzauchakoshesa, ndima dzawange usati washandisa kusvika panguva ino paunenge uchiudza vamwe zano reBhaibheri. Nenzira iyi, dura rako raunochengetera zvikamu zveBhaibheri zvinokosha richava nezvakawanda.—Ruka 24:45.
18. Bhuku rino rakarongwa sei, uye ungabatsirwa sei neizvi?
18 Zvitsauko zvebhuku rino zvakaiswa muzvikamu zvina. Edza kuwana pfungwa huru yezvinotaurwa muchikamu choga choga sezvaunochitanga. Muchitsauko chimwe nechimwe pazvitsauko 13 zvinotevera, uchaona mabhokisi maviri akagadzirirwa kukubatsira kuyeuka zvaunenge wadzidza. Mibvunzo iri mumabhokisi iwayo ichakubvumira kudzokorora mupfungwa dzako zvaunenge waverenga uye kufungisisa kukosha kwazvo uye kushanda kwazvinoita. Bhokisi rokutanga riri panenge pakati pechitsauko chacho. Paunosvika pabhokisi iroro, funga nezvemibvunzo iri imomo. Kuita kudaro kuchakubatsira kunyatsoisa mumwoyo wako zvaunenge uchangobva kudzidza. (Mateu 13:8, 9, 23; 15:10; Ruka 2:19; 8:15) Bhokisi rechipiri richakubvumira kufungisisa zvaunenge waverenga muchikamu chokupedzisira chechitsauko chacho uye kuzvichengeta mupfungwa dzako. Saka wana nguva yokudzidza mabhokisi aya. Iwo anogona kuva zvishandiso zvokuratidza nzira dzinoshanda dzaunogona kubatsirwa nadzo nezvaunenge uchidzidza.
19. Chii chaunofanira kutanga kuisa mupfungwa dzako nezvemabhuku aya 12?
19 Kuti ugadzirire zvichatevera, zvibvunze zvaunoziva zviri mune rimwe nerimwe remabhuku aya 12. Mwari akapa mashoko aya achishandisa vanaani, uye vaiva varume vakaita sei? Vakararama munguva dzipi, uye vakashumira vari mumamiriro ezvinhu akaita sei? (Chati inoratidza nguva yezviitiko zvinokosha iri pamapeji 20 ne21 ichakubatsira zvikuru; pota uchidzoka kwairi paunenge uchidzidza zvitsauko zvinotevera.) Shoko remabhuku aya kana kuti kushanda kwawo panguva iyoyo zvaiva zvipi, uye kuziva izvi kungakubatsira sei kunzwisisa mashoko acho ose? Chitsauko chinotevera chichakubatsira kupindura mibvunzo iyi inokosha.
[Mashoko Omuzasi]
a Encyclopaedia Judaica inotaura kuti zita iri “rinoita serinobva muzita rechiLatin rinoshandiswa muVulgate (Prophetae Minores). Shoko rinotsanangura zvakaita chinhu rokuti ‘vaduku’ muzita rokuti ‘Vaprofita Vaduku’ hariratidzi ukoshi hwevaprofita vacho 12 kana vachienzaniswa naIsaya, Jeremiya, uye Ezekieri, asi uduku hwemabhuku acho.”—Volume 12, peji 49.
b Somuenzaniso, ona kukurukurwa kunoitwa Hagai naZekariya mubhuku rinonzi Paradise Restored to Mankind—By Theocracy! rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi harichadhindwi iye zvino.
KUBATSIRWA KWAUNOITA
• Ipfungwa dzipi dzisina kururama dzine chokuita ne“Vaprofita Vaduku” dzaunofanira kudzivisa?—VaRoma 15:4.
• Nei ungatarisira kubatsirwa nokuongorora mabhuku acho 12 ouprofita?—2 Timoti 3:16.
• Chii chaungatarisira sezvaunodzidza mabhuku aya?—1 VaTesaronika 2:13.