Chikonzero Nei Tichida Zivo Yakarurama
“Ndokusakawo isu, kuvambira pazuva ratakanzwa nezvako, tisina kurega kukunyengetererai nokukumbira kuti mugozadzwa nezivo yakarurama yokuda kwake muuchenjeri hwose nenzwisiso yomudzimu.”—VAKOROSE 1:9, “NW.”
1. Enzanisira musiano uri pakati pezivowo zvayo neyakarurama.
ANODOKUVA munhu ari wose anoziva chiri wachi, asi vangani vanoziva kuti inoshanda sei? Ungava nepfungwawo zvayo yakati, asi ungagona here kuigurunura, kuigadzira, uye kuibatanidza zvakare? Mugadziri wewachi zvamazvirokwazvo angagona. Neiko? Nemhaka yokuti iye ane zivo yakarurama, yakakwana yokushanda kwewachi. Uye ikoko kunoenzanisira musiano uri pakati pezivowo zvayo nezivo yakarurama yenhau.
2. Musianoi uri pakati pamarudzi maviri ezivo uyo wakacherechedza mune zvorudzidziso?
2 Mamirioni avanhu ane pfungwawo zvayo pamusoro paMwari. Iwo anotaura kuti anotenda Mwari, kunyange zvazvo mabasa awo kazhinji kazhinji achiramba kutaura ikoko. Mumwe mufundisi pane dzimwe nguva aibvunza saimba, kuti: “SomuKaturike, munofanira kutenda Mwari, ndizvoka?” Uye mhinduro yaiva, nejangariko kumatenga: “Eya, ndinotenda kuti kunofanira kuva nechimwe chinhu chiri kunze ikoko.” Iwe ungadana ikoko kuti zivo yakarurama nokunzwisiswa kwaMwari here? Haisva. Uye kazhinji kazhinji muuyo wokusava nechokwadi kwakadaro ndowokuti mufambiro waavo vanoti maKristu hausi wechiKristu. (Enzanisa naTito 1:16.) Mugariro uyo unovapo uri seizvo Pauro akaurondedzera, kuti: “Sezvavakanga vasingatenderi kuva naMwari muzivo yakarurama, Mwari akavapa kumugariro wendangariro usingatenderwi.”—VaRoma 1:28, NW.
3. Chii chinovapo apo vanhu vanoramba zivo yakarurama yokuda kwaMwari?
3 Kushaiwa ikoko zivo yakarurama kwakaguma nei muzana rokutanga ramakore? Vanhu vakanga vachiita “zvisakafanira; vakazadzwa nokusarurama kwose, nokuipa, noruchiva, nokuvenga kwose, vakazara negodo, nokuuraya, norukave, nokunyengera, nechinya; vanhu vanoita zevezeve, navacheri, navanovenga Mwari, navanodada, navanozvikudza, navanozvirumbidza, navavambi vezvakaipa, navasingateereri vabereki, namapenzi, navanoputsa sungano, navasino rudo kwarwo, vasine ngoni.” Kushaiwa kwavo zivo yakarurama kwakareva kuti mwoyo yavo yakanga isingasundirwi kumabasa akarurama.—VaRoma 1:28-31; Zvirevo 2:2, 10.
Chii Chiri Musiano?
4, 5. Mukuwirirana nenyanzvi dzechiGiriki, ndeipi iri misiano pakati pagnoʹsis nae·piʹgno·sis?
4 Uyu musiano uri pakati pezivowo zvayo neyakarurama unoratidzirwa muMagwaro echiGiriki. ChiGiriki chapakuvamba chinotaura nezvagnoʹsis, zivo, uye e·piʹgno·sis, zivo yakarurama. Rokutanga, mukuwirirana nenyanzvi yechiGiriki W. E. Vine, rinoreva “zvikurukuru kutsvaka kuziva, kubvunza, kuongorora,” zvikurukuru kwezvokwadi yomudzimu mumashoko akapoteredza aMagwaro.
5 E·piʹgno·sis, mukuwirirana nenyanzvi yechiGiriki Thayer, rinoreva “zivo chaiyoiyo neyakarurama.” Uye muchimiro chechiito, anoreva “kuva akarovedzana chose chose ne, kuziva zvakakwana; kuziva nenzira yakarurama, kuziva zvakanaka.” W. E. Vine anotaura kuti e·piʹgno·sis “anoratidzira zivo chaiyoiyo kana kuti yakazara, nzwisiso, kuziva.” Iye anowedzera kuti iro rinoreva “zivo yakazara zvikuru kana kuti yakazara, kutora rutivi kukuru kunoitwa nomuzivi munhau inozivikanwa, nokudaro inomupesvedzera nesimba zvikuru kwazvo.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Sezvatichaona, uku kutaura kwokupedzisira ndokwoukoshi hunokosha kumuKristu.
6. Vanyori vapi veBhaibheri vanoshandisa mashoko nokuda kwe“zivo” uye “zivo yakarurama,” uye nei zivo yakarurama ichikosha?
6 Vanyori vaviri bedzi veBhaibheri vanoshandisa shoko rechiGiriki e·piʹgno·sis. Ivo ndiPauro naPetro, avo vanoshandisa shoko racho hwerengedzo yaka 20.a Kunze kwaRuka, ivo ndivo bedziwo vanoshandisa shoko rokuti gnoʹsis, Pauro achirishandisa ka 23 uye Petro ka 4. Manyoro avo naizvozvo inhungamiro inokosha pamusoro poukoshi hwezivo yakarurama nomurangariro woruponeso. Pauro akati kuna Timotio: “Ikoku kwakaisvonaka uye kunogamuchirika pamberi poMuponesi wedu, Mwari, ane kuda kwokuti marudzi ose avanhu anofanira kuponeswa ndokusvika pazivo yakarurama yezvokwadi.”—1 Timotio 2:3, 4, NW.
Chikonzero Nei Zivo Yakarurama Ichikosha
7. (a) Kuti ive youkoshi, zivo inofanira kutitapura sei? (b) Ingozii iripo kana tikaregeredza zivo?
7 Naizvozvo, kuwana zivo yakarurama yezvokwadi seinodzidziswa muBhaibheri ndichinhu chikuru kuruponeso. Zvisinei, zivo iyoyo inofanira kusvika mwoyo, hugaro hwesundo. Iyo haigoni kuramba iri sechirondwa chendangariro chete kana kuti chisingashandisiki. Uyezve, kana yangowanwa bedzi, zivo yezvokwadi inofanira kushandiswa ndokumutsidzirwa. Neiko kwakadaro? Nemhaka yokuti yeuko, kufanana netsinga isingashandiswi, ingava yakaneta neisina kukwana, muchinoitika chakadaro tingasatana kuregeredza umudzimu hwedu ndokuvamba kutsauka ndokuzununguka mukutenda kwedu. Tingaregeredza kubata kwedu pa“zivo imene yaMwari.” Nokukurumidza, uku kuzununguka kungaratidzirwa mumano okufunga okuregeredza uye kunyange mufambiro usiri wechiKristu.—Zvirevo 2:5; VaHebheru 2:1.
8. Ukoshii hwakaona Soromoni muuchenjeri nezivo?
8 Tinonzwisisa, ipapoka, nei Soromoni, paakanga akatendeka, akakoshesa zvikuru uchenjeri, nzwisiso, uye mano okufunga. Iye akanyora, kuti: “Apo uchenjeri hunopinda mumwoyo mako uye zivo imene inova inofadza kumweya wako umene, mano okufunga amene achakudzivirira, nzwisiso imene ichakutaviridza, kuti ikununure munzira yakashata.”b (Zvirevo 2:10-12, NW) Aya mashoko anoreva kuti tinofanira kukudziridza chishuvo chikuru chezivo yakarurama, iyo inogona kutapura mwoyo nomweya umene. Kupfuurirazve, iyo hwaro hwamano akanaka okufunga. Uye neiko ikoku kuchikosha kwazvo nhasi?
9. Ndivanaani vari vavengi voumudzimu hwechiKristu?
9 Tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” apo, sezvakaporofita Pauro, kwaka“uya nguva dzenhamo” kana kuti “nguva yamadambudziko.” (2 Timotio 3:1, Revised Standard Version; The New English Bible) Kuri kuva kwakaoma zvikuru kuchengeta perero yedu yechiKristu munyika ino yakashata. Tsika dzechiKristu, zvinokosha, uye mipimo zvinoshorwa nokumhurwa. Kutenda kweZvapupu zvaJehovha kunodenhwa pamativi ose—navakuru vechiKristudhomu avo vanovenga shoko roUmambo ratinoenda naro paimba neimba, navawi pakutenda vanobatira pamwe navakuru vechiKristudhomu, nezviremera zvemishonga izvo zvinoda kumanikidzira kuisira ropa patiri navana vedu, namasaendisiti asingatendi kuvapo kwaMwari anoramba chitendero muna Mwari nechisiko, uye naavo vanoedza kutimanikidza kubvumiranisa pane zvisina kufanira kusatora rutivi kwedu. Chishoro ichochi chose chinorongwa naSatani, mutongi werima nokusaziva, muvengi wezivo yakarurama.—2 VaKorinte 4:3-6; VaEfeso 4:17, 18; 6:11, 12.
10. Idzvinyiriroi dzingarwisana nesu, uye chii chatinoda kudzikurira?
10 Dzvinyiriro dzingawedzera muupenyu hwezuva nezuva dzokupesvedzera muKristu kuita izvo vamwe vari kuita, kungava kudya mirimo, kunwa nenzira isina mwero, kushandisa utere namasimba masimba, kuba, kureva nhema, kurozva, kurega chikoro, kana kuti kungotsvaka chete upenyu hwomufarwa woudyire. Ndokusaka zivo yakarurama ichikosha. Zivo yakazara zvikuru yeShoko raMwari nedonzo inogona kupesvedzera nesimba zvikuru kufunga kwedu nezviito zvedu nenzira yakananga.—VaRoma 12:1, 2.
Mwanakomana Anopambadza Wazvino Uno
11, 12. Ndichinoitikai chaichoicho chinoenzanisira upenzi hwokuramba zivo yakarurama yezvokwadi?
11 Tinogona kuenzanisira ikoku nechinoitika chechokwadi chomurume muduku uyo, apo akanga ava naanenge makore 14 ezera uye atova muKristu akabhapatidzwa, akaedzerwa rudo rwake rwezvokwadi. Kufanana navanhu vaduku vazhinji, iye aida mitambo, zvikurukuru nhabvu. Asi kwakanga kune chinetso. Chikoro chake chaitamba nhabvu usiku humwe chetehwo uhwo ungano yaiva nemisangano yayo. Umudzimu hwake hwakanga husina kusimba zvakakwana kuti ayere zvakafanira ukoshi hwapamusoro hwenhabvu sezvahunoenzaniswa noukoshi husingagumi hwokupinda misangano yechiKristu naamai vake vakafirwa nomunun’una wake nehanzvadzi. Naizvozvo iye akarega kuita mukuwirirana nezivo yakarurama ndokusarudza kubuda muzvokwadi. Pakupedzisira, iye akadzingwa. Gare gare, akapfuurira kunoita basa rehondo, uko akabatanidzwa nemirimo.
12 Muna 1986, apo uyu murume muduku akasunungurwa muhondo, akafunga zvakanaka, uye akanyora tsamba kushamwari yemhuri iyo yakanga yabatira mudare rokutonga rakamudzinga. Mairi iye akati: “Ndinofara kukwanisa kukuudzai mashoko anokosha: Ndakadzokera kuzvokwadi. . . . Ndakasvika pakuziva izvo muapostora Pauro akataura pana 2 VaKorinte 4:4, kuti kuna mwari wetsika ino yezvinhu uyo ari kupofumadza ndangariro. Kwenguva refu, ndave ndakapofumadzwa mumudzimu kuzvinhu zvakanga zvichiitika makandipoteredza. Apo ndakasiya zvokwadi, handina kuziva ngozi yandakanga ndiri mairi. Asi nenguva, uye kuonga kuna Jehovha Mwari, ndakakwanisa kunzwisisa zvakajeka kuti ndakanga ndisina kururama munzira yangu yakashata yechiito.”—Enzanisa naRuka 15:11-24.
13. Kana vakapfidza zvirokwazvo, ndoupi ungava muuyo wakananga nokuda kwavamwe vakawira parutivi penzira? (2 Timotio 2:24-26)
13 Uyu murume muduku akadzokera kunzira yezivo yakarurama. Zvino iye anokwanisa “kufamba zvakafanira Jehovha kusvikira pamugumo wokumufadza zvizere.” Iye anogonawo “kupfuurira kubereka chibereko mubasa riri rose rakanaka nokuwedzera muzivo yakarurama yaMwari” sezvaanoronda songanirano yake neungano yechiKristu. Uye iye akava chikomborero chinozorodza zvakadini kumhuri yake kupfurikidza nokuva zvakare muteveri waKristu! Iwe unoziva mienzaniso yakafanana here?—VaKorose 1:9, 10, NW; Mateo 11:28-30.
Miuyo Inotyisa Yokuregeredza Kwomudzimu
14. (a) Kuti tidzivise kuwa, chii chatinofanira kuita? (b) Chii chakaitika kumamwe maKristu?
14 Chifundoi chinogona kudzidzwa muna ichochi nezvinoitika zvakafanana? Kuti tangowana bedzi zivo yakarurama yezvokwadi, tinofanira nguva dzose kumutsidzira nzvimbo dzomudzimu dzendangariro kuti tigorega kuwa. Mano edu omudzimu anganeta kana tikaregeredza fundo yomunhu oga neyemhuri, misangano yechiKristu, uye ushumiri. Ipapo chii chingaitika? MuKristu aichimbova akasimba angakukurwa mukutenda, zvichida kunyange kuwira mumufambiro wakaipa, zvakadai soutere, kana kuti kuwira mukupanikira namashoko asakafanira ndokupinda mukuwa pakutenda. (VaHebheru 2:1; 3:12; 6:11, 12) Noupenzi, vamwe vakatodzokera kudzidziso dzechiBhabhironi dzoUtatu nokusafa kwomweya!
15. Inyeveroi yakapa Petro pamusoro pokuwa?
15 Mashoko aPetro akafanira zvamazvirokwazvo: “Nokuti ivo, [kupfurikidza nezivo yakarurama yaShe noMuponesi Jesu Kristu, NW], vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwazve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuura kutanga kwavo. Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzokere pamurairo mutsvene wavakapiwa, vambouziva havo. Zvinorehwa neshumo yezvokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti: ‘Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo, nenguruve yakanga yashambidzwa, kukuumburuka mumatope.’”—2 Petro 2:20-22.
16. (a) Vamwe vakatsauswa sei munguva dzazvino? (b) Vakatsauswa vakapinda mumabasai omufambiro?
16 Avo vanoramba zivo yakarurama yezvokwadi kazhinji kazhinji vanosarudza nzira yakavanakira. Ivo havasati vachagamuchira mutoro wokupinda nguva dzose misangano yechiKristu kana kuti wokutora rutivi muushumiri hwapaimba neimba. Vamwe vanotodzokera kukusvuta! Vamwe vanofara kuti havasati vachafanira kutanhamara savakasiana pamusoro penhau yokusatora rutivi kwechiKristu nokushandiswa zvisakafanira kweropa. Haiwa, rusununguko rwakadini! Zvino ivo vanotogona kuvhotera rimwe ramabato ezvamatongerwe enyika e“chikara.” (Zvakazarurwa 13:1, 7) Nokudaro, semweya isina kutsiga, vamwe vakanyengerwa ndokutsauswa panzira yakatwasuka yezivo yakarurama naavo, nepo ‘vachivavimbisa rusununguko, ivo vamene varipo savaranda voushati.’—2 Petro 2:15-19.
17. Ingozii iripo nokuda kwaavo vanobva muzivo yakarurama yezvokwadi?
17 Kutoti vakadaro vakapfidza ndokudzokera kuzvokwadi, ivo vanozviratidzira vamene kurutongeso urwo Pauro akaonesa, achiti: “Nokuti kana tichitadza nebwoni, kana tambogamuchira [zivo yakarurama, NW] yezvokwadi, hakuchine chibairo pamusoro pezvivi, asi kungomirira tichitya kutongeswa nokutsamwa kunopfuta somwoto, kuchapedza vavengi.” Kusachenjera kwakadini nokuona zviri pedyo kurega zivo yakarurama yaJehovha Mwari naKristu Jesu nokuda kwedzidziso dzokuwa pakutenda dzechiKristudhomu!—VaHebheru 6:4-6; 10:26, 27.
Shingairo Ine Zivo Yakarurama
18. Mukuwirirana naPauro, neiko vakuru vorudzidziso vechiJudha vakakundikana kugamuchira Kristu?
18 Vakuru vorudzidziso vechiJudha vomuzuva raPauro zvamazvirokwazvo vaiva nezivo yaMagwaro echiHebheru. Asi yakanga iri zivo yakarurama here? Yakavakwevera kuna Kristu saMesia akapikirwa here? Pauro anotaura kuti vakanga vakazvipira kwazvo kukutanga kururama kwavo vamene kupfurikidza noMutemo zvokuti ivo havasati vaizozviisa vamene pasi pa“Kristu [uyo] ari mugumo woMutemo.” Naizvozvo Pauro aigona kuti nezvavo: “Nokuti ndinovapupurira kuti vane shingairo nokuda kwaMwari; asi kwete mukuwirirana nezivo yakarurama.”—VaRoma 10:1-4, NW.
19, 20. (a) Tinogona sei kuwana zivo yakarurama? (b) Mibvunzoi yasara kuti ipindurwe?
19 Naizvozvo tinogona sei kuwana iyi zivo yakarurama? Kupfurikidza nefundo yomunhu oga nefungisiso, pamwe chete nomunyengetero nokupinda misangano. Ikoku kunoreva kuchajwazve kwenguva dzose kwamabhatiri edu omudzimu, sokunge zvakadaro. Hatigoni kutsunga kuvimba bedzi nezivo yatakawana pakuvamba patakagamuchira zvokwadi. Nguva dzose, tinofanira kupinza zvokudya zvomudzimu zvakasimba, zivo yakarurama, kupfurikidza nefundo yomunhu oga yokungwarira. Nokudaro zano raPauro rakafanira: “Zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, vanokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa. Naizvozvo ngatisiye shoko rokutanga kwaKristu, tipfuurire mberi pakuponeswa, tisingaisi nheyo dzokutendeuka pamabasa akafa, nedzokutenda kuna Mwari, . . . Ndizvo zvatichaita, kana Mwari achitendera.”—VaHebheru 5:14–6:3.
20 Mibvunzo zvino ndeiyi, Maturusii atinawo okutibetsera kuwana zivo yakarurama? Uye nemhaka youpenyu hwedu hwakabatikana, ndirini patinogona kufunda Shoko raMwari? Nyaya inotevera icharangarira iyoyi nenhau dzinowirirana.
[Mashoko Omuzasi]
a Sezvakarongwa muComprehensive Concordance of the New World Translation of the Holy Scriptures, peji 17; uyewo Firemoni 6 (Ona The Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures.).
b Kuti uwane nzwisiso iri nani yerevo yamashoko okuti “zivo,” “mano okufunga,” “uchenjeri,” uye mamwe anowanwa muna Zvirevo, ona Insight on the Scriptures, Volume 2, mapeji 180, 1094, 1189, yakabudiswa muchiNgezi neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Mibvunzo Yokupindura
◻ Chii chiri musiano uri pakati pe“zivo” uye “zivo yakarurama”?
◻ Neiko zivo yakarurama ichikosha kwazvo mumazuva ano okupedzisira?
◻ Vamwe vangaedzwa sei kubva muzvokwadi?
◻ Inyeveroi inotipa Petro pamusoro pokuramba zivo yakarurama?
◻ Chii chatinofanira kuita kuti tiwane ndokuchengeta zivo yakarurama?