RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Akatanga Kutida”
    Swedera Pedyo naJehovha
    • “Mwari Rudo”

      15. Bhaibheri rinotii nezverudo rwaJehovha, uye mashoko aya akasiyana sei nemamwe? (Onawo mashoko emuzasi.)

      15 Bhaibheri rine zvarinotaura nezverudo zvarisingambotaura nezvezvimwe zvatakadzidza nezvaJehovha. Magwaro haatauri kuti Mwari isimba kana kuti Mwari uchenjeri, kana kuti Mwari kururama. Rinoti anazvo, kureva kuti ndiye tsime razvo, uye hapana angaenzaniswa naye pakuzviratidza zvese zviri zvitatu. Asi chechina chacho Bhaibheri rinochitaura zvakasiyana nezvimwe zvese. Rinoti: “Mwari rudo.”b (1 Johani 4:8) Zvinorevei izvozvo?

      16-18. (a) Nei Bhaibheri richiti “Mwari rudo”? (b) Pazvisikwa zvese zviri panyika, nei munhu akakodzera kufananidzira rudo rwaJehovha?

      16 Kuti “Mwari rudo” hakusi kungoenzanisa Mwari nechimwe chinhu, zvakadai sekuti, “Mwari akaenzana nerudo.” Hatikwanisi kupindurudza mashoko acho toti “rudo ndiMwari.” Jehovha anopfuura rudo nekuti anotova nezvimwe zvaari, kuwedzera parudo irworwo. Asi rudo ndirwo rwakanyanya kudzama kupfuura zvimwe zvese. Ndosaka rimwe bhuku rinotaura pamusoro pendima iyi richiti: “Zvese zvatinoziva nezvaMwari anozviratidza murudo.” Tinogona kuzvitaura seizvi: Simba raJehovha rinoita kuti akwanise kuita zvinhu. Uchenjeri hwake uye kururama kwake ndozvinotungamirira maitiro aanoita zvinhu. Asi rudo ndirwo rwunomutuma kuti aite zvaanoita. Rudo rwunogara ruripo pazvese zvaanenge achiita.

      17 Tinowanzotaura kuti Jehovha ndiye muenzaniso mukuru werudo. Saka kana tichida kudzidza nezverudo, tinofanira kudzidza nezvaJehovha. Ichokwadi kuti vanhu vanoratidzawo rudo. Asi nei vachikwanisa kurwuratidza? Panguva yaakasika zvinhu, Jehovha akataura mashoko aya kuMwanakomana wake: “Ngatiitei munhu nemufananidzo wedu, akafanana nesu.” (Genesisi 1:26) Pazvisikwa zvese zviri panyika, vanhu chete ndivo vanokwanisa kusarudza kuratidza rudo vachitevedzera Baba vavo vekudenga. Yeuka kuti Jehovha akashandisa zvisikwa zvakasiyana-siyana kuti zvifananidzire zvaari. Asi Jehovha akasarudza chisikwa chakakwirira kupfuura zvimwe zvese pasi pano, munhu, semufananidzo werudo.—Ezekieri 1:10.

  • “Akatanga Kutida”
    Swedera Pedyo naJehovha
    • b Pane mamwe mashoko akanyorwa seizvi muMagwaro. Mimwe mienzaniso yacho ndeiyi: “Mwari chiedza” uye “Mwari . . . moto unoparadza.” (1 Johani 1:5; VaHebheru 12:29) Asi apa mashoko akadai anofanira kunzwisiswa seekufananidzira, nekuti Jehovha ari kufananidzwa nezvinhu zvinotooneka. Jehovha akafanana nechiedza pakuti mutsvene uye akarurama. Maari hamuna “rima,” kana kuti kusachena. Uye anogona kufananidzwa nemoto pamashandisiro aanoita simba rake rekuparadza.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe