Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Johane wokutanga 4:18 inotiudza, kuti: “Hakuna kutya murudo; asi rudo, rwakakwana, runodzinga kutya.” Asi Petro akanyora, kuti: “Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari.” (1 Petro 2:17) Tinogona sei kutsinhiranisa ndima mbiri idzi?
Vose vari vaviri Petro naJohane vakanga vari vaapostora vakanga vadzidza zvakananga kuna Jesu Kristu amene. Tinogona nokudaro kuva nechivimbo chokuti zvavakanyora zvinotsinhirana. Pamusoro pendima dzakanokorwa mashoko pamusoro apa, mhinduro ndeyokuti vaapostora vacho vaviri vakanga vachitaura pamusoro pamarudzi akasiyana ekutya.
Ngatitange kurangarira zano raPetro. Sezvinoratidza mashoko akapoteredza, Petro akanga achipa vaKristu biyake zano rakafuridzirwa pamusoro pechimiro chavo chendangariro kuna avo vane chiremera. Namamwe mashoko, akanga achitsinhira pamusoro pomurangariro wakafanira wokuzviisa pasi mune dzimwe nzvimbo. Nokudaro, akapa zano vaKristu nokuzviisa pasi pevanhu vaiva nenzvimbo dzine chiremera muhurumende dzavanhu, vakadai samadzimambo kana kuti magavhuna. (1 Petro 2:13, 14) Achipfuurira, Petro akanyora, kuti: “Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari. Kudzai mambo.”—1 Petro 2:17.
Tichirangarira mashoko akapoteredza, kwakajeka kuti apo Petro akataura kuti vaKristu vanofanira “kutya Mwari,” akareva kuti tinofanira kuva noruremekedzo rukuru, rwokuremekedza nokuda kwaMwari, kutya kusafadza chiremera chikurusa.—Enzanisa naVaHebheru 11:7.
Zvakadini netsinhiro yomuapostora Johane? Pakuvamba muna 1 Johane ganhuro 4, muapostora wacho akabata nokudikanwa kwokuedza “kutaura kwakafuridzirwa” souko kunobva kuvaporofita venhema. Kutaura ikoko zvirokwazvo hakubve kuna Jehovha Mwari; kunobva kana kuti kunoratidzira nyika yakaipa.
Mukupesana, vaKristu vakazodzwa “vanobva kuna Mwari.” (1 Johane 4:1-6) Zvakwakadaro, Johane akakurudzira, kuti: “Vadikanwa, ngatidane; nokuti rudo runobva kuna Mwari.” Mwari akatanga kuratidza rudo—aka“tuma Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro rwezvivi zvedu.” (1 Johane 4:7-10) Tinofanira kuita sei?
Nenzira yakajeka, tinofanira kuramba tiri muhumwe naMwari wedu anorudo. Hatifaniri kumutya kana kuti kubvundiswa nekariro yokumusvika mumunyengetero. Pakuvamba Johane akapa zano, kuti: “Kana mwoyo usingatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMwari; uye zvose zvatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinochengeta mirayiro yake.” (1 Johane 3:21, 22) Hungu, hana yakanaka inotipa rusununguko rwokusvika Mwari tisina rutyo runokuvadza kana kuti runoganhurira. Norudo, tinonzwa takasununguka kunangidzira, kana kuti kusvika, Jehovha mumunyengetero. Muna ikoku, “hakuna kutya murudo.”
Ngatibatanidzei mifungo yacho miviri ipapo. MuKristu anofanira nguva dzose kuva nokutya Jehovha nenzira yokuremekedza, kunobva mukuremekedza kukuru nzvimbo yake, simba, uye ruramisiro. Asi tinodawo Mwari saBaba vedu uye kunzwa kuva pedyo naye uye rusununguko rwokumusvika. Panzvimbo pokudziviswa nekumutya kupi nokupi, tinovimba kuti tinogona kumusvika, semwana anonzwa akasununguka kusvika mubereki anorudo.—Jakobho 4:8.