RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 8/1 pp. 4-6
  • Pakupedzisira—Ruramisiro Nokuda Kwavose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pakupedzisira—Ruramisiro Nokuda Kwavose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vimbiso Yatinogona Kudavira
  • Kusaruramisira Kunogona Kukurirwa
  • Kudyara Mbeu Dzokururama
  • Zvichazomboitika Here Kuti Vanhu Vatongwe Zvakarurama?
    Dzimwe Nyaya
  • Ruramisiro Yechokwadi Nokururama—Zvinobva Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • “Nzira Dzake Dzese Dzakarurama”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Tevedzera Jehovha—Shandisa Ruramisiro Nokururama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 8/1 pp. 4-6

Pakupedzisira—Ruramisiro Nokuda Kwavose

“Tichaedza kuteerera nenzira itsva . . . manzwi akakuvadzwa, manzwi anonetseka, manzwi asisina tariro yokunzwiwa. . . . Zvasara kushandisa zviri mumutemo: kuvimbisa kuti pakupedzisira sezvo vose vanoberekwa vane chiremera chakaenzana kuna Mwari, vose vanoberekwa vane chiremera chakaenzana kumunhu.”—Hurukuro yokugadzwa kwaPurezidhendi Richard Milhous Nixon, weU.S., 20 January, 1969.

APO madzimambo, mapurezidhendi, uye maprime minister vanotanga kushanda, vanoda kutaura nezveruramisiro. Richard Nixon, aimbova purezidhendi weUnited States, akanga asina kusiyana. Asi mashoko ake akasimba anorasikirwa nokukosha kwawo paanorangarirwa nenzira yakasiyana yenhau. Kunyange zvazvo akavimbisa ‘kushandisa mutemo,’ Nixon gare gare akawanikwa ane mhaka yokuputsa mutemo uye akamanikidzwa kusiya basa rake. Makore makumi matatu gare gare, ‘manzwi akakuvadzwa, anonetseka, uye akaodzwa mwoyo’ anoramba achichemera kunzwiwa.

Kunzwa manzwi akadaro uye kupedza kunyunyuta kwao hazvisi basa riri nyore, sokuona kwakaita vatungamiriri vakawanda vane vavariro dzakanaka. ‘Ruramisiro nokuda kwavose’ yakabvumikisa kuva vavariro isingawaniki. Kunyange zvakadaro, mazana amakore akawanda apfuura, vimbiso yakaitwa yakafanirwa nokurangarira kwedu—vimbiso yakasiyana ine chokuita neruramisiro.

Kupfurikidza nomuporofita wake Isaya, Mwari akavimbisa vanhu Vake kuti aizovatumira “muranda” waaizosarudza iye pachake. “Ndakaisa Mweya wangu pamusoro pake,” Jehovha akavaudza kudaro. “Uchavigira vanhu kururamisirwa muzvokwadi.” (Isaya 42:1-3) Hapana mutongi ari munhu angaedza kuita kuzivisa zvakakura zvakadaro, kungareva ruramisiro isingaperi kumarudzi ose. Vimbiso iyi inogona kuvimbwa nayo here? Chinhu chikuru kudaro chingazombogona kuwanwa here?

Vimbiso Yatinogona Kudavira

Vimbiso yakangonaka bedzi kana munhu wacho achiiita. Munhau iyi, hapana mumwe kunze kwaMwari Wamasimba Ose anozivisa kuti “muranda” wake uchatanga ruramisiro munyika yose. Kusafanana navezvematongerwe enyika, Jehovha haarerutsi vimbiso. ‘Hazvibviri kuti areve nhema,’ Bhaibheri rinotivimbisa kudaro. (VaHebheru 6:18) “Zvandakasarudza kuita zvichaitwa,” Mwari anozivisa kudaro nesimba.—Isaya 14:24, Today’s English Version.

Chivimbo chedu muvimbiso iyoyo chinosimbiswawo nechinyorwa cho“muranda” akasarudzwa waMwari, Jesu Kristu. Uyo aizotanga ruramisiro anofanira kuda ruramisiro ndokurarama zvakarurama. Jesu akasiya chinyorwa chisina kusvibiswa somunhu ‘aida kururama uye aivenga kusateerera mutemo.’ (VaHebheru 1:9) Zvaakataura, mararamiro aakaita, uye kunyange nzira yaakafa nayo, zvose zvakabvumikisa kuti zvechokwadi akanga ari munhu akarurama. Pakufa kwaJesu, mumwe mukuru mukuru weuto reRoma, uyo sezviri pachena akapupurira zvose zviri zviviri kutongwa nokuurawa kwaJesu, akasundwa kuti: “Zvirokwazvo, munhu uyu wakanga akarurama.”—Ruka 23:47.

Kunze kwokuzviraramira zvakarurama, Jesu akadzivisa kusaruramisira kwakanga kwakapararira kwazvo muzuva rake. Akaita izvi, kwete kupfurikidza nokumukira kana kuti kupandukira, asi kupfurikidza nokudzidzisa ruramisiro yechokwadi kuvanhu vose vaiteerera. Mharidzo yake yapaGomo kutsanangurwa kwounyanzvi kwenzira iyo ruramisiro nokururama zvinofanira kushandiswa nayo.—Mateo, maganhuro 5-7.

Jesu aishandisa zvaaidzidzisa. Haana kutarisira pasi vane maperembudzi vaitambura, “vainyangadza” venzanga yechiJudha. Panzvimbo pezvo, akataura navo, akavabata, uye akatovaporesa. (Marko 1:40-42) Vanhu vose vaakasangana navo, kubatanidza varombo navaidzvinyirirwa, vaikosha kwaari. (Mateo 9:36) “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai,” akavaudza kudaro.—Mateo 11:28.

Kupfuura zvose, Jesu akaramba kuti kusaruramisira kwakanga kwakamupota kumushatise kana kuti kumushatirise. Haana kumbodzorera chakaipa nechakaipa. (1 Petro 2:22, 23) Kunyange paakanga achirwadziwa zvikuru, akanyengeterera varwi vakamuroverera kuna Baba vake vokudenga. “Baba, muvakanganwire,” akakumbira kudaro, “nokuti havazivi chavanoita.” (Ruka 23:34) Zvechokwadi, Jesu ‘akajekesera marudzi kuti ruramisiro chii.’ (Mateo 12:18) Chibvumikiso chipi chikuru chatinacho chechishuvo chaMwari chokutanga nyika yakarurama chinopfuura muenzaniso mupenyu woMwanakomana wake pachake?

Kusaruramisira Kunogona Kukurirwa

Chibvumikiso chipenyu chokuti kusaruramisira kunogona kukurirwa chinowanikwawo munyika yanhasi. Somunhu mumwe nomumwe, uyewo sesangano, Zvapupu zvaJehovha zvinovavarira kukurira kufungirana, kusarura, urudzi, uye masimba masimba. Rangarira muenzaniso unotevera.

Pedroa aidavira kuti kumukira yakanga iriyo nzira bedzi yokuunza nayo ruramisiro kuNyika yeBasque, nharaunda yeSpain kwaaigara. Nemhaka yeizvi akava mutezo wesangano ramagandanga iro rakamurovedza zvehondo muFrance. Angopedza kurovedzwa kwake, akarayirwa kuti aumbe boka ramagandanga ndokuparadza nzvimbo dzinogara mapurisa. Boka rake rakanga rava kutogadzirira zvinoputika paakasungwa namapurisa. Akapedza mwedzi 18 ari mujeri, asi kunyange akasungwa akapfuurira nebasa rake rezvematongerwe enyika, achitora rutivi mukuramwa zvokudya nokucheka maoko ake pane imwe nhambo.

Pedro aifunga kuti akanga ari kurwira ruramisiro. Ipapo akaziva Jehovha nezvinangwa zvake. Pedro paakanga ari mujeri, mudzimai wake akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye paakabudiswa, akamukoka kuti apinde mumwe wemisangano yavo. Akafarikanya nhambo yacho kwazvo zvokuti akakumbira fundo yeBhaibheri, fundo yakamutungamirira kuita kuchinja kukuru muchitarisiko chake nemararamiro ake. Pakupedzisira, muna 1989, vose vari vaviri Pedro nomudzimai wake vakabhabhatidzwa.

“Ndinoonga Jehovha kuti handina kumbouraya munhu upi noupi chaizvoizvo mumakore angu segandanga,” anodaro Pedro. “Zvino ndinoshandisa munondo womudzimu waMwari, Bhaibheri, kuti ndipe vanhu shoko rorugare rwechokwadi neruramisiro—mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.” Munguva pfupi yapfuura Pedro, uyo zvino anoshanda somukuru weZvapupu zvaJehovha, akashanyira nzvimbo inogara mapurisa yaakanga achida kuparadza. Nguva ino akaendera chinangwa chokuparidza shoko rorugare kumhuri dzinogara ikoko.

Zvapupu zvaJehovha zvinochinja izvi nemhaka yokuti zvinoshuva nyika yakarurama. (2 Petro 3:13) Kunyange zvazvo zvichivimba zvakazara chipikirwa chaMwari chokuunza izvi, zvinoziva kuti mutoro wazvowo kurarama maererano neruramisiro. Bhaibheri rinotijekesera kuti Mwari anotikarira kuti tiite rutivi rwedu.

Kudyara Mbeu Dzokururama

Chokwadi, patinotarisana nokusaruramisira, tinganzwa tichida kudanidzira kuti: “Mwari wezvakarurama uripiko?” Ndiko kwakanga kuri kudanidzira kwavaJudha vomuzuva raMaraki. (Maraki 2:17) Mwari akarangarira kunyunyuta kwavo zvakakomba here? Mukupesana, zvakamuita kuti anzwe a“net[s]wa” nemhaka yokuti, pane zvimwe zvinhu, ivo pachavo vakanga vari kubata vakadzi vavo vakanga vakura nokunyengera, vachivarambira zvikonzero zviduku-duku. Jehovha akaratidza kunetseka kwake pamusoro pe‘vadzimai voupwere hwavo, vavakanga vabata nokunyengera, kunyange zvazvo vakanga vari vakwanyina vavo navadzimai vesungano yavo.’—Maraki 2:14.

Tinogona kunyunyuta zvakarurama pamusoro pokusaruramisira kana isu pachedu tichiita nenzira isina kururama here? Pane rumwe rutivi, kana tikaedza kutevedzera Jesu kupfurikidza nokubvisa kufungirana nourudzi mumwoyo yedu, kupfurikidza nokuva vasingasaruri uye vane rudo kuvose, uye kupfurikidza nokusadzorera chakaipa nechakaipa, tinoratidza kuti tinoda ruramisiro zvechokwadi.

Kana tichizowana ruramisiro, Bhaibheri rinotikurudzira ku‘dyara mbeu mukururama.’ (Hosea 10:12) Pasinei zvapo nokuti kungaratidzika kuri kuduku sei, kukurira kusaruramisira kwose somunhu oga kunokosha. Sokunyora kwakaita Martin Luther King, Jr., muTsamba yake Inobva Kujeri reBirmingham, “kusaruramisira kuri kunzvimbo ipi neipi kunotyisidzira kururamisira kwose kwose.” Avo vano“tsvaka kururama” vanhu vanosarudzwa naMwari kuti vagare nhaka nyika yake itsva yakarurama ichakurumidza kuuya.—Zefania 2:3.

Hatigoni kuvakira tariro yedu yokururamisira pahwaro husina kusimba hwezvinovimbiswa navanhu, asi tinogona kuvimba neshoko roMusiki wedu ane rudo. Ndicho chikonzero nei Jesu akaudza vateveri vake kuti varambe vachinyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye. (Mateo 6:9, 10) Jesu, Mambo akagadzwa woUmambo ihwohwo, “ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi.”—Pisarema 72:12, 13.

Nenzira yakajeka, kusaruramisira hakusi kwechigarire. Kutonga kwaKristu pasi rose kuchakurira kusaruramisira nokusingaperi, sokuvimbiswa kwatinoitwa naMwari kupfurikidza nomuporofita wake Jeremia: “Nguva iri kuuya yandichaita zvipikirwa zvandakaita . . . Panguva iyoyo ndichasarudza muzukuru akarurama waDhavhidhi samambo. Mambo iyeye achaita zvakarurama uye zvakanaka munyika yose.”—Jeremia 33:14, 15, TEV.

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rokutsiva.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe