-
1914—Gore Rinokosha Muuprofita hweBhaibheriBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
-
-
wokudenga kwave kuchiratidzwa nezviitiko zvenyika zvikuru—hondo, nzara, kudengenyeka kwenyika uye matenda. (Mateu 24:3-8; Ruka 21:11) Zviitiko zvakadaro zvinopa uchapupu hune simba hunoratidza kuti zvechokwadi 1914 akaratidza kuberekwa kwoUmambo hwaMwari hwokudenga uye kutanga kwe“mazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino.—2 Timoti 3:1-5.
-
-
Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani?Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
-
-
MASHOKO OKUWEDZERA
Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani?
CHISIKWA chomudzimu chinonzi Mikaeri hachiwanzotaurwi muBhaibheri. Zvisinei, pachinotaurwa, chinenge chichibishaira. Mubhuku raDhanieri, Mikaeri anenge achirwa nengirozi dzakaipa; mutsamba yaJudha, anenge achiita nharo naSatani; uye muna Zvakazarurwa, anenge achirwa naDhiyabhorosi nemadhimoni ake. Nokudzivirira kutonga kwaJehovha uye kurwisa vavengi vaMwari, Mikaeri anorarama maererano nezvinorehwa nezita rake—“Ndiani Akaita saMwari?” Asi Mikaeri ndiani?
Dzimwe nguva, vanhu vanozivikanwa nemazita anopfuura rimwe chete. Somuenzaniso, tateguru Jakobho anozivikanwawo saIsraeri, uye muapostora Petro saSimoni. (Genesisi 49:1, 2; Mateu 10:2) Saizvozvowo, Bhaibheri rinoratidza kuti Mikaeri nderimwe zita raJesu Kristu, asati ararama pano pasi uye pashure pokurarama kwake pasi pano. Ngatifungei nezvezvikonzero zvinobva muMagwaro nei tichidaro.
Ngirozi huru. Shoko raMwari rinotaura nezvaMikaeri “ngirozi huru.” (Judha 9) Ona kuti Mikaeri anonzi ngirozi huru. Izvi zvinoratidza kuti panongova nengirozi imwe chete yakadaro. Kutaura chokwadi, mashoko okuti “ngirozi huru” anowanika muBhaibheri achitaura nezvomunhu mumwe chete, kwete vakawanda. Uyezve, Jesu ane chokuita nenzvimbo yengirozi huru. NezvaIshe Jesu Kristu akamutswa, 1 VaTesaronika 4:16 inoti: “Ishe achaburuka kudenga achishevedzera nesimba, nenzwi rengirozi huru.” Saka inzwi raJesu rinotsanangurwa seriya rengirozi huru. Naizvozvo rugwaro urwu runoratidza kuti Jesu pachake ndiye ngirozi yacho huru, Mikaeri.
Mutungamiriri weuto. Bhaibheri rinotaura kuti “Mikaeri nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni . . . nengirozi dzayo.” (Zvakazarurwa 12:7) Saka, Mikaeri ndiye Mutungamiriri weuto rengirozi dzakatendeka. Bhuku raZvakazarurwa rinotsanangura Jesu soMutungamiriri weuto rengirozi dzakatendeka. (Zvakazarurwa 19:14-16) Uye muapostora Pauro anotaura zvakananga nezva“Ishe Jesu” ne“ngirozi dzake dzine simba.” (2 VaTesaronika 1:7) Naizvozvo Bhaibheri rinotaura nezvaMikaeri ne“ngirozi dzake” uye Jesu ne“ngirozi dzake.” (Mateu 13:41; 16:27; 24:31; 1 Petro 3:22) Sezvo Shoko raMwari pasina parinoratidza kuti pane mauto maviri engirozi dzakatendeka kudenga—rimwe rinotungamirirwa naMikaeri uye rimwe rinotungamirirwa naJesu—zvine musoro kugumisa kuti Mikaeri ndiye chete Jesu Kristu pabasa rake rokudenga.a
a Mamwe mashoko anoratidza kuti zita rokuti Mikaeri rinoshanda kuMwanakomana waMwari anowanika muVhoriyamu 2, mapeji 393-4, yebhuku rinonzi Insight on the Scriptures, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
-
-
Kuziva “Bhabhironi Guru”Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
-
-
MASHOKO OKUWEDZERA
Kuziva “Bhabhironi Guru”
BHUKU raZvakazarurwa rine mashoko asingafaniri kunzwisiswa sezvaari chaizvo. (Zvakazarurwa 1:1) Somuenzaniso, rinotaura nezvomukadzi akanyorwa zita rokuti “Bhabhironi Guru” pahuma yake. Mukadzi uyu anonzi akagara pamapoka evanhu nemarudzi.” (Zvakazarurwa 17:1, 5, 15) Sezvo pasina mukadzi chaiye angaita izvi, Bhabhironi Guru rinofanira kuva rokufananidzira. Saka, hure iri rokufananidzira rinomirirei?
Pana Zvakazarurwa 17:18, mukadzi wokufananidzira mumwe chete iyeye anorondedzerwa se“guta guru rine umambo pamusoro pemadzimambo enyika.” Shoko rokuti “guta” rinoratidza boka revanhu vakarongeka. “Guta guru” iri zvarinodzora “madzimambo enyika,” mukadzi wacho anonzi Bhabhironi
-