RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zuva Rokutongwa—Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
    • Zuva Rokutongwa richapa mabhiriyoni evanhu mukana wavo wokutanga wokuti vadzidze zvinodiwa naMwari uye kuti vaite maererano nazvo. Izvi zvinoreva kuti pachava nebasa guru rokudzidzisa. Zvechokwadi, “vagari vomunyika inobereka vachadzidza kururama.” (Isaya 26:9) Zvisinei, havasi vose vanenge vachida kuita maererano nezvinoda Mwari. Isaya 26:10 inoti: “Kunyange munhu akaipa akanzwirwa nyasha, haazombodzidzi kururama. Achaita zvisina kururama munyika yokururama uye haazooni ukuru hwaJehovha.” Vakaipa ava vachaurayiwa zvachose munguva yeZuva Rokutongwa.—Isaya 65:20.

      Panozopera Zuva Rokutongwa, vanhu vanopona vanenge ‘vava vapenyu’ zvizere sevanhu vakakwana. (Zvakazarurwa 20:5) Saka munguva yeZuva Rokutongwa vanhu vachadzorerwa pakukwana kwaivapo pakutanga. (1 VaKorinde 15:24-28) Panguva iyoyo pachava nomuedzo wokupedzisira. Satani achasunungurwa mujeri rake, obvumirwa kuedza kutsausa vanhu kokupedzisira. (Zvakazarurwa 20:3, 7-10) Vaya vanomurwisa vachawana kuzadzika kuzere kwechipikirwa cheBhaibheri chinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Chokwadi, Zuva Rokutongwa richava chikomborero kuvanhu vose vakatendeka!

  • 1914—Gore Rinokosha Muuprofita hweBhaibheri
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
    • MASHOKO OKUWEDZERA

      1914—Gore Rinokosha Muuprofita hweBhaibheri

      KUCHINE makumi emakore, vadzidzi veBhaibheri vakazivisa kuti muna 1914 maizova nezviitiko zvinokosha. Izvozvi zvaiva chii, uye uchapupu hupi hunoratidza 1914 kuva gore rinokosha zvakadaro?

      Sezvakanyorwa pana Ruka 21:24, Jesu akati: “Jerusarema richatsikwa-tsikwa nemamwe marudzi, kusvikira nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi [“nguva dzavahedheni,” Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona] dzakwana.” Jerusarema raimbova riri guta guru rorudzi rwechiJudha—maiva nechigaro chokutonga chemadzimambo aitevedzana eimba yaMambo Dhavhidhi. (Pisarema 48:1, 2) Zvisinei, madzimambo aya akanga akasiyana nevamwe vatungamiriri venyika. Iwo aigara pa“chigaro choumambo chaJehovha” sevamiririri vaMwari pachake. (1 Makoronike 29:23) Saka, Jerusarema rakanga riri chiratidzo chokutonga kwaJehovha.

      Zvisinei, kutonga kwaMwari kwaizotanga ku“tsikwa-tsikwa nemamwe marudzi” sei uye rini? Izvi zvakaitika muna 607 B.C.E. Jerusarema parakakundwa nevaBhabhironi. Hapana akava pa“chigaro choumambo chaJehovha,” uye madzimambo aitevedzana akabva kuna Dhavhidhi akambomiswa. (2 Madzimambo 25:1-26) ‘Kutsika-tsika’ uku kwaizopfuurira nokusingaperi here? Kwete, nokuti uprofita hwaEzekieri hwakati nezvamambo wokupedzisira weJerusarema, Zedhekiya: “Bvisa ngowani, ubvise korona. . . . Izviwo, hazvizovi zvomunhu chero upi zvake kusvikira ane kodzero yepamutemo asvika, uye ndichamupa izvozvo.” (Ezekieri 21:26, 27) Munhu wacho ane “kodzero yepamutemo” yokuwana korona yaDhavhidhi ndiKristu Jesu. (Ruka 1:32, 33) Saka ‘kutsika-tsika’ kwacho kwaizoguma Jesu paaizova Mambo.

      Chiitiko ichocho chinokosha chaizoitika rini? Jesu akaratidza kuti Vemamwe Marudzi vaizotonga kwenguva yakatarwa. Nhoroondo iri muchitsauko 4 chaDhanieri ine mashoko anotibatsira kuziva kuti nguva iyoyo yaizova yakareba zvakadini. Inorondedzera hope dzouprofita dzakarotwa naMambo Nebhukadhinezari weBhabhironi. Akaona muti mukuru kwazvo wakatemerwa pasi. Chigutsa chawo chaisagona kukura nokuti chakanga chakasungwa nesimbi uye ndarira. Ngirozi yakazivisa kuti: “Nguva nomwe ngadzipfuure chiripo.”—Dhanieri 4:10-16.

      MuBhaibheri, dzimwe nguva miti inoshandiswa kumirira kutonga. (Ezekieri 17:22-24; 31:2-5) Saka kutemwa kwomuti wokufananidzira kunoratidza kuti kutonga kwaMwari kwaiitwa pachishandiswa madzimambo aiva muJerusarema, kwaizombomiswa. Zvisinei, zvakaratidzwa zvacho zvakazivisa kuti uku ‘kutsikwa-tsikwa kweJerusarema’ kwaizova kwenguva duku chete—“nguva nomwe.” Iyoyo inguva yakareba zvakadini?

      Zvakazarurwa 12:6, 14 inoratidza kuti nguva nhatu nehafu dzakaenzana ne“mazuva ane chiuru nemazana maviri nemakumi matanhatu.” Saka, “nguva nomwe” dzaizova dzakareba kakapetwa kaviri, kana kuti mazuva 2 520. Asi mamwe marudzi haana kurega ‘kutsika-tsika’ kutonga kwaMwari mazuva 2 520 chete pashure pokunge Jerusarema raparara. Saka zviri pachena kuti uprofita uhwu ndohwenguva yakareba. Tichitorera pana Numeri 14:34 uye Ezekieri 4:6, anotaura nezve“zuva richiva gore,” “nguva nomwe” dzaizova makore 2 520.

      Makore acho 2 520 akatanga muna October 607 B.C.E., Jerusarema parakaparadzwa nevaBhabhironi uye mambo weimba yaDhavhidhi paakabviswa pachigaro chake choumambo. Nguva yacho yakaguma muna October 1914. Panguva iyoyo, “nguva dzakatarwa dzemamwe marudzi” dzakaguma, uye Jesu Kristu akagadzwa saMambo waMwari wokudenga.a—Pisarema 2:1-6; Dhanieri 7:13, 14.

      Sezvakanga zvafanotaurwa naJesu, “kuvapo” kwake saMambo wokudenga kwave kuchiratidzwa nezviitiko zvenyika zvikuru—hondo, nzara, kudengenyeka kwenyika uye matenda. (Mateu 24:3-8; Ruka 21:11) Zviitiko zvakadaro zvinopa uchapupu hune simba hunoratidza kuti zvechokwadi 1914 akaratidza kuberekwa kwoUmambo hwaMwari hwokudenga uye kutanga kwe“mazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino.—2 Timoti 3:1-5.

      [Dhaigiramu/Mifananidzo iri papeji 216]

      a Kubva muna October 607 B.C.E. kusvika pana October 1 B.C.E. pane makore 606. Sezvo pasina gore razero, kubva pana October 1 B.C.E. kusvika muna October 1914 C.E. pane makore 1 914. Kana tikasanganisa makore 606 nemakore 1 914, tinowana makore 2 520. Kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita nokuparara kweJerusarema muna 607 B.C.E., ona nyaya inoti “Chronology” mubhuku rinonzi Insight on the Scriptures, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

  • Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
    • MASHOKO OKUWEDZERA

      Mikaeri Ngirozi Huru Ndiani?

      CHISIKWA chomudzimu chinonzi Mikaeri hachiwanzotaurwi muBhaibheri. Zvisinei, pachinotaurwa, chinenge chichibishaira. Mubhuku raDhanieri, Mikaeri anenge achirwa nengirozi dzakaipa; mutsamba yaJudha, anenge achiita nharo naSatani; uye muna Zvakazarurwa, anenge achirwa naDhiyabhorosi nemadhimoni ake. Nokudzivirira kutonga kwaJehovha uye kurwisa vavengi vaMwari, Mikaeri anorarama maererano nezvinorehwa nezita rake—“Ndiani Akaita saMwari?” Asi Mikaeri ndiani?

      Dzimwe nguva, vanhu vanozivikanwa nemazita anopfuura rimwe chete. Somuenzaniso, tateguru Jakobho anozivikanwawo saIsraeri, uye muapostora Petro saSimoni. (Genesisi 49:1, 2; Mateu 10:2) Saizvozvowo, Bhaibheri rinoratidza kuti Mikaeri nderimwe zita raJesu Kristu, asati ararama pano pasi uye pashure pokurarama kwake pasi pano. Ngatifungei nezvezvikonzero zvinobva muMagwaro nei tichidaro.

      Ngirozi huru. Shoko raMwari rinotaura nezvaMikaeri “ngirozi huru.” (Judha 9) Ona kuti Mikaeri anonzi ngirozi huru. Izvi zvinoratidza kuti panongova nengirozi imwe chete yakadaro. Kutaura chokwadi, mashoko okuti “ngirozi huru” anowanika muBhaibheri achitaura nezvomunhu mumwe chete, kwete vakawanda. Uyezve, Jesu ane chokuita nenzvimbo yengirozi huru. NezvaIshe Jesu Kristu akamutswa, 1 VaTesaronika 4:16 inoti: “Ishe achaburuka kudenga achishevedzera nesimba, nenzwi rengirozi huru.” Saka inzwi raJesu rinotsanangurwa seriya rengirozi

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe