RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 2/1 pp. 10-12
  • Kuranga Vana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuranga Vana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wanai Nguva Yokuva Pamwe Chete Muri Vaviri
  • Ratidzai Kuti Munowirirana Pakuranga Kwamunoita Vana
  • Kurera Vana Ngakuite Kuti Mutowedzera Kudanana
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kuchinja Kunoita Zvinhu Murume Nomudzimai Pavanova Nevana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 2/1 pp. 10-12

Mazano Okuti Mhuri Ifare

Kuranga Vana

John:a Vabereki vangu vasati vandiranga vaiedza kunzwisisa kuti zvii zvainge zvaita kuti ndikanganise. Ndinoedza kuvatevedzera pandinenge ndichiruramisa vanasikana vangu. Mudzimai wangu Alison akarerwa zvakasiyana nezvandakaitwa. Vabereki vake vaingorova vana vasina kutaura navo. Zvinoratidza sokuti vaive vasina basa nokuti zvii zvingave zvaitika. Dzimwe nguva ndinombofunga kuti mudzimai wangu anoranga vana vedu zvine hasha.

Carol: Baba vangu vakatisiya ndingori nemakore mashanu. Vakanga vasingambotifariri, ini nevanun’una vangu. Amai vangu vaishanda zvakaoma kuti vatiriritire, uye ndaive nebasa guru rokutarisira vanun’una vangu. Zvaive zvakaoma kuti ndinakidzwe nokutamba nevamwe vana sezvo ndaifanira kuita basa rinoitwa nevabereki. Kusvikira iye zvino, handina nguva yokutamba asi ndiri munhu anonyanya kudzamisa pfungwa pane zvose zvose. Pandinenge ndichifanira kuranga vana vangu, ndinonyanya kufunga uye ndinonetseka. Ndinoda kuziva nei zvaitika uye kuti mwana wangu anga achifungei. Asi, murume wangu Mark haanyanyi kunetseka mupfungwa pane zvinenge zvaitika. Akarerwa nababa vaiva norudo asi vairanga, avo vaiva vakavimbika pakutarisira amai vake. Murume wangu anokurumidza kugadzirisa zvinetso nevanasikana vedu. Anoongorora kuti chii chaitika, oruramisa zvinhu, obva arega kuzvinetsa nezvazvo.

SEZVINORATIDZWA nezvakataurwa naJohn naCarol, marererwo awakaitwa anewo zvaanoita pakuranga kwaunoita vana vako. Murume nomudzimai pavanenge vakarerwa zvakasiyana, vanowanzova nemafungiro akasiyana pakudzidzisa vana. Dzimwe nguva, kusiyana kwemafungiro ikoko kunokonzera zvinetso mumhuri.

Zvinetso zvinogona kuwedzera nokuti vabereki vanenge vaneta. Vabereki vanenge vachangotanga kuita vana vanoona kuti kuranga vana ibasa raunogara uchiita uye rinonetesa. Joan, uyo akarera vanasikana vaviri nomurume wake Darren, anoti: “Ndinoda vanasikana vangu, asi vaisada kurara nguva dzandaida kuti varare. Vaimuka nguva dzavaifanira kunge vakarara. Vaindikanganisa pandaida kutaura. Vaisiya shangu, mbatya, uye matoyi avo panze uye vaisiya chikafu chisina kurongedzwa.”

Jack, ane mudzimai akatambura nechirwere chokushungurudzika mupfungwa paakasununguka mwana wavo wechipiri, anoti: “Ndaiwanzodzoka kubva kubasa ndakaneta uye ndaitarisira mucheche wedu kusvikira pakati pousiku. Izvi zvaitiomera kuti tirambe tichiranga uye kurayira mwanasikana wedu wedangwe. Akanga ava kuita shanje nokuti takanga tava kupedza nguva yakawanda tichitarisira munun’una wake.”

Vabereki vakaneta pavanotadza kuwirirana kuti vanofanira kudzidzisa sei mwana, tunyaya tudiki tunogona kukura kuita chinetso chihombe. Kana zvinetso zvikasagadziriswa zvinogona kuita kuti vabereki vasave noukama hwakanaka zvoita kuti mwana ashandise mumwe mubereki kuti awane zvaanoda. Mazano api ari muBhaibheri angabatsira vabereki kuti varambe vakabatana pavanenge vachinyatsorera vana vavo?

Wanai Nguva Yokuva Pamwe Chete Muri Vaviri

Mwari akaronga kuti vaviri varoorane vasati vava nevana, uye vanofanira kuramba vari vose kana vana vabva pamba. Nezvokuroorana, Bhaibheri rinoti: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mateu 19:6) Asi, ndima imwe chete iyoyo inoratidza kuti Mwari akaronga kuti pakupedzisira mwana ‘azosiya baba vake naamai vake.’ (Mateu 19:5) Kutaura chokwadi, kurera vana nderimwewo remabasa anoitwa nevabereki, harisi iro musimboti wemhuri. Saka, vabereki vanofanira kuva nenguva yokudzidzisa vana vavo, asi vanofanirawo kuyeuka kuti kana ivo vachinyatsodanana ndipo pavanogona kunyatsorera vana vavo.

Chii chingaitwa nevabereki kuti varambe vaine ukama hwakanaka pamakore avanenge vachirera vana vavo? Kana zvichiita, wanai nguva yokuva pamwe chete vana vasipo. Kuita izvi kuchakubatsirai kukurukura nyaya dzomumhuri yenyu dzinokosha uye kuti munakidzwe nokutandara muri vaviri. Kutaura chokwadi, hazvisi nyore kuti muronge nguva yokuti munge muri vaviri zvenyu. Alison, amai vambotaurwa nezvavo pakutanga, vanoti, “Ini nomurume wangu patinenge tava kuti tawana nguva yokumbova toga, mwanasikana wedu muduku ndipo paanouya kana kuti mwanasikana wedu ane makore matanhatu anouya achiti ane dambudziko rakadai sokuti haasi kuona penzura dzake.”

Joan naDarren, vambotaurwa nezvavo, vakawana nguva yokuti vave voga pavakarongera vana vavo nguva yokurara. Joan anoti, “Nguva dzose vanasikana vedu taivapa nguva yokuti vange vatopinda mumagumbezi vachimirira kuti magetsi adzimwe. Zvaiita kuti ini naDarren titandare uye tikurukurirane.”

Kana vakaroorana vakaronga kuti vana vave nenguva yavanorara, hazvingovabatsiri chete kuwana nguva asi zvinobatsira mwana kuti “arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga.” (VaRoma 12:3) Pakupedzisira, vana vakadzidziswa kuti vane nguva yokurara vanonzwisisa kuti vanokosha mumhuri asi vanonzwisisawo kuti havasi ivo voga vanenge vachikosha—kuti vanofanira kutevedzera zvinodiwa mumhuri pane kuti mhuri iite zvavanenge vachida.

EDZAI IZVI: Rongai nguva yokuti vana vaende kunorara uye garai muchiona kuti ndiyo nguva yavari kurara. Kana mwana wenyu akati haakwanisi kurara nguva iyoyo nokuti ane zvaanoda kuita, zvakadai sokuti ari kuda kunwa mvura, munogona kumubvumira. Asi musarega mwana wenyu achinonoka kurara achingokumbira twunhu twusingaperi. Kana mwana wenyu akakumbira kuti ari kuda kuzorara papera maminitsi mashanu uye muchida kumubvumira, itai kuti wachi izorira kana maminitsi mashanu acho akwana. Kana bhero racho rarira, itai kuti mwana aende kunorara pasina zvimwe zvichemo. Itai kuti ‘Hungu wenyu angova Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.’—Mateu 5:37.

Ratidzai Kuti Munowirirana Pakuranga Kwamunoita Vana

Chirevo chouchenjeri chinoti, “Mwanakomana wangu, teerera kuranga kwababa vako, uye usasiya mutemo waamai vako.” (Zvirevo 1:8) Ndima yeBhaibheri iyi inoreva kuti vose baba naamai vane kodzero yokutungamirira vana vavo. Zvisinei, kunyange vakaroorana vakarerwa zvakafanana, vanogona kusawirirana kuti mwana anofanira kurangwa sei uye kuti mitemo ipi inofanira kugadzwa mumhuri. Vabereki vangagadzirisa sei dambudziko iri?

John ane mashoko ari kwokutanga, anoti, “Handifungi kuti zvakanaka kuti vana vaone kuti hamusi kubvumirana.” Zvisinei, anobvuma kuti hazvisi nyore kuti muwirirane pamunenge muchida kuranga vana. John anoti, “Vana vanocherechedza chaizvo. Kunyange tikasataura kuti hatisi kubvumirana, mwanasikana wedu anogona kuzviona kubva pamanzwiro edu.”

John naAlison vanoitei kana zvadai? Alison anoti: “Kana ndisingabvumirani nemarangiro anenge aitwa mwanasikana wedu nomurume wangu, ndinomirira kuti atange aenda kure kwaanenge asingatinzwi, ndobva ndataura manzwiro angu. Handidi kuti afunge kuti anogona kutiparadzanisa kana akaona kuti hatisi kubvumirana pakumuranga. Kana akaona kuti hatina kubvumirana, ndinomuudza kuti munhu wose ari mumhuri anofanira kutevedzera urongwa hwaJehovha uye kuti ini ndinofanira kuzviisa pasi pababa vake somusoro wemba sezvaanongofanira kuita iye, kuzviisa pasi pevabereki.” (1 VaKorinde 11:3; VaEfeso 6:1-3) John anoti: “Kana tiri pamwe chete semhuri, ndini ndinotora basa rokuranga vanasikana vedu. Asi kana Alison achinyatsoziva zvinenge zvaitika, ndinoita kuti iye avarange uye ini ndinenge ndichimutsigira. Kana pane zvandinenge ndisingabvumirani naye, ndinozotaura naye pave paya.”

Mungaita sei kuti kusabvumirana kwenyu pamusoro pokudzidzisa vana kusaguma kwaita kuti iwe newawakaroorana naye mugumburane—uye pakupedzisira vana venyu vanenge vasingachakuremekedzei?

EDZAI IZVI: Rongai nguva vhiki imwe neimwe yamunogara muchikurukura nezvokudzidzisa vana, uye kurukurai makasununguka pamusoro pezvamunenge musiri kubvumirana. Edza kunzwisisa zvinenge zvichitaurwa nomumwe wako, uye remekedza ukama hune mumwe wako nemwana.

Kurera Vana Ngakuite Kuti Mutowedzera Kudanana

Hapana mubvunzo kuti kurera vana ibasa rakaoma. Dzimwe nguva basa iri rinogona kuita sekuti riri kukupedza simba. Zvisinei, vana venyu vachazongobva pamba chete, uye muri vaviri muchanzwa zvamainzwa muchangoroorana. Muchato wenyu uchange wasimba here kana kuti uchange wava zinyekenyeke pamusana pokurera vana? Mhinduro yenyu inobva pakuti munoshandisa sei zano riri pana Muparidzi 4:9, 10 rinoti: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete, nokuti vane mubayiro wakanaka pabasa ravo rakaoma. Nokuti kana mumwe wavo akawa, mumwe wacho anogona kusimudza mumwe wake.”

Vabereki pavanoshanda pamwe chete, zvinogona kuguma nokugutsikana zvikuru. Carol, ane mashoko ari kwokutanga, anotaura manzwiro ake achiti: “Ndaiziva kuti murume wangu aiva nounhu hwakanaka zvikuru, asi kurera vana pamwe chete kwakaita kuti ndizive umwe unhu hwake hwandakanga ndisingazivi. Ndava kutonyanya kumuda nokumuremekedza nokuti ndakaona rudo rwaairatidza pakurera vanasikana vedu.” John achitaura nezvaAlison anoti, “Ndakawedzera kuda uye kuremekedza mudzimai wangu pandaiona achiva amai vane rudo.”

Kana uchiwana nguva yokuva nomumwe wako uye muchishanda pamwe chete pamakore amunenge muchirera vana, muchato wenyu uchawedzera kusimba panenge pachikura vana venyu. Muenzaniso upi wakanaka waungaratidza vana vako?

a Mazita akachinjwa.

ZVIBVUNZE KUTI . . .

  • Ndinotora nguva yakawanda zvakadini ndiine mumwe wangu vhiki imwe neimwe pasina vana?

  • Ndinotsigira sei mumwe wangu paanenge achiranga vana vedu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe