Rwiyo 132
Rwiyo Rwokukunda
Rakaprindwa
1. Jehovha Mwari zita rake iguru kwazvo.
Akanyudza mhandu dzake muGungwa Dzvuku.
Hakuna mumwe saMwari Wemasimbaose.
Ngatimurumbidze, ngatimuimbirei.
(KORASI)
Jehovha muri Mukurusa.
Munogara nokusingaperi.
Muchaparadza vavengi venyu,
Motsvenesa zita renyu.
2. Onai vanhu vanorwisana naJehovha,
Nyange vane simba, ivo vachanyadziswa.
Vachaparadzwa; havaponi Amagedhoni.
Vose vachaziva, zita rake Jehovha.
(KORASI)
Jehovha muri Mukurusa.
Munogara nokusingaperi.
Muchaparadza vavengi venyu,
Motsvenesa zita renyu.
(Onawo Pis. 2:2, 9; 92:8; Mar. 3:6; Zvak. 16:16.)