Rwiyo 3
“Mwari Rudo”
Rakaprindwa
1. Mwari Rudo, anotiti,
‘Fambai m’nzira yangu.’
Kuda Mwari uye vanhu,
Kwonatsa hunhu hwedu.
Izvi ndizvo zvinodiwa;
Hupenyu hwatinoda.
Hatizozvidembi kana
Tine rudo rwaKristu.
2. Kana tichida chokwadi,
Toda Mwari nevanhu.
Tikawa anotimutsa;
Iye otisimbisa.
Rudo harunawo godo,
Asi rwunoshivira.
Tiwedzere kuda hama,
Tinzwe kufadza kwarwo.
3. Usakundwe nechigumbu;
Chisambokukurira.
Tungamirirwa naMwari;
Dzidziswa mirayiro.
Kuda Mwari uye vanhu,
Ndirwo runonzi rudo.
Tiratidze vamwe rudo
RwaMwari nguva dzose.
(Onawo Mako 12:30, 31; 1 VaK. 12:31–13:8; 1 Joh. 3:23.)