RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Usarega Chero Chii Zvacho Chichikuendesa Kure naJehovha
    Nharireyomurindi—2013 | January 15
    • Usarega Chero Chii Zvacho Chichikuendesa Kure naJehovha

      “Zvisarudzirei nhasi wamuchashumira.”—JOSH. 24:15.

      EDZA KUPINDURA MIBVUNZO IYI:

      • Ungaita sei kuti basa rako risakuendesa kure naJehovha?

      • Ungasarudza sei zvinokuvaraidza uye zvinokuzorodza zvakanaka?

      • Kana wemumhuri akasiya Jehovha ungaitei kuti usanyanya kurwadziwa?

      1-3. (a) Nei Joshua ari muenzaniso wakanaka wemunhu akagona kusarudza muupenyu? (b) Patinenge tichisarudza zvokuita, tinofanira kuyeukei?

      NYAYA yokusarudza inyaya yakakosha. Munhu anogona kusarudza chero zvaanenge achida kuita noupenyu hwake. Somuenzaniso: Fungidzira munhu ari kufamba munzira asi osvika pamharadzano. Achasarudza ipi? Kana aine kwaari kuda kusvika, zviri pachena kuti imwe yacho ichamusvitsa pedyo nekwaari kuenda asi imwe yacho ichamuendesa kure.

      2 Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda yevanhu vakasangana nemamiriro ezvinhu akadaro. Somuenzaniso, Kaini aifanira kusarudza kuita zvaienderana nehasha dzake kana kuti kuzvidzora. (Gen. 4:6, 7) Joshua aifanira kusarudza kushumira Mwari wechokwadi kana kuti kunamata vanamwari venhema. (Josh. 24:15) Chinangwa chaJoshua chaiva chokugara ari pedyo naJehovha; saka akasarudza nzira yakamuendesa pedyo naye. Kaini ainge asina chinangwa ichocho, uye akasarudza nzira yakamuendesa kure naJehovha.

      3 Dzimwe nguva tinoita setasvika pamharadzano patinenge tichida kusarudza zvokuita. Kana zvikadaro, yeuka kwauri kuenda kana kuti chinangwa chako, chiya chokurumbidza Jehovha pane zvose zvaunoita uye kudzivisa chero chinhu chingakuendesa kure naye. (Verenga VaHebheru 3:12.) Munyaya ino neinotevera, tichaongorora zvinhu zvinomwe muupenyu zvatisingafaniri kurega zvichitiendesa kure naJehovha.

      BASA

      4. Nei kuwana zvokurarama nazvo kuchikosha?

      4 VaKristu vanofanira kuzviriritira uye kuriritira mhuri dzavo. Bhaibheri rinoratidza kuti kana munhu asingadi kuriritira mhuri yake, akaipa kupfuura munhu asingatendi kana kuti anenge aramba Jehovha. (2 VaT. 3:10; 1 Tim. 5:8) Saka zviri pachena kuti basa rinokosha muupenyu, asi kana ukasangwarira, rinogona kukuendesa kure naJehovha. Zvingaitika sei?

      5. Zvinhu zvipi zvinokosha zvatingafunga nezvazvo patinenge tichitsvaga basa?

      5 Ngatitii uri kutsvaga basa. Kana uchigara munyika inonetsa mabasa, ungava nomuedzo wokubvuma chero basa raungawana. Zvakadini kana basa racho richipesana nezvinotaurwa neBhaibheri? Zvakadini kana basa racho richizotora nguva yaunofanira kuita zvechiKristu kana kuti richizokuendesa kure nemhuri? Unofanira kubvuma basa racho risina kukodzera here, uchiti zviri nani pane kurishaya? Yeuka kuti kusarudza kufamba nenzira isiriyo kunogona kukuendesa kure naJehovha. (VaH. 2:1) Ungave uchitsvaga basa kana kuti uchiongorora rautori naro, ungasarudza sei noungwaru?

      6, 7. (a) Munhu angashanda aine chinangwa chei? (b) Chinangwa chipi chichakuswededza pedyo naJehovha uye nei?

      6 Sezvambotaurwa, ramba uchifunga nezvekwauri kuenda. Zvibvunze kuti, ‘Ndinoda kuti basa iri rindisvitse kupi?’ Kana chinangwa chako chokushanda chiri chokuti uzviriritire uye uriritire mhuri yako uchishumira Jehovha, iye achakukomborera. (Mat. 6:33) Jehovha haashayi kuti okubatsira sei paunopererwa nebasa kana kuti mamiriro ezvoupfumi paanochinja. (Isa. 59:1) “Anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari.”—2 Pet. 2:9.

      7 Asi zvakadini kana chinangwa chako chiri chokungoda kupfuma? Zvimwe uchabudirira. Asi kunyange ukava nepfuma yacho, yeuka kuti uchakohwa. (Verenga 1 Timoti 6:9, 10.) Kuti sika sika nebasa uye kuwana pfuma kunongokuendesa kure naJehovha.

      8, 9. Vabereki vanofanira kufungei pamaonero avanoita basa ravo? Tsanangura.

      8 Kana uri mubereki, funga kuti muenzaniso wako unogona kubatsira kana kukanganisa sei vana vako. Vanoona uchinyanya kukoshesei, basa rako kana kuti ushamwari hwako naJehovha? Kana vakaona kuti unonyanya kukoshesa mukurumbira uye pfuma, havangatoriwo here nzira iyoyo ine ngozi? Havangazotadzi kukuremekedza here? Imwe hanzvadzi yechiduku yakati: “Kubvira ndichiri muduku, baba vangu vaigara vachingoshanda. Pakutanga zvaiita sokuti vaishanda nesimba nokuti vaida kuti mhuri yedu ive neupenyu hwakanaka. Vaida kunyatsotiriritira. Asi mumakore mashoma apfuura, zvinhu zvakachinja. Vanongoshanda vachitenga zvinhu zvoumbozha zvatinogona kurarama tisina. Saka tava kuzivikanwa semhuri ine mari panzvimbo pokuva mhuri inokurudzira vamwe pane zvokunamata. Ndaizofara kuwana rutsigiro rwababa pane zvokunamata panzvimbo pemari yavo.”

      9 Vabereki, musazviendesa kure naJehovha nokuti sika sika nebasa. Ratidzai vana venyu kuti ukama naJehovha hunokosha chaizvo kupfuura pfuma.—Mat. 5:3.

      10. Wechiduku angafunga nezvei paanenge achisarudza basa rokuita muupenyu?

      10 Kana uri wechiduku ari kufunga nezvebasa rokuita muupenyu, ungasarudza sei rakakodzera? Sezvatokurukurwa, unofanira kuziva kuti unoda kuti upenyu hwako hunange kupi. Dzidzo uye basa zvauri kufunga zvichanyatsoita kuti utsigire Umambo here kana kuti zvichakuendesa kure naJehovha? (2 Tim. 4:10) Chinangwa chako ndechokuva sevanhu vari munyika here vanongofara chete pavanenge vaine mari yakawanda? Kana kuti ucharatidza chivimbo chaiva naDhavhidhi uyo akanyora kuti: “Ndaimbova jaya, asi zvino ndakwegura, handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa zvachose, kana vana vake vachitsvaka zvokudya”? (Pis. 37:25) Yeuka kuti imwe nzira ichakuendesa kure naJehovha uye imwe yacho ichaita kuti uve neupenyu hwakazonaka. (Verenga Zvirevo 10:22; Maraki 3:10.) Uchasarudza nzira ipi?a

      ZVINOTIVARAIDZA UYE ZVINOTIZORODZA

      11. Bhaibheri rinotii nezvezvinhu zvinotivaraidza uye zvinotizorodza, asi tinofanira kuyeukei?

      11 Bhaibheri harirambidzi kufara uye haritauri kuti kuwana zvinotivaraidza uye zvinotizorodza kutambisa nguva. Pauro akanyorera Timoti kuti, “Kurovedza muviri kunobatsira zvishoma.” (1 Tim. 4:8) Bhaibheri rinototaurawo kuti pane “nguva yokuseka” uye “nguva yokusvetuka-svetuka” uye rinokurudzira kuzorora zvakakwana. (Mup. 3:4; 4:6) Zvisinei, kana ukasangwarira, zvinhu zvinovaraidza uye zvinozorodza zvinogona kukuendesa kure naJehovha. Zvingadaro sei? Ngozi yacho iri pazvinhu zviviri, kuti ndezverudzii uye kuti zvichatora nguva yakawanda sei.

      Zvinovaraidza zvakanaka uye zvisingatori nguva yakawandisa zvinozorodza

      12. Paunosarudza zvinokuvaraidza uye zvinokuzorodza unofanira kufungei?

      12 Kutanga, funga kuti ndezverudzii. Chokwadi ndechokuti zviripo zvingakuvaraidza uye zvingakuzorodza zvakanaka. Asi zvakawanda zviri munyika zvinorumbidza zvinhu zvinovengwa naMwari zvakadai sechisimba, zvemidzimu uye ufeve. Saka unofanira kuongorora kuti zvinokuvaraidza uye zvinokuzorodza ndezverudzii. Zvinokukurudzira kuitei? Zvinokukurudzira kuita zvechisimba, kukwikwidzana kana kuti kutsigira nyika yako here? (Zvir. 3:31) Zvinokupedzera mari here? Zvingagumbura vamwe here? (VaR. 14:21) Zvinoita kuti ushamwaridzane nevanhu vakaita sei? (Zvir. 13:20) Zvinoita kuti ude kuita zvakaipa here?—Jak. 1:14, 15.

      13, 14. Unofanira kufungei panyaya yenguva yaunopedzera pazvinhu zvinokuvaraidza?

      13 Fungawo nguva yaunopedza pazvinhu zvinokuvaraidza uye zvinokuzorodza. Zvibvunze kuti, ‘Ndinopedza nguva yakawanda pazvinhu izvozvo zvokuti ndinosara nenguva shoma yezvinhu zvokunamata here?’ Kana ukasarudza kupedza nguva yakawandisa pazvinhu zvinokuvaraidza uye zvinokuzorodza uchaona kuti nguva iyoyo haizokubatsiri sezvayaifanira kuita. Chokwadi, vaya vasingapedzi nguva yakawandisa vanotonakidzwa zvakanyanya. Nei tichidaro? Nokuti vanoziva kuti vanenge vapedza kuita “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe,” saka havazonzwi vaine mhosva nokumbozorora.—Verenga VaFiripi 1:10, 11.

      14 Kunyange zvazvo kupedzera nguva yakawandisa pazvinhu zvinokuvaraidza kuchiita sekunonakidza, kunogona kukuendesa kure naJehovha. Izvozvo ndizvo zvakaitika kune imwe hanzvadzi ine makore 20 inonzi Kim. “Hapana kupati kwandaisaenda,” anodaro. “Kupera kwevhiki kwega kwega, Chishanu, Mugovera uye Svondo aingova mapati. Asi iye zvino ndava kuona kuti pane zvimwe zvinhu zvakawanda zvinokosha zvokuita. Somuenzaniso, sapiyona ndinomuka na6:00 mangwanani kuti ndiende kuushumiri, saka hazviiti kuti ndinge ndichitandara kusvika kuma1:00 kana kuma2:00 dzousiku. Ndinoziva kuti kuwadzana nevamwe hakuna kuipa, asi kunogona kutitadzisa kuita zvinokosha. Kungofanana nezvimwe zvose, hatifaniri kunyanyisa.”

      15. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vave nezvinovaraidza zvinonyatsozorodza?

      15 Vabereki vane basa rokuriritira mhuri, kuitarisira pakunamata uye kuita kuti ifare. Izvi zvinosanganisira kuva nenguva yokumbofaranuka. Kana uri mubereki usava munhu akanyanya kuoma uchiona sokuti kufara kwose kwakaipa. Asi unofanira kungwarirawo zvinhu zvinogona kukanganisa mhuri yako. (1 VaK. 5:6) Kana ukanyatsofunga, unogona kuwana zvinhu zvinovaraidza uye zvinonyatsozorodza mhuri yako.b Kana iwe nevana vako mukadaro, munenge masarudza nzira ichakuswededzai pedyo naJehovha.

      UKAMA NEVEMUMHURI

      16, 17. Vabereki vakawanda vakasangana nemamiriro ezvinhu anorwadza akaita sei, uye tinoziva sei kuti Jehovha anonzwisisa kurwadziwa kwavo?

      16 Rudo rwomubereki nemwana rwakasimba chaizvo zvokuti Jehovha akarushandisa kuenzanisira madiro aanoita vanhu vake. (Isa. 49:15) Saka hazvishamisi kuti munhu anogona kurwadziwa chaizvo wemumhuri paanosiya Jehovha. “Ndakarwadziwa chaizvo,” yakadaro imwe hanzvadzi ine mwanasikana ainge adzingwa. “Zvakandinetsa kuti, ‘Nei asiya Jehovha?’ Ndaizvipa mhosva uye ndaizvitongesa.”

      17 Jehovha anonzwisisa kurwadziwa kwaunoita. Iye “akarwadziwa mumwoyo make” pakapanduka munhu wokutanga wemhuri yake yepanyika uye pakapanduka vakawanda vakararama Mafashamo asati auya. (Gen. 6:5, 6) Vaya vasina hama yomumba yakadzingwa vangasanzwisisa kurwadza kwazvinoita. Asi hakusi kuchenjera kurega mararamiro emunhu womumba akadzingwa achikuendesa kure naJehovha. Saka ungaita sei kuti usanyanya kurwadziwa kana mumwe wemumhuri akasiya Jehovha?

      18. Nei vabereki vasingafaniri kuzvipa mhosva kana mwana akasiya Jehovha?

      18 Usazvipa mhosva yezvakaitika. Jehovha akapa vanhu rusununguko rwokusarudza uye mumwe nomumwe wemumhuri akazvitsaurira uye akabhabhatidzwa anofanira ‘kutakura mutoro wake.’ (VaG. 6:5) Jehovha achatonga mutadzi nokuda kwezvaakasarudza kwete iwewe. (Ezek. 18:20) Uyewo usapa vamwe mhosva. Remekedza urongwa hwaJehovha hwokuranga mutadzi. Rwisana naDhiyabhorosi kwete vafudzi vanenge vachidzivirira ungano.—1 Pet. 5:8, 9.

      Hapana chakaipa nokutarisira kuti munhu waunoda achadzoka kuna Jehovha

      19, 20. (a) Vabereki vane vana vakadzingwa vangaitei kuti vasanyanya kurwadziwa? (b) Vabereki vakadaro vangava netarisiro yei?

      19 Kana ukagumbukira Jehovha, unenge wasarudza kufamba munzira inokuendesa kure naye. Chokwadi, hama yako iyoyo yaunoda inofanira kuona kuti unokoshesa ukama hwako naJehovha kupfuura ukama hwako naye. Saka kuti utsungirire, ramba wakasimba pakunamata. Usazviparadzanise nehama dzako nehanzvadzi dzechiKristu dzakatendeka. (Zvir. 18:1) Udza Jehovha zviri kutsi kwemwoyo wako uchinyengetera. (Pis. 62:7, 8) Usatsvake tuzvikonzero twokuti uwadzane newemumhuri akadzingwa zvimwe muchifonerana kana muchinyorerana tsamba paIndaneti. (1 VaK. 5:11) Iva nezvakawanda zvokuita mubasa raJehovha. (1 VaK. 15:58) Hanzvadzi yambotaurwa inoti, “Ndinoziva kuti ndinofanira kubatikana mubasa raJehovha uye kuramba ndakasimba pakunamata kuti ndizokwanisa kubatsira mwanasikana wangu paachadzoka kuna Jehovha.”

      20 Bhaibheri rinoti rudo “rune tariro pazvinhu zvose.” (1 VaK. 13:4, 7) Hapana chakaipa nokutarisira kuti hama yako ichadzoka. Gore negore vatadzi vakawanda vanopfidza uye vanodzoka kusangano raJehovha. Jehovha haarambi akavagumbukira pavanopfidza. Asi “akagadzirira kukanganwira.”—Pis. 86:5.

      SARUDZA NOUNGWARU

      21, 22. Watsunga kuitei panyaya yokushandisa rusununguko rwokusarudza?

      21 Jehovha akapa vanhu rusununguko rwokusarudza. (Verenga Dheuteronomio 30:19, 20.) Asi kunyange vaine rusununguko irworwo, vanofanira kusarudza noungwaru. MuKristu oga oga anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri munzira ipi? Ndakabvumira basa, zvinondivaraidza uye zvinondizorodza kana kuti ukama nevemumhuri, kundiendesa kure naJehovha here?’

      22 Jehovha anoramba achida vanhu vake. Tisu tingatoenda kure naye nokusarudza nzira isiriyo. (VaR. 8:38, 39) Asi izvozvo hazvifaniri kumboitika! Tsunga kusabvumira chero chii zvacho kukuendesa kure naJehovha. Nyaya inotevera ichakurukura zvimwe zvinhu zvina zvatisingatombofaniri kurega zvichitiendesa kure naJehovha.

      a Chitsauko 38 chebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, chine zvimwe zvine chokuita nokusarudza basa.

      b Pamapeji 17-19 eAwake! yaNovember 2011 pane mamwe mazano aripo.

  • Ramba Uchiswedera Pedyo naJehovha
    Nharireyomurindi—2013 | January 15
    • Ramba Uchiswedera Pedyo naJehovha

      “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—JAK. 4:8.

      UNGATSANANGURA HERE?

      • Tingaramba sei tiine maonero akanaka panyaya yezvigadzirwa zvemazuva ano uye yeutano?

      • Tingaramba sei tiine maonero akanaka panyaya yemari uye kudada?

      • Tingaramba sei tiri pedyo naJehovha?

      1, 2. (a) “Mazano” aSatani ndeapi? (b) Chii chichatibatsira kuti tiswedere pedyo naMwari?

      JEHOVHA MWARI paakasika vanhu, akaisa mavari chido chokuswedera pedyo naye. Asi Satani anoda kuti tifunge sezvaanoita, kuti hatidi Jehovha muupenyu hwedu. Idzodzo inhema dzave dzichisimudzirwa naSatani kubvira paakanyengedza Evha mumunda weEdheni. (Gen. 3:4-6) Kubvira ipapo, ruzhinji rwevanhu rwave ruchifunga izvozvo.

      2 Asi isu hatifaniri hedu kubatwa nomusungo waSatani. “Mazano ake tinoaziva.” (2 VaK. 2:11) Satani anoedza kutiendesa kure naJehovha nokuita kuti tikanganise pakusarudza. Asi sezviri munyaya yakapfuura, tinogona kusarudza zvakanaka panyaya yebasa, zvinotivaraidza uye panyaya dzine chokuita nemhuri. Nyaya ino icharatidza zvatingaita kuti zvigadzirwa zvemazuva ano, utano, mari, uye kudada zvisatiendesa kure naMwari asi kuti zvitibatsire ‘kuswedera pedyo naye.’—Jak. 4:8.

      ZVIGADZIRWA ZVEMAZUVA ANO

      3. Tsanangura kuti zvigadzirwa zvemazuva ano zvinogona sei kushandiswa zvakanaka kana zvakaipa.

      3 Iye zvino, zvigadzirwa zvemagetsi zvemhando yepamusoro zvava kwose kwose munyika. Kana zvikashandiswa zvakanaka, zvinhu izvozvo zvinogona kubatsira. Zvikasashandiswa zvakanaka, zvinogona kutiendesa kure naBaba vedu vokudenga. Funga nezvemakombiyuta. Magazini yauri kuverenga yakanyorwa uye yakabudiswa pachishandiswa makombiyuta. Kombiyuta inogona kubatsira pakutsvakurudza nepakukurukurirana uye dzimwe nguva tinogona kuishandisa zvakanaka pakuzvivaraidza. Asi tinogonawo kupedzisira tanyura mune zvemakombiyuta. Vatengesi vakangwara chaizvo, vanoita kuti vanhu vafunge kuti vanotofanira kuva nechose chichangoburwa. Rimwe jaya raida chaizvo kamwe kakombiyuta kemumaoko zvokuti rakatengesa itsvo yaro kuti rikatenge. Ikoko kusafunga chaiko!

      4. Mumwe muKristu akagadzirisa sei dambudziko rake rokushandisa kombiyuta zvakapfurikidza?

      4 Asi zvakatoipa chaizvo kana ukabvumira kuti zvigadzirwa izvozvo zvikanganise ukama hwako naJehovha. “Ndinoziva kuti Bhaibheri rinoti tinofanira ‘kutenga nguva yakakodzera’ yokuita zvokunamata,” anodaro Jon, muKristu ane makore 28.a “Asi panyaya yekushandisa kombiyuta, ndine dambudziko rakakura.” Jon aizokaruka patova pakati pousiku angori paIndaneti. Anoti, “Pandainzwa ndaneta chaizvo, ndipo pazvainyanya kundiomera kurega kutaura neshamwari paIndaneti kana kuona tumavhidhiyo, tumwe twacho tusina kunaka.” Kuti akunde dambudziko racho, Jon akaita kuti kombiyuta yake idzime yega kana nguva yokunorara yakwana.—Verenga VaEfeso 5:15, 16.

      Vabereki, batsirai vana venyu kuti vashandise zvigadzirwa zvemazuva ano noungwaru

      5, 6. (a) Vabereki vanofanira kuitirei vana vavo? (b) Vabereki vangaitei kuti vave nechokwadi chokuti vana vavo vane shamwari dzakanaka?

      5 Vabereki, musangoti nangananga nekese kanoitwa nevana venyu asi munofanira kuona kuti vari kushandisa sei kombiyuta. Musavarega vachivhura nzvimbo dzepaIndaneti dzine zvounzenza, mitambo yechisimba, zvemidzimu uye pavangashamwaridzana nevanhu vakaipa, muchiitira kuti vasakunetsai. Kana mukavarega, vangati, ‘Baba naAmai zvavasina basa nazvo, saka hapana chakaipa.’ Sevabereki, ndimi munofanira kudzivirira vana venyu, kusanganisira vaya vari kuyaruka, pane chero chingavaendesa kure naJehovha. Ingawani mhuka dzinodzivirira vana vadzo pangozi. Fungai kuti mhuka inonzi bheya inoita sei kana munhu akada kukuvadza vana vayo!—Enzanisa naHosiya 13:8.

      6 Batsirai vana venyu kuti varonge kushamwaridzana nevamwe vaKristu, vechiduku uye vakuru vanoita zvakanaka. Uye yeukai vana venyu vanoda kuti imi muve nenguva navo! Saka wanai nguva yokuseka navo, kutamba, kuita basa, uye ‘yokuswedera pedyo naMwari.’b

      UTANO

      7. Nei tose tichida kuva neutano hwakanaka?

      7 “Iri sei miviri?” Mashoko aya anogara achitaurwa anoratidza chokwadi chinorwadza. Tose tinorwara nokuti vabereki vedu vokutanga vakabvumira Satani kuti avaendese kure naJehovha. Satani anoda kuti tirware, nokuti kana tichirwara, zvinotiomera kushumira Jehovha. Uye kana tikafa hatizombokwanisi kumushumira. (Pis. 115:17) Saka tinoda kuita zvose zvatinogona kuti tive neutano hwakanaka.c Uye tinodawo kuti hama dzedu dzive neutano hwakanaka.

      8, 9. (a) Tingaitei kuti tisapfurikidze pane zvatinoita panyaya yeutano? (b) Zvakanakirei kugara tichifara?

      8 Zvisinei, zvinokosha kuti tisapfurikidze pane zvatinoita panyaya yeutano. Vamwe vakabishaira chaizvo kushambadza zvokudya, marapirwo, zvizorwa kana kuti mishonga kupfuura kubishaira kwavanoita pakuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Vangave vachifunga kuti vari kubatsira vamwe. Kunyange zvakadaro, hazvina kunaka kushambadza zvinhu zvakadaro misangano isati yatanga kana kuti yapera, pangava paImba yoUmambo kana kuti pamagungano. Zvakaipirei?

      9 Tinoungana kuti tikurukure zvokunamata uye kuti tiwedzere mufaro wedu, watinowana nemhaka yemudzimu mutsvene waMwari. (VaG. 5:22) Pasinei nokuti tabvunzwa kana kuti hatina, kukurukura mazano ezvoutano kana mishonga pakadaro kunogona kuita kuti tisaise pfungwa pakunamata uye kuita kuti vamwe vasafare. (VaR. 14:17) Munhu anofanira kuzvisarudzira zvokuita neutano hwake. Uyezve hapana anogona kurapa zvirwere zvose. Kunyange vanachiremba vane unyanzvi vanochembera, vanorwara uye vanofa. Uye kuzvidya mwoyo nenyaya yeutano hakurebesi upenyu hwedu. (Ruka 12:25) Asi “mwoyo unofara unorapa.”—Zvir. 17:22.

      10. (a) Chii chinotariswa naJehovha kuti munhu anzi akanaka? (b) Tichava neutano hwakakwana riini?

      10 Zvakakodzerawo kuti tive nehanya nechitarisiko chedu. Asi hatifaniri kubva tanyanyisa kuedza kubvisa zvose zvinoratidza kuchembera. Izvozvo zvinoratidza kuti tava munhu akura, anoremekedzeka uye ane runako rwomukati. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “Kuchena musoro ikorona yorunako pakunowanikwa munzira yokururama.” (Zvir. 16:31) Ndiwo maonerwo atinoitwa naJehovha uye tinofanira kuzvionawo saizvozvo. (Verenga 1 Petro 3:3, 4.) Saka kuchenjera here kuisa upenyu pangozi nokunovhiyiwa kana kuti kushandisa mishonga ine ngozi uchingoitira kuti utaridzike zvakanaka? “Mufaro waJehovha” ndiwo unoita kuti tive norunako rwechokwadi, runobva nechomukati, pasinei nezera redu kana utano. (Neh. 8:10) Munyika itsva ndimo matichazova neutano hwakakwana uye runako rwepauduku. (Job. 33:25; Isa. 33:24) Asi iye zvino, kuratidza uchenjeri uye kutenda zvichatibatsira kuti tirambe tiri pedyo naJehovha tichiita zvatinogona mumamiriro ezvinhu aripo.—1 Tim. 4:8.

      MARI

      11. Mari ingava sei musungo?

      11 Mari haina kuipa uye hapana chakaipa nokuita bhizimisi risina chitsotsi. (Mup. 7:12; Ruka 19:12, 13) Zvisinei, “kuda mari” kuchatotiendesa kure naJehovha. (1 Tim. 6:9, 10) ‘Kuzvidya mwoyo nezvinhu zvepanguva ino’ uye kuti tingawana sei zvokurarama nazvo zvinogona kutivhunga pakunamata. Ndizvo zvinoitawo “simba rinonyengera repfuma,” pfungwa isiriyo yokuti pfuma ichaita kuti tigare tichifara tisina chokutya. (Mat. 13:22) Jesu akataura kuti “hapana munhu” anogona kuti uku ari kushumira Mwari uku achishumira pfuma.—Mat. 6:24.

      12. Mazuva ano misungo ipi iri kwose kwose panyaya yemari uye tingaidzivisa sei?

      12 Kunyanya kuda mari kungaita kuti tiite zvakaipa. (Zvir. 28:20) Vamwe vakasvika pakutenga matikiti erotari kana kuti vakapinda muzvirongwa zvokukurumidza kuwana mari nokuti vainge vavimbiswa kuti vaizowana mari zviri nyore, uye vakatokurudzirawo dzimwe hama muungano kuti dziite izvozvo. Vamwe vakanyengedzwa kuisa mari yavo mubhizimisi vachinzi yaizobereka zvakanyanya. Usarega makaro achiita kuti ubiridzirwe. Shandisa pfungwa. Kana ukavimbiswa mari yakanyanya kuwanda, ziva kuti ungangobirwa.

      13. Maonero anoita Jehovha mari akasiyana sei neevanhu vari munyika?

      13 Kana tikaisa “umambo nokururama” kwaJehovha pokutanga, iye achatikomborera patinenge tichiedza kuwana zvokurarama nazvo. (Mat. 6:33; VaEf. 4:28) Haadi kuti tirare pamisangano nokuti tinenge tanyanya kushanda kana kuti tigare muImba yoUmambo tichinetseka nenyaya yemari. Asi vakawanda vari munyika vanofunga kuti, kuti sika sika nokutsvaka mari ndiko kuchaita kuti vasazonetseka mune ramangwana. Vanotokurudzirawo vana vavo kuti vave nechinangwa ichocho. Jesu akaratidza kuti mafungiro iwayo haana musoro. (Verenga Ruka 12:15-21.) Izvi zvingatiyechidza nezvaGehazi, uyo aifunga kuti pasinei nemakaro ake aizoramba aine ukama hwakanaka naJehovha.—2 Madz. 5:20-27.

      14, 15. Nei tisingafaniri kufunga kuti mari ichaita kuti tigare zvakanaka tisina chokutya? Taura muenzaniso.

      14 Mamwe makondo anonzi akasvika pakunyura mumvura achiedza kusimudza hove dzaaisakwanisa kutakura. Zvakada kudaro zvingaitika here kumuKristu? “Ndine rutsuta chaizvo,” anotsanangura kudaro mumwe mukuru anonzi Alex. “Kana ndikadira sipo yomusoro yakawandisa ndinodzosera imwe yacho mubhodhoro.” Zvisinei, Alex akapinda mumusungo wokuita zvemusika wemari (stock market) achifunga kuti aizokurumidza kurega basa rake ova piyona. Akapedzisira anyura mukuongorora zvokutenga nokutengeswa kwemasheya. Achishandisa mari yaainge achengeta neimwe yaakakwereta, akatenga masheya ainzi navanamazvikokota aizokurumidza kubereka mari yakawanda. Asi ukoshi hwemasheya acho hwakatodzika zvakanyanya. “Ndainge ndatsunga kuti mari yangu idzoke,” anodaro Alex. “Ndaifunga kuti kana ndikashingirira, masheya angu aizowedzerazve ukoshi.”

      15 Kwemwedzi yakawanda, Alex ainge ava kungofunga masheya ake. Zvainge zvava kumuomera kuisa pfungwa pane zvokunamata uye ainge ava kushaya hope. Asi masheya ake haana kuwedzera ukoshi. Alex akarasikirwa nemari yake uye aitofanira kutengesa imba. “Ndakarwadzisa chaizvo mhuri yangu,” anobvuma kudaro. Asi akawana chidzidzo chinokosha. “Iye zvino ndava kuziva kuti munhu wose anovimba nenyika yaSatani achaodzwa mwoyo chaizvo.” (Zvir. 11:28) Zvechokwadi, kuvimba nemari yatinayo, upfumi, kana kuti unyanzvi hwokuita mari munyika ino, zvakangofanana nokuvimba “namwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino,” Satani. (2 VaK. 4:4; 1 Tim. 6:17) Alex akabva aita kuti upenyu hwake husava netwakawanda-wanda “nokuda kwemashoko akanaka.” Ukamubvunza, achakuudza kuti kuita izvozvo kwakaita kuti iye nemhuri yake vanyatsofara uye vaswedere pedyo naJehovha.—Verenga Mako 10:29, 30.

      KUDADA

      16. Kudada kwakanaka kunosiyana papi nekwakaipa?

      16 Dzimwe nguva kudada nezvinhu zvakarurama kwakanaka. Somuenzaniso, tinofanira kudada nokuti tiri Zvapupu zvaJehovha. (Jer. 9:24) Kuva nekakuzviremekedza kunoita kuti tisarudze kuita zvakanaka uye tisashatise tsika dzedu. Asi kunyanya kukoshesa maonero edu kana kuti chinzvimbo chedu kunogona kutiendesa kure naJehovha.—Pis. 138:6; VaR. 12:3.

      Nakidzwa noushumiri hwako pane kunetseka nokuda chinzvimbo muungano!

      17, 18. (a) Taura mienzaniso iri muBhaibheri yevanhu vaizvininipisa uye vaidada. (b) Imwe hama yakaita sei kuti kudada kusaiendese kure naJehovha?

      17 Bhaibheri rine mienzaniso yevanhu vaidada uye vaizvininipisa. Mambo Dhavhidhi akazvininipisa uye akatsvaka kutungamirirwa naJehovha uye Jehovha akamukomborera. (Pis. 131:1-3) Asi Jehovha akaninipisa madzimambo aidada, Nebhukadhinezari naBheshazari. (Dhan. 4:30-37; 5:22-30) Mazuva ano, tingasanganawo nemamiriro ezvinhu angaita kuti zvitiomere kuzvininipisa. Mumwe mushumiri anoshumira ane makore 32 anonzi Ryan akatamira kune imwe ungano. “Ndaitarisira kuti pasina nguva ndaizoitwa mukuru,” anodaro Ryan, “asi gore rakapera pasina chaitika.” Ryan aizogumbuka here achifunga kuti vakuru vainge vasiri kumuremekedza? Aizorega kupinda misangano, achibvumira kuti kudada kumuendese kure naJehovha nevanhu vake here? Uriwe, ungadai wakaita sei?

      18 Ryan anoyeuka kuti, “Ndakaverenga zvose zvandaikwanisa kuwana mumabhuku edu zvaitaura nezvechinhu chatinenge tichitarisira chinenge chanonoka.” (Zvir. 13:12) “Ndakatanga kuona kuti ndaifanira kudzidza kumirira uye kuzvininipisa. Ndaifanira kubvuma kudzidziswa naJehovha.” Ryan akabva aisa pfungwa dzake pakubatsira vamwe muungano uye muushumiri. Pasina nguva ainge ava nevanhu vaaidzidzisa Bhaibheri vaifambira mberi. “Pandakazoitwa mukuru papera gore nehafu, ndaisazvitarisira,” anodaro. “Ndainge ndisisanetseki nazvo nokuti ndainakidzwa chaizvo muushumiri.”—Verenga Pisarema 37:3, 4.

      RAMBA URI PEDYO NAJEHOVHA!

      19, 20. (a) Tingava sei nechokwadi chokuti zvinhu zvatinoita zuva nezuva hazvitiendesi kure naJehovha? (b) Tingatevedzera vanaani vakaramba vari pedyo naJehovha?

      19 Zvose zvakurukurwa munyaya ino neyakapfuura zvine zvazvakanakira muupenyu hwedu. Tinodada nokuti tiri vashumiri vaJehovha. Mhuri inofara uye utano hwakanaka zvimwe zvezvipo zvinokosha zvatakapiwa naJehovha. Tinoziva kuti basa uye mari zvinogona kutibatsira kuti tiwane zvinodiwa pakurarama. Tinoziva kuti kuwana nguva yokuzvivaraidza kunogona kutizorodza uye zvigadzirwa zvemazuva ano zvinogona kubatsira. Asi kana tikapfurikidza pazvinhu izvi, kana kuzvirega zvichikanganisa kunamata kwedu, zvinogona kutiendesa kure naJehovha.

      Usarega chero chii zvacho chichikuendesa kure naJehovha!

      20 Izvozvo ndizvo zvinotodiwa naSatani. Asi unogona kuita kuti dambudziko iroro risakuwira uye risawira mhuri yako! (Zvir. 22:3) Swedera pedyo naJehovha woramba uri pedyo naye. Tine mienzaniso yakawanda iri muBhaibheri inotibatsira panyaya iyi. Inoki naNoa ‘vakafamba naMwari wechokwadi.’ (Gen. 5:22; 6:9) Mosesi “akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” (VaH. 11:27) Jesu aitsigirwa naMwari nokuti airamba achiita zvaifadza Baba vake vokudenga. (Joh. 8:29) Tevedzera vanhu ivavo. Shoko raMwari rinoti, “Farai nguva dzose. Rambai muchinyengetera. Ongai pamusoro pezvinhu zvose.” (1 VaT. 5:16-18) Uye usarega chero chii zvacho chichikuendesa kure naJehovha!

      a Mazita akachinjwa.

      b Ona nyaya inoti, “Ungadzidzisa Sei Vana Kuti Vazozviraramira?” iri muMukai! yaOctober-December 2011.

      c Ona nyaya inoti, “Mazano Mashanu Okuvandudza Utano,” iri muMukai! yaApril–June 2011.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe