-
“Izvozvi Zvose Zvinofanira Kumboitwa”Nharireyomurindi—1999 | May 1
-
-
“Izvozvi Zvose Zvinofanira Kumboitwa”
“Jesu akapindura, akati kwavari: . . . Izvozvi zvose zvinofanira kumboitwa, asi kuguma kuchigere kusvika.”—MATEO 24:4-6.
1. Inhau ipi yatinofanira kufarira?
PASINA mubvunzo unofarira upenyu hwako neramangwana rako. Saka unofanirawo kufarira nhau yakabata pfungwa yaC. T. Russell kare muna 1877. Russell, uyo akazova muvambi weWatch Tower Society, akanyora The Object and Manner of Our Lord’s Return. Iri bhuku duku rine mapeji 64 raitaura nezvokudzoka kwaJesu, kana kuti kuuya kwomunguva yemberi. (Johane 14:3) Pane imwe nguva paaiva paGomo reMiorivhi, vaapostora vakabvunza nezvokudzoka ikoko vachiti: “Tiudzei, Zvinhu izvi zvichavapo rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu [kana kuti, “kuuya,” King James Version] nechekuguma kwegadziriro yezvinhu?”—Mateo 24:3, NW.
2. Nei pane pfungwa dzakawanda dzezvakafanotaurwa naJesu dzisingawirirani?
2 Unoziva nokunzwisisa mhinduro yaJesu here? Inowanikwa muEvhangeri nhatu. Purofesa D. A. Carson anoti: “Zvitsauko zvishomanene muBhaibheri zvakaparira kuti vadudziri vasawirirana kupfuura zvakaita Mateo 24 nezvakafanana nacho Marko 13 naRuka 21.” Anobva ataurawo mafungiro ake iye—inongova imwe yepfungwa dzavanhu dzisingawirirani. Munenge muzana ramakore rakapfuura, pfungwa dzakawanda dzakadaro dzairatidza kusava nokutenda. Vaidzitaura vaifunga kuti Jesu haana kumbobvira ataura zvatinorava muEvhangeri, kuti zvaakataura zvakazochinjwa, kana kuti zvaakafanotaura zvakakundikana—pfungwa dzakatangwa nevanoongorora Bhaibheri. Mumwe mutsinhiri akatoona Evhangeri yaMarko ‘nemaonero ouzivi hwemuBuddha weMahayana’!
3. Zvapupu zvaJehovha zvinoedza sei kunzwisisa uprofita hwaJesu?
3 Kusiyana neizvozvo, Zvapupu zvaJehovha zvinobvuma kuti Bhaibheri nderechokwadi uye rakavimbika, kubatanidza izvo Jesu akaudza vaapostora vana vaiva naye paGomo reMiorivhi kwasara mazuva matatu kuti afe. Kubvira pamazuva aC. T. Russell, vanhu vaMwari vakajekerwa zvishoma nezvishoma nouprofita hwakapiwa naJesu ipapo. Mumakore mashomanene akapfuura, Nharireyomurindi yakajekesazve kunzwisisa kwavo uprofita uhwu. Wakanzwisisa mashoko iwayo here, uchiona zvaanoreva muupenyu hwako?a Ngatiahwirudzurei.
Kuzadzika Kune Ngwavaira Kwava Pedyo
4. Nei vaapostora vangave vakabvunza Jesu nezveramangwana?
4 Vaapostora vaiziva kuti Jesu aiva Mesiya. Saka pavakamunzwa achitaura nezvokufa kwake, kumutswa, uye kudzokera, vanofanira kuva vakashamisika kuti, ‘Kana Jesu achifa ndokuenda, angaita sei zvinhu zvinoshamisa zvinotarisirwa kuti Mesiya aite?’ Uyezve, Jesu akataura nezvokuguma kweJerusarema netemberi yaro. Vaapostora vangadaro vakashamisika kuti, ‘Izvozvo zvichaitika rini uye sei?’ Vachiedza kunzwisisa zvinhu izvi, vaapostora vakabvunza kuti: “Izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvoda kuitwa?”—Marko 13:4; Mateo 16:21, 27, 28; 23:37–24:2.
5. Zvakataurwa naJesu zvakazadzika sei muzana rokutanga ramakore?
5 Jesu akafanotaura kuti kwaizova nehondo, nzara, zvirwere, kudengenyeka kwapasi, kuvengwa nokutambudzwa kwavaKristu, vanamesiya venhema, uye kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo kwose kwose. Zvadaro mugumo waizouya. (Mateo 24:4-14; Marko 13:5-13; Ruka 21:8-19) Jesu akataura izvi pakuvamba mugore ra33 C.E. Mumakumi amakore aitevera, vadzidzi vake vakamuka vaigona kuzoziva kuti zvinhu zvakanga zvafanotaurwa zvakanga zviri kutoitika nenzira inokosha. Hungu, nhau inoratidza kuti chiratidzo chakava nokumwe kuzadzika panguva iyoyo, zvichiita kuti gadziriro yezvinhu yechiJudha igumiswe nevaRoma muna 66-70 C.E. Izvozvo zvakaitika sei?
6. Chii chakaitika pakati pavaRoma navaJudha muna 66 C.E.?
6 Muchirimo chaipisa cheJudhea cha66 C.E., vaZealot vechiJudha vakaita kuti varindiri veRoma vadenhwe munhare yaiva pedyo netemberi yomuJerusarema, vachinyandura chisimba kwose kwose munyika yacho. Mubhuku rinonzi History of the Jews, Purofesa Heinrich Graetz anorondedzera achiti: “Cestius Gallus, uyo aiva nebasa rokutsigira kukudzwa kwamauto eRoma saGavhuna weSiria, . . . akanga asingachagoni kungoramba akatarira kupandukira kwakanga kuri kuitika asingaedzi kudzivisa kubudirira kwacho. Akaunganidza mauto ake, uye machinda aiva munyika dzapedyo akazvipira kutumira mauto awo.” Iri uto re30 000 rakakomba Jerusarema. Varwa kwechinguvana, vaJudha vakabva vakanovanda seri kwemasvingo aiva pedyo netemberi. “Mumazuva mashanu akatevedzana vaRoma vakaedza kuputsa masvingo, asi vaingomanikidzwa kutiza zvombo zvavaJudhea nguva dzose. Vakatozobudirira kusekesa rutivi rwerusvingo rwokuchamhembe rwaiva mberi kweTemberi pazuva rechitanhatu.”
7. Nei vadzidzi vaJesu vaigona kuona zvinhu nenzira yakasiyana nevaJudha vakawanda?
7 Chimbofunga kuti vaJudha vangava vakavhiringidzika sei, sezvo vaingogara vachifunga kuti Mwari aizovadzivirira neguta ravo dzvene! Zvisinei, vadzidzi vaJesu vakanga vafanonyeverwa kuti ngwavaira yaizouya muJerusarema. Jesu akanga afanotaura kuti: “Uchasvikirwa namazuva, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose; vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe.” (Ruka 19:43, 44) Asi izvozvo zvaizoreva rufu kuvaKristu vaiva mukati meJerusarema muna 66 C.E. here?
8. Jesu akafanotaura nezvengwavaira ipi, uye ndivanaani vaiva “vakasanangurwa” vaizotapudzirwa mazuva?
8 Paaipindura vaapostora paGomo reMiorivhi, Jesu akafanotaura kuti: “Namazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwokusikwa kwakasikwa naMwari, kusvikira zvino, uye hakuchazovipo. Dai Ishe aisatapudza mazuva iwayo, hakuna nyama yairarama; asi nokuda kwavakasanangurwa vaakasanangura, wakatapudza mazuva iwayo.” (Marko 13:19, 20; Mateo 24:21, 22) Saka mazuva acho aizotapudzwa uye “vakasanangurwa” vaizoponeswa. Vaiva vanaani? Zvechokwadi kwete vaJudha vanopandukira vaiti vanonamata Jehovha asi vakanga varamba Mwanakomana wake. (Johane 19:1-7; Mabasa 2:22, 23, 36) Vakasarudzwa zvechokwadi kare ikoko vaiva vaJudha navakanga vasiri vaJudha vaya vaitenda Jesu saMesiya noMuponesi. Mwari akanga asarudza vakadaro, uye paPendekosti ya33 C.E., akanga avaumba kuti vave rudzi rutsva rwomudzimu, “vaIsraeri vaMwari.”—VaGaratia 6:16; Ruka 18:7; Mabasa 10:34-45; 1 Petro 2:9.
9, 10. Mazuva okudenha kweRoma aka“tapudz[w]a” sei, uye zvakaguma nei?
9 Mazuva “akatapudz[w]a” uye vakazodzwa vakasarudzwa muJerusarema vakaponeswa here? Purofesa Graetz anofungidzira kuti: “[Cestius Gallus] haana kufunga kuti zvakanaka kuti arambe achirwisa vanhu vakaperera vakashinga ndokutanga hondo dzinoramba dzichitevedzana mumwaka iwoyo, apo mvura yemunakamwe yaizokurumidza kutanga . . . uye yaizodzivirira uto kuti risagamuchira zvinhu. Nemhaka yeizvozvo pamwe akafunga kuti kwaiva kuchenjera zvikuru kudzoka.” Pasinei zvapo nokuti Cestius Gallus aifungei, uto reRoma rakatiza richibva paguta racho, rarasikirwa nevakawanda zvaparirwa nevaJudha vaitevera.
10 Kudzokera shure kunoshamisa ikoko kwavaRoma kwakaita kuti “nyama”—vadzidzi vaJesu vaiva pangozi muJerusarema—vaponeswe. Nhau inoratidza kuti apo mukana uyu wakazaruka, vaKristu vakatiza nzvimbo yacho. Kuratidzirwa kwakadini kwesimba raMwari rokufanoziva zvomunguva yemberi uye kuvimbisa kupukunyuka kwavanomunamata! Asi, zvakadini nezvavaJudha vasingatendi vakasara muJerusarema nomuJudhea?
Vairarama Panguva Iyoyo Vaizozviona
11. Jesu akatii nezve“chizvarwa ichi”?
11 VaJudha vakawanda vakafunga kuti gadziriro yavo yokunamata, yaiva patemberi, yaizoramba ichipfuurira nokusingaperi. Asi Jesu akati: “Dzidzai pamuonde: . . . Kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhezha rava pedyo. Saizvozvo, nemiwo, kana moona izvozvo zvose, zivai kuti wava pedyo pamukova. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: [Chizvarwa chino hachizombopfuuri, NW] kusvikira izvozvi zvose zvaitika. (Tisu tatsveyamisa mashoko) Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.”—Mateo 24:32-35.
12, 13. Vadzidzi vangava vakanzwisisa sei kutaura kwaJesu nezve“chizvarwa ichi”?
12 Mumakore akatangira 66 C.E., vaKristu vangadai vakaona mativi akawanda okutanga echiratidzo chinoumbwa nezvizhinji achiitika—hondo, nzara, kunyange kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo kwose kwose. (Mabasa 11:28; VaKorose 1:23) Zvisinei, mugumo waizouya rini? Jesu airevei paakati: ‘Chizvarwa ichi [chiGiriki, ge·ne·a] hachizopfuuri’? Kakawanda Jesu akanga adana vaJudha vakawanda vaishora vairarama panguva iyoyo, kubatanidza vatungamiriri vezvechitendero kuti, ‘chizvarwa chakaipa, chinoita upombwe.’ (Mateo 11:16; 12:39, 45; 16:4; 17:17; 23:36) Saka, paakataurazve nezve“chizvarwa ichi,” ari paGomo reMiorivhi, zviri pachena kuti akanga asingarevi rudzi rwose rwavaJudha munhau yose; uyewo akanga asingarevi vateveri vake, kunyange zvazvo vaiva “rudzi rwakasanangurwa.” (1 Petro 2:9) Jesu akanga asiriwo kutaura kuti “chizvarwa ichi” inhambo yenguva.
13 Panzvimbo pezvo, Jesu akanga achifunga nezvevaJudha vaishora kare ikoko vaizoona kuzadzika kwechiratidzo chaakapa. Pamusoro pokutaurwa kunoitwa “chizvarwa ichi” pana Ruka 21:32 (NW), Purofesa Joel B. Green anoti: “MuEvhangeri Yechitatu, ‘chizvarwa ichi’ (nemashoko akafanana) nguva dzose chakamirira boka ravanhu vanoramba chinangwa chaMwari. . . . [Chinoreva] vanhu vanofuratira chinangwa chaMwari nokusindimara.”b
14. “Chizvarwa” ichocho chakaonei, asi paiva sei nomugumisiro wakasiyana pavaKristu?
14 Chizvarwa chakaipa chevashori vechiJudha vaigona kuona chiratidzo chichiitika chaizoonawo mugumo. (Mateo 24:6, 13, 14) Uye ndizvo zvavakaita! Muna 70 C.E., uto reRoma rakadzoka, richitungamirirwa naTitus, mwanakomana waMambo Vespasian. Kutambura kwavaJudha vakanga vakavharirwazve muguta kunoita sokusingadaviriki.c Chimwe chapupu chakaona Flavius Josephus chinoti panguva iyo vaRoma vakazoparadza guta, vaJudha vanenge 1 100 000 vakanga vafa uye vamwe 100 000 vakaitwa nhapwa, vakawanda vaivavo vakanga vachizoparara zvinotyisa nenzara kana kuti munzvimbo dzemitambo dzeRoma. Zvechokwadi, dambudziko ra66-70 C.E. rakanga riri gurusa iro Jerusarema negadziriro yechiJudha zvakanga zvati zvamboona kana kuti zvaizomboona. Zvakaguma zvaitika zvacho zvakanga zvakasiyana zvakadini nokuda kwavaKristu vakanga vateerera nyevero yaJesu youprofita uye vakanga vabuda muJerusarema pashure pokuenda kwemauto eRoma muna 66 C.E.! VaKristu vakazodzwa “Vakasanangurwa” vaka“[poneswa, NW]” kana kuti vakachengetedzwa, muna 70 C.E.—Mateo 24:16, 22.
Kumwe Kuzadzika Kuchauya
15. Tingava sei nechokwadi chokuti uprofita hwaJesu hwaizozadzika zvikuru pashure pa70 C.E.?
15 Zvisinei, iwayo akanga asiri magumo. Pakuvamba, Jesu akanga aratidza kuti pashure pokunge guta raparadzwa, aizouya muzita raJehovha. (Mateo 23:38, 39; 24:2) Akazojekesa izvi muuprofita hwake hwaakataura ari paGomo reMiorivhi. Ataura nezve“kutambudzika kukuru” kuri kuuya, akataura kuti pashure pacho vanaKristu venhema vaizovapo, uye Jerusarema raizotsikwa-tsikwa namarudzi kwenguva yakareba. (Mateo 24:21, 23-28; Ruka 21:24) Zvingava here kuti kumwe kuzadzika, kwakatokura, kwaizouya? Zvakaitika zvinopindura kuti hungu. Patinoenzanisa Zvakazarurwa 6:2-8 (yakanyorwa pashure pekutambudzika kweJerusarema muna 70 C.E.) naMateo 24:6-8 naRuka 21:10, 11, tinoona kuti hondo, kuperevedza kwezvokudya, uye denda zvaizouya zvakawanda zvakanga zviri mberi. Uku kuzadzika kukuru kwemashoko aJesu kwave kuchiitika kubvira pakatanga Hondo Yenyika I muna 1914.
16-18. Tinotarisira kuti chii chichiri kufanira kuitika?
16 Kwamakumi amakore zvino, Zvapupu zvaJehovha zvakadzidzisa kuti kuzadzika kwenguva ino kwechiratidzo kunoratidza kuti “kutambudzika kukuru” hakusati kwaitika. “Chizvarwa” chakaipa chenguva ino chichaona kutambudzika ikoko. Zvinoita sokuti pachavazve nechiitiko chokutanga (kudenhwa kwezvitendero zvose zvenhema), sezvo kurwisa kwaGallus kwomuna 66 C.E. kwakatanga kutambudzika paJerusarema.d Zvadaro, kwapera nguva isina kutaurwa, mugumo uchauya—kuparadzwa kwenyika yose, kwakafanana nokuya kwomuna70 C.E.
17 Achitaura nezvekutambudzika kuri pamberi pedu apa, Jesu akati: “Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo [kuparadzwa kwechitendero chenhema], zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa. Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.”—Mateo 24:29, 30.
18 Saka, Jesu pachake anoti “shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo,” zviitiko zvokudenga zvorudzi rwakati zvichaitika. (Enzanisa naJoere 2:28-32; 3:15.) Izvi zvichashamisa kwazvo ndokutyisa vanhu vasingateereri zvokuti vacha“chema.” Vakawanda vacha“pera nokutya nokutarira zvinowira nyika.” Asi izvi hazvizoitiki kuvaKristu vechokwadi! Ava ‘vachasimudza misoro yavo, nemhaka yokuti kununurwa kwavo kwava pedyo.’—Ruka 21:25, 26, 28.
Kutongwa Kuri Mberi!
19. Tingaziva sei pachazadzika mufananidzo wamakwai nembudzi?
19 Cherekedza kuti Mateo 24:29-31 inofanotaura kuti (1) Mwanakomana womunhu anouya, (2) kuuya uku kuchava nembiri huru, (3) ngirozi dzichava naye, uye (4) ndudzi dzose dzapasi dzichamuona. Jesu anodzokorora zvinhu izvi mumufananidzo wemakwai nembudzi. (Mateo 25:31-46) Nokudaro, tinogona kugumisa kuti mufananidzo uyu une chokuita nenguva, pashure pokutanga kwokutambudzika, apo Jesu achauya nengirozi dzake ndokugara pachigaro chake kuti atonge. (Johane 5:22; Mabasa 17:31; enzanisa na1 Madzimambo 7:7; Dhanieri 7:10, 13, 14, 22, 26; Mateo 19:28.) Ndiani achatongwa, uye zvichaguma nei? Mufananidzo wacho unoratidza kuti Jesu achatarira marudzi ose, sokuti akaunganidzwa pamberi pechigaro chake chokudenga chaipo.
20, 21. (a) Chii chichaitika kumakwai omumufananidzo waJesu? (b) Chii chichaitika kumbudzi munguva yemberi?
20 Varume navakadzi vakafanana namakwai vachatsaurirwa kurudyi rwaJesu rwenyasha. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti vakashandisa mikana yavo kuti vaitire zvakanaka hama dzake—vaKristu vakazodzwa, vachagoverana naKristu muUmambo hwokudenga. (Dhanieri 7:27; VaHebheru 2:9–3:1) Maererano nemufananidzo wacho, mamiriyoni evaKristu vakafanana namakwai akaziva hama dzaJesu dzomudzimu uye vave vachishanda vachivatsigira. Somugumisiro, “vazhinji-zhinji” vane tariro yakavakirwa paBhaibheri yokupukunyuka “kutambudzika kukuru” nokuzorarama nokusingaperi muParadhiso, nzvimbo yapasi yoUmambo hwaMwari.—Zvakazarurwa 7:9, 14; 21:3, 4; Johane 10:16.
21 Pachava nomugumisiro wakasiyana zvakadini nokuda kwembudzi! Dzinorondedzerwa pana Mateo 24:30 sedziri ku“chema” panouya Jesu. Uye ngadzicheme, nokuti dzichava dzaita chinyorwa chokuramba mashoko akanaka oUmambo, chokushora vadzidzi vaJesu, uye chokusarudza nyika iri kupfuura. (Mateo 10:16-18; 1 Johane 2:15-17) Jesu—kwete vadzidzi vake vapi navapi vari pasi pano—ndiye anosarudza kuti mbudzi ndivanaani. Nezvadzo anoti: “Vachaenda kukurobwa kusingaperi.”—Mateo 25:46.
22. Chikamu chipi chouprofita hwaJesu chatinofanira kuongororazve?
22 Kuramba kwedu tichinzwisisa uprofita huri pana Mateo chitsauko 24 ne25 kwave kuchifadza. Zvisinei, pane chikamu chouprofita hwaJesu chinoda kuti tichiongororezve—‘nyangadzi yokuparadza imire panzvimbo tsvene.’ Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vashandise nzwisiso pamusoro peizvi uye vagadzirire kuita chiito. (Mateo 24:15, 16) Iyi “nyangadzi” chii? Inomira panzvimbo tsvene rini? Uye upenyu hwatinotarisira iye zvino nomune ramangwana hunobatanidzwa sei? Nyaya inotevera ichakurukura izvi.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya dzefundo dziri mumagazini eNharireyomurindi aFebruary 15, 1994; October 15 naNovember 1, 1995; uye August 15, 1996.
b Nyanzvi yeBritain G. R. Beasley-Murray inoti: “Mashoko okuti ‘chizvarwa ichi’ haafaniri kunetsa vadudziri. Nepo zvichibvumwa kuti genea muchiGiriki chokutanga zvaireva kuzvarwa, vana, uye nokudaro rudzi, . . . mu[Septuagint yechiGiriki] yaiwanzoshandura shoko rechiHebheru rokuti dôr, kureva zera, zera ravanhu, kana kuti chizvarwa mupfungwa yevakararama panguva imwe. . . . Mukutaura kwakaitwa naJesu shoko racho rinoita serinoreva zvinhu zviviri: kune rumwe rutivi nguva dzose rinoreva vaakararama navo panguva imwe, uye ukuwo nguva dzose rinoreva zvinoratidza kutsoropodza.”
c MuHistory of the Jews, Purofesa Graetz anotaura kuti vaRoma dzimwe nguva vairovera padanda vasungwa 500 pazuva. Vamwe vaJudha vaiva nhapwa vaigurwa maoko ndokudzorerwazve muguta. Zvii zvaiva zvichiitika ikoko? “Mari yakanga isingachakoshi, nokuti yakanga isingachagoni kutenga chingwa. Vanhu vairwa zvakasimba mumigwagwa vachirwira zvokudya zvakaora uye zvinosemesa, tsama yemakoto, kachidimbu kedehwe, kana kuti nyama yomukati yaikandirwa imbwa. . . . Nhamba yezvitunha zvisina kuvigwa yaiwedzera nokukurumidza yakaita kuti mhepo inopisa yechirimo iparire zvirwere, uye vanhu vakawanda vakarwara, vakafa nenzara, uye nomunondo.”
d Nyaya inotevera ichakurukura ichi chikamu chekutambudzika kwomunguva yemberi.
Unoyeuka Here?
◻ Mateo 24:4-14 yakazadzika sei muzana ramakore rokutanga?
◻ Munguva yavaapostora, mazuva akatapudzwa sei uye nyama ichiponeswa, sezvakafanotaurwa pana Mateo 24:21, 22?
◻ Chii chairatidza “chizvarwa” chinotaurwa pana Mateo 24:34?
◻ Tinoziva sei kuti uprofita hwakapiwa paGomo reMiorivhi hwaizova nokumwe kuzadzika, kwakatokura?
◻ Mufananidzo wamakwai nembudzi uchazadzika rini uye sei?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Zviri pa“Arch” yaTitus iri muRoma, zvinoratidza zvakapambwa pakaparadzwa Jerusarema
[Kwazvakatorwa]
Soprintendenza Archeologica di Roma
-
-
“Anorava Ngaashandise Nzwisiso”Nharireyomurindi—1999 | May 1
-
-
“Anorava Ngaashandise Nzwisiso”
“Kana muchiona nyangadzi yokuparadza, . . . imire panzvimbo tsvene; . . . zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo.”—MATEO 24:15, 16.
1. Nyevero yakapiwa naJesu seinowanwa pana Ruka 19:43, 44 yakaguma nei?
KUNYEVERWA kwedu nezvengwavaira iri kuuya kungaita kuti tikwanise kuidzivisa. (Zvirevo 22:3) Saka fungidzira mamiriro ezvinhu avaKristu vaiva muJerusarema Roma yadenha muna 66 C.E. Jesu akanga anyevera kuti guta raizokombwa ndokuparadzwa. (Ruka 19:43, 44) VaJudha vakawanda vakaita sevasina kumunzwa. Asi vadzidzi vake vakateerera nyevero yake. Somugumisiro, vakaponeswa pangwavaira ya70 C.E.
2, 3. Nei tichifanira kufarira uprofita hwaJesu hwakanyorwa pana Mateo 24:15-21?
2 Muuprofita hune zvahunoreva kwatiri nhasi, Jesu akataura chiratidzo chinoumbwa nezvakawanda chaibatanidza hondo, kuperevedza kwezvokudya, kudengenyeka kwapasi, zvirwere, uye kutambudzwa kwavaKristu vanoparidza pamusoro poUmambo hwaMwari. (Mateo 24:4-14; Ruka 21:10-19) Jesu akarumawo nzeve vadzidzi vake zvaizovabetsera kuti vazive kuti mugumo wakanga wava pedyo—‘nyangadzi yokuparadza imire panzvimbo tsvene.’ (Mateo 24:15) Ngationgororeizve mashoko iwayo anokosha kuti tione kuti angatapura sei upenyu hwedu zvino nomune ramangwana.
3 Ataura chiratidzo chacho, Jesu akati: “Kana muchiona nyangadzi yokuparadza, yakarehwa nomuprofita Dhanieri, imire panzvimbo tsvene anorava ngaa[shandise nzwisiso, NW]; zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo; uri pamusoro pedenga reimba, ngaarege kuburuka kuzotora zviri mumba make; nouri mumunda, ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake. Vachava nenhamo vane mimba navanomwisa namazuva iwayo; nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva pachando kana nesabata. Nokuti nenguva iyo kuchavapo kutambudzika kukuru, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwenyika.”—Mateo 24:15-21.
4. Chii chinoratidza kuti Mateo 24:15 yakava nokumwe kuzadzika muzana ramakore rokutanga?
4 Nhoroondo dzakanyorwa naMarko naRuka dzinopa mamwezve mashoko. Mateo paanoshandisa “imire panzvimbo tsvene,” Marko 13:14 inoti “imire paisina kufanira kumira.” Ruka 21:20 inowedzera mashoko aJesu okuti: “Kana muchiona Jerusarema rakombwa nehondo, zivai kuti roda kuparadzwa.” Izvi zvinotibetsera kuti tione kuti kuzadzikwa kwokutanga kwaibatanidza kudenha kwakaita Roma paJerusarema netemberi yaro—nzvimbo yaiva tsvene kuvaJudha asi kuna Jehovha yakanga isisiri nzvimbo tsvene—kwakavamba muna 66 C.E. VaRoma pavakaparadza zvose guta netemberi muna 70 C.E. zvakaparadzwa zvokuparadzwa zviya. Saka “nyangadzi” yaiva chii kare ikoko? Uye yaka‘mira panzvimbo tsvene’ sei? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzichatibetsera kuti tijekese kuzadzikwa kwezuva ranhasi.
5, 6. (a) Nei varavi vaDhanieri chitsauko 9 vaizofanira kunzwisisa? (b) Uprofita hwaJesu nezve“nyangadzi” hwakazadzikwa sei?
5 Jesu akakurudzira varavi kuti vashandise nzwisiso. Varavi vei? Vangangodaro vari vaDhanieri chitsauko 9. Ipapo tinowana uprofita hunoratidza kuti Mesiya aizooneka rini uye hunofanozivisa kuti aizo“bviswa” kwapera makore matatu nehafu. Uprofita hwacho hunoti: “Muparadzi uchasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa.” (Tisu tatsveyamisa mashoko)—Dhanieri 9:26, 27; onawo Dhanieri 11:31; 12:11.
6 VaJudha vaifunga kuti izvi zvaishanda pakusvibiswa kwetemberi naAntiochus IV makore 200 akanga apfuura. Zvisinei, Jesu akaratidza zvakasiyana, achikurudzira kunzwisisa nemhaka yokuti “nyangadzi” yakanga ichiri kufanira kuoneka ndokumira pa“nzvimbo tsvene.” Zviri pachena kuti Jesu akanga achitaura nezveuto reRoma raizouya muna 66 C.E. nezviratidzo zvinooneka. Zviratidzo izvozvo, zvakanguri zvave zvichishandiswa, zvaiva zvakaita sezvidhori uye kuvaJudha zvaisemesa.a Saka, vaizo‘mira panzvimbo tsvene’ rini? Izvozvo zvakaitika apo uto reRoma, nezviratidzo zvaro, rakarwisa Jerusarema netemberi yaro, yaionekwa navaJudha setsvene. VaRoma vakatotanga kusekesa rusvingo rwenharaunda yetemberi. Zvechokwadi, zvakanguri zvava zvichisemesa zvino zvakanga zvamira munzvimbo tsvene!—Isaya 52:1; Mateo 4:5; 27:53; Mabasa 6:13.
“Nyangadzi” Yamazuva Ano
7. Uprofita hupi hwaJesu huri kuzadzikwa munguva yedu?
7 Kubvira paHondo Yenyika I, takaona kuzadzika kwakakura kwechiratidzo chaJesu chakanyorwa muna Mateo chitsauko 24. Asi, yeuka mashoko ake: “Kana muchiona nyangadzi yokuparadza . . . imire panzvimbo tsvene, . . . zvino vari muJudhea ngavatizire kumakomo.” (Mateo 24:15, 16) Chikamu ichi chouprofita chinofanira kuzadzika munguva yeduwo.
8. Kwamakore akawanda, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiti “nyangadzi” yamazuva ano chii?
8 Ichiratidzira chivimbo chavabatiri vaJehovha chokuti uprofita uhwu hwaizozadzika, Nharireyomurindi yaJanuary 1, 1921, yakataura nezvahwo maererano nezvakaitika muMiddle East. Nokufamba kwenguva, mumagazini yayo yaDecember 15, 1929, papeji 374, Nharireyomurindi yakataura nechivimbo kuti: “Muitiro wose weLeague of Nations ndewokutsausa vanhu pana Mwari naKristu, uye naizvozvo inyangadzi, yakaitwa naSatani, uye inosemesa mukuona kwaMwari.” Saka muna 1919 “nyangadzi” yakaoneka. Nokufamba kwenguva, League yakatsiviwa neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose. Zvapupu zvaJehovha zvakanguri zvafumura aya masangano avanhu orugare seanosemesa mukuona kwaMwari.
9, 10. Zvaimbonzwisiswa nezvekutambudzika kukuru pakutanga zvakatapura sei maonero edu nguva yaizomira “nyangadzi” panzvimbo tsvene?
9 Nyaya yakatangira ino yakapfupikisa maonero akajekeswa ezvakawanda zviri muna Mateo zvitsauko 24 ne25. Pane kujekeswa kunofanira kuitwa here nezve‘nyangadzi imire panzvimbo tsvene’? Zviri pachena. Uprofita hwaJesu hunonyatsobatanidza ‘kumira panzvimbo tsvene’ nokutanga kwe“kutambudzika” kwakafanotaurwa. Saka, nyange zvazvo “nyangadzi” yakanguri yavapo, kubatana kwoku“mir[a] panzvimbo tsvene” kwayo nokutambudzika kukuru kunofanira kutapura mafungiro edu. Sei?
10 Vanhu vaMwari vaimbonzwisisa kuti chikamu chokutanga chekutambudzika kukuru chakavamba muna 1914 uye kuti chikamu chokupedzisira chaizouya pahondo yeArmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16; enzanisa neNharireyomurindi, April 1, 1939, peji 110.) Saka, tinogona kunzwisisa chikonzero nei zvakambofungwa kuti “nyangadzi” yemazuva ano inofanira kuva yakamira panzvimbo tsvene Hondo Yenyika I ichangopera.
11, 12. Muna 1969, maonerei akagadziridzwa ekutambudzika kukuru akapiwa?
11 Zvisinei, mumakore akazotevera takasvika pakuona zvinhu nenzira yakasiyana. Musi weChina, 10 July 1969, paGungano Ramarudzi Akawanda re“Rugare Pasi Pano” muNew York City, F. W. Franz, aiva mutevedzeri wapurezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society panguva iyoyo, akapa hurukuro yaifadza zvokuti. Vachihwirudzura zvaimbonzwisiswa nezvouprofita hwaJesu, Hama Franz vakati: “Tsanangudzo yakapiwa yokuti ‘kutambudzika kukuru’ kwakanga kwavamba muna 1914 C.E. uye kuti kwakanga kusingabvumirwi kuti kupere kwose panguva iyoyo asi Mwari akagumisa Hondo Yenyika I muna November wa1918. Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi Mwari akanga ari kubvumira kumbomira kwebasa ravakazodzwa vake ravaKristu vakasarudzwa asati aita kuti chikamu chokupedzisira che‘kutambudzika kukuru’ chitangezve pahondo yeArmagedhoni.”
12 Ipapo tsanangudzo yakagadziriswa zvinokosha yakapiwa: “Kuti zvienderane nezviitiko zvezana rokutanga ramakore, . . . ‘kutambudzika kukuru’ kwaifananidzirwa hakuna kutanga muna 1914 C.E. Panzvimbo pezvo, zvakaitika paJerusarema raifananidzirwa ramazuva ano muna 1914-1918 zvaingova hazvo ‘kutanga kwenhamo’ . . . ‘Kutambudzika kukuru’ kwakaita sekusingazomboitikizve kuchiri mberi, nokuti kunoreva kuparadzwa kweumambo hwenyika yose hwechitendero chenhema (kubatanidza chiKristudhomu) zvichiteverwa ne‘hondo yezuva guru raMwari Wamasimba Ose’ paArmagedhoni.” Izvi zvakareva kuti kutambudzika kukuru kwose zvakwo kwakanga kuchiri mberi.
13. Nei zvine musoro kutaura kuti “nyangadzi” ‘ichamira panzvimbo tsvene’ munguva yemberi?
13 Izvi zvinokosha zvikuru pakunzwisisa kuti “nyangadzi” inomira panzvimbo tsvene rini. Yeuka zvakaitika muzana ramakore rokutanga. VaRoma vakadenha Jerusarema muna 66 C.E., asi vakaerekana varega, zvakabvumira “nyama” yechiKristu kuti iponeswe. (Mateo 24:22) Somugumisiro, tinotarisira kuti kutambudzika kukuru kutange nokukurumidza, asi kuchatapudzwa kuitira vasanangurwa vaMwari. Cherekedza pfungwa iyi inokosha: Mumuitiro wakare, ‘nyangadzi yakamira panzvimbo tsvene’ yaibatanidzwa nekudenha kweRoma ichitungamirirwa naGeneral Gallus muna 66 C.E. Kudenha kwamazuva ano kwakafanana nakwo—kutanga kwekutambudzika kukuru—kuchiri mberi. Saka “nyangadzi yokuparadza,” yave iripo kubvira muna 1919, sezviri pachena ichazomira panzvimbo tsvene.b Izvi zvichaitika sei? Uye tingatapurwa sei?
Kudenha Kwomunguva Yemberi
14, 15. Zvakazarurwa chitsauko 17 inotibetsera sei kunzwisisa zviitiko zvinotangira Armagedhoni?
14 Bhuku raZvakazarurwa rinorondedzera kudenha kunoparadza kwomunguva yemberi kuchaitwa pachitendero chenhema. Chitsauko 17 chinoratidza kutonga kwaMwari “Bhabhironi Guru, amai vemahure uye vezvinhu zvinosemesa zvepasi”—umambo hwenyika hwechitendero chenhema. ChiKristudhomu chinoita basa rakakura uye chinozviti chine chibvumirano naMwari. (Enzanisa naJeremia 7:4.) Zvitendero zvenhema, kubatanidza chiKristudhomu, zvakanguri zvaita zvisiri pamutemo ne“madzimambo apasi,” asi izvi zvichaguma nokuparadzwa kwezvitendero izvozvo. (Zvakazarurwa 17:2, 5, NW) Nani?
15 Zvakazarurwa inoratidza “chikara chitsvuku” chinooneka kwechinguvana, chonyangarika, chozodzoka. (Zvakazarurwa 17:3, 8) Chikara ichi chinotsigirwa nevatongi venyika. Mashoko akapiwa muuprofita hwacho anotibetsera kuti tizive chikara ichi chokufananidzira sesangano rorugare rakatanga kuvapo muna 1919 seLeague of Nations (“nyangadzi”) uye zvino rava Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose. Zvakazarurwa 17:16, 17 inoratidza kuti Mwari achazviisa mumwoyo yevamwe vanhu vanotonga vakakurumbira mu“chikara” ichi kuti chiparadze umambo hwenyika hwechitendero chenhema. Kudenha ikoko kunoratidza kutanga kwekutambudzika kukuru.
16. Zviitiko zvipi zvinokosha zviri kuitika zvinobatanidza chitendero?
16 Sezvo kutanga kwekutambudzika kukuru kuchiri munguva yemberi, ‘kumira panzvimbo tsvene’ kuchiri mberi kwedu here? Zviri pachena. Nepo “nyangadzi” yakatanga kuoneka kwayo kumavambo kwezana rino ramakore uye, nokudaro, yakaramba iripo kwamakumi amakore, ichatora nzvimbo nenzira yakasiyana “panzvimbo tsvene” mune ramangwana. Sezvo vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vaifanira kuva vaidisisa kuona kuti ‘kumira panzvimbo tsvene’ kwaizotanga sei, ndizvo zvinoitawo vaKristu vamazuva ano. Zvinobvumwa kuti, tichafanira kumirira kuzadzika chaiko kuti tizive zvinhu zvose. Asi, zvinooneka kuti mune dzimwe nyika munotova neruvengo rwechitendero runooneka uye ruri kukura. Vamwe vezvamatongerwe enyika, vakabatana nevaimbova vaKristu vakatsauka pakutenda kwechokwadi, vari kutsigira kuvenga zvitendero zvose uye kunyanya vaKristu vechokwadi. (Pisarema 94:20, 21; 1 Timotio 6:20, 21) Somugumisiro, masimba ezvematongerwe enyika nyange zvino ava ku“rwa neGwayana,” uye sokuratidza kunoita Zvakazarurwa 17:14, hondo iyi ichanyanyisa kukura. Nepo vasingagoni kunyatsorwisaGwayana raMwari—Jesu Kristu, ari munzvimbo yake yakakudzwa, ine mbiri—vacharamba vachishora vanamati vaMwari vechokwadi, kunyanya “vatsvene” vake. (Dhanieri 7:25; enzanisa naVaRoma 8:27; VaKorose 1:2; Zvakazarurwa 12:17.) Takavimbiswa naMwari kuti Gwayana navanaro vachakunda.—Zvakazarurwa 19:11-21.
17. Pasina kuomesa musoro, tingatii pamusoro pokuti “nyangadzi” ichamira sei panzvimbo tsvene?
17 Tinoziva kuti chitendero chenhema chichaparadzwa. Bhabhironi Guru ra“kabatwa neropa ravatsvene” uye rakaita samambokadzi, asi richatoparadzwa chete. Zvinhu zvakashata zvarakafurira madzimambo enyika zvichangoerekana zvachinja sezvo ukama ihwohwo hunochinja kuva kuvenga zvokurwa naro kunoitwa ne‘nyanga dzine gumi nechikara.’ (Zvakazarurwa 17:6, 16; 18:7, 8) “Chikara chitsvuku” pachinodenha mhombwe yechitendero, “nyangadzi” ichava yakamira zvinotyisa panzvimbo yechiKristudhomu inonzi nzvimbo tsvene.c Saka kuparadzwa kuchatanga pachiKristudhomu chisina kutenda, chinozviratidza sechitsvene.
‘Kutiza’—Sei?
18, 19. Zvikonzero zvipi zvinopiwa kuratidza kuti ‘kutizira kumakomo’ hakusati kuchizoreva kuchinja chitendero?
18 Apedza kufanotaura nezve‘kumira kwenyangadzi panzvimbo tsvene,’ Jesu akanyevera vanonzwisisa kuti vaite chiito. Aireva here kuti panguva iyoyo yokupedzisira—apo “nyangadzi” inenge “imire panzvimbo tsvene”—vanhu vakawanda vachatiza kubva kuchitendero chenhema ndokutanga kunamata kwechokwadi? Kana. Funga nezvokuzadzika kwokutanga. Jesu akati: “Vari muJudhea ngavatizire kumakomo; uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make. Nouri mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguvo yake. Vachava nenhamo vane mimba navanomwisa namazuva iwayo! Nyengeterai kuti zvirege kuva pachando.” (Tisu tatsveyamisa mashoko)—Marko 13:14-18.
19 Jesu haana kutaura kuti vaiva muJerusarema bedzi ndivo vaifanira kubuda, sokunge pfungwa yake yaiva yokuti vaifanira kubuda mumuzinda wokunamata kwechiJudha; uyewo kunyevera kwake hakuna kutaura nezvokuchinja chitendero—kutiza chenhema ndokutanga chechokwadi. Vadzidzi vaJesu zvechokwadi vaisamboda kuti vanyeverwe kutiza chimwe chitendero vachienda kune chimwe; vakanga vatova vaKristu vechokwadi. Uye kudenha kwomuna 66 C.E. hakuna kuita kuti vainamata chiJudha muJerusarema nomuJudhea mose varege chitendero ichocho ndokugamuchira chiKristu. Purofesa Heinrich Graetz anotaura kuti vaya vakadzinganisa vaRoma vaitiza vakadzoka muguta: “VaZealot, vachidanidzira nziyo dzokukunda muhondo, vakadzokera kuJerusarema (musi wa8 October), hana dzavo dzichirova netariro yokufara yokusununguka nokuzvitonga. . . . Mwari aiva asina kuvabetsera netsitsi semabetserere Aakanga aita madzibaba avo here? Mwoyo yavaZealot yaisatya zvaizoitika munguva yemberi.”
20. Vadzidzi vokutanga vakaita sei nenyevero yaJesu yokutizira kumakomo?
20 Saka, nhamba duku yavasanangurwa kare ikoko yakaita sei nezano raJesu? Nokusiya Judhea nokutizira kumakomo mhiri kweJoridhani, vakaratidza kuti vakanga vasiri rutivi rwegadziriro yechiJudha, mune zvematongerwe enyika kana kuti zvechitendero. Vakasiya minda nemisha, havana kana kumbozviunganidzira zvinhu zvavo zvaiva mudzimba dzavo. Vachivimba nekudzivirira nokutsigira kwaJehovha, vakaisa kunamatwa kwake mberi kwezvimwe zvinhu zvose zvingaratidza sezvinokosha.—Marko 10:29, 30; Ruka 9:57-62.
21. Chii chatisingafaniri hedu kutarisira apo “nyangadzi” inodenha?
21 Chimbofunga zvino, nezvokuzadzika kukuru. Kwamakumi amakore akawanda tave tichikurudzira vanhu kuti vabude muchitendero chenhema ndokutanga kunamata kwechokwadi. (Zvakazarurwa 18:4, 5) Mamiriyoni akadaro. Uprofita hwaJesu hahuratidzi kuti kana kutambudzika kukuru kwangotanga, vanhu vakawanda vachatanga kunamata kwechokwadi; chokwadi, muna 66 C.E. hapana kuva navaJudha vakawanda vakatendeuka. Asi, vaKristu vechokwadi vachakurudzirwa zvikuru kuti vashandise nyevero yaJesu ndokutiza.
22. Kushandisa kwedu zano raJesu pamusoro pokutizira kumakomo kungabatanidza chii?
22 Panguva ino hatigoni kuva nemashoko akazara pamusoro pekutambudzika kukuru, asi tinogona kupedzisa zvine pfungwa kuti kwatiri kutiza kwakataurwa naJesu hakuzovi kutiza panzvimbo yatinogara. Vanhu vaMwari vanotova munyika yose, panenge pose pose. Zvisinei, tinogona kuva nechokwadi chokuti, kana vava kufanira kutiza, vaKristu vachafanira kuramba vachiita kuti pave nomusiyano uri pachena pakati pavo ivo nemasangano ezvitendero zvenhema. Zvine zvazvinorevawo kuti Jesu akanyevera nezvokuti munhu asadzokera kumba kunotora mbatya kana kuti zvimwe zvinhu. (Mateo 24:17, 18) Saka pangava nemiedzo yokutenda iri mberi pamusoro pemaonero atinoita zvinhu zvenyama; chinhu chinonyanya kukosha here, kana kuti kuponeswa kuchauya kune vose vari kurutivi rwaMwari kunonyanya kukosha? Hungu, kutiza kwedu kungabatanidza nhamo dzakawanda nekurasikirwa. Tichafanira kuva vakagadzirira kuita zvose zvinodiwa, sezvakaita shamwari dzedu dzomuzana ramakore rokutanga dzakatiza muJudhea dzichienda kuPerea, mhiri kweJoridhani.
23, 24. (a) Ndokupi bedzi kwatichadzivirirwa? (b) Nyevero yaJesu pamusoro pe‘nyangadzi imire munzvimbo tsvene’ inofanira kutitapura sei?
23 Tinofanira kuva nechokwadi chokuti tinoramba tichitizira kuna Jehovha nesangano rake rakaita segomo. (2 Samueri 22:2, 3; Pisarema 18:2; Dhanieri 2:35, 44) Ndiko kwatichadzivirirwa! Hatizotevedzeri vanhu vakawanda vachatizira “mumapako” ndokuvanda “mumabwe amakomo”—masangano avanhu angaramba aripo kwenguva duku pashure pokunge Bhabhironi Guru raparadzwa. (Zvakazarurwa 6:15; 18:9-11) Chokwadi, nguva dzinganyanya kuva dzakaoma zvikuru—sezvadzingadai dzakava muna 66 C.E. nokuda kwavakadzi vaiva nemimba vakatiza muJudheakana kuti kunaani zvake aifanira kufamba mumwaka unotonhora, wemvura. Asi tinogona kuva nechokwadi chokuti Mwari achaita kuti kupukunyuka kubvire. Zvino ngatitosimbisai kuvimba kwedu naJehovha noMwanakomana wake, ari kutonga zvino saMambo woUmambo.
24 Hapana chikonzero chokuti isu tirarame tichitya zvichaitika. Jesu haana kuda kuti vadzidzi vake kare ikoko vatye, uye haadiwo kuti isu titye iko zvino kana kuti mumazuva ari kuuya. Akatinyevera kuitira kuti tigadzirire mwoyo yedu nepfungwa. Nokutika, vaKristu vanoteerera havazorangwi panoparadzwa zvitendero zvenhema negadziriro ino yose yakaipa. Vachava vachinzwisisa ndokuteerera nyevero pamusoro pe‘nyangadzi yokuparadza imire panzvimbo tsvene.’ Uye vachaita zvisina mubvunzo pamusoro pokutenda kwavo kusingazununguki. Ngatisambokanganwai zvakavimbiswa naJesu: “Unotsunga kusvikira pakuguma uchaponeswa.”—Marko 13:13.
[Mashoko Omuzasi]
a “Zviratidzo zvevaRoma zvairindwa nokunamatwa mune zvechitendero mutemberi dzomuRoma; uye kuremekedza kwaiita vanhu ava zviratidzo zvavo kwaienderanawo noukuru hwavo kune mamwe marudzi. . . . [Kuvarwi ndicho] chinhu zvichida chakanga chiri chitsvene-tsvene chaiva nepasi. Murwi weRoma aipika nechiratidzo chake.”—The Encyclopædia Britannica, 11th Edition.
b Zvinofanira kucherekedzwa kuti nepo kuzadzika kwamashoko aJesu muna 66-70 C.E. kuchigona kutibetsera kuti tinzwisise kuti achazadzikwa sei padambudziko guru, kuzadzika kuviri kwacho hakugoni kunyatsofanana nemhaka yokuti kuzadzika kwacho kunoitika pamamiriro ezvinhu akasiyana.
c Ona Nharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 15, 1975, mapeji 741-4.
Unoyeuka Here?
◻ “Nyangadzi yokuparadza imire panzvimbo tsvene” yakazviratidza sei muzana rokutanga ramakore?
◻ Nei zvine musoro kufunga kuti “nyangadzi” yanhasi ichamira panzvimbo tsvene munguva yemberi?
◻ Kudenha kupi kwe“nyangadzi” kwakafanotaurwa muna Zvakazarurwa?
◻ ‘Kutiza’ kworudzii kungava kuchiri kudiwa kwatiri?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Bhabhironi Guru rinonzi “amai vemahure”
[Mufananidzo uri papeji 17]
Chikara chitsvuku chaZvakazarurwa chitsauko 17 ndicho “nyangadzi” yakataurwa nezvayo naJesu
[Mufananidzo uri papeji 18]
Chikara chitsvuku ndicho chichatungamirira kudenha kunoparadza kuchaitwa pachitendero
-