Rwiyo 8
Kudya kwaShe Kwemanheru
Rakaprindwa
1. Baba vedu vari kudenga,
Usiku huno hutsvene!
Paiva pana Nisani gumi nena,
Pavakaona zvamuri.
Vakadya gwai repaseka,
Monunura Israeri.
Ishe ndokuzodeura ropa rake,
Achizadzisa uprofita.
2. Taungana pamberi penyu,
Makwai enyu tauya.
Tikurumbidzei, makatuma Kristu
Kuzokudza zita renyu.
Ichi ndicho Chirangaridzo,
Tochikoshesa mumwoyo.
Tifambe m’nzira yakaratidzwa naShe,
Kuti tizowana upenyu.
(Onawo Ruka 22:14-20; 1 VaK. 11:23-26.)