-
Chenjerera Misungo yaDhiyabhorosi!Nharireyomurindi—2012 | August 15
-
-
Chenjerera Misungo yaDhiyabhorosi!
“[Budai] mumusungo waDhiyabhorosi.”—2 TIM. 2:26.
UNGAPINDURA SEI?
Unofanira kuzviongorora sei kana uine katsika kekungoda kutaura zvakaipa nezvevamwe?
Unogona kudzidzei pane zvakaitwa naPirato uye naPetro panyaya yokutya uye kuitiswa zvausingadi?
Ungaitei kuti usanzwa uine mhosva zvakanyanyisa?
1, 2. Misungo ipi yaDhiyabhorosi yatichakurukura munyaya ino?
DHIYABHOROSI anoronda vashumiri vaJehovha kuti avabate. Chinangwa chake hachisi chokuvauraya sezvinoita muvhimi wemhuka. Chinangwa chake ndechokubata munhu ari mupenyu kuti amushandise zvaanoda.—Verenga 2 Timoti 2:24-26.
2 Muvhimi anogona kushandisa chiteyeso chorudzi rwakati kuti abate mhuka iri mhenyu. Angaita kuti mhuka ibve payakahwanda ichinopinda mumusungo. Kana kuti angashandisa chiteyeso chinenge chakavanzwa, chokuti mhuka ikadhingura, inobva yabatwa yakavarairwa. Dhiyabhorosi anoita zvakafanana kuti abate vashumiri vaMwari vari vapenyu. Kana tisingadi kubatwa, tinofanira kugara tichitarira-tarira kuti tione kana paine zvinoratidza kuti pedyo pane pakateyiwa musungo naSatani tobva taudzivisa. Nyaya ino ichakurukura kungwarira kwatingaita misungo mitatu yave ichishandiswa naDhiyabhorosi kubata vamwe vevanhu vaMwari. Misungo yacho ndeiyi (1) kutadza kuzvidzora pakutaura, (2) kutya uye kumanikidzwa kuita zvausingadi, uye (3) kunzwa uine mhosva zvakanyanyisa. Nyaya inotevera ichakurukura mimwe misungo miviri yaSatani.
DZIMA MOTO UNOTUNGIDZWA NOKUTADZA KUZVIDZORA PAKUTAURA
3, 4. Kutadza kudzora rurimi kungaguma nei? Ipa muenzaniso.
3 Kuti abudise mhuka madzinenge dzakahwanda, muvhimi angapisa chisango, otanga kudzibata padzinenge dzichiedza kutiza. Dhiyabhorosi angadawo kuita zvakafanana nokutungidza moto muungano yechiKristu. Kana akabudirira, anogona kubudisa vanhu munzvimbo iyoyo yakachengeteka vachinowira mumaoko ake. Tingatsigira sei zvido zvake tisingazivi kuti ndizvo zvatiri kuita obva atibata mumusungo wake?
4 Mudzidzi Jakobho akafananidza rurimi nemoto. (Verenga Jakobho 3:6-8.) Kana tikatadza kudzora rurimi rwedu, tingaita setatungidza moto muungano. Zvingadaro sei? Funga muenzaniso uyu: Pamusangano weungano paziviswa kuti imwe hanzvadzi yava piyona wenguva dzose. Musangano wacho wapera, vaparidzi vaviri vanokurukura nezvechiziviso chacho. Mumwe anoti ari kufara chaizvo uye anoti dai piyona uyu mutsva akabudirira pabasa rake. Asi mumwe wacho anotanga kumushora achiti ari kungoda kuonekwa muungano. Waizoda kuva shamwari yemuparidzi upi pavaviri ava? Zviri nyore kuona kuti ndeupi angangotungidza moto muungano nezvaanotaura.
5. Kuti tidzime moto unotungidzwa nokutadza kuzvidzora pakutaura, zvingava zvakanaka kuti tizviongorore sei?
5 Tingadzima sei moto unotungidzwa nokutadza kuzvidzora pakutaura? Jesu akati: “Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Mat. 12:34) Saka danho rokutanga nderokuongorora mwoyo wedu. Tinodzivisa here pfungwa dzisina kunaka dzingaita kuti titaure zvinokuvadza vamwe? Somuenzaniso, patinonzwa kuti imwe hama iri kuvavarira kuita zvakawanda muungano, tinokurumidza here kufunga kuti iri kuita zvakanaka, kana kuti tinoifungira kuti ine zvairi kutsvaka? Kana tiine katsika kekufungira vamwe zvisizvo, zvakanaka kuyeuka kuti Dhiyabhorosi akafungira zvisizvo mushumiri waMwari akatendeka Jobho. (Job. 1:9-11) Pane kungofungira hama yedu, zvingava zvakanaka kufunga nezvechiri kuita kuti tidaro. Tine chikonzero chakanaka chokuti tidaro here? Kuti mwoyo wedu ungave wakakanganiswa nemuchetura wokusada vamwe uri kwose kwose mazuva ano okupedzisira here?—2 Tim. 3:1-4.
6, 7. (a) Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvingaita kuti tishore vamwe? (b) Tinofanira kuita sei kana tikatukwa?
6 Funga zvimwe zvikonzero zvingaita kuti tifungire vamwe zvisizvo. Chimwe chingava chokuti tinoda kuti zvatinoita isusu zvinyanye kuonekwa nevamwe. Tingava tichitoedza kuzvisimudzira nokudzikisira vamwe pasi. Kana kuti tingave tatadza kuita zvakanaka zvaitwa nemumwe asi toedza kuvhariridza nokumushora. Zvisinei nokuti tiri kutaura zvakaipa nezvemumwe pamusana pokudada, godo, kana kuti kusava nechivimbo, migumisiro yacho inoparadza.
7 Pamwe tinofunga kuti tine chikonzero chakanaka chokushora mumwe munhu. Zvimwe munhu wacho akambotaura zvakaipa nezvedu. Kana zvakadaro, kudzosera hakusi iko kugadzirisa nyaya. Kuita izvozvo kunongowedzera moto wacho uye kunosimudzira zvido zvaDhiyabhorosi, kwete zvaMwari. (2 Tim. 2:26) Zvakanaka kuti titevedzere Jesu panyaya iyi. Paaitukwa, “haana kutanga kutukawo.” Asi “akaramba achizviisa kune uya anotonga zvakarurama.” (1 Pet. 2:21-23) Jesu aiva nechivimbo chokuti Jehovha aizogadzirisa zvinhu nenguva yake uye sezvaaida. Tinofanirawo kuvimba naMwari saizvozvo. Patinotaura zvinovaka, tinobatsira kuchengetedza “chisungo chorugare” muungano.—Verenga VaEfeso 4:1-3.
NZVENGA MUSUNGO WOKUTYA UYE KUMANIKIDZWA KUITA ZVAUSINGADI
8, 9. Nei Pirato akatongera Jesu rufu?
8 Mhuka inenge yabatwa nomusungo inoshaya rusununguko rwokufamba. Saizvozvowo, munhu anotya uye anobvuma kuitiswa zvaasingadi anorasikirwa norumwe rusununguko rwokuita zvaanoda muupenyu. (Verenga Zvirevo 29:25.) Ngatikurukurei mienzaniso yevarume vaviri vainge vakasiyana chaizvo vakatya uye vakabvuma kuita zvavaisada, toona zvatinodzidza.
9 Gavhuna weRoma ainzi Pondiyo Pirato aiziva kuti Jesu ainge asina mhosva uye zvaiva pachena kuti aisada kumukuvadza. Akatotaura kuti Jesu haana “chaakaita chakakodzera rufu.” Zvisinei, akamutongera rufu. Akazviitirei? Nokuti akamanikidzwa nemhomho yevanhu. (Ruka 23:15, 21-25) Vanhu vakaedza kumanikidza Pirato kuti aite zvavaida nokushevedzera kuti: “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaKesari.” (Joh. 19:12) Pirato angangodaro aityira kuti kana akatsigira Kristu, aizotorerwa chinzvimbo chake, kana kutourayiwa. Saka akabvuma kuitiswa zvaidiwa naDhiyabhorosi.
10. Chii chakaita kuti Petro arambe Kristu?
10 Muapostora Petro aiva mumwe weshamwari dzaJesu dzepedyo. Akataura pane vamwe kuti Jesu aiva Mesiya. (Mat. 16:16) Petro akaramba akavimbika vamwe vadzidzi pavasina kunzwisisa zvakataurwa naJesu vakabva vamusiya. (Joh. 6:66-69) Uye vavengi pavakauya kuzosunga Jesu, Petro akashandisa bakatwa kudzivirira Tenzi wake. (Joh. 18:10, 11) Zvisinei, pava paya, Petro akatya uye akatoti aisaziva Jesu Kristu. Kwechinguva, muapostora uyu akabatwa nomusungo wokutya vanhu uye akaurega uchimutadzisa kuita zvairatidza kuti ainge akashinga.—Mat. 26:74, 75.
11. Ndezvipi zvinhu zvisina kunaka zvatingafanira kurwisana nazvo?
11 SevaKristu, hatifaniri kubvuma kuitiswa zvinhu zvisingafadzi Mwari. Vatinoshandira kana kuti vamwe vangaedza kuita kuti tiite zvechitsotsi kana kuti vangada kuti tiite zveunzenza. Vana vechikoro vangafurirwa nevamwe kuti vabiridzire pabvunzo, kuti vaone zvinonyadzisira, vapute fodya, vashandise madhiragi, vanwe doro, kana kuti vaite zvounzenza. Saka chii chingatibatsira kunzvenga musungo wokutya uye kuitiswa zvisingafadzi Jehovha?
12. Tinodzidzei pane zvakaitwa naPirato uye naPetro?
12 Regai tione zvatinogona kudzidza pane zvakaitwa naPirato uye naPetro. Pirato aisaziva zvakawanda nezvaKristu. Kunyange zvakadaro, aiziva kuti Jesu aisava nemhosva uye kuti aisava munhuwo zvake. Asi Pirato aisazvininipisa uye aisada Mwari wechokwadi. Dhiyabhorosi akamubata zviri nyore ari mupenyu. Petro aiva nezivo yakarurama uye aida Mwari. Asi pane dzimwe nguva, aisava nemwero, aitya, uye aibvuma kuitiswa zvaaisada. Jesu asati asungwa, Petro akazvirova dundundu achiti: “Kunyange kana vamwe vose vakagumburwa, ini handizodaro.” (Mako 14:29) Muapostora wacho angadai akagadzirira miedzo yaiva mberi kudai akavimba naMwari sezvakaitwa nomunyori wepisarema uyo akaimba kuti: “Jehovha ari kurutivi rwangu; handizotyi. Munhu wepanyika angandiitei?” (Pis. 118:6) Pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake pasi pano, Jesu akatora Petro nevamwe vaapostora vaviri, vakaenda mukatikati memunda weGetsemani. Asi pane kuramba vakamuka, Petro nevamwe vake vakatorara. Jesu akavamutsa akati: “Rambai makarinda muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.” (Mako 14:38) Asi Petro akararazve uye pava paya akatya, akaitiswa zvaaisada kuita.
13. Tingaitei kuti tisabvuma kuitiswa zvakaipa?
13 Zvakaitwa naPirato naPetro zvinogona kutipa chimwe chidzidzo chinokosha: Kuti tibudirire kusabvuma kuitiswa zvatisingadi, tinoda zivo yakarurama, kuzvininipisa, kuva nomwero, kuda Mwari, uye kutya Jehovha kwete vanhu. Kana kutenda kwedu kuchibva pazivo yakarurama, tichataura zvatinotenda takashinga tiine chivimbo. Izvi zvichatibatsira kuti tisatya vanhu uye tisaitiswe zvatisingadi. Chokwadi, hatifaniri kunyanya kuzvivimba. Asi tinofanira kuzvininipisa, tobvuma kuti tinoda simba raMwari kuti tisaitiswe zvatisingadi. Tinofanira kunyengeterera mudzimu waJehovha uye tinofanira kuita kuti kumuda kwatinoita kutipe chido chokutsigira zita rake nezvaanoda. Tinofanirawo kugara tagadzirira tisati tasangana nemuedzo. Somuenzaniso, kana vana vedu vakagara vagadzirira uye vanyengetera, izvozvo zvichavabatsira kusabvuma kuitiswa zvakaipa nevamwe vavo.—2 VaK. 13:7.a
DZIVISA RIVA ROKUNZWA UINE MHOSVA ZVAKANYANYA
14. Dhiyabhorosi angada kuti tifungei panyaya yezvatakakanganisa munguva yakapfuura?
14 Dzimwe nguva muvhimi angashandisa riva kubata mbeva. Mbeva isina kungwarira inodya nzungu yodhingura riva racho, yobva yapwanyiwa. Kunyanya kunzwa uine mhosva kungafananidzwa nedombo rinorema rinopwanya. Patinofunga zvatakakanganisa munguva yakapfuura, tinganzwa ‘tichinetseka chaizvo,’ kana kuti tichiita setapwanyiwa. (Verenga Pisarema 38:3-5, 8.) Satani angada kuti tifunge kuti hazvichaiti kuti Jehovha atinzwire ngoni uye hatikwanisi kuita zvaanoda.
15, 16. Ungadzivisa sei riva rokuva nemhosva zvakanyanyisa?
15 Ungaitei kuti usapwanyiwa neriva iri? Kana wakaita chivi chakakura, gadzirisa ukama hwako naJehovha iye zvino. Ona vakuru, uye kumbira kuti vakubatsire. (Jak. 5:14-16) Ita zvaunogona kuti ugadzirise zvawakakanganisa. (2 VaK. 7:11) Kana ukapiwa chirango, usaora mwoyo. Kurangwa kunoratidza kuti Jehovha anokuda. (VaH. 12:6) Chera kakomba wobva wati pu, handichadzokorori zvakandisvitsa pakuita chivi chacho. Pashure pokunge wapfidza uye watendeuka, tenda kuti chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu zvechokwadi chinogona kufukidza zvikanganiso zvako.—1 Joh. 4:9, 14.
16 Vamwe vanhu vanoramba vachinzwa mhosva pamusana pezvivi zvavakasokanganwirwa kare. Kana zvirizvo zviri kuitika kwauri, yeuka kuti Jehovha akakanganwira Petro nevamwe vaapostora pavakatiza Mwanakomana wake anodiwa panguva yaainyanya kuda rubatsiro. Jehovha akakanganwira murume ainge adzingwa muungano yomuKorinde nemhosva youfeve husingatauriki asi akazopfidza. (1 VaK. 5:1-5; 2 VaK. 2:6-8) Shoko raMwari rinotaura nezvevanhu vaiva nezvitadzo zvakakura avo vakapfidza vakakanganwirwa naMwari.—2 Mak. 33:2, 10-13; 1 VaK. 6:9-11.
17. Rudzikinuro runogona kutiitirei?
17 Jehovha achakukanganwira, okanganwa zvawakatadza, kana ukanyatsopfidza wogamuchira ngoni dzake. Usambofunga kuti chibayiro chorudzikinuro chaJesu hachigoni kufukidza zvivi zvako. Kana ukafunga kudaro unenge wabatwa nechiteyeso chaSatani. Pasinei nokuti Dhiyabhorosi anoda kuti ufungei, chokwadi ndechokuti rudzikinuro runogona kufukidza zvivi zvevanhu vose vanopfidza. (Zvir. 24:16) Kutenda murudzikinuro kunogona kukubvisira mutoro wokunzwa uine mhosva zvakanyanyisa, uye kunogona kukupa simba rokushumira Mwari nemwoyo wose, pfungwa, nemweya.—Mat. 22:37.
MAZANO ASATANI TINOAZIVA
18. Tingadzivisa sei misungo yaDhiyabhorosi?
18 Satani haana basa nokuti atibata nemusungo upi, anongoda kutibata chete. Sezvo tichiziva mazano aSatani, tinogona kudzivisa kunyengerwa naye. (2 VaK. 2:10, 11) Kana tikanyengeterera uchenjeri hwokuti tikunde miedzo, hatizobatwi nemisungo yake kana kuti zviteyeso. Jakobho akanyora kuti, “Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, uye iye achahupiwa; nokuti iye ane rupo kuna vose uye haazvidzi.” (Jak. 1:5) Tinofanira kuita zvinoenderana neminyengetero yedu nokugara tichidzidza tiri toga uye nokushandisa Shoko raMwari. Mabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri atinopiwa nomuranda akatendeka, akangwara, anoita kuti tione zviteyeso zvaDhiyabhorosi uye anotibatsira kuzvidzivisa.
19, 20. Nei tichifanira kuvenga zvakaipa?
19 Kunyengetera uye kudzidza Bhaibheri zvinoita kuti tide zvakanaka. Asi zvinokoshawo kuti tidzidze kuvenga zvakaipa. (Pis. 97:10) Kufungisisa migumisiro yokuita zvido zvoudyire kunogona kutibatsira kusazviita. (Jak. 1:14, 15) Kana tikadzidza kuvenga zvakaipa tonyatsoda zvakanaka, tichasemeswa nehwambo hunoshandiswa naSatani mumisungo yake; hatizombotorwi mwoyo nahwo.
20 Tinotenda zvechokwadi kuti Mwari anotibatsira kuti tisanyengerwa naSatani! Jehovha anoshandisa mudzimu wake, Shoko, uye sangano rake kutinunura “pane akaipa.” (Mat. 6:13) Munyaya inotevera, tichadzidza kudzivisa kwatingaita zvimwe zviteyeso zviviri zvave zvichishandiswa naDhiyabhorosi kubata vamwe vevashumiri vaMwari vari vapenyu.
-
-
Mira Wakasimba Udzivise Misungo yaSatani!Nharireyomurindi—2012 | August 15
-
-
Mira Wakasimba Udzivise Misungo yaSatani!
‘Mirai makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.’—VAEF. 6:11.
UNGAPINDURA SEI?
Mushumiri waJehovha angaita sei kuti asabatwa nomusungo wokunyanya kuda pfuma?
Chii chingabatsira vaKristu vakaroorana kuti vasawira muhunza youpombwe?
Nei uchifunga kuti zvinobatsira kumira wakasimba kuti usanyanya kuda pfuma uye usaita ufeve?
1, 2. (a) Nei Satani asina tsitsi nevakazodzwa uye ve“mamwe makwai”? (b) Misungo ipi yaSatani yatichakurukura munyaya ino?
SATANI DHIYABHOROSI haana tsitsi nevanhu, kunyanya vaya vanoshumira Jehovha. Ari kutorwa hondo nevakazodzwa vachiri pasi pano. (Zvak. 12:17) VaKristu ivavo vakashinga vave vari pamberi mubasa rokuparidza Umambo mazuva ano, vachiratidza kuti Satani ndiye mutongi wenyika ino. Dhiyabhorosi anovengawo ve“mamwe makwai” avo vanotsigira vakazodzwa uye vane tariro youpenyu husingaperi, iyo iye asisina. (Joh. 10:16) Ndokusaka akashatirwa! Satani haana basa nezvakatinakira, pasinei nokuti tine tariro yokudenga kana kuti yepasi pano. Chinangwa chake ndechokutibata.—1 Pet. 5:8.
2 Kuti atibate, Satani akateya misungo yakasiyana-siyana. Sezvo ‘akapofumadza’ vasingatendi, ivo havagamuchiri mashoko akanaka uye havakwanisi kuona misungo iyi. Zvisinei, Dhiyabhorosi anobatawo vamwe vakagamuchira shoko roUmambo. (2 VaK. 4:3, 4) Nyaya yakapfuura yakaratidza kudzivisa kwatingaita zviteyeso zvitatu zvaSatani, zvinoti: (1) kutadza kuzvidzora pakutaura, (2) kutya uye kumanikidzwa kuita zvausingadi, uye (3) kunzwa uine mhosva zvakanyanyisa. Iye zvino ngatikurukurei zvatingaita kuti timire takasimba pakudzivisa mimwe misungo miviri yaSatani inoti, kunyanya kuda pfuma uye muedzo wokuita upombwe.
KUNYANYA KUDA PFUMA—MUSUNGO UNODZIPA
3, 4. Kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino kungaita sei kuti tinyanye kuda pfuma?
3 Mune mumwe wemifananidzo yake, Jesu akataura nezvembeu yakadyarwa muminzwa. Akataura kuti munhu anganzwa shoko, “asi kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino nesimba rinonyengera repfuma zvinovhunga [zvinodzipa] shoko, uye haabereki zvibereko.” (Mat. 13:22) Chokwadi, kunyanya kuda pfuma ndemumwe musungo unoshandiswa nomuvengi wedu Satani.
4 Pane zvinhu zviviri zvinovhunga shoko kana zvabatanidzwa. Chokutanga chacho “kuzvidya mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino.” Pane zvakawanda zvinogona kuita kuti uzvidye mwoyo munguva dzino “dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Tim. 3:1) Nokudhura kuri kuita zvinhu uye kuwedzera kwokushaya mabasa, ungaomerwa nokuwana zvokurarama nazvo. Ungazvidyawo mwoyo pamusana peramangwana uchifunga kuti, ‘Ndichawana mari inokwana here kana ndava pamudyandigere?’ Izvozvo zvakaita kuti vamwe vatange kudzingirirana nepfuma, vachifunga kuti mari ichazoita kuti vawane zvose zvavanoda.
5. ‘Simba repfuma’ rinogona kunyengera pakudini?
5 Chimwe chacho chakataurwa naJesu ‘isimba rinonyengera repfuma.’ Chinhu ichocho pamwe nokuzvidya mwoyo zvinogona kuvhunga shoko kana kuti kuridzipa. Bhaibheri rinobvuma kuti “mari inodzivirira.” (Mup. 7:12) Zvisinei, kudzingirirana nepfuma hakusi kuchenjera. Vakawanda vakaona kuti pavanobindauka kuunganidza pfuma, musungo wokunyanya kuida unowedzerawo kuvasunga. Vamwe vakatosvika pakuva varanda vepfuma.—Mat. 6:24.
6, 7. (a) Chii chingaitika kubasa chingaita kuti tipedzisire tava kunyanya kuda pfuma? (b) Kana muKristu akanzi ashande ovhataimu, anofanira kufunga nezvechii?
6 Chido chokuwana pfuma chinogona kutanga tisingafungiri. Somuenzaniso, funga zvinotevera. Mukuru wako webasa anouya oti: “Ndine mashoko anofadza! Kambani yakawana kondirakiti yakakura. Izvi zvinoreva kuti uchagara uchishanda ovhataimu kwemwedzi mishoma inotevera. Asi ndinokuvimbisa kuti zvichakuwanisa mari yakawanda.” Ungaita sei pakadaro? Chokwadi, kuriritira mhuri yako ibasa rinokosha, asi handiro chete basa raunofanira kuita. (1 Tim. 5:8) Pane zvimwe zvinoverengeka zvaunofanira kufunga. Ovhataimu yacho ichange yakawanda zvakadini? Basa rako richavhiringidza here zvine chokuita nokunamata, zvinosanganisira misangano yeungano uye manheru oKunamata Kwemhuri?
7 Paunenge uchiita chisarudzo, chii chauchaona sechinonyanya kukosha, mari yauchawana paovhataimu kana kuti kunamata kwako? Chido chokuita mari chingaita here kuti urege kuisa Umambo pokutanga muupenyu? Unoona here kukanganiswa kwaungaitwa nokunyanya kuda pfuma kana ukaregeredza kunamata kwako nokwemhuri yako? Kana izvozvo zviri kuitika kwauri, ungamira sei wakasimba wodzivisa kudzipwa nokunyanya kuda pfuma?—Verenga 1 Timoti 6:9, 10.
8. Mienzaniso ipi iri muMagwaro inogona kutibatsira kuongorora mararamiro edu?
8 Kuti usadzipwa nokunyanya kuda pfuma, nguva nenguva ongorora mararamiro ako. Zvechokwadi haungadi kuva saEsau, akaratidza nezviito zvake kuti aizvidza zvinhu zvine chokuita nokunamata! (Gen. 25:34; VaH. 12:16) Uyewo haufaniri kuva somupfumi akanzi atengese zvinhu zvake, ape varombo, uye atevere Jesu. Pane kudaro, murume wacho ‘akaenda ashungurudzwa, nokuti aiva nezvinhu zvizhinji.’ (Mat. 19:21, 22) Murume iyeye akabatwa nomusungo wepfuma, ndokurasikirwa neropafadzo yakakura yokutevera munhu mukuru kupfuura vose vakamborarama pasi pano! Unofanira kungwarira kuti usarasikirwa neropafadzo yokuva mudzidzi waJesu Kristu.
9, 10. Ungati ndezvipi zvinotaurwa neMagwaro panyaya yepfuma?
9 Kuti usangozvidya mwoyo zvisina basa, teerera murayiro waJesu wokuti: “Musambozvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.”—Mat. 6:31, 32; Ruka 21:34, 35.
10 Pane kubatwa nesimba rinonyengera repfuma, vavarira kuva nemaonero omunyori weBhaibheri Aguri, uyo akati: “Musandirega ndichinyanya kuva murombo kana akanyanya kupfuma. Ndipei zvandinongoda chete.” (Zvir. 30:8, Contemporary English Version) Zviri pachena kuti Aguri ainzwisisa kudzivirira kunoita mari uyewo ainzwisisa simba rinonyengera repfuma. Ziva kuti kuzvidya mwoyo kwemamiriro ezvinhu epanguva ino uye simba rinonyengera repfuma zvinogona kukukanganisa pakunamata. Kungonetseka zvisina basa nepfuma kunogona kukutorera nguva, kukupedza simba, uye kuita kuti chido chokutsigira Umambo chidzikire kana kuti chipere. Saka tsunga kuti usabatwa nomusungo waSatani wokunyanya kuda pfuma!—Verenga VaHebheru 13:5.
UPOMBWE—HUNZA YASATANI
11, 12. MuKristu angasvika sei pakuita upombwe kubasa?
11 Vavhimi vanenge vachida kubata mhuka yakasimba vangaicherera hunza painowanzopfuura napo. Gomba iroro rinowanzoitwa kuti risaoneka netumiti uye nevhu. Mumwe musungo waSatani unobudirira chaizvo wakafanana nehunza iyoyo. Iwo chivi choupombwe. (Zvir. 22:14; 23:27) VaKristu vakawanda vakawira mugomba iroro nokuzviisa mumamiriro ezvinhu anoita kuti zvive nyore kuita chivi. Vamwe vaKristu vane dzimba vakaita upombwe pashure pokunge vatanga kudanana nemumwe munhu.
12 Ungatanga kudanana nemumwe munhu kubasa. Imwe ongororo yakaitwa yakatoratidza kuti pavanhu vanoita upombwe, vakadzi vanopfuura hafu uye varume vanenge 3 pa4 vega vega, vakahuita nemunhu wokubasa. Kubasa unoshanda nevanhurume kana kuti vanhukadzi here? Kana zvakadaro, une ushamwari hwakaita sei navo? Unoziva pokugumira here kuti murege kupedzisira mava kudanana? Somuenzaniso, pashure pokungotaurawo zvayo nyaya nemurume wokubasa, hanzvadzi yechiKristu ingapedzisira yava kumuudza zviri kutsi kwemwoyo, kunyange kutomuudza matambudziko emumba. Pamwe pacho, pashure pokushamwaridzana nemukadzi wokubasa, murume wechiKristu angati: “Anokoshesa zvandinofunga uye anonyatsoteerera pandinotaura. Uye anondiremekedza. Kudai ndaibatwa seizvi kumba!” Uri kuona here kuti vaKristu ava vangava sei pamuedzo wokuita upombwe?
13. Muungano, munhu ane mhuri angatanga sei kudanana nemumwe waasina kuroorana naye?
13 Munhu ane mhuri angatanga kudanana nemumwewo munhu muungano. Funga muenzaniso uyu wezvakanyatsoitika. Daniel nemudzimai wake Sarah,a vaiva mapiyona enguva dzose. Daniel aivawo “mukuru aisaramba chero chaainzi aite,” sokutaura kwaanoita. Aibvuma basa rose raaipiwa. Mubasa rake roushumiri, Daniel aidzidza Bhaibheri nemajaya mashanu, uye vatatu vacho vakabhabhatidzwa. Hama idzi dzainge dzichangobhabhatidzwa dzaida kubatsirwa chaizvo. Daniel paaimhanyisana nemabasa ake eungano, Sarah ndiye aidzibatsira. Pasina nguva zvakapedzisira zvava kuitika ndeizvi: Hama idzi padzaiva nezvaidzinetsa mupfungwa, Sarah ndiye aidzibatsira. Sarah paaidawo wokutaura naye, aitaura nehama idzi dzainge dzadzidziswa Bhaibheri naDaniel. Painge pava nemusungo wakaipa. “Mudzimai wangu akapedza mwedzi yakawanda achiedza kuvabatsira uye izvozvo zvakaita kuti anete pakunamata uye anetseke mupfungwa,” anodaro Daniel. “Izvozvo, uye kusamupa nguva yaaida, zvakaguma nedambudziko rakakura. Mudzimai wangu akaita upombwe nemumwe wevandaimbodzidzisa. Ainge aneta pakunamata ini ndichigara naye, ndichingomhanya-mhanya neropafadzo dzangu zvokuti handina kumbozviona.” Ungadzivisa sei dambudziko rakadaro?
14, 15. Zvii zvingabatsira vaKristu vakaroorana kuti vadzivise hunza youpombwe?
14 Kuti udzivise hunza youpombwe, funga zvinorehwa nokuvimbika kune mumwe wako. Jesu akati: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mat. 19:6) Usambofunga kuti ropafadzo dzako muungano dzinokosha kupfuura mumwe wako. Uyezve, ziva kuti kupedza nguva usiri pamwe nemumwe wako pamusana pezvinhu zvisingakoshi kungaratidza kuti imba yenyu haina kusimba uye kunogona kukuisai pamuedzo uye kunyange kuita chivi chakakura.
15 Asi zvakadini kana uri mukuru, woita sei neboka? Muapostora Petro akanyora kuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira; musingaitiri kuda pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka, asi nomwoyo wose.” (1 Pet. 5:2) Zvechokwadi vanhu vari muungano vawakanzi utarisire havafaniri kungosiyiwa. Zvisinei, haufaniri kuita basa rako somufudzi asi uchisiya basa rako sababa vemba. Hazvina musoro, uye zvinotova nengozi kungoti nangananga nokudyisa ungano uku mudzimai achifa nenzara kumba. Daniel anotaura kuti, ‘Haufaniri kubatikana neropafadzo dzako uku uchisiya mhuri yako ichiparara.’
16, 17. (a) Matanho api anoshanda angatorwa nevaKristu vane dzimba kuti varatidze vamwe kubasa kuti havadi zvokudanana nemumwe munhu? (b) Ipa muenzaniso wenyaya yakabudiswa inogona kubatsira vaKristu kuti vadzivise kuita upombwe.
16 Magazini eNharireyomurindi neMukai! ane mazano akawanda akanaka okubatsira vaKristu vakaroorana kuti vasabatwa nomusungo woupombwe. Somuenzaniso, Nharireyomurindi yaSeptember 15, 2006, yakapa zano iri: “Kubasa nokumwewo, ngwarira mamiriro ezvinhu angaita kuti mugume madanana. Somuenzaniso, kupedza nguva yakawanda pashure pebasa uchishanda nomumwe murume kana mukadzi kungaita kuti upinde mumuedzo. Somurume akaroora kana kuti mukadzi akaroorwa, unofanira kujekesa nezvaunotaura uye kuzvibata kwako kuti hautombodi kudanana nomumwe munhu. Somunhu akazvipira kuna Mwari, zvechokwadi haungadi kuti vanhu vanyanye kufunga nezvako nokutamba kworudo kana kuti nokupfeka uye kushambidzika zvisina mwero. . . . Kugara uine mapikicha omumwe wako neevana kubasa kwako kuchakuyeuchidza iwe nevamwe nezvokukosha kwemhuri yako. Tsunga kusambokurudzira—kana kuti kunyange kubvuma—zvingaedza kuitwa nomumwe munhu kuti mudanane.”
17 Nyaya inoti “Kuvimbika Kune Wawakaroorana Naye—Kunorevei Chaizvo?” iri muMukai! yaJuly 2009 yakapa yambiro panyaya yokufungidzira uri pabonde nemumwe munhu asiri wawakaroorana naye. Nyaya yacho yakaratidza kuti kufungidzira uri pabonde nemumwe munhu kuchawedzera mukana wokuita upombwe. (Jak. 1:14, 15) Kana wakaroora kana kuroorwa, kungava kuchenjera kuti nguva nenguva mudzokorore mashoko akadai nemumwe wako. Jehovha ndiye akatanga urongwa hwemba, uye hutsvene. Kuwana nguva yokutaura nemumwe wako nezveukama hwenyu inzira yakanaka chaizvo yokuratidza kuti munokoshesa zvinhu zvitsvene.—Gen. 2:21-24.
18, 19. (a) Upombwe hunoguma nei? (b) Kuvimbika kune wawakaroorana naye kunounza makomborero api?
18 Ukaona wava kuva pamuedzo wokutanga kudanana nemurume kana mudzimai asiri wako, fungisisa migumisiro inokuvadza youfeve uye upombwe. (Zvir. 7:22, 23; VaG. 6:7) Vaya vanoita ufeve vanogumbura Jehovha, vanorwadzisa mumwe wavo uye vanozvirwadzisa. (Verenga Maraki 2:13, 14.) Funga nezvezvikomborero zvinowanikwa nevaya vanoramba vaine mufambiro wakachena. Vanova netariro yokurarama nokusingaperi uye vanotova noupenyu hwakanaka iye zvino, kusanganisira kuva nehana yakachena.—Verenga Zvirevo 3:1, 2.
19 Munyori wepisarema akaimba kuti: “Rugare rukuru ndorwevaya vanoda mutemo wenyu [Mwari], uye hapana chinovagumbura.” (Pis. 119:165) Saka ida chokwadi uye ‘nyatsochenjerera kuti kufamba kwaunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera’ munguva ino yakaipa. (VaEf. 5:15, 16) Nzira dzatinofamba dzakazara misungo yaSatani yokubatisa vanamati vechokwadi. Asi tine zvose zvatinoda kuti tizvidzivirire. Jehovha akatipa zvatinoda kuti ‘timire takasimba’ uye kuti tidzime “zvombo zvinopisa zvinoita zvokukandwa zveakaipa”!—VaEf. 6:11, 16.
-