Kukurukura Nemuvakidzani—Chii Chinonzi Mudzimu Mutsvene?
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinonakidzwa nokukurukura Bhaibheri nevavakidzani vazvo. Pane mubvunzo une chokuita neBhaibheri unombokunetsa here? Pane zvaunoda kuziva here nezvezvinotendwa kana kuti zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha pamanamatiro azvo? Kana zviripo, usazeza kubvunza kana chimwe Chapupu chikataura newe. Chichafara kutaura newe nyaya dzakadaro.
Zvakanyorwa pasi apa ndizvo zvinowanzoitwa neZvapupu zvaJehovha kana zvichikurukura nemumwe munhu. Ngatimbotii Chapupu chinonzi John chasvika pamba pomurume anonzi Dennis.
Chamunoti “Mweya Unoyera” Chii?
Dennis: Ndakanzwa kuti Zvapupu zvaJehovha havasi vaKristu. Hamutendi kuti kune mweya unoyera.
John: Chokutanga regai ndikuudzei kuti isu tiri vaKristu. Chaita kuti ndiuye pamba penyu mangwanani ano imhaka yokuti ndinotenda muna Jesu Kristu. Nokutika ndiye anoudza vateveri vake kuti vaparidze. Asi ndokumbirawo kubvunza, munenge muchimborevei pamunoti “mweya unoyera”?
Dennis: Ndinoreva Mwari Mweya Mutsvene, iye mubatsiri akavimbiswa naJesu kuti achatitumira. Mubatsiri iyeye anokosha zvikuru kwandiri. Ndinoda kunyatsoona kuti mweya mutsvene uri kutungamirira upenyu hwangu.
John: Ndizvo zvinotaura vanhu vakawanda pamusoro pomudzimu mutsvene. Nguva yadarika iyo ndakambowana nguva yokuongorora kuti Bhaibheri rinodzidzisei nezvenyaya iyi. Kana mune maminitsi mashoma, ndingada kukuratidzai zvandakadzidza.
Dennis: Yaa ingoti ga-ga-ga.
John: Ini ndinonzi John. Imi munoitwa ani?
Dennis: Dennis. Ndafara kukuziva.
John: Neniwo ndafara kukuzivai, mukoma Dennis. Kuti ndisadya nguva yenyu regai ndikurukure chinhu chimwe chete panyaya iyi. Mati mudzimu mutsvene mubatsiri uyo Jesu akativimbisa. Ndinobvumirana nemi. Asi munoreva here kuti mudzimu mutsvene munhu uye akaenzana naMwari?
Dennis: Ehe, ndozvandakadzidziswa.
Mudzimu Mutsvene Munhu Here?
John: Ngatimboonai imwe ndima iri muBhaibheri ichatibatsira kuona kuti mudzimu mutsvene munhu here kana kuti kwete. Zvimwe ndima idzi munodziziva. Pana Mabasa 2:1-4 panoti: “Zvino zuva romutambo wePendekosti zvarakanga richipfuurira, vose vakanga vari panzvimbo imwe chete, uye kwakangoerekana kwava noruzha rwakaita semhepo inovhuvhuta nesimba rwakabva kudenga, rukazadza imba yose mavakanga vagere. Vakaona ndimi dzakafanana nedzomoto uye dzakapararira pose, pane mumwe nomumwe wavo pakagara rumwe chete, vose vakazadzwa nomudzimu mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, sokupiwa kwavakanga vachiitwa nomudzimu kuti vataure.”
Dennis: Ndinoiziva nyaya yacho.
John: Nhai mukoma Dennis, zvinoita here kuti munhu azadzwe nomumwe munhu?
Dennis: Aiwa hazviitika.
John: Ngationei zvimwe muchitsauko ichochi pandima 17. Mashoko okutanga endima yacho anoti: “‘Nemazuva okupedzisira,” Mwari anodaro, “ndichadurura mumwe mudzimu wangu pavanhu vemarudzi ose.’” Regai ndimbokubvunzai mukoma Dennis, Mwari angadurura kamwe kachikamu kaMwari here?
Dennis: Aiwa hazviiti.
John: Johani Mubhabhatidzi paairondedzera nezvekuzadzwa nemudzimu mutsvene akashandisa mamwe mashoko akasiyana. Tinozviona pana Mateu 3:11. Mungada here kuverenga rugwaro urwu?
Dennis: “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura nokuda kwokupfidza kwenyu; asi uyo anouya pashure pangu akasimba kupfuura zvandakaita, ane hwashu dzandisina kukodzera kubvisa. Iyeye achakubhabhatidzai nomudzimu mutsvene uye nomoto.”
John: Maita henyu. Maona here kuti Johani Mubhabhatidzi akati chii chaizoitwa nemudzimu mutsvene?
Dennis: Akataura nezvekubhabhatidzwa nemudzimu mutsvene.
John: Ndizvo chaizvo. Cherechedzai muone kuti akataurazve nezvekubhabhatidzwa nemoto. Zviri pachena kuti moto hausi munhu. Munofunga kuti ndima iyi iri kutaura kuti mudzimu mutsvene munhu here?
Dennis: Kwete.
John: Saka maererano nezvatakurukura zvinotaurwa nemagwaro, mudzimu mutsvene hausi munhu.
Dennis: Yaa ndofunga kudaro.
“Mubatsiri” Pakudii?
John: Mambotaura nezvekuti mudzimu mutsvene “mubatsiri.” Pana Johani 14:26 Jesu akati mudzimu mutsvene “mubatsiri.” Ngativerengei tose: “Mubatsiri, iwo mudzimu mutsvene, uchatumirwa naBaba muzita rangu, iwoyo uchakudzidzisai zvinhu zvose nokukuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakakuudzai.” Vamwe vanofunga kuti rugwaro urwu runoita sokunge runotsigira pfungwa yokuti mudzimu mutsvene munhu, mumwe munhu achazotibatsira uye kutidzidzisa.
Dennis: Ehe, ndozvandagara ndichiziva.
John: Kuti Jesu angava aishandisa dimikira here? Cherechedzai muone kuti Jesu akati kudini nezveuchenjeri, sezvinotaurwa pana Ruka 7:35: “Kunyange zvakadaro, uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nevana vahwo vose.” Mungati uchenjeri munhu, zvokutoti hune vana here?
Dennis: Aiwa. Idimikiraka iri.
John: Ichokwadi. Chairehwa naJesu ndechokuti uchenjeri hunoratidzwa nemabasa ahwo. Nguva zhinji Bhaibheri rinoshandisa chirungamutauro chinoita sokunge kuti munhu, parinenge richitaura zvimwe zvinhu zvisina upenyu asi richizviita sezvipenyu. Tinogara tichishandisa madimikira pakutaura zuva nezuva. Somuenzaniso sanhasi kudai, munonzwa mumwe munhu achiti, “Vhura maketeni, zuva ripinde,” hazvisi izvo here?
Dennis: Kana neni ndinotodarowo.
John: Saka anenge achireva here kuti zuva rakafanana nemunhu anozopinda mumba mako somuenzi?
Dennis: Aiwa hazvingambodaro. Rinongova dimikira chete.
John: Saka Jesu paakataura nezvemudzimu mutsvene somubatsiri kana kuti somudzidzisi, kuti angava aishandisa dimikira here?
Dennis: Ndinofunga kudaro. Zvinobva zvaenderana nemagwaro awaverenga nezvemudzimu mutsvene uchidururwa uye vanhu vachibhabhatidzwa nawo. Saka, mudzimu mutsvene chii kana usiri munhu?
Mudzimu Mutsvene Chii?
John: Pana Mabasa 1:8, Jesu anotiudza kuti mudzimu mutsvene chii. Mungada kupaverenga here?
Dennis: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”
John: Cherechedzai kuti Jesu paanotaura nezvemudzimu mutsvene anobva ataura nezvesimba. Uye kubva pandima dzatamboverenga, munofunga kuti simba racho rinobvepi?
Dennis: Kuna Mwari Baba.
John: Ndizvo chaizvo. Mudzimu mutsvene ndiro simba rakashandiswa naMwari kusika zvinhu zvose. Ndima yechipiri muBhaibheri inotaura nezvemudzimu mutsvene. Genesisi 1:2 inoti: “Simba raMwari rinoita basa raifamba-famba pamusoro pemvura.” Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “simba rinobata basa” rinoshandurwawo kuti “mudzimu.” Isimba rinobata basa risingaoneki rinoshandiswa naMwari kuita zvinangwa zvake uye kuita zvaanoda. Regai ndikuratidzei rugwaro rwokupedzisira rwokufunga nezvarwo. NdiRuka 11:13. Mungaverenga rugwaro rwacho here?
Dennis: “Kana imi muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, kunyange zvazvo makaipa, Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene zvikuru sei!”
John: Kana Baba vari kudenga vachiita zvavanoda nemudzimu mutsvene, vachiupa kune vaya vanomukumbira, zvingaita here kuti mudzimu mutsvene ubve waenzana naBaba?
Dennis: Aiwa. Ndazoona zvauri kureva.
John: Handidi kunonotsai, mukoma Dennis. Mati munongova nemaminitsi mashomanana. Asi regai ndimbokubvunzai mubvunzo kuti tione kana mabata zvatakurukura. Kubva mumagwaro ataverenga, munofunga kuti mudzimu mutsvene chii?
Dennis: Isimba raMwari rinoita basa.
John: Ndizvo chaizvo. Maererano naJohani 14:26, Jesu paakataura nezvemudzimu mutsvene somubatsiri, kana kuti mudzidzisi akanga ari kushandisa dimikira achiufananidza nomunhu.
Dennis: Haa ndanga ndisingazvizivi.
John: Pane zvimwe zvinonyaradza zvatinodzidza kubva mumashoko aJesu.
Dennis: Chii ichocho?
John: Tinogona kukumbira Mwari kuti atipe mudzimu wake mutsvene kuti utibatsire kana zvinhu zvakaoma. Tinogonawo kukumbira mudzimu wake kuti utibatsire kudzidza chokwadi nezvake.
Dennis: Yaa zvinenge zvine musoro zvauri kutaura. Ndichafanira kufunga nezvazvo.
John: Ndisati ndaenda regai ndikusiyirei chimwe chinhu chokuti muzosara muchifunga nezvacho. Sezvo mudzimu mutsvene uri simba raMwari rinoita basa, tinobvumirana kuti Mwari anogona kuushandisa kuita zvose zvaanoda.
Dennis: Ichokwadi ichocho.
John: Saka nei asingashandisi simba iroro rakakura kuti agumise kutambura kwose uye uipi zvatiri kuona munyika? Makambofunga here kuti nei zvakadaro?a
Dennis: Yaa ndinombozvifungawo.
John: Mungada here kuti ndidzoke vhiki rinouya senguva dzandauya nhasi kuti tigozoitaura?
Dennis: Hapana chakaipa. Toonana.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mamwe mashoko, ona chitsauko 11 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.