Rwiyo 29
Kufamba Takavimbika
Rakaprindwa
1. Nditongei, henyu Ishe wangu.
Ndakavimbika uye ndakaperera.
Ndiongororei, mundiedze.
Natsai mwoyo wangu, ndikomborerei.
(KORASI)
Asi ini ndichatsunga kwazvo
Kuti ini ndifambe ndakavimbika.
2. Handingagari nevakaipa,
Ndinovenga vanovengawo chokwadi.
Musandiparadze pamwe navo;
Vechizivano nevanokakavara.
(KORASI)
Asi ini ndichatsunga kwazvo
Kuti ini ndifambe ndakavimbika.
3. Ndinoda kugara mumba menyu,
Zuva nezuva ndichikunamatai.
Ndotenderera atari yenyu;
Kuonga kwangu kunzwike nyika yose.
(KORASI)
Asi ini ndichatsunga kwazvo
Kuti ini ndifambe ndakavimbika.
(Onawo Pis. 25:2.)