RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 7/15 pp. 3-6
  • Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuMicronesia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuMicronesia
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MINYENGETERO MIVIRI YAKAPINDURWA
  • MATAMBUDZIKO MATATU UYE KUKUNDWA KWAANGAITWA
  • ‘KUKOHWA ZVIZHINJI’
  • UNGAITAWO BASA RACHO HERE?
  • “Takaona Jehovha Achitichengeta Uye Achititungamirira”
    Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
  • Usambofa Wakarasa Tariro!
    Bhaibheri Rinochinja Upenyu
  • Akanyengetera Kuna Mwari Achidurura Mwoyo Wake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Akadurura Mwoyo Wake Kuna Mwari Mumunyengetero
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 7/15 pp. 3-6
Doris naKatherine

Vakazvipa Nemwoyo Unoda kuMicronesia

KATHERINE akakurira muUnited States uye paaiva nemakore 16 akabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. Aishanda nesimba chaizvo muushumiri asi vanhu vomundima yake vaisanyanya kufarira mashoko oUmambo. Anoti: “Ndakaverenga nezvevanhu vainyengetera kuna Mwari kuti atume mumwe munhu kuti avabatsire kuziva nezvake. Ndaiva neshungu dzokuwanawo munhu akadaro asi handina kumbomuwana.”

Pashure pokuparidza kwemakore mundima iyoyo, Katherine akatanga kufunga nezvekutamira kundima ine vanhu vanofarira mashoko oUmambo. Asi ainetseka kuti aizozvikwanisa here. Muupenyu hwake hwose, ainge angogara kure nemhuri yake kwemavhiki maviri chete, uye pakanguva kadiki ikako, aisuwa kumba zuva nezuva. Asi chido chaaiva nacho chokubatsira vaya vanotsvaka Jehovha ndicho chakaita kuti ade kuenda. Pashure pokufunga nezvenzvimbo dzakawanda dzaaigona kuenda, akanyora tsamba kubazi rokuGuam uye akawana mashoko aaida. Muna July 2007, Katherine paainge ava nemakore 26, akatamira kuSaipan, chitsuwa chiri muPacific Ocean, chiri kure nemakiromita 10 000 kubva kumba kwavo. Zvinhu zvakazomufambira sei paakatama?

MINYENGETERO MIVIRI YAKAPINDURWA

Pasina nguva asvika muungano itsva, Katherine akasangana nemumwe mukadzi aiva nemakore okuma40 ainzi Doris uye akabvuma kudzidza Bhaibheri. Pavainge vangodzidza zvitsauko zvitatu zvokutanga zvebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei, Katherine akatanga kunetseka. Anoti, “Doris aiva mudzidzi akanaka uye ndaisada kuvhiringa chidzidzo chacho. Ndainge ndisati ndambowana munhu wokudzidza naye Bhaibheri nguva dzose uye ndainzwa sokuti zvaiva zvakanaka kuti nditsvakire Doris imwe hanzvadzi ine unyanzvi, zvimwe yezera rake.” Katherine akanyengetera kuna Jehovha achikumbira kuti amubatsire kuwana hanzvadzi yaikwanisa kudzidza naDoris. Saka akasarudza kuudza Doris kuti aida kumupa mumwe munhu wokuti adzidze naye.

“Ndisati ndataura nyaya yacho,” anodaro Katherine, “Doris akati aiva nedambudziko raaida kundiudza. Paakandiudza dambudziko rake, ndakamuudzawo nezvekubatsirwa kwandakaitwa naJehovha kukunda dambudziko rakafanana nerake. Akanditenda.” Doris akabva audza Katherine kuti: “Jehovha ari kukushandisa kuti undibatsire. Musi wawakatanga kuuya pamba pangu, ndainge ndatova nemaawa ndichiverenga Bhaibheri. Ndaichema ndichikumbira Mwari kuti atume mumwe munhu kuti andibatsire kunzwisisa Bhaibheri. Iwe ndipo pawakagogodza dhoo rangu. Jehovha ainge apindura munyengetero wangu!” Maziso aKatherine aiyangarara misodzi paairondedzera nyaya yaDoris. Anoti: “Zvakataurwa naDoris zvairatidza kuti munyengetero wangu wainge wapindurwa. Jehovha akandiratidza kuti ndaigona kuenderera mberi nokuitisa chidzidzo chacho.”

Doris akabhabhatidzwa muna 2010 uye ava kutoitisawo zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda. Katherine anoti: “Ndinoonga chaizvo kuti zvandaishuvira kwenguva yakareba kuti ndibatsire munhu anonyatsoda chokwadi kuti ave mushumiri waJehovha zvakazoitika!” Iye zvino Katherine ndipiyona chaiye kuchitsuwa chinonzi Kosrae chiri mugungwa rePacific.

MATAMBUDZIKO MATATU UYE KUKUNDWA KWAANGAITWA

Hama nehanzvadzi dzinopfuura 100 dzinobva kure (dzine makore anotangira pa19 kusvika ku79) dzakaenda kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda kuMicronesia. Erica uyo akatamira kuGuam muna 2006 aine makore 19 akanyatsotaura manzwiro anoita vashumiri ava vanoshingaira. Anoti: “Kupayona mundima ine vanhu vane nyota yechokwadi kunonakidza chaizvo. Ndinoonga chaizvo kuti Jehovha akandibatsira kuti ndiite basa iri. Ichi ndicho chisarudzo chakanaka chaizvo chandakaita!” Iye zvino Erica ari kunakidzwa nokushumira sapiyona chaiye kuEbeye muMarshall Islands. Chokwadi, kushanda kune imwe nyika kunewo matambudziko. Ngatikurukurei matatu acho toona kuti vaya vakatamira kuMicronesia vakaakunda sei.

Erica

Erica

Upenyu hwacho. Paakatamira kuchitsuwa chinonzi Palau muna 2007, Simon, uyo aiva nemakore 22, akaona kuti mari yaainge ava kuwana yaiva shomanana kana achienzanisa neyaaiwana kumusha kwake kuEngland. “Ndakaona kuti ndaisafanira kungotenga chero zvandaida. Iye zvino ndinonyatsosarudza kuti ndotenga zvokudya zvipi uye ndinotsvaka zvakachipa. Kana paine chinhu chinenge chafa, ndinotsvaka mapatsi akamboshandiswa uye ndinoedza kutsvaka mumwe munhu angandibatsira kuchigadzira.” Simon akabatsirwa sei nokunogara kunzvimbo yaaifanira kurarama nezvinhu zvishoma? Anoti: “Kwakandibatsira kuziva zvinhu zvinonyanya kudiwa muupenyu uye kuti ndingararama sei nezvinhu zvishoma. Ndiri kuona kuti Jehovha ari kundibatsira pane zvakawanda. Mumakore manomwe andashumira kuno, handina kumboshaya zvokudya uye pokurara.” Chokwadi Jehovha anobatsira vaya vanoita kuti upenyu hwavo husava nezvakawanda nokuti vanoda kuisa Umambo pokutanga.—Mat. 6:32, 33.

Kusuwa kumba. Erica anoti: “Ndinoda vanhu vomumba medu zvakanyanya, uye ndainetseka kuti kugara kure navo kwaizokanganisa ushumiri hwangu.” Akaitei kuti asazosuwa kumba? Anoti, “Ndisati ndatama, ndakaverenga nyaya dzomuNharireyomurindi dzaitaura nezvekusuwa kumba. Izvi zvakandibatsira kuti ndigadzirire mwoyo wangu kuzokunda dambudziko racho. Mune imwe nyaya yandakaverenga, vamwe amai vakasimbisa mwanasikana wavo nemashoko okuti, ‘Jehovha anogona kunyatsokuchengeta kupfuura zvandingaita.’ Mashoko iwayo akandisimbisa chaizvo.” Hannah nemurume wake Patrick, vari kushumira kuMajuro kuMarshall Islands. Hannah anokunda dambudziko rokusuwa kumba nokuramba achifunga nezvehama nehanzvadzi dzaanadzo muungano yake. Anoti: “Ndinogara ndichitenda Jehovha nemhaka yesangano redu rehama dzemunyika yose nokuti naivowo imhuri yangu. Ndaisazombokwanisa kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda kudai vaisanditsigira.”

Simon

Simon

Kuwana shamwari. Simon anoti: “Kana uchangosvika mune imwe nyika, zvinhu zvose zvinenge zvakasiyana nekwawakabva.” Anonetsekawo kuti dzimwe nguva akataura zvinhu zvinosetsa vanhu vanoshaya chinosetsa chacho. Erica anoti: “Mazuva okutanga ndainzwa kusurukirwa asi izvozvo zvaindibatsira kuti ndifunge kuti ndakauyirei kuno. Handina kuuya kuzotsvaka zvinhu zvakandinakira asi kuzoita zvakawanda mubasa raJehovha.” Anowedzera kuti: “Nokufamba kwenguva, ndakatanga kuva neshamwari dzandaikoshesa chaizvo.” Simon akashanda nesimba kudzidza mutauro wechiPalauan izvo zvakazoita kuti ‘awedzere’ kuda hama nehanzvadzi dzake. (2 VaK. 6:13) Kushanda nesimba kwaakaita kudzidzira mutauro uyu kwakaita kuti afarirwe chaizvo nehama dzeko. Chokwadi, kana vaparidzi vanobva kune dzimwe nyika vakashanda pamwe chete nehama dzemunzvimbo iyoyo, vose vanova neushamwari hwepedyo muungano. Ndeipi mimwe mibayiro inowanikwa nevaya vanozvipa nemwoyo unoda kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda?

‘KUKOHWA ZVIZHINJI’

Muapostora Pauro akati: “Anodyara zvizhinji achakohwawo zvizhinji.” (2 VaK. 9:6) Izvi zvinoshandawo kune vaya vanowedzera ushumiri hwavo. Hama dziri kuMicronesia dziri ‘kukohwawo’ sei zvizhinji?

Patrick naHannah

Patrick naHannah

KuMicronesia kuchine mikana yakawanda yokutanga zvidzidzo zveBhaibheri uye kuona vanhu vanodzidza uye kushandisa chokwadi cheShoko raMwari vachifambira mberi pakunamata. Patrick naHannah vakaparidzawo pachitsuwa chiduku chinonzi Angaur, chine vagari 320. Pavakapedza mwedzi miviri vachiparidza ikoko, vakaonana nemumwe mukadzi airera vana asina murume. Mukadzi wacho akabva angobvuma kudzidza Bhaibheri uye akagamuchira chokwadi ndokuchinja mararamiro ake. Hannah anoti: “Pose pataibva kunodzidza naye tichichovha mabhasikoro edu, taitarisana toti: ‘Jehovha, tinokutendai!’” Anowedzera kuti: “Ndinoziva kuti Jehovha angadai akashandisa imwe nzira kuita kuti mukadzi uyu auye kwaari, asi nemhaka yokuti takaenda kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda, takakwanisa kubatsira gwai iri kuti rizive Jehovha. Ichi ndechimwe chezvinhu zvinonakidza chaizvo zvatakasangana nazvo muupenyu!” Sezvakataurwa naErica, “paunobatsira mumwe munhu kuziva Jehovha, unowana mufaro usingatauriki!”

UNGAITAWO BASA RACHO HERE?

Munyika dzakawanda muri kudiwa vaparidzi voUmambo vakawanda. Ungakwanisawo here kunobatsira kunzvimbo idzodzo? Nyengetera kuna Jehovha uchimukumbira kuti akuwedzere chido chokuita zvakawanda muushumiri hwako. Taura nevakuru veungano yako, mutariri wedunhu kana kuti vaya vakawana ropafadzo yokushumira kunyika dzinodiwa vaparidzi vakawanda. Paunotanga kuronga zvinhu zvako, nyorera bazi rinotarisira ndima yaunoda kunoshumira uchikumbira mamwe mashoko.a Pamwe newewo unogona kubatanawo nezviuru zvehama nehanzvadzi, vakuru nevaduku, vasina kuroora nekuroorwa uye vakaroorana, vanozvipa nemwoyo unoda uye vanowana mufaro ‘mukukohwa zvizhinji.’

a Ona nyaya inoti “‘Ungayambukira kuMakedhoniya’ Here?” iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 2011.

Vamwe Vangadzidziswa Sei?

PANE vaya vakatamira kune dzimwe nyika pane vakuru vechiKristu vane makore akawanda vachifudza boka. Hama idzi dzingadzidzisa sei vamwe vari muungano?

Richard naJoel

Richard naJoel

Richard, ane makore 65, akatamira kuGuam muna 2010 achibva kuUnited States. Anotaura kuti chimwe chinhu chinonyanya kukosha pakudzidzisa vamwe kuvarumbidza nemwoyo wose. Rich­ard anotiwo: “Nzira yakanaka yokudzidzisa vamwe ndeyokushanda navo muushumiri. Hama dzinogona kuona uye kunzwa madzidzisiro aunoita vamwe nezvaJehovha. Uyewo, kushanda pamwe navo kunoita kuti muwedzere kudanana uye kubatana.”

Byron naGreg

Byron naGreg

Greg, ane makore 60, akatanga kugara muSaipan kubva muna 2010. Anoti: “Vakuru vakatamira kuno vanowana nguva yokutaura nehama imwe neimwe yekuno. Tava neushamwari hwepedyo nehama dzekuno uye tinoremekedzana uye tinovimbana.” Anowedzera kuti: “Tinovadzidzisa zvimwe zvinhu uye tinewo zvakawanda zvatinodzidza kwavari.”

Mike naAlice

Mike naAlice

Mike, ane makore 60, akashumira kuzvitsuwa zviri muPacific kwemakore anopfuura 20 pamwe nemudzimai wake Alice. Aidzidzisa sei vamwe? Anoti: “Ndairatidza muenzaniso wakanaka nokunyatsotevedzera mirayiridzo yesangano raJehovha. Ndaiva nechokwadi chokuti vandaidzidzisa vanzwisisa mirayiridzo iyi. Ndaiedza kuita zvandaidzidzisa, kuva nemwoyo murefu uye kugara ndichirumbidza vamwe.” Mike anotiwo: “Kana uchinge watamira kune imwe nzvimbo, unofanira kugara uchiyeuka kuti kazhinji, pane nzira dzakasiyana-siyana dzokuita chimwe chinhu.”

Hama dzokuMicronesia dzinotiwo kudii nokudzidziswa kwadzinoitwa? Joel ane makore 21 anogara kuGuam anoti: “Vakuru vanoratidza kuti vanovimba neni nokundipa mabasa okuita. Izvi zvave zvichindibatsira kuona kuti ndine chimwe chinhu chinokosha chandinokwanisa kuitawo mubasa raJehovha.” Byron ane makore 31 anogara muSaipan anoti: “Kushingaira muushumiri kunoitwa nevakuru uye kuda kwavanoita makwai kwandibatsira kuti ndirambe ndichikoshesa zvinhu zvokunamata pane kukoshesa pfuma.” Anowedzera kuti: “Takakomborerwa chaizvo kuva nehama idzi dzagara nebasa.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe