RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 4/15 p. 32
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Tinodzidzei Pane Zvaipfekwa Nemupristi?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 4/15 p. 32
Mambo Josiya achibvarura nguo dzake

WAIZVIZIVA HERE?

Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, kubvarura kwaiita munhu nguo dzake kwairatidzei?

MAGWARO anotaura nezvevanhu vakawanda vakabvarura nguo dzavo. Mazuva ano tingashamiswa patinoverenga nezvevanhu vaibvarura nguo dzavo, asi kuvaJudha, kubvarura nguo kwairatidza kuti munhu apererwa, ashungurudzika, anyadziswa, agumbuka kana kuti ari kuchema.

Somuenzaniso, Rubheni “akabvarura nguo dzake” paakaona kuti zvaaironga zvokununura munun’una wake Josefa zvainge zvakundikana nokuti Josefa ainge atotengeswa. Baba vavo Jakobho ‘vakabvarura majasi avo’ pavakafunga kuti Josefa ainge abvamburwa nechikara. (Gen. 37:18-35) Jobho “akabvarura jasi rake” paakaudzwa kuti vana vake vose vainge vafa. (Job. 1:18-20) Imwe nhume yakasvika kuMupristi Mukuru Eri iine “nguo dzakabvaruka” ikamuzivisa kuti vaIsraeri vainge vakundwa muhondo, vanakomana vaviri vaEri vainge vaurayiwa uye areka yesungano yainge yatorwa. (1 Sam. 4:12-17) Josiya paakanzwa mashoko oMutemo achiverengwa uye paakaona kuti vanhu vake vaiita zvakaipa, “akabva abvarura nguo dzake.”—2 Madz. 22:8-13.

Paitongwa Jesu, Mupristi Mukuru Kayafasi, “akabva abvarura nguo dzake dzokunze” paakanzwa mashoko aakati aiva okumhura. (Mat. 26:59-66) Maererano nemitemo yavanarabhi, munhu wose ainzwa zita raMwari richimhurwa aifanira kubvarura nguo dzake. Zvisinei, mumwe mutemo wavanarabhi wakadzikwa temberi yeJerusarema yaparadzwa waiti “mazuva ano munhu anonzwa Zita raMwari richimhurwa haachafaniri kubvarura nguo dzake nokuti dzingapedzisira dzaita mamvemve.”

Kubvarura nguo kwaisakosha kuna Mwari kunze kwokunge munhu wacho achiratidza kunetseka zvechokwadi. Saka Jehovha akaudza vanhu vake kuti ‘vabvarure mwoyo yavo, kwete nguo dzavo; uye vadzoke kwaari.’—Joe. 2:13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe