Rwiyo 49
Jehovha Ndiye Nzvimbo Yedu Yokupotera
Rakaprindwa
1. Jehovha hutiziro,
Tinovimba naye.
Tovanda mumumvuri
Wake togaramo.
Tivimbe nesimba rake
Nokuti achatirwira.
Jehovha ndiye nhare,
Ochengeta vakanaka.
2. Nyange zvuru zvikawa
Parutivi penyu,
Imi makavimbika
Muchachengetedzwa.
Hapana kana chokutya
Sokunge muchakuvadzwa.
Zvichangova zvemeso.
Muchagara muna Mwari.
3. Achakuchengetai
Pamisungo m’nzira.
Hamuzopingirishwi;
Hapana chokutya.
Hamuzotyi shumba duku;
Muchatotsikawo mhungu.
Jehovha hutiziro,
Mudziviriri munzira.
(Onawo Pis. 97:10; 121:3, 5; Isa. 52:12.)