-
Kuberekwazve—Ndiko Kunoponesa Here?Nharireyomurindi—2009 | April 1
-
-
Kuberekwazve—Ndiko Kunoponesa Here?
UNGAPINDURA sei mubvunzo wokuti, “Wakaberekwazve here?” Vatendi vakawanda vari munyika yose vanonyatsopindura nechivimbo kuti, “Hungu!” Vanotenda kuti vaKristu vose vechokwadi vanozivikanwa nokuberekwazve uye kuti ndiko chete kunoponesa. Vanobvumirana nezvinotaurwa nevatungamiriri vezvitendero vakadai samufundisi Robert C. Sproul, akanyora kuti: “Kana munhu asina kuberekwazve, . . . haasi muKristu.”
Uri mumwe wevaya vanotenda kuti kuberekwazve ndiko kunoita kuti upone here? Kana uri mumwe wavo, hapana mubvunzo kuti unoda kubatsira hama dzako neshamwari kuti dzizoponawo. Zvisinei, kuti vapone vanofanira kunzwisisa kusiyana kwakaita munhu anoberekwazve nomunhu asingaberekwizve. Ungavatsanangurira sei zvinoreva kuberekwazve?
Vakawanda vanotenda kuti shoko rokuti ku“berekwazve” rinoreva munhu anenge avimbisa nomwoyo wake wose kushumira Mwari naKristu uye zvadaro, anochinja kubva pakusava noukama naMwari ova noukama hwakanaka naye. Kutaura zvazviri, duramazwi richangobva kubuda rinotsanangura munhu anenge aberekwazve richiti “kazhinji kacho muKristu anenge atangazve kana kuti anenge apupurira kuti anyatsozvipira pachitendero chake kunyanya pashure pokunge abayiwa mwoyo nezvinenge zvaitika pakunamata kwake.”—Merriam-Webster’s Collegiate Dictionary—Eleventh Edition.
Zvingakushamisa here kana ukaziva kuti Bhaibheri haribvumirani netsanangudzo iyi? Ungada here kuziva zvinonyatsodzidziswa neShoko raMwari nezvokuberekwazve? Chokwadi zvichakubatsira kana ukanyatsoongorora nyaya iyi. Nei? Nokuti ukaziva zvakarurama kuti kuberekwazve kunorevei zvichakubatsira muupenyu hwako uye netariro yako yeremangwana.
Bhaibheri Rinodzidzisei?
MuBhaibheri rose shoko rokuti ku“berekwazve” rinongowanikwa pana Johani 3:1-12, panorondedzera nhaurirano inonakidza yaiva pakati paJesu nomutungamiriri wechitendero muJerusarema. Uchawana nhaurirano yose iyi yomuBhaibheri pabhokisi rinotevera. Tinokukumbira kuti unyatsoiverenga.
Munyaya yacho, Jesu anoratidza zvinhu zvinoverengeka zvinobatanidzwa pa“kuberekwa patsva.”a Kutaura zvazviri, zvakataurwa naJesu zvinotibatsira kupindura mibvunzo mishanu iyi inokosha:
◼ Kuberekwa patsva kunokosha zvakadini?
◼ Tinogona here kuzvisarudzira toga kuti tiberekwe patsva?
◼ Chinangwa chokuberekwa patsva ndechei?
◼ Munhu anoberekwa patsva sei?
◼ Ukama hworudzii hunovapo kana munhu aberekwa patsva?
Ngationgororei mumwe nomumwe wemibvunzo iyi.
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko okuti “kuberekwa patsva” anowanika pana 1 Petro 1:3, 23. Mamwewo mashoko ari muBhaibheri anorondedzera ku“berekwazve.” Mashoko acho ose anobva pashoko rechiito rechiGiriki rokuti, gen·naʹo.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 4]
“Imi munofanira kuberekwazve”
“Zvino kwaiva nomumwe murume, mumwe wevaFarisi, ainzi Nikodhimo, mutongi wevaJudha. Iyeyu akauya kwaari usiku, akati kwaari: ‘Rabhi, tinoziva kuti imi somudzidzisi makabva kuna Mwari; nokuti hapana angagona kuita zviratidzo izvi zvamunoita kunze kwokunge Mwari ainaye.’ Achipindura, Jesu akati kwaari: ‘Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, Kana munhu akasaberekwazve, haangaoni umambo hwaMwari.’ Nikodhimo akati kwaari: ‘Munhu angaberekwa sei kana iye akura? Angapinda mudumbu raamai vake kechipiri oberekwa here?’ Jesu akapindura kuti: ‘Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, Kana munhu akasaberekwa nemvura nomudzimu, haangapindi muumambo hwaMwari. Chakaberekwa nenyama, inyama, uye chakaberekwa nomudzimu, mudzimu. Usashamiswa nokuti ndakuudza kuti, Imi munofanira kuberekwazve. Mhepo inovhuvhutira kwainoda, uye unonzwa kuvhuvhuta kwayo, asi hauzivi kwainobva nokwairi kuenda. Ndizvo zvakaita munhu wose akaberekwa nomudzimu.’ Achipindura, Nikodhimo akati kwaari: ‘Zvinhu izvi zvingaitika sei?’ Achipindura, Jesu akati kwaari: ‘Uri mudzidzisi waIsraeri, asi usingazivi zvinhu izvi here? Chokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, Tinotaura zvatinoziva uye tinopupurira zvatakaona, asi imi hamugamuchiri uchapupu hwatinopa. Kana ndakuudzai zvinhu zvepanyika asi musingatendi, muchatenda sei kana ndikakuudzai zvinhu zvokudenga?’”—Johani 3:1-12.
-
-
Kuberekwa Patsva—Kunokosha Zvakadini?Nharireyomurindi—2009 | April 1
-
-
Kuberekwa Patsva—Kunokosha Zvakadini?
POSE paaitaura naNikodhimo, Jesu akasimbisa nyaya yokuti kuberekwa patsva kana kuti kuberekwazve kunokosha zvikuru. Akazviratidza sei?
Ona kuti Jesu paaikurukura naNikodhimo akasimbisa sei kukosha kwokuberekwa patsva. Akati: “Kana munhu akasaberekwazve, haangaoni umambo hwaMwari.” (Johani 3:3) Mashoko okuti “akasaberekwazve” uye “haangaoni” anoratidza kukosha kwokuberekwa patsva. Somuenzaniso: Kana mumwe munhu akati, “Kana zuva rikasabuda, hakungavi nechiedza,” anenge achireva kuti kubuda kwezuva kunokosha zvikuru kuti pave nechiedza. Saizvozvowo, Jesu akataura kuti kuberekwazve kunokosha zvikuru kuti munhu aone Umambo hwaMwari.
Pakupedzisira, Jesu asingadi kusiya mubvunzo panyaya yacho, akati: “Imi munofanira kuberekwazve.” (Johani 3:7) Zviri pachena kuti maererano naJesu, kuberekwazve kunokosha—kunofanira kuitwa—kuti munhu ‘apinde muUmambo hwaMwari.’—Johani 3:5.
Sezvo Jesu aiona kuberekwa patsva sechinhu chinokosha, vaKristu vanofanira kuva nechokwadi chokuti vanyatsonzwisisa nyaya iyi. Somuenzaniso, unofunga kuti muKristu anogona here kusarudza kuberekwazve?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
“Kana zuva rikasabuda, hakungavi nechiedza”
-
-
Kuberekwa Patsva—Tinogona Kuzvisarudzira Here?Nharireyomurindi—2009 | April 1
-
-
Kuberekwa Patsva—Tinogona Kuzvisarudzira Here?
NDIANI anoita kuti pave nokuberekwa patsva? Vafundisi pavanokurudzira vateereri vavo kuti vave vaKristu vakaberekwazve, vanodzokorora mashoko aJesu okuti: “Imi munofanira kuberekwazve.” (Johani 3:7) Vafundisi vakadaro vanoshandisa mashoko aya somurayiro vachitoti, “Munofanira kuberekwazve!” Saka vanoparidzira kuti zviri kumutendi mumwe nomumwe kuteerera Jesu uye kutora matanho anodiwa kuti aberekwe patsva. Pavanodaro vanenge vachireva kuti munhu anozvisarudzira kuberekwa patsva. Asi pfungwa iyoyo inowirirana nezvakaudzwa Nikodhimo naJesu here?
Kana tikanyatsoverenga mashoko aJesu, tinoona kuti Jesu haana kudzidzisa kuti munhu ndiye anozvisarudzira kana kuramba kuberekwa patsva. Nei tichidaro? Mashoko echiGiriki anoshandurwa kuti ‘akaberekwazve’ anogonawo kushandurwa kuti “anofanira kuberekwa zvichibva kumusoro.”a Saka maererano nokumwe kushandura, kuberekwa patsva kunobva “kumusoro” kureva kuti “zvichibva kuna Baba.” (Johani 19:11; Jakobho 1:17) Chokwadi kunobva kuna Mwari.—1 Johani 3:9.
Kana tikaramba tichiyeuka mashoko okuti “zvichibva kumusoro,” hazvizotiomeri kunzwisisa kuti munhu pachake haangakonzeri kuberekwa patsva kwake. Chimbofunga nezvokuberekwa chaiko kwawakaitwa. Ndiwe here wakasarudza kuti uzoberekwa? Kwete! Wakaberekwa nokuti baba vako ndivo vakakubereka. Saizvozvowo, tinogona kuberekwa patsva kana Mwari chete, Baba vedu vokudenga, vakaita kuti tiberekwe patsva. (Johani 1:13) Ndokusaka Petro akanyatsotaura kuti: “Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu ngaarumbidzwe, nokuti maererano nengoni dzake huru akatibereka patsva.”—1 Petro 1:3.
Murayiro Here?
Vamwe vangafunga kuti, ‘Kana chiri chokwadi kuti hapana anogona kuzvisarudzira kuti anoda kuberekwazve, nei Jesu akapa murayiro wokuti: “Imi munofanira kuberekwazve”?’ Uyu mubvunzo wakakodzera. Nokuti kudai mashoko aJesu aiva murayiro, zvaizoreva kuti aitirayira kuita zvinhu zvatisingagoni kuita. Izvozvo hazvina musoro. Saka shoko rokuti munofanira “kuberekwazve” rinorevei?
Kana tikanyatsoongorora shoko racho mumutauro wokutanga tinoona kuti harina kutaurwa somurayiro. Asi akangotaura zvinhu sezvazviri. Nemamwe mashoko Jesu paakati munofanira “kuberekwazve,” akanga asiri kudzika murayiro asi aingotaura zvaidiwa. Akati: ‘Zvakakodzera kuti uberekwe zvichibva kudenga.’—Johani 3:7, The Holy Bible in Ndau.
Kuti tienzanisire nyaya iyi yokusiyana kwakaita kutaura usiri kupa murayiro uye kutaura uchipa murayiro, funga izvi. Chimbofunga nezveguta rine zvikoro zvakawanda. Chimwe chacho chinongofanira kupindwa nezvizvarwa zvinobva kune imwe nzvimbo iri kure neguta racho. Rimwe zuva mumwe mukomana asiri werudzi rwunodiwa anoudza mukuru wechikoro chacho kuti, “Ndinoda kunyoresa pachikoro chenyu.” Mukuru wechikoro anomuudza kuti, “Kuti unyorese, unofanira kuva worudzi runodiwa pachikoro chino.” Chokwadi, mukuru wechikoro haasi kupa murayiro. Haasi kurayira mwana uyu kuti, “Iva worudzi urwu!” Mukuru wechikoro ari kungotaura zvazviri kana kuti zvinodiwa kuti mwana wacho apinde chikoro chacho. Saizvozvowo Jesu paakati: “Imi munofanira kuberekwazve,” aingotaura zvazviri—zvinodiwa kuti munhu ‘apinde muUmambo hwaMwari.’
Pfungwa yokupedzisira iyoyi yoUmambo hwaMwari, inoenderanawo nechimwe chinhu chine chokuita nokuberekwa patsva. Ine chokuita nomubvunzo wokuti, Chinangwa chokuberekwa patsva ndechei? Kuziva mhinduro yomubvunzo uyu kunotibatsira kunyatsonzwisisa kuti kuberekwazve kunorevei.
[Mashoko Omuzasi]
a Pane shanduro dzeBhaibheri dzakati wandei dzinoshandura Johani 3:3 saizvozvo. Somuenzaniso, The Holy Bible in Ndau rinoti: ‘Kana munhu akasaberekwa zvichibva kudenga, haangaoni umambo hwaMwari.’
[Mufananidzo uri papeji 6]
Kuberekwa patsva uye kuberekwa chaiko kwakafanana pakudii?
-
-
Kuberekwa Patsva—Chinangwa Chacho Ndechei?Nharireyomurindi—2009 | April 1
-
-
Kuberekwa Patsva—Chinangwa Chacho Ndechei?
VAKAWANDA vanodavira kuti munhu anofanira kuberekwazve kuti aponeswe nokusingaperi. Asi ona kuti Jesu pachake akati kudii nezvechinangwa chokuberekwa patsva. Akati: “Kana munhu akasaberekwazve, haangaoni umambo hwaMwari.” (Johani 3:3) Saka, munhu anofanira kuberekwazve kuitira kuti apinde muUmambo hwaMwari, kwete kuti aponeswe. Vamwe vangati, ‘Asi mashoko okuti kupinda muUmambo nokuponeswa, haarevi chinhu chimwe chete here?’ Kwete. Kuti tinzwisise kusiyana kwazvakaita, ngatitange taongorora zvinorehwa nemashoko okuti “umambo hwaMwari.”
Umambo ihurumende. Saka, mashoko okuti “umambo hwaMwari” anoreva kuti “hurumende yaMwari.” Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu Kristu, “mwanakomana womunhu,” ndiye Mambo woUmambo hwaMwari uye kuti Kristu ane vaanotonga navo. (Dhanieri 7:1, 13, 14; Mateu 26:63, 64) Uyewo zvakaonekwa nomuapostora Johani zvinoratidza kuti vanotonga naKristu vanhu vakasarudzwa “kubva mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi” uye “vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.” (Zvakazarurwa 5:9, 10; 20:6) Shoko raMwari rinoratidzawo kuti vaya vachatonga vari madzimambo vanoumba “boka duku” revanhu 144-000 “vakatengwa vachibva panyika.”—Ruka 12:32; Zvakazarurwa 14:1, 3.
Umambo hwaMwari hunotonga huri kupi? “Umambo hwaMwari” hunonziwo “umambo hwokumatenga,” zvinoratidza kuti Jesu uye vaanotonga navo vachatonga vari kudenga. (Ruka 8:10; Mateu 13:11) Naizvozvo, Umambo hwaMwari ihurumende yokudenga ina Jesu Kristu neboka revaanotonga navo vakasarudzwa kubva panyika.
Jesu airevei paakati munhu anofanira kuberekwazve kuti ‘apinde muumambo hwaMwari’? Aireva kuti zvinoda kuti munhu aberekwezve kuti azotonga pamwe naKristu kudenga. Saka, chinangwa chokuberekwa patsva ndechokugadzirira boka duku revanhu kuti vazotonga vari kudenga.
Saka, iye zvino taona kuti kuberekwa patsva kunokosha zvikuru, kunobva kuna Mwari, uye chinangwa chacho ndechokugadzirira boka revanhu vanozotonga vari kudenga. Asi kuberekwa patsva kunomboitika sei?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
Chinangwa chokuberekwa patsva ndechokugadzirira boka duku revanhu kuti vazotonga vari kudenga
[Mufananidzo uri papeji 7]
Jesu Kristu neboka revaanotonga navo vakasarudzwa kubva panyika ndivo vanoumba Umambo hwaMwari
-
-
Kuberekwa Patsva—Kunomboitika Sei?Nharireyomurindi—2009 | April 1
-
-
Kuberekwa Patsva—Kunomboitika Sei?
JESU haana kungotaura naNikodhimo nezvokukosha, zvinokonzera uye chinangwa chokuberekwa patsva asi akataurawo kuti kunoitika sei. Jesu akati: “Kana munhu akasaberekwa nemvura nomudzimu, haangapindi muumambo hwaMwari.” (Johani 3:5) Saka munhu anoberekwazve nemvura nomudzimu. Asi mashoko okuti “nemvura nomudzimu” anorevei?
“Mvura noMudzimu”—Zvinombova Chii?
Sezvo Nikodhimo aiva nyanzvi yechitendero chechiJudha, hapana mubvunzo kuti aiziva kuti Magwaro echiHebheru aishandisa sei mashoko okuti “mudzimu waMwari”—simba raMwari rinoita basa rinoita kuti vanhu vaite mabasa anoshamisa. (Genesisi 41:38; Eksodho 31:3; 1 Samueri 10:6) Saka Jesu paakashandisa shoko rokuti “mudzimu,” Nikodhimo akanzwisisa kuti waiva mudzimu mutsvene, simba rinoita basa raMwari.
Ko zvakataurwa naJesu nezvemvura? Chimbofunga zviitiko zvakanyorwa zvakaitika nguva pfupi Jesu asati ataura naNikodhimo uye zvakaitika pashure pacho. Izvi zvinoratidza kuti Johani Mubhabhatidzi nevadzidzi vaJesu vaibhabhatidza nemvura. (Johani 1:19, 31; 3:22; 4:1-3) Izvi zvakabva zvakurumbira muJerusarema. Saka, Jesu paakataura nezvemvura, Nikodhimo akanzwisisa kuti Jesu aireva mvura yokubhabhatidza kwete mvurawo zvayo.a
Kubhabhatidzwa “noMudzimu Mutsvene”
Kana ku“berekwa nemvura” kuchireva kubhabhatidzwa mumvura, ko zvinorevei ‘kuberekwa nomudzimu’? Jesu asati ataura naNikodhimo, Johani Mubhabhatidzi akanga azivisa kuti mvura haisiri iyo chete yaizongoshandiswa pakubhabhatidza, asi mudzimu mutsvene waizoshandawo. Akati: “Ini ndakakubhabhatidzai nemvura, asi iye [Jesu] achakubhabhatidzai nomudzimu mutsvene.” (Mako 1:7, 8) Munyori weEvhangeri Mako akatsanangura pakatanga kuitika rubhabhatidzo rwakadaro. Anonyora kuti: “Mumazuva iwayo Jesu akabva kuNazareta reGarireya, akabhabhatidzwa muJodhani naJohani. Achangobva kubuda mumvura akaona matenga achiparadzana, uye, mudzimu uchiburukira paari wakaita senjiva.” (Mako 1:9, 10) Jesu paakanyudzwa muna Jodhani, akabhabhatidzwa nemvura. Paakagamuchira mudzimu kubva kudenga, akabhabhatidzwa nomudzimu mutsvene.
Anenge makore matatu pashure pokubhabhatidzwa kwake, Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti: “Imi muchabhabhatidzwa nomudzimu mutsvene kusati kwapera mazuva mazhinji pashure peizvi.” (Mabasa 1:5) Izvozvo zvakaitika rini?
Musi wePendekosti yegore ra33 C.E., vadzidzi vaJesu vanenge 120 vakaungana mune imwe imba muJerusarema. “Kwakangoerekana kwava noruzha rwakaita semhepo inovhuvhuta nesimba rwakabva kudenga, rukazadza imba yose mavakanga vagere. Vakaona ndimi dzakafanana nedzomoto . . . , vose vakazadzwa nomudzimu mutsvene.” (Mabasa 2:1-4) Zuva iroro, vamwe vaiva muJerusarema vakakurudzirwa kubhabhatidzwa mumvura. Muapostora Petro akaudza boka revanhu kuti: “Pfidzai, uye mumwe nomumwe wenyu ngaabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu kuti mukanganwirwe zvivi zvenyu, uye muchagamuchira chipo chepachena chomudzimu mutsvene.” Vanhu vacho vakaitei? “Vaya vakagamuchira shoko rake nomwoyo wose vakabhabhatidzwa, uye pazuva iroro mweya inenge zviuru zvitatu yakawedzerwa.”—Mabasa 2:38, 41.
Pane Zvinhu Zviviri Zvinoitika
Kubhabhatidzwa uku kunoratidzei nezvokuberekwa patsva? Kunoratidza kuti pane zvinhu zviviri zvinodiwa kuti kuberekwa patsva kuitike. Ona kuti Jesu akatanga abhabhatidzwa mumvura. Zvadaro, akagamuchira mudzimu mutsvene. Nenzira yakafanana, vadzidzi vokutanga vakatanga vabhabhatidzwa mumvura (vamwe vakabhabhatidzwa naJohani Mubhabhatidzi), uye zvadaro vakazogamuchira mudzimu mutsvene. (Johani 1:26-36) Vadzidzi vatsva 3 000 vakatanga vabhabhatidzwa nemvura, uye vakazogamuchira mudzimu mutsvene.
Tichifunga nezvokubhabhatidza kwakaitika paPendekosti ya33 C.E., tingatarisira kuti kuberekwa patsva kuitike sei mazuva ano? Semaitikiro azvakaita kuvaapostora vaJesu nevadzidzi vokutanga. Chokutanga, munhu anopfidza zvivi zvake, anosiya kuita zvakaipa, anotsaurira upenyu hwake kuti anamate uye ashumire Jehovha, uye anoita kuti kuzvitsaurira kwake kuzivikanwe nevazhinji nokubhabhatidzwa mumvura. Zvadaro, kana Mwari akamusarudza kuti azotonga muUmambo Hwake, anobva azodzwa nomudzimu mutsvene. Parutivi rwokutanga rwechiitiko ichi (kubhabhatidzwa nemvura), munhu ndiye anosarudza, parutivi rwechipiri (kubhabhatidzwa nomudzimu), Mwari ndiye anosarudza. Kana munhu akabhabhatidzwa kaviri seizvi, anenge aberekwa patsva.
Saka, nei Jesu paaitaura naNikodhimo akashandisa mashoko okuti ‘kuberekwa nemvura nomudzimu’? Kuti asimbise kuti vaya vaibhabhatidzwa nemvura nomudzimu vaizochinja zvinoshamisa. Nyaya inotevera inokurukura pfungwa iyoyi ine chokuita nokuberekwa patsva.
[Mashoko Omuzasi]
a Nenzira yakafanana, panguva yaibhabhatidzwa vanhu muapostora Petro akamboti: “Kune munhu here angadzivisa mvura?”—Mabasa 10:47, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Johani aibhabhatidza nemvura vaIsraeri vaipfidza
-
-
Kuberekwa Patsva—Kunogadzirisei?Nharireyomurindi—2009 | April 1
-
-
Kuberekwa Patsva—Kunogadzirisei?
NEI Jesu akashandisa mashoko okuti ‘kuberekwa nomudzimu’ paaitaura nezvokubhabhatidzwa nomudzimu mutsvene? (Johani 3:5) Shoko rokuti “kuberekwa” rinoreva kuti “kutanga” parinoshandiswa mumashoko okufananidzira. Saka, mashoko okuti “kuberekwa patsva” anoratidza “kutanga patsva.” Naizvoizvo, mashoko okufananidzira okuti “kuberekwa” uye “kuberekwa patsva” anoratidza kuti vaya vanobhabhatidzwa nomudzimu mutsvene vachatanga ukama hutsva naMwari. Ukama uhu hunombochinja sei?
Paaitsanangura kuti Mwari anogadzirira sei vanhu kuti vazotonga vari kudenga, muapostora Pauro akashandisa muenzaniso wezvinoitika muupenyu hwemhuri. Akanyorera tsamba vaKristu vomunguva yaakararama achiti ‘vaizogamuchirwa sevanakomana’ uye kuti Mwari aizovabata “sezvaanoita vanakomana.” (VaGaratiya 4:5; VaHebheru 12:7) Kuti uone kuti muenzaniso uyu wokugamuchira munhu somwanakomana unobatsira sei kuti unzwisise kuchinja kunoitika panobhabhatidzwa munhu nomudzimu mutsvene, chimbofungazve nezvomuenzaniso uya womukomana anenge achida kunyoresa pachikoro chevana vorudzi rumwe chete.
Kuchinja Kunokonzerwa Nokugamuchirwa
Mumuenzaniso wacho, mukomana wacho haakwanisi kunyoresa pachikoro chacho nokuti haasi worudzi runodiwa ipapo. Zvino chifungidzira rimwe zuva zvinhu zvichichinja zvikuru. Agamuchirwa zviri pamutemo nevamwe baba vorudzi ruya runodiwa. Izvozvo zvinochinja here mukomana wacho? Nokuti iye zvino agamuchirwa somwanakomana, anenge ava nekodzero dzakafanana nedzevana vorudzi rwacho kusanganisira kodzero yokukwanisa kunyoresa pachikoro chacho. Kugamuchirwa kwaanenge aitwa kunenge kwachinja zvachose remangwana rake.
Izvi zvinoratidza zvinoitika chaizvo kune vaya vanoberekwa patsva. Chimboona kufanana kwazvakaita. Mukomana womumuenzaniso uya achawana nzvimbo pachikoro chacho kana ava nezvinodiwa, kuva worudzi runodiwa pachikoro chacho. Asi, iye pachake asina rubatsiro rwomumwe munhu haagoni kuva pachikoro ichi. Saizvozvowo, vamwe vanhu vachawanirwa nzvimbo muUmambo hwaMwari, kana kuti muhurumende yokudenga, kana chete vaine zvinodiwa kuti vapinde, kureva kuti ku“berekwazve.” Asi, ivo pachavo havagoni kuva nezvinodiwa nokuti zvokuberekwa patsva zvinobva kuna Mwari.
Chii chakachinja remangwana romukomana uyu? Matanho epamutemo okumugamuchira somwanakomana. Zvechokwadi, matanho iwayo haamuchinji zvaari. Agamuchirwa, aingova munhu mumwe chete iyeye. Kunyange zvakadaro, pashure pokunge matanho epamutemo aitwa, mukomana wacho akanga awana kodzero itsva. Zvechokwadi, kwaari zvinhu zvakanga zvaita sezvatanga patsva, seaberekwa patsva. Akava mwanakomana, zvakamupa kodzero yokuva pachikoro uye kuti ave mwana womumhuri yababa vacho.
Saizvozvowo, Mwari akachinja boka revamwe vanhu vasina kukwana nokutora matanho epamutemo kuti avagamuchire sevanakomana. Muapostora Pauro, aiva muboka iroro, akanyorera vaainamata navo kuti: “Makagamuchira mudzimu wokugamuchirwa sevanakomana, iwo mudzimu watinoshevedzera nawo, kuti: “Abha, Baba!” Iwo mudzimu wacho unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari.” (VaRoma 8:15, 16) Chokwadi, kuburikidza nedanho rokugamuchira, vaKristu vaya vakava vemhuri yaMwari, kana kuti “vanakomana vaMwari.”—1 Johani 3:1; 2 VaKorinde 6:18.
Zvechokwadi, kugamuchirwa kunoitwa vanhu vanenge vagamuchirwa naMwari hakuchinji zvavari, nokuti vanoramba vasina kukwana. (1 Johani 1:8) Kunyange zvakadaro, sokutsanangura kwakaita Pauro, kana vagamuchirwa zviri pamutemo, zvinhu zvinenge zvachinja. Panguva iyiwo, mudzimu waMwari unoita kuti vanakomana vanenge vagamuchirwa vatende zvakasimba kuti vachararama naKristu kudenga. (1 Johani 3:2) Mudzimu mutsvene zvaunoita kuti vave nechokwadi, zvinoita kuti vaone upenyu nenzira yakasiyana. (2 VaKorinde 1:21, 22) Chokwadi, vanova nokutanga kutsva—zvinoita sokuti vanenge vaberekwa patsva.
Richitaura nezvevana vaMwari vakagamuchirwa, Bhaibheri rinoti: “Vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.” (Zvakazarurwa 20:6) Vaina Kristu, vana vaMwari vakagamuchirwa vachaitwa madzimambo oUmambo hwaMwari, kana kuti hurumende yokudenga. Muapostora Petro akaudza vaainamata navo kuti vaizogamuchira, “nhaka isingaori isina kusvibiswa uye isingasvavi” yavaka“chengeterwa kudenga.” (1 Petro 1:3, 4) Chokwadi inhaka inokosha!
Zvisinei, nyaya youmambo iyi inomutsawo mumwe mubvunzo. Kana vaya vanoberekwazve vachizotonga semadzimambo kudenga, vachange vachitonga vanaani? Mubvunzo iwoyo uchakurukurwa munyaya inotevera.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Pauro akatii nezvokugamuchirwa sevanakomana?
-