Rwiyo 43
Rambai Makamuka, Mirai Makasimba, Ivai Nesimba
Rakaprindwa
1. Mukai muve nesimba,
Uye mutsungirire.
Itai sevanhurume,
Nokuti tichakunda.
Tinoterera Jesu Kristu
Tichizviisa pasi pake.
(KORASI)
Mukai mumire nesimba
Kusvika pamugumo!
2. Mukai mungwaririre,
Muchinyatsoterera.
Ngwarirai zvinotaura
Kristu nomuranda.
Muchiterera vatariri
Vanochengetedza makwai.
(KORASI)
Mukai mumire nesimba
Kusvika pamugumo!
3. Mukai, shandai pamwe,
Mutsigire chokwadi.
Nyange vavengi vorwisa,
Tichangoparidzira.
Shevedzerai murumbidze;
Zuva raJehovha rasvika!
(KORASI)
Mukai mumire nesimba
Kusvika pamugumo!
(Onawo Mat. 24:13; VaH. 13:7, 17; 1 Pet. 5:8.)