RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g09 January pp. 18-20
  • Ndingavandudza Sei Minyengetero Yangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingavandudza Sei Minyengetero Yangu?
  • Mukai!—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukiinura Suo Racho
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kuswedera Kwaunogona Kuita Pedyo naMwari
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
Ona Zvimwe
Mukai!—2009
g09 January pp. 18-20

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Ndingavandudza Sei Minyengetero Yangu?

“Paunenge uine zvakawanda zvokuita kuchikoro, kubasa, kana kuti uine shamwari uye mhuri, dzimwe nguva unokanganwa anonyanya kukosha​—iye Mwari.”​—Faviola wokuUnited States, ane makore 15.

“RAMBAI muchinyengetera.” (1 VaTesaronika 5:17; VaRoma 12:12) “Kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari.” (VaFiripi 4:6) Kana uri muKristu zvichida unonyatsoziva magwaro iwayo. Zvimwe unozivawo kuti munyengetero ndiyo nzira inoshamisa kwazvo yekukurukurirana. Chimbofunga, chero panguva ipi zvayo, masikati kana usiku, unokwanisa kutaura naMwari Wemasimbaose! Uye Bhaibheri rinoti: “Iye anotinzwa.”a—1 Johani 5:14.

Kunyange zvakadaro, sewechiduku ataurwa patangira nyaya ino, ungafunga kuti kunyengetera kwakakuomera. Kuomerwa nokunyengetera kungaita sesuo rakakiyiwa. Kana zvakadaro ungaitei? Nyaya ino ichakubatsira, (1) kuziva dambudziko racho, (2) kuva nechinangwa paunonyengetera, uye (3) kukiinura suo rakakiyiwa kuti ukwanise kubudirira pachinangwa chako.

Chekutanga ngationei dambudziko racho. Chii chinonyanya kukuomera pakunyengetera?

Danho rinotevera, nderokuva nechinangwa. Pasi apa maka chinangwa chaungada kushandira kana kuti nyora chinangwa chacho pedyo nepakanzi “Zvimwe.”

  • Ndinoda kunyengetera kakawanda.

  • Ndinoda kuti ndinyengeterere zvinhu zvakasiyana-siyana.

  • Ndinoda kuti minyengetero yangu ibve pamwoyo.

  • Zvimwe․․․․․

Kukiinura Suo Racho

Munyengetero wakaita sesuo raunokwanisa kuzarura chero nguva ipi zvayo. Kunyange zvakadaro, vechiduku vakawanda vangataura kuti havavhuri suo iroro kakawanda kana kuti havarivhuri vakasununguka sezvavanofanira kuita. Kana uri mumwe wavo, usaore mwoyo! Wava kutoziva dambudziko racho uye wava nechinangwa. Iye zvino chinongodiwa ikiyi yokukiinura suo racho. Chimbofunga nezvemamwe matambudziko aungasangana nawo, uye mazano aungashandisa kuakunda.

Suo Rakakiyiwa: KUREGEREDZA.

“Pane dzimwe nguva nemhaka yokubatikana kwangu ndinoregeredza kunyengetera.”—Preeti wokuBritain, ane makore 20.

Kiyi Yacho: “Rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba kwamunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera, muchizvitengera nguva yakakodzera, nokuti mazuva akaipa.”—VaEfeso 5:15, 16.

Zvaungaita: Gara wasarudza nguva ingava yakanaka kunyengetera zuva roga roga. Ungatoitawo zvokunyora papepa sezvaunoita kana warangana kuonana nomunhu. Yoshiko wokuJapan, ane makore 18 anoti, “Ndikasaronga nguva chaiyo yokunyengetera, ndinobva ndabatikana nezvimwe.”

Suo Rakakiyiwa: KUTORWA PFUNGWA NEZVIMWE.

“Ndinotadza kudzikama, pfungwa dzangu dzichimbeya-mbeya pane kuisa pfungwa pane zvandinenge ndichitaura.”—Pamela wokuMexico, ane makore 17.

Kiyi Yacho: “Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.”—Mateu 12:34.

Zvaungaita: Kana pfungwa dzichiri kumhanya-mhanya paunenge uchinyengetera, edza kusarebesa minyengetero yako, kusvikira wati dzikamei. Zvimwe zvaungaita ndeizvi: Nyengetera nezvezvinhu zvaune hanya nazvo chaizvo. Marina wokuRussia, ane makore 14, anoti, “Ndava nemakore 13, ndakatanga kufungisisa nezvokuti kunyengetera kukurukurirana chaiko naMwari. Zvakaita kuti ndidurure zvaiva kutsi kwemwoyo wangu ndichinyengetera kwaari.”

Suo Rakakiyiwa: KUDZOKORORA-DZOKORORA.

“Pandinonyengetera ndinodzokorora ndadzokororazve mashoko.”—Dupe wokuBenin, ane makore 17.

Kiyi Yacho: “Ndichafungisisa nezvebasa renyu rose, ndichava nehanya nezvamakaita.”—Pisarema 77:12.

Zvaungaita: Kana uchinyengetera zvachero, zuva roga roga, nyora nezvekukomborerwa chaiko kwawakaitwa muupenyu hwako. Zvadaro tenda Jehovha nokukukomborera saizvozvo. Ramba uchiita izvozvo kwevhiki, uye unenge wanyengeterera zvinhu zvinokwana zvinomwe usingadzokorori. Ita saizvozvo nezviitiko zvezuva roga roga. Bruno wokuBrazil, ane makore 21, anoti, “Pandinonyengetera, ndinofunga nezvezvinhu zvinenge zvaitika zuva iroro.” Samantha wokuUnited States, ane makore 18, anoita saizvozvowo. Anoti, “Ndinoedza kuyeuka zvose zvinenge zvaitika nhasi zvakasiyana nemamwe mazuva, ndobva ndanyengetera nezvazvo. Izvozvo zvinondibatsira kuti ndisadzokorore-dzokorore mashoko.”

Suo Rakakiyiwa: KUSAVA NECHOKWADI.

“Pane imwe nguva pandakanyengeterera rimwe dambudziko ndiri kuchikoro, harina kupera. Zvinetso zvakawanda zvakatomuka. Ndakafunga kuti, ‘Saka ndinonyengeterereizve? Jehovha haasi kumboteerera!’”—Minori wokuJapan, ane makore 15.

Kiyi Yacho: “Pamwe chete nomuedzo [Jehovha Mwari] achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.”—1 VaKorinde 10:13.

Zvaungaita: Chokwadi ndechokuti: Jehovha “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 65:2) Saka, wapedza kunyengetera, edza kuona zvose zvinobatanidzwa. Pane kumirira mhinduro yauri kufunga iwewe, tsvaka yaungave watopiwa. Kutsungirira kwauri kuita somuKristu kungangova kuti Jehovha zvechokwadi akapindura munyengetero wako—kwete nokubvisa dambudziko racho asi nokukupa simba rokuritsungirira.—VaFiripi 4:13.

Suo Rakakiyiwa: KUNYARA.

“Pandinofunga zvichataurwa nevamwe kuchikoro kana vakandiona ndichinyengetera ndisati ndadya masikati, ndinonyara.”—Hikaru wokuJapan, ane makore 17.

Kiyi Yacho: ‘Zvinhu zvose zvatinoda kuita zvine nguva yazvo yakakodzera.’—Muparidzi 3:1, Beck.

Zvaungaita: Kunyange zvazvo kunyengetera chinyararire kungaita kuti vanokuona vati uri kuita zvakanaka, haufaniri hako kunyengetera kuti uonekwe. Somuenzaniso, zviri pachena kuti munyengetero mupfupi waNehemiya akanga akatendeka, waakanyengetera ari pamberi paMambo Atashasta wakaitwa chinyararire. Uyewo hapana zvinoratidza kuti mambo akaziva kuti Nehemiya akanga achinyengetera. (Nehemiya 2:1-5) Iwewo unogona kunyengetera chinyararire kuna Jehovha usingaiti kuti vanhu vazvione.—VaFiripi 4:5.

Suo Rakakiyiwa: KUNZWA USINGABATSIRI.

“Jehovha anotoziva matambudziko angu. Kana ini ndaneta nawo, ndinofunga kuti zvimwe naiyewo aneta nawo! Dzimwe nguva ndinonzwa ndisina kukodzera kutaura naye.”​—Elizabeth wokuIreland, ane makore 20.

Kiyi Yacho: “Kanda[i] kuzvidya mwoyo kwenyu kwose pa[naMwari], nokuti iye ane hanya nemi.”​—1 Petro 5:7.

Zvaungaita: Sekabasa kako kekudzidza uri woga, tsvakurudza wofungisisa magwaro anotevera: Ruka 12:6, 7; Johani 6:44; VaHebheru 4:16; 6:10; 2 Petro 3:9. Mavhesi aya achakubatsira kuona kuti Jehovha anoda kunzwa zvaunotaura uye kuti haufaniri kuva zvako munhu anonamata zvokuti huya uone kuti anzwe munyengetero wako. Munyori wepisarema, Dhavhidhi, uyo aizvidyawo mwoyo uye aivawo nematambudziko, akataura chivimbo chokuti, “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.”b—Pisarema 34:18.

Pfungwa yokuti Jehovha pachake anonzwa minyengetero yako inoratidza kuti anokufarira. Nicole wokuItaly, ane makore 17 akati, “Jehovha haana kupa ngirozi basa rokuteerera minyengetero yedu. Zviri pachena kuti zvaanoteerera minyengetero yedu iye pachake, inofanira kuva inokosha kwaari.”

ZVINOTAURWA NEVAMWE VEZERA RAKO

“Munyengetero wakaita sekabhuku kaunonyora zvakavanzika, kanoverengwa newe chete naJehovha.”—Olayinka, wokuNigeria.

“Fungidzira kuti une shamwari yepedyo uye wakaipa zvipo zvakawanda. Rimwe zuva yobva yarega kutaura newe. Jehovha anofanira kuva anonzwa saizvozvo kana tikarega kunyengetera kwaari.”​—Chinta, wokuAustralia.

“Ndakagara ndichifunga kuti zvakaipa kutaura manzwiro angu. Kubvumira kunoita Mwari kuti tinyengetere kwaari kwakandibatsira kuziva kuti kufara, kusuruvara, kuvhiringidzika uye kutaura manzwiro iwayo kuna Jehovha hazvina kuipa. Iye zvino pandinonzwa saizvozvo ndava kukwanisa kuzvidzora zvakanaka uye zvinobatsira.”—Amber, wokuUnited States.

Dzimwe nyaya dzinoti, “Vechiduku Vanobvuna Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti www.watchtower.org/ype

a Musiki ‘anonzwa’ kunyange zvatinotaura mumwoyo yedu, nokuti kunzwa kwake hakunei nemasaisai omumhepo.—Pisarema 19:14.

b Kana uchifunga kuti Mwari haanzwi minyengetero yako nokuti wakaita chivi chakakomba, unofanira kutaura nevabereki vako. Uyewo shevedza “varume vakuru veungano [kuti vakubatsire].” (Jakobho 5:14) Vakuru vanogona kukubatsira kugadzirisa ukama hwako naMwari.

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO

  • Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinokosha kuna Jehovha zvaunganyengeterera?

  • Ndezvipi zvimwe zvinhu zvine chokuita nevamwe zvaunganyengeterera kuna Jehovha?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe