Rwiyo 107
Uyai Kugomo raJehovha
Rakaprindwa
1. Tarirai mose
Pam’soro pemakomo,
Pane gomo raMwari
Rakakwidziridzwa.
Vanhu vobva kure,
Kumakungwa chaiko,
‘Uyai tinamate,’
Vanoshevedzana.
Nguva yazosvika
Kuti muduku ave rudzi.
Zvatinowedzera,
Tinotungamirwa naMwari.
Zviuru zvouya
Zvoti ndiChangamire.
Vopika kuvimbika
Vasingamusiyi.
2. Jesu orayira
Kuti tinoparidza
Mashoko oUmambo
Kuna vanhu vose.
Kristu anotonga,
Vose vamutsigire,
Shoko rigova mwenje
Kuvaya vanonzwa.
Uchava mufaro
Kuona boka richikura!
Tose tine basa
Rokuti vazive Jehovha.
Simudzai manzwi,
Itai vose vanzwe.
‘Uyai kuna Mwari,
Mugare narini.’
(Onawo Pis. 43:3; 99:9; Isa. 60:22; Mab. 16:5.)