Moldova
Moldova inyika yakaorera iri kumabvazuva kweboterekwa guru reMakomo eCarpathia ine mapani, mipata yakadzika, makoronga, nemateru akafukidzwa nemasango. Nyika iyi yakasiyana-siyana yemakiromita 34 000 kumativi ose inogara mhuka dzakawanda dzakasiyana-siyana, kusanganisira makava, mhumhi, tsuro, mbira, mhembwe, ma“ermine”, zvidembo, nenguruve dzomusango.
Ivhu dema uye rakaorera renyika iyi uye mamiriro okunze ari pakati nepakati zvinoita kuti pave nemichero, zviyo, miriwo, nezvimwe zvirimwa zvakawanda. Nyika iyi inodiridzirwa zvakaringanira nezvitubu 2 200, mvura ichitakurwawo nehova nenzizi 3 000, idzo dzinoyerera dzakananga kumaodzanyemba dzichinopinda muGungwa Dema. Rwizi rwaDniester runoyerera ruchimhanya kwazvo ndirwo rukuru uye rwakafara munharaunda dzakawanda dzenyika yacho. Chikamu chikuru chorwizi urwu ndiwo muganhu kana kuti runenge ruchitevedza muganhu wenyika yeUkraine, nyika iri kumusoro, kumabvazuva, uye zasi kweMoldova. Rwizi rwaPrut, urwo runodira muna Danube, ndiwo muganhu wenyika iyi neRomania kumadokero.
Nhoroondo Yokusagadzikana kweMoldova
Nyika iri pakati paDniester naPrut—yaizivikanwa kwemazana emakore seBessarabia neMoldavia—yaiva munzira huru yokupinda muEurope. Muchiuru chemakore chokutanga B.C.E., nyika yacho yaiva chikamu cheScythia. Gare gare yakambotongwa noUmambo hweRoma. Nhoroondo yokusagadzikana kwayo inosanganisira kupindirwa nechisimba nevamwe vanhu, vakadai sevaGoth, vaHun, uye vaAvar. Muzana remakore rechi13 nerechi14, Moldavia yaitongwa nevaTatar, uye muzana remakore rechi16, yakava muUmambo hwaOttoman. MuChibvumirano chokuBucharest cha1812, vaTurk vakarega Bessarabia uye hafu yeMoldavia zvichitorwa neRussia, inova nguva yakatanga kushandiswa zita rokuti Bessarabia kunyika yacho yose.
Muna 1918, Bessarabia yakava rutivi rweRomania. Zvisinei, yakazotongwazve neRussia kwenguva pfupi muna 1940 uye zvakare muna 1944. Payaitongwa neSoviet Union, nyika iyi yaizivikanwa seMoldavian Soviet Socialist Republic (SSR). Pakupedzisira, pakaparara chiKomonizimu cheSoviet, Moldavian SSR yakadimbura ukama neMoscow, ikabva yava Republic of Moldova yakazvimirira musi waAugust 27, 1991.a Chisinau, yaimbova Kishinev, ndiro guta guru.
Muma1960, uwandu hwevagari vokuMoldova hwakanga huchiwedzera nokukurumidza, asi kubvira kuma1970 hahuna kuzonyanyochinja. Iye zvino vagari vemo vanenge mamiriyoni 4,3. Vanhu vakawanda vokuMoldova vanoshanda muindasitiri huru yenyika yacho, kugadzirwa kwewaini, iyo inobudisa zvikamu zvitatu muzana zvewaini yepasi pose. Waini dzokuMoldova dzakanyanya kukurumbira kuRussia nokuEastern Europe. (Ona bhokisi riri papeji 71.) Asi pane munda wemizambiringa wakatokura wapfumisa Moldova, munda unobereka zvibereko zvakanakisisa kupfuura zvose—kurumbidzwa kwaJehovha kwakanaka kwazvo.
“Munda Wemizambiringa Wewaini Inopupuma!”
Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akarondedzera Israeri womudzimu so“munda wemizambiringa [“wewaini inopupuma,” NW].” Sezvakafanotaurwa, munda wemizambiringa iwoyo wokufananidzira wazadza “nyika yose nezvibereko” zvezvokudya zvomudzimu zvinovaka. (Isa. 27:2-6) Somugumisiro, mamiriyoni e“mamwe makwai” ave achiuya kuzobatana nevaKristu vakazodzwa.—Joh. 10:16.
Vanhu vaJehovha muMoldova vave vachifadzwa nokubatanidzwa mukuzadzika kwouprofita ihwohwo hwakanaka kwazvo. Nokuda kwezvokudya zvomudzimu zvinoramba zvichibudiswa nesangano raJehovha, Moldova zvino yava nereshiyo yomuparidzi mumwe pavagari vemo 229 voga voga. Zviripo ndezvokuti, mune mumwe musha pavanhu vana voga voga, mumwe wavo Chapupu chaJehovha!
Asi sezvatichaona, kukura uku kwakaitika pamwe chete nemiedzo yakaoma kwazvo. Kwemakore anoda kusvika 70, umambo hweRomania, vaFascist, uye vaKomonisiti vakarambidza, vakatambudza, uye vakaisa mujeri vanhu vaMwari. Kunyange zvakadaro, kuMoldova, sokumwe kwose, Jehovha azadzika mashoko ake ouprofita pamusoro po‘munda wake wokumudzimu wemizambiringa wewaini inopupuma’. Achishandisa Isaya, akati: “Ini Jehovha ndini muchengeti wawo; ndichaudiridza nguva imwe neimwe; ndichauchengeta masikati nousiku, kuti urege kutadziwa nomunhu.” (Isaya 27:2, 3) Sezvaunofunga nezvenhoroondo yevanhu vaJehovha muMoldova, muenzaniso wavo wokushinga nokutenda ngaukusimbise muchisarudzo chako chokuramba uchibereka zvibereko zvinokosha kuti Jehovha arumbidzwe, pasinei nezvipingamupinyi zvingaiswa naSatani munzira mako.
Hama Russell Vanoongorora Ndima Yacho
Mapazi anobereka michero pamuzambiringa anotanga turi tunhungirwa tuduku. Ndiwo makuriro akaitawo kunamata muMoldova. Ngationei kuti Jehovha akaita sei kuti nhungirwa isina kusimba iyoyo ikure kuva muti womuzambiringa wakasimba unobereka michero watinoona muMoldova nhasi. (1 VaK. 3:6) Ongororo yedu inotidzorera shure kumagumo ezana remakore rechi19 apo Mudzidzi weBhaibheri Charles Taze Russell akashanyira nyika iyi paakanga ari parwendo rwake rwokuEurope.
Mumagazini yaSeptember 1891 yeZion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence, Hama Russell vakanyora kuti vakanga vashanyira musha werimwe gweta rechiJudha raiva muKristu rainzi Joseph Rabinowitch. “Chimwe chezvinhu zvinonyanya kufadza zvatakanga tasangana nazvo kusvikira panguva iyoyo,” vakadaro Hama Russell, “kwaiva kushanyira kwedu Hama Joseph Rabinowitch pamusha wavo kuKischenev, Russia [yava Chisinau, Moldova]. Ivo nemhuri yavo yose, vose zvavo vari vatendi muna Ishe Jesu, vakatigamuchira noushamwari. . . . Takavawana vachinyatsoziva dzidziso dzeDAWN [mabhuku akatevedzana eMillennial Dawn] uye vachibvumirana zvikuru nadzo.” Mukurukurirano yeBhaibheri yavakaita, varume vacho vakabvumirana papfungwa dzeBhaibheri dzakawanda, sezvinoratidzwa nokudana kwakaita Hama Russell shamwari yavo yokuMoldova kuti “Hama Rabinowitch.”
Hama Rabinowitch nemhuri yavo vakanga vachishingaira kubatsira vaJudha—avo vaipfuura 50 000 muChisinau—kuti vagamuchire Kristu uye tariro yaMesiya. Hama Russell vakatsanangura kuti, “imba yokunamatira itsva uye yakatsvinda kwazvo inogara vanhu vanenge zana nemakumi maviri nemashanu,” yakanga yakabatana neimba yavo nehofisi. Hama Rabinowitch vaivawo nomuchina wokudhinda mutsva, wemaoko wavaishandisa kudhinda maturakiti ainyanyoenderana nemafungiro echiJudha. Makore anenge matanhatu gare gare, muna 1897, Hama Rabinowitch vakanyorera Hama Russell, vachiti: “Hama yangu inodiwa Russell: Pakupera kwegore ndinonzwa ndichikutenda kwazvo nokuda kwomufaro womudzimu wauri kundipa nemagazini yako inokosha, ZION’S WATCH TOWER, yandinogamuchira nguva dzose. Kwandiri yakafanana nengarava yomunhu anotengesa—iri kuunza zvokudya zvomudzimu kubva kure.” Kunyange zvakadaro, pasinei norudo nokushingairira chokwadi cheBhaibheri kwomurume wechiJudha uyu, kwaizopfuura makore 30 mbeu yoUmambo isati yadzika midzi muMoldova yotanga kubereka.—Mat. 13:1-8, 18-23.
Hondo Yenyika I Inosiya Vakawanda Vavhiringidzika
Kuchinja kunoshamisa kwezvematongerwe enyika kwakaitika muEurope muhondo yenyika yokutanga kwakaita kuti pave nevhu rakaorera nokuda kwembeu yoUmambo muMoldova. Pakaguma Hondo Huru—sokudanwa kwayaiitwa panguva iyoyo—Moldova yakadimbura ukama neRussia, uko vaKomonisiti vakanga vava kutonga, ikabatana neRomania. Pashure pokunge vaona utsinye hunotyisa hwaiitika muhondo, varwi vakawanda vokuMoldova vakadzoka kumusha vavhiringidzika. Vakawanda vakanga varerwa vakazvipira zvakasimba kuChechi yeOrthodox, asi zvino vakatanga kusava nechokwadi nedzidziso dzayo.
Mumwe murume akadaro aiva Ion Andronic, uyo akadzoka kumusha kwake kuCorjeuţi muna 1919. Kukurukura kwaakanga aita nevaAdventist nevaBaptist ari musungwa wehondo ndiko kwakaita kuti atange kufarira zveBhaibheri. Akauya kumusha neBhaibheri kubva kujeri akakurukura zvarinotaura nemhuri yake nevavakidzani, achiita kuti naivowo vafarire.
Mumwe wevavakidzani ivavo aiva Ilie Groza. Aimbova kuUnited States mumakore ehondo uye akadzoka kumusha neBhaibheri re“Testamendi Itsva,” raakanga awana mukufamba kwaaiita. Sezvo vaiva vavakidzani vaiwirirana, mhuri dzavanaAndronic navanaGroza dzakatanga kukurukura Shoko raMwari pamwe chete. Vaiwanawo mabhuku aibudiswa neVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo.
Ioana, mwanasikana waIlie Groza anoyeuka kuti: “Ndinofanira kunge ndaingova nemakore matanhatu chete apo mhuri yedu yakatanga kuwana mabhuku aibudiswa neVadzidzi veBhaibheri. Handizivi kuti mabhuku acho taiawana kupi, asi ndinoyeuka vabereki vangu nevakoma vangu vachikurukura nomufaro tsanangudzo dzakajeka dzeMagwaro dzaiwanika mumabhuku iwayo.”
Ion Andronic akazosarudza kusatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha. Asi izvi handizvo zvakaitwa nevamwe vose vemhuri yake nevakawanda vemhuri yavanaGroza. “Misangano yedu pakutanga yaiva yemhuri dzedu mbiri,” Ioana anoyeuka kudaro. “Vabereki vangu vaiva nevanasikana vana, uye mhuri yavanaAndronic yaiva nevakomana vanoverengeka uyewo vasikana. Saka hapana kupera nguva refu Vasile Andronic asati atanga kudanana nomukoma wangu Feodolina, vachibva vazoroorana.
“Nokukurumidza boka redu rechidzidzo cheBhaibheri rakanga rava kusanganisira Tudor naDaria Groza, mumwe murume nomudzimai vaiva hama dzedu. Tudor aida kwazvo kudzidza Bhaibheri. Aitoenda kuhofisi yebazi kuCluj-Napoca, Romania, kunotora mabhuku uye kunotsvaka mhinduro dzemibvunzo yake yakawanda yeBhaibheri. Mumakore akazotevera akava mutsigiri mukuru weungano yedu duku mune zvokunamata.
“Mhuri yavanaIacuboi, iyo yaigarawo munharaunda yedu, yakauyawo kuzokurukura nhau dzeBhaibheri dzaikurukurwa pamba pedu. Petru Iacuboi, samhuri wacho, akanga ambogamuchira nomutsa mumwe murume aiparadzira maBhaibheri. Mushanyi uyu akanga aita kuti Petru afarire Magwaro. Petru akaongorora dzidziso dzeBaptist kwenguva yakati ndokuzoona kuti chokwadi chakanga chisingawaniki imomo. Ndipo paakazouya kuboka redu rakanga richikura reVadzidzi veBhaibheri.
“Tichikurudzirwa nezvatakanga tichidzidza, boka redu raishingaira kuudza shamwari dzedu nevoukama mashoko akanaka oUmambo, vakawanda vavo vaigara mumusha wedu uye mumisha yakanga yakavakidzana nowedu.”
Ichisimbisa kuti shoko roUmambo rakapararira nokukurumidza zvakadini muMoldova, imwe nyaya yakabuda mumagazini yeNharireyomurindi yaDecember 15, 1921 yakati: “Kubva kuBessarabia [sokudanwa kwaiitwa Moldova panguva iyoyo] imwe hama, iyo kusvikira nguva ichangobva kupfuura iyi yakanga iri muparidzi weAdventist, inonyora kuti: ‘Vanenge 200 munzvimbo ino, kunze kwenzvimbo dzakawanda dzakapoteredza, vagamuchira chokwadi.’”
Kumavambo ema1920 mumusha weŞirăuţi, nhengo yakasimba yeChechi yeOrthodox, Ilarion Bugaian, akagamuchira zivo yechokwadi. Akashumira Jehovha nokutendeka kusvikira paakafa. Mumwe mudzidzi weBhaibheri ainzi Moise Ciobanu akadzoka kubva kuGermany achienda kuguta reBălţi. Akanga adzidza chokwadi paaiva mujeri muGermany muHondo Yenyika I. Pasina nguva refu, kwakaumbwa boka rakazova ungano yokutanga muBălţi.
Zvapupu zveRomania Zvinobatsira
Kuti ribatsire kusakura munda wacho uye kusimbisa vatsva vakanga vachisonganira nevanhu vaMwari, bazi reRomania rakatumira hama dzakakodzera kuMoldova muma1920. Vasile Ciucaş wokuTransylvania aivawo mumwe wevaparidzi veEvhangeri vokutanga ivavo. Aitaura chiRomania nechiHungary. Vasile paaishanyira ungano yakanga ichangotanga yaiva muCorjeuţi, nguva dzose aigara naIlie Groza nemhuri yake. Ioana anofara paanoyeuka kushanya ikoko. Anoti: “Ndinofanira kunge ndaiva nemakore masere panguva iyoyo, asi ndichiri kuyeuka kushanya kwaiitwa naHama Ciucaş. Vaiva hama ine mutsa zvikuru, uye nguva dzose vaiva nenyaya dzainakidza zvikuru dzokutaura zvokuti hapana aida kuenda kunorara! Ini nomukoma wangu taiwanzorwirana kugara pedyo navo.”
Zvapupu zvokuRomania, pamwe chete nevaparidzi vomunyika iyi vaifarira basa zvikuru, vakaramba vachiparadzira mashoko akanaka kumisha yaiva pedyo. Mumusha weTabani, makiromita 11 kubva kuCorjeuţi, Cazimir Cislinschii aiudza vamwe zvinhu zvakanaka zvaainge adzidza muBhaibheri. Cazimir akanga anzwa nezveshoko roUmambo paaishanda muuto reRomania. Mumwe wevanhu vakatanga kuteerera zvaiparidzwa naCazimir muTabani aiva Dumitru Gorobeţ, mudzidzi aiva nechido zvikuru. Nhasi, pamusana pokushingaira kwaDumitru nevamwe vakaita saiye, vagari vomuTabani vanokwana 3 270 vanosanganisira Zvapupu 475.
Kumavambo kwema1920, shoko roUmambo rakapindawo mumusha weCaracuşeni, uri makiromita matatu kana mana kubva kuCorjeuţi. Pakati pevagari vomumusha weCaracuşeni vakatanga kugamuchira chokwadi paiva naVladimir Lungu, akabhabhatidzwa muna 1927. Vladimir akatsungirira kutambudzwa kakawanda nokuda kwezvitendero zvake zvechiKristu uye akafa akatendeka kuna Jehovha muna 2002. Muupenyu hwake, akaona vanhu vakawanda zvikuru mumusha wake vachigamuchira chokwadi zvokuti zvino pavanhu vana voga voga muCaracuşeni, iyo ine vagari 4 200, mumwe wavo Chapupu!
Imwe hama yakatendeka, Alexandru Mikitkov, akatanga kudzidza chokwadi muna 1929 paakanga ashanya muguta reRomania reIasi. Mwanakomana wake Ivan anoti: “Baba pavakadzoka kumusha kwedu, kuŢaul, vakabva vangotanga kuparidza mashoko akanaka, uye pasina nguva refu takanga tava kuita misangano yechiKristu pamba pedu.”
Ivan anoenderera mberi achiti: “Baba vakaramba vachinyorerana nehofisi yebazi muRomania, uye panguva nenguva, hama dzakakura mumudzimu dzaitishanyira. Zvinosuwisa kuti muna 1931, pane kumwe kushanya ikoko, hanzvadzi yangu yakanga ichiri mucheche yakafa. Sezvo mhuri yedu yaizivikanwa zvikuru, vanhu vakawanda vomumusha iwoyo vakauya kumariro acho. Muenzi wedu akabva kuRomania, Hama Vănica, ndivo vakapa hurukuro yemariro. Vakapa uchapupu hwakanaka kwazvo, vachiratidza kuti guhwa rakaparadzirwa nevafundisi rokuti Vadzidzi veBhaibheri havaiti mariro ane rukudzo raiva renhema. Pamusoro pazvo, hurukuro yaHama Vănica, iyo yakatsanangura zvakajeka tariro yorumuko, yakadyara mbeu dzakanaka kwazvo mumwoyo yevamwe vaivapo. Pasina nguva refu, ivavawo vaizotsigira zvakasimba chokwadi cheBhaibheri.
“Kurudziro yokumudzimu yaHama Vănica yakabatsirawo mhuri yedu zvikuru. Somuenzaniso, mukoma wangu, Dumitru, akasarudza kuva mucolporteur (mushumiri wenguva yakazara). Nechido chokubatsira vanhu vakawanda sezvinobvira, pasina nguva refu akabva pamusha kuti anoparidza munharaunda dzeMoldova dzakanga dzisati dzamboparidzirwa. Mhuri yakamutsigira nomwoyo wose muchisarudzo chake. Asi kutaura chokwadi ndakasuwa mukoma wangu zvikuru. Ukuwo, takafara kwazvo paakauya kumusha kuzoshanya, aine nyaya dzakawanda dzinonakidza dzaiitika mundima!”
Kushora Kwevafundisi Kunowedzera
Kubvira pamavambo, vafundisi veOrthodox vaishora kuparidzwa kwemashoko akanaka. Asi vakagumbuka apo dzaimbova nhengo dzechechi yavo, pashure pokudzidza chokwadi cheBhaibheri, dzakaramba kuita chiratidzo chomuchinjikwa uye kuita kuti vacheche vavo vabhabhatidzwe.
Ioana Groza paakanga ava nemakore anenge gumi, mupristi wechechi yeOrthodox yokwavo akamumanikidza kuita zvinopesana nezvitendero zvake. Anoyeuka kuti: “Baba vangu vakanga vatitsanangurira isu sevana kuti kuita chiratidzo chomuchinjikwa kwakanga kusingawirirani neMagwaro. Asi kuchikoro mupristi aitimanikidza kuti tiite chiratidzo chomuchinjikwa. Murume iyeye ndaimutya, asi ndaityawo kugumbura Baba. Saka pane kuenda kuchikoro, ndaihwanda mushedhi. Zvisinei, mazuva anoverengeka gare gare, Baba vakazviziva kuti ndakanga ndisingaendi kuchikoro. Kunyange zvakadaro, havana kundituka asi vakandibvunza zvakanaka chikonzero chacho. Pandakavaudza kuti ndaitya mupristi, Baba vakandibata ruoko ndokubva tangonanga kumba kwomurume iyeye.
“Baba vakaudza mupristi wacho zvakasimba kuti: ‘Kudai uriwe waipa mwanasikana wangu zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara, ipapo waizobvumirwa kumuudza manamatiro aanofanira kuita. Sezvo usingaiti zvinhu izvi, haufaniri kuvhiringidza zvandinodzidzisa mwana wangu.’ Ndinofara kutaura kuti mupristi uyu haana kumbozondinetsazve pose pandaienda kuchikoro kubva ipapo.”
Kakawanda, vafundisi ndivo vaiva nesimba zvikuru munharaunda yacho. Kufanana nevatungamiriri vechitendero vomuzuva raJesu, vaishandisa simba iroro kusvipisa mukurumbira wakanaka wevashumiri vaJehovha zvokuti vatendi vechechi yavo vaisema hama kana kutya kutaura nadzo. Rimwe remazano aifarirwa zvikuru nevafundisi raiva rokushandisa ruvengo rwezvematongerwe enyika. Somuenzaniso, kare ikako vanhu vaitya uye vakanga vasina chokwadi no“kutyisidzira” kwevaBolshevik vaiva mhiri kwomuganhu muSoviet Union. Vapristi veOrthodox vakashandisa kutya uku nokupomera Vadzidzi veBhaibheri kuti vairamba kuita chiratidzo chomuchinjikwa nokuda kwezvematongerwe enyika, vachiti vaiva vaKomonisiti.
Asi vafundisi ivavo vaironga mazano vakaita zvinopfuura ipapo. Vakatowedzera kushandisa simba ravo zvisizvo nokukuchidzira vakuru vakuru vehurumende kushora vanhu vaMwari, sezvaingoitwa nevanyori nevaFarise muzuva raJesu.—Joh. 18:28-30; 19:4-6, 12-16.
Kubva muna 1918 kusvika muna 1940, Moldova yakanga ichitongwa neRomania, iyo panguva iyoyo yaiva umambo. Hurumende yomuRomania yakagadza gurukota remapoka ezvitendero, raitarisira nyaya dzezvitendero. Achibvuma kushandiswa nevatungamiriri vechechi yeOrthodox, murume uyu akashora basa reVadzidzi veBhaibheri uye akatsvaka kuita kuti ivo nemabhuku avo eBhaibheri varambidzwe. Mhosva yacho, sezvaungave wafungidzira, yaiva yokuti hama dzaiva nerimwero nevatsigiri veBolshevik.
Kuvenga vanhu vaJehovha kwehurumende uku kwakaguma nomurayiro wehurumende wakabva kune mukuru wemapurisa wokuMoldova waakanyorera mumwe mukuru wemapurisa ari pasi pake, waiva nomusi waApril 25, 1925. Waiti: “Nemhaka Yomurayiro Wemapurisa Wokuchengetedza, Nhamba 17274/925, mufaro wangu kukuzivisa kuti Bazi Rezvenyaya Dzinoitika Mukati Menyika rasarudza kurambidza ndokumisa kuparadzira mashoko kwe‘Vadzidzi veBhaibheri’ vepasi pose, uye tinoda kuti utore matanho akakodzera kuti izvozvo zviitwe.”
Kuvhiringidzwa kwakaita hama nokushora kwehurumende ikoko kunoratidzwa nomushumo wakatumirwa kudzimbahwe repasi pose nehofisi yeRomania musi waOctober 17, 1927. Mukupfupikisa, mushumo wacho wakataura kuti misangano yeungano yakanga yamiswa ikarambidzwa kwose kwose uye kuti ‘mazana ehama akanga amiswa pamberi pematare echiuto nematare edzimhosva.’ Wakatiwo: ‘Kwakangogona kuitwa misangano mishoma muchirimo, sezvo ungano dzakawanda dzakanga dzichiongororwa zvikuru uye kunyange nanhasi nevamiririri vehurumende vepachivande nemapurisa, kunyanya kumamisha, uko kune ungano dzakawanda. Misangano yakawanda yaiitirwa mumasango, munzvimbo dzakavandika chaizvo.’
Mushumo wacho wakaenderera mberi uchiti: ‘Kana muri muna March, basa revatariri vanofambira rakaderedzwawo. Mumwedzi iwoyo, gurukota rezvinoitika mukati menyika rakapa mirayiro yakakasharara, yepachivande yokuti macolporteur atsvakwe uye “vaparadziri vemashoko” ava vose vasungwe. Munguva shomanana, macolporteur anenge ose zvawo akaiswa mujeri. Uye kunyange hama kana isu tisiri kutya, sezvo takatsungirira kushorwa kubvira pamavambo ebasa munyika muno, iye zvino urongwa hwokutiparadza hwakasimba kwazvo zvokuti hatigoni kuita kana chii zvacho.’
Ma1920 sezvaakanga ava kunopera, vanhu nemhuri dzaiva noushingi vakaramba vachizviparadzanisa neChechi yeOrthodox vachitsigira zvakasimba chokwadi cheBhaibheri. Izvi zvinoratidzwa mutsamba yakanyorwa nomupristi womumwe musha kune mukuru wake mugore ra1928. Tsamba yacho yaiva nemazita 43 evanhu vakuru nevana vaiva munzvimbo yaitarisirwa nomupristi uyu muŞirăuţi. Yaiti: “Tinofara kutumirawo mazita enhengo dzekapoka ke‘Vadzidzi veBhaibheri.’ Pasinei nezvavari kuedza kuita, havana kubudirira, uye havana imba yokunamatira. Asi, vanosanganira mudzimba dzevanhu.”
Chokwadi ndechokuti mazita akanyorwa nomupristi akaratidza kuti zvaaitaura kuti Vadzidzi veBhaibheri “havana kubudirira” dzaiva nhema, sezvo vakawanda vevanhu 43 vakataurwa vaimbova nhengo dzeChechi yeOrthodox. Mumwe wevana vakataurwa aiva Agripina Barbuţă, uyo zvino ava nemakore anopfuura 80 uye achiri kushingaira mubasa raJehovha.
Pazvakava zvakaoma kuparidza pachena, hama dzakatanga kusimbirira uchapupu husina kurongwa, kunyanya kune voukama. Kare ikako voukama vaipedza nguva yakati kuti vachitandara. Hama dzakashandisa tsika iyi kuti dziudze vamwe mashoko akanaka. Hapana mutemo waigona kurambidza nhengo dzemhuri kukurukurirana.
Kuedza Kunyoresa Basa Rokuparidzira Zviri Pamutemo
Pashure pokurambidzwa basa rokuparidza muna 1925, hama dzepahofisi yebazi muCluj-Napoca, Romania, dzakatumira mushumo wakataipwa une mapeji 50 kugurukota remapoka ezvitendero. Pamwe chete nemashoko mapfupi edzidziso dzedu nezvitendero, waiva nechikumbiro chaicho chokuti kurambidzwa kubviswe. Zvadaro, muna September 1927, imwe hama yakapiwa mukana wokutaura negurukota iri katatu panguva dzakasiyana. Vaonana kokupedzisira yakabva ine tariro yokuti mutemo waizochinjwa kuti utsigire rusununguko rwokunamata. Zvisinei, zvinosuwisa kuti hurumende haina kuita basa nezvikumbiro zvehama. Vakuru vakuru vakatoramba vachironga kuti pave nedambudziko vachishandisa mutemo, vachiita kuti zvinhu zvitonyanya kuomera vanhu vaJehovha, kwete kuti zvive nani. (Pis. 94:20; Dhan. 6:5-9) Maererano neizvi, gwaro repamutemo raiva nomusi waMay 29, 1932, rakataura kuti “rudzi rwose rwebasa” reVadzidzi veBhaibheri Vepasi Pose “harimbobvumirwi zvachose.”
Pakanga pasina kubatana nokushandira pamwe mukurwisa uku kwaiitwa vanhu vaMwari muRomania neMoldova. Dzimwe nguva, zviremera zvomunharaunda nevakuru vakuru mumwe nomumwe aingoita zvaanenge afunga neVadzidzi veBhaibheri. Saka hama dzakataura nevakuru vakuru ava kuitira kuti dzidzivirire nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka, munharaunda madzo chete.—VaF. 1:7.
Mune dzimwe nzvimbo izvi zvakabudirira. Ndizvo zvakaitika muBucharest, Romania, pashure pokutamisirwa kwakaita hofisi yebazi ikoko kubva kuCluj-Napoca. Muna 1933, pashure pokutamburira kwenguva yakareba, bazi rakazokwanisa kunyoresa zviri pamutemo Bible and Tract Society of Jehovah’s Witnesses muBucharest.
Sezvineiwo, kunyange vamwe vatongi vakakurumbira vakaramba pachena kubvumirana nokurambidzwa uku kwakaitwa vanhu vaMwari. Somuenzaniso, musi waMay 8, 1935, Dare Rokukwirira reCluj-Napoca rakashinga kuita mutongo wokuti kurambidzwa kwakaitwa Zvapupu zvaJehovha kwakanga kusingaenderani nebumbiro remitemo. Mutongo wacho wakatoenderera mberi uchiti: “Tubhuku twakanga twatorwa [tunobudiswa neZvapupu zvaJehovha] tunosimudzira kudanana uye kutenda muna Mwari naKristu. Nokuda kwechikonzero ichi, hazvina kururama kutaura kuti tubhuku utwu tune pfungwa dzokupidigura hurumende; hatuiti kuti Hurumende ive isina kuchengeteka.”
Hapana Anoteerera Kufunga Kwakanaka
Zvisinei, hurumende yakaramba ichingoshora basa revanhu vaMwari. Somuenzaniso, musi waMarch 28, 1934, mukuru weHofisi Yemapurisa Yokuchengetedza vanhu yetaundi reSoroca, Moldova, akanyorera mukuru wake, mukuru wemapurisa wedunhu reChisinau, achitsutsumwa kuti muna 1927 mune mumwe musha uri pedyo neSoroca, kwaingova ne“mhuri mbiri chete dzaiva vateveri vekapoka aka, asi vakatendeutsa . . . dzimwe mhuri 33.” Akanyorawo kuti Zvapupu “zvinoramba chechi” ne“tsika [dzayo] dzechitendero nemiitiro” uye kuti “panzvimbo pokukumbira kutungamirirwa nomupristi paminamato, vanozvinamatira voga.” Akagumisa tsamba yake, achiti: “[Zvapupu] zvinoramba zvichitendeutsa vanhu vatsva, uye izvi zvingangoisa mungozi kugadzikana nokuchengeteka kuripo kweHurumende.”
Musi waMay 6, 1937, hama dzomuruwa irworwo dzakanyorera mukuru uyu dzichikumbira kuti Zvapupu zvaJehovha zvibviswe pane tunonzi tumapoka tusiri pamutemo. Mhinduro yepamutemo yakajekeswa mutsamba yakabva kumukuru wenharaunda womudunhu reSoroca ichienda kumukuru woruwa irworwo. Tsamba iyi yomusi waJune 15, 1937 yakati: “Mabasa e[Zvapupu zvaJehovha] anorambidzwa. . . . neBazi reCults and Arts. Naizvozvo, hatigoni kuita maererano nechikumbiro chavo chokuti vabviswe patumapoka [tusiri pamutemo], sezvo vachiri kuramba vachishingairira zvinodiwa nekapoka ikako.”
Richisimbisa chisarudzo ichocho choutsinye, gwaro repamutemo rehurumende, Monitorul Oficial, musi waJuly 12, 1939 rakataura kuti Zvapupu zvaJehovha nemasangano epamutemo api neapi azvingashandisa “hazvitenderwi zvachose.” Sezvambotaurwa, Moldova panguva iyoyo yaitongwa neRomania, iyo yaiva Eastern Orthodox uye ichitongwa namambo. Zvinosuruvarisa kuti kusakendenga kwechitendero kwakaita kuti vakuru vakuru vabate vanhu vaJehovha zvakaipa kutopfuura zvaidiwa nomutemo.
Vakuru Vakuru Vanoita Utsinye
Nyaya yaDumitru Gorobeţ naCazimir Cislinschii inoratidza kuti moto wokushora basa rokuparidza waiwanzofuridzirwa noruvengo rwechitendero rwevakuru vakuru vechiOrthodox vaichitsigira zvakasimba. Dumitru naCazimir vakatanga kudzidza chokwadi cheBhaibheri mumusha weTabani. Nokuda kwounhu hwavo hwakanaka kwazvo uye kushingaira kwavo muushumiri, nokukurumidza vakakurumbira uye vakadiwa nehama. Zvadaro muna 1936, vakasungwa ndokuiswa kukamba yemapurisa mutaundi reKhotin (iye zvino rava muUkraine).
Mapurisa akatanga azvambura Dumitru naCazimir. Adaro akaedza kuvamanikidza kuita chiratidzo chomuchinjikwa. Asi varume vaviri ava vakaramba vakashinga, pasinei nokuramba vachirohwa. Pakupedzisira, mapurisa akavarega. Akatobvumira Dumitru naCazimir kuenda kumba. Asi iwayo akanga asiriwo magumo emiedzo yakasangana nehama mbiri idzi dzakatendeka. Mukutonga kwechiFascist nechiKomonisiti, vakatsungirira mamwe matambudziko akawanda nokuda kwemashoko akanaka. Dumitru akafa kumavambo kwa1976 muTomsk, Russia. Cazimir akafa muna November 1990 muMoldova.
Muma1930, bazi reRomania ndiro raitarisira basa muMoldova. Martin Magyarosi, akabhabhatidzwa muna 1922, ndiye aiva muranda webazi panguva iyoyo. Iye nomukuwasha wake, Pamfil Albu, vakashanyira ungano dzakawanda kuchamhembe kweMoldova kuti vasimbise nokukurudzira vanhu vaMwari nokuti vaida hama idzi, zvikurukuru vachifunga nezvemiedzo yadzakanga dzichitarisana nayo. Kushanya ikoko kwaiitwa panguva yakakodzera chaiyo! Nei? Nokuti nokukurumidza muEurope ndimo chaimo makanga muchizotsviriridza Hondo Yenyika II. Uye Moldova, iyo yaichiviwa, yaizobvutidzanwa nevavakidzani vayo vaiva nesimba zvikuru uye vairwisana.
Europe Inoparadzwa neHondo Yenyika II
Musi waAugust 23, 1939, Soviet Union nehurumende yeNazi yokuGermany dzakasainirana chibvumirano chokusarwisana. Vhiki imwe gare gare, musi waSeptember 1, 1939, Germany yakapinda muPoland, ichitanga Hondo Yenyika II. Zvadaro musi waJune 26, 1940, Gurukota Rezvinoitika Kunze Kwenyika Vyacheslav Molotov rakarayira kuti hurumende yeRomania ipe yaizivikanwa panguva iyoyo seBessarabia kuSoviet Union pasina kubvunza zvakawanda. Romania yakaita zvakanga zvarayirwa, uye musi waJune 28, 1940, mauto eSoviet akapinda muMoldova. Muna August 1940, vaSoviet vakaumba Moldavian SSR, Chisinau riri iro guta guru racho.
Zvisinei, Soviet haina kutonga Moldova kwenguva refu. Musi waJune 22, 1941, Germany yakatyora chibvumirano chokusarwisana cha1939 ndokupinda muRussia nechisimba. Zvinhu zvadai, Romania yakati yazviwanirapo, ndokutaura kuti iyo yava kudivi reGermany, ikatanga kuronga kubvuta Moldavian SSR kubva kuvaSoviet.
Zano racho rakabudirira, nokuti pakasvika July 26, 1941, uto reRomania rakanga radzorera vaRussia kuRwizi rwaDniester. Nokudaro, pashure perinongoti pfuurei gore rimwe rokutonga kweSoviet, Moldova yakatangazve kutongwa neRomania. Zvisinei, panguva ino yakanga yava Romania yaitongwa nehurumende yechiFascist yaikoshesa rudzi zvakanyanyisa yaitungamirirwa nomudzvinyiriri General Ion Antonescu, kubvira muna September 1940. Utongi hwake hwaisada kunzwa nezvevaya vairamba vasina kwavakarerekera mune zvematongerwe enyika nokuda kwokutsigira kwavo noruvimbiko Umambo hwaMwari.
Kuedzwa Kukuru Mukutonga kwechiFascist
Hurumende yechiFascist yaAntonescu, iine rimwero naHitler weGermany, uye Italy, neJapan, nokukurumidza yakaedza kumanikidza Zvapupu zvaJehovha kuita zvainoda. Funga nezvomuenzaniso waAnton Pântea akazvarwa muna 1919. Anton akadzidza chokwadi asati asvika makore 20 uye aishingaira muushumiri hwepaimba neimba. Akapotsa arohwa kanoverengeka, asi nokutaura asingatyi kodzero yake yepamutemo yokutaura nezvokutenda kwake somugari womuRomania, akakwanisa kunzvenga kurohwa kwenguva yakati. Kunyange zvakadaro, mapurisa akazomubata. Vakuru vakuru vechiFascist vakamundundurudza vachienda naye kukamba yemapurisa, vakamurova usiku hwose pedzezvo kwava kungomusunungura. Hama Pântea vava nemakore 84 zvino uye vachakatsunga kuramba vakatendeka kuna Jehovha.
Mumwe akanga akatendeka, Parfin Palamarciuc, akadzidza chokwadi cheBhaibheri muMoldova muma1920. Iyewo akava muzivisi anoshingaira wemashoko akanaka, achiwanzobva pamusha opedza vhiki dzakawanda asipo achinoparidza mumaguta nemisha kubva kuChernovtsy kusvika kuLvov kuUkraine. Sezvo Parfin akaramba basa rechiuto, vaFascists vakamusunga muna 1942 vakamutonga nedare rechiuto muChernovtsy.
Mwanakomana waParfin Nicolae anorondedzera zviitiko izvozvo, achiti: “Hama dzinokwana 100 dzakatongerwa rufu nedare rechiuto iri. Mutongo wacho waifanira kuitwa pakarepo. Mapurisa acho akaunganidza hama dzose ndokusarudza gumi dzokutanga dzaifanira kupfurwa. Asi chokutanga vanhu ivava vakamanikidzwa kuzvicherera makuva avo vamwe 90 vakatarira. Zvisinei, vasati vapfura hama dzacho, mapurisa acho akadzipa mumwe mukana wokuramba kutenda kwavo vopinda muchiuto. Vaviri vakaita kudaro; vamwe vasere vakapfurwa vakaurayiwa. Zvadaro vamwezve gumi vakamiswa. Asi vasati vapfurwa vaifanira kuviga vakanga vafa.
“Apo hama idzi dzakanga dzichifushira makuva, pakasvika mukuru wemapurisa. Akabvunza kuti Zvapupu zvingani zvakanga zvachinja pfungwa dzazvo. Paakaudzwa kuti zviviri chete, akataura kuti kana 80 vaifanira kufa kuti vapinze 20 muchiuto, zvaizova nani kuendesa 92 vakanga vasara kumisasa yechibharo. Somugumisiro, mitongo yorufu yakachinjirwa kumakore 25 ebasa rechibharo. Zvisinei, makore matatu asati anyatsopera, mauto eSoviet akanga achiuya akasunungura Zvapupu zvacho mumisasa yeRomania. Baba vangu vakapona pamatambudziko aya nemamwewo. Vakafa vakatendeka kuna Jehovha muna 1984.”
Kusaita Zvaidiwa neOrthodox—Yaiva Mhosva!
Vasile Gherman aiva murume wechiduku akaroora. Mudzimai wake akanga achangobva kusununguka mwanasikana apo vaFascist vakamusunga muna December 1942. Vasile akapomerwa “mhosva” mbiri—kuramba kuita basa rechiuto uye kutadza kubhabhatidzisa mwanasikana wake muChechi yeOrthodox. Anorondedzera zvakaitika: “Muna February 1943, nyaya yangu, pamwe chete neyedzimwe hama 69 dzakatendeka, yaifanira kutongwa kuChernovtsy nedare rechiuto. Tisati tapiwa mitongo yedu, vatongi vakatimanikidza kuona matsotsi matanhatu achiurayiwa. Saka, takabata chokwadi kuti tisu taizotevera kutongerwa rufu.
“Takataurirana nyaya yacho pachedu ndokusarudza kuramba takasimba mukutenda uye kuita zvose zvataigona kuti tirambe tichifara mumuedzo wacho wose. Tichibatsirwa naJehovha, takabudirira. Sezvaitarisirwa, apo tose tiri 70 takatongerwa rufu, takanyatsoona kuti takanga tiri kutambura nokuda kwokururama. Hapana nomumwe wedu akaora mwoyo, izvo zvakashatirisa vavengi vedu zvikuru. Ipapo ndipo pakaitika zvatakanga tisina kumbofungira. Pane kuita kuti tipfurwe, vatongi vakachinja mitongo yedu kuva makore 25 ebasa rechibharo mumusasa wokuAiud, Romania. Asi kunyange mutongo iwoyo hatina kuupika zvakazara, nokuti mwedzi 18 bedzi gare gare, muna August 1944, mauto eSoviet aiuya akasunungura musasa wacho.”
Muna 1942, vaFascist vakanyoresa varume vanenge 800 vomumusha weŞirăuţi, Moldova, kuti vashande muuto raGeneral Antonescu. Pakati pavo paiva neZvapupu zvinoverengeka, kusanganisira Nicolae Anischevici. “Pamavambo enyaya yacho,” akadaro Nicolae, “mapurisa akatirayira kuti tichengete imwe mhemberero yechitendero. Isu Zvapupu takaramba. Takarambawo kupinda muchiuto. Nokuda kwaizvozvo, mapurisa akatipomera kuti taiva vaKomonisiti uye akatisunga. Zvisinei, asati ativharira, akatibvumira kutsanangurira vose vaivapo chikonzero chokusava nokwatakarerekera.
“Zuva rakatevera racho takaendeswa kuBriceni, muzinda wematare weruwa rwacho. Takapfekenurwa mbatya ndokusechwa chaizvo. Mumwe mupristi aiva nechinzvimbo chepamusoro akabva atibvunzurudza. Aiva nomutsa, akaratidza kunzwisisa chisarudzo chedu chokusapindira mune zvematongerwe enyika nemhaka yehana, uye akaronga kuti tipiwe zvokudya. Uyezve, akanyora kuti chikonzero chokuramba kwedu kupinda muchiuto chaiva chokudavira kwedu muna Jesu.
“Tichibva kuBriceni takaendeswa kukamba yemapurisa muLipcani. Ikoko mapurisa akatizvambura zvisina tsitsi kusvikira usiku. Zvadaro akatiisa muchitokisi nedzimwe hama mbiri uye, zvinotoshamisa, nomumwe mukadzi, uyo watakazoziva kuti aiva tsori. Tairohwa zuva nezuva kwemazuva anoverengeka. Pakupedzisira, ndakaendeswa kuChernovtsy kunotongwa pamberi pedare rechiuto. Ikoko ndakapiwa gweta, iro rakabatsira chaizvo. Kunyange zvakadaro, ndakanga ndapera nemhaka yokubatwa zvisina kunaka kwandakanga ndaitwa zvokuti vakuru vechiuto vakafunga kuti ndaigona kufa. Pakupedzisira vakasarudza kundidzorera kumba vasina kundipa mutongo.”
Hanzvadzi Dzakashinga Dzinoramba Dzakatendeka
Hanzvadzi dzakatarisanawo nehasha dzechiFascist. Mumwe aiva Maria Gherman (haana ukama naVasile Gherman asi ndevomuungano imwe chete). Paakasungwa muna 1943, Maria akaendeswa kukamba yemapurisa muBalasineşti. Anoyeuka kuti: “Mapurisa akandisunga nokuti ndairamba kuenda kuchechi yeOrthodox. Pakutanga, akandichinjira kuLipcani, Moldova, ndokuzondiendesa kuChernovtsy, Ukraine, kwandakapiwa mutongo.
“Mutongi akandibvunza chikonzero nei ndakanga ndaramba kuenda kuchechi. Ndakamuudza kuti ndinongonamata Jehovha bedzi. Nokuda kwe‘mhosva’ iyi, ini nedzimwe hanzvadzi 20 takatongerwa kugara mujeri kwemakore 20. Vamwe vedu takatsokerwa muchitokisi chiduku kwazvo nevamwe vasungwa 30. Zvisinei, kana kwaedza, ndaitumwa kunoita basa romumba mumisha yevapfumi. Ndingati vanhu ava vaindibata zviri nani kupfuura zvaiita vashandi vokujeri—nokuti vaitombondipa zvokudya zvakakwana!
“Nokufamba kwenguva, takaonana nehama dzaiva kune chimwe chikamu chejeri racho. Kuonana uku kwakabatsira, nokuti takanga tava kukwanisa kubatsira hama idzi kuwana zvokudya zvomudzimu nezvokunyama.”
Sezvimwe Zvapupu zvakawanda zvomuMoldova, vanhu ava vakanga vakatendeka vakatsungirira hasha dzevaFascist pedzezvo votarisana nokumwe kudenhwa kwokutenda kwavo. Kudenha ikoko kwakaitwa nesimba romunharaunda rakatevera, Russia yechiKomonisiti.
Zano reSoviet—Kutibudisa Munyika
Muna 1944, hondo yava kuda kunopera apo zvinhu zvakanga zvapidigukira Germany, vamwe vaiva muhurumende yeRomania vaitungamirirwa naMambo Michael vakapidigura utongi hwaAntonescu. Ipapo Romania yakatanga kutsigira Russia panzvimbo pomubatanidzwa weGermany, Italy neJapan. Mugore iroro, mauto eSoviet akaratidzazve kuti Russia ndiyo yava kutonga dunhu racho, achipinzazve Moldova muSoviet Union seMoldavian SSR.
Pakutanga vatongi veMoldova vaitsigira chiKomonisiti havana kumbonetsa Zvapupu zvaJehovha. Asi nguva yorunyararo iyi yaiva pfupi. Kusapindira mune zvenyika kwevaKristu, kusanganisira kuramba kweZvapupu kuvhota musarudzo dzemapato omunzvimbo yazvo, nokukurumidza yakava nyaya yakanetsa zvakare. Utongi hwechiSoviet hwaisabvumira kuti munhu ashaye kwaanorerekera. Saka hurumende yakaronga kugadzirisa chinetso chacho nokubudisa Zvapupu zvaJehovha munyika nevamwe “vaisafarirwa,” kutanga muna 1949.
Rimwe gwaro repamutemo rakataura “chisarudzo chedare rinoita mitemo reCentral Committee of the Communist Party” pamusoro peavo vaifanira kubudiswa muMoldavian SSR. Vaizosanganisira “vaimbova varidzi venzvimbo, vatengesi vakakurumbira, shamwari dzemauto okuGermany akapinda munyika iyi nechisimba, vanhu vaishanda pamwe chete nemapurisa eGermany neeRomania, nhengo dzemapato nemasangano echiFascist, nhengo dzeWhite Guard, nhengo dzemapoka asiri pamutemo, pamwe chete nemhuri dzezvikwata zvataurwa.” Vose vaifanira kuendeswa kumadokero kweSiberia “kwenguva isingazivikanwi.”
Boka rechipiri rakatanga kubudiswa munyika muna 1951, asi nguva ino Zvapupu zvaJehovha bedzi ndizvo zvakanga zvakanangwa. Stalin pachake ndiye akarayira kubudiswa munyika kwevanhu ava, uko kwakadanwa kunzi Operation North. Mhuri dzinopfuura 720 dzeZvapupu—vanhu vanenge 2 600—vakabviswa muMoldova vachiendeswa kuTomsk, makiromita anenge 4 500 kumadokero kweSiberia.
Murayiro wepamutemo waitaura kuti vanhu vaifanira kupiwa nguva yakakwana yokuunganidza zvinhu zvavo vasati vaendeswa kuzvitima zvakanga zvakamirira. Uyezve, matiroko acho aifanira “kugadzirwa zvakanaka kuti atakure vanhu.” Asi izvi handizvo zvakaitwa.
Pakati pousiku, varwi nevakuru vakuru vanosvika ku8 vaisvika pamusha pemhuri yeZvapupu. Vaimutsa mhuri yacho voiratidza murayiro wokubudiswa munyika. Zvadaro vaipa mhuri yacho maawa mashomanana okuti iunganidze zvinhu zvayo zvayaigona vasati vaendesa mhuri yacho kuzvitima zvakanga zvakamirira.
Takazoona kuti matiroko aya akanga asina kugadzirirwa kutakura vanhu asi kutakura zvinhu. Vanhu vanosvika 40 vemazera ose vakatsokerwa mutiroko rimwe nerimwe nokuda kworwendo rwacho rwevhiki mbiri. Makanga musina zvigaro uye musina kumbogadzirwa kuti mudziye. Kona imwe yetiroko yacho yaiva neburi pauriri, raishanda sechimbudzi. Vasati vadzinga hama idzi, vakuru vakuru vomunharaunda vaifanira kunyora pasi zvinhu zvaiva nomunhu mumwe nomumwe. Zvisinei, kakawanda kacho vaingonyora zvinhu zvisinganyanyokoshi; zvinhu zvinokosha ‘zvaingonyangarika.’
Zvisinei, pasinei nokusaruramisira uye nhamo dzose idzi, hama hadzina kumborasa mufaro wadzo wechiKristu. Chokwadi, paisangana zvitima zvakanga zvakatakura Zvapupu panosangana njanji, painzwika nziyo dzoUmambo dzichibuda mune mamwe matiroko. Nokudaro, hama dzaiva muchitima chimwe nechimwe dzakaziva kuti dzakanga dzisiri dzoga asi dzakanga dziri kubudiswa munyika pamwe chete nemazana evamwe vavo Zvapupu. Kuonana nokunzwana vachiratidza mufaro mumamiriro ezvinhu anoedza kudaro kwakakurudzira mwoyo yavo vose ndokuvasimbisa muchisarudzo chavo chokuramba vakatendeka kuna Jehovha, chauya chauya.—Jak. 1:2.
Kutenda Kwakakodzera Kutevedzera
Pakati pevanhu vokuMoldova vakabudiswa munyika vachiendeswa kuSiberia paiva naIvan Mikitkov. Ivan akatanga kusungwa muMoldova muna 1951, pamwe chete nezvimwe Zvapupu, uye akadzingirwa kuTomsk. Akapiwa basa rokutema miti mumasango eSiberia. Kunyange zvazvo akanga asina kuvharirwa mumusasa wechibharo, akanga asina rusununguko rwokufamba, uye mapurisa epachivande airamba achimuongorora chaizvo. Kunyange zvakadaro, iye nehama dzake dzomudzimu vaipupurira kune vamwe pose pavaiwana mukana.
Ivan anoti: “Takazvironga kuva ungano mumamiriro ezvinhu akaoma aya. Takatotanga kugadzira mabhuku edu pachedu. Nokufamba kwenguva, vamwe vevatakaparidzira vakagamuchira chokwadi vakabhabhatidzwa. Zvisinei, zviremera zvakazoona zvataiita zvikatongera vamwe vedu kugara mumisasa yechibharo.
“Pamwe chete nezvimwe Zvapupu vanaPavel Dandara, Mina Goraş, naVasile Şarban, ndakatongerwa makore 12 okuita basa rechibharo ndichiongororwa zvakasimba. Zviremera zvaifunga kuti mitongo yakaoma iyi yaizoita kuti vamwe vatye vonyarara, asi izvi hazvina kuitika. Chero kwaitumirwa hama dzedu, dzairamba dzichiparidza. Muna 1966, ndakasunungurwa pashure pokupedza makore ose andakanga ndatongerwa kupika jeri. Ndakadzokera kuTomsk ndokuramba ndiriko kwemakore matatu.
“Muna 1969, ndakatamira kuDonets Basin, kwandakasangana naMaria, hanzvadzi yakatendeka uye inoshingaira yandakaroora. Muna 1983, ndakasungwa zvakare. Panguva ino, ndakapiwa mitongo miviri—makore mashanu mujeri uye kubudiswa munyika kwemamwe makore mashanu. Zvinonzwisisika kuti ndakawana mutongo uyu wakaoma zvikuru kubata nawo kupfuura wokutanga nokuti waireva kuparadzana nomudzimai wangu nomwana, vose vaifanirawo kutsungirira nhamo. Zvisinei, zvinofadza kuti handina kuzopedza mutongo wacho wose. Ndakasunungurwa muna 1987 apo Mikhail Gorbachev akanga ava munyori mukuru weSoviet Communist Party. Ndakabvumirwa kudzokera kuUkraine uye gare gare kuMoldova.
“Pandakadzoka kuBălţi, guta guru rechipiri muMoldova, raiva nevaparidzi 370 neungano nhatu. Nhasi rine vaparidzi vanopfuura 1 700 neungano 16!”
“Unoda Kuguma Waita saVasile Here?”
Vatarisiri vomusasa nevamiririri veKGB (Soviet State Security Committee) vakaronga nzira dzounyengeri hwoutsinye vachiedza kupedza hama simba kuti dzisaramba dzakatendeka. Constantin Ivanovici Şobe anorondedzera zvakaitika kuna sekuru vake, Constantin Şobe, achiti: “Muna 1952, Sekuru vaipika jeri mune mumwe wemisasa yechibharo muruwa rweChita, kumabvazuva kweLake Baikal kuSiberia. Vakuru vakuru vomusasa wacho vakatyisidzira vachiti vaizovapfura pamwe nezvimwe Zvapupu kana vaisazoramba kutenda kwavo.
“Sezvo hama dzacho dzakaramba kuita izvi, vakuru vakuru vacho vakavaunganidza kunze kwomusasa, pedyo nepanotangira sango. Kwakanga kwava kusviba pavakatora shamwari yaSekuru yepamwoyo, Vasile, ndokubva vapinda nechomusango racho zvishoma, vachitaura kuti vakanga vava kunomupfura. Hama dzakamirira dzichinetseka. Nokukurumidza, murunyararo rwousiku ihwohwo, pakanzwika kurira kuviri kwepfuti.
“Varindi vacho vakadzoka vakatora Chapupu chechipiri, sekuru vangu, ndokuenda navo musango imomo. Vafamba kwedaro pfupi, vakamira pakanga pasina miti. Pakanga pacherwa makuva anoverengeka, uye rimwe rakanga rafusirwa. Achinongedzera kuguva iroro, mukuru mukuru aitungamirira wacho akatendeukira kuna Sekuru ndokuti: ‘Unoda kuguma waita saVasile here, kana kuti unoda kudzoka kumhuri yako wakasununguka? Une maminitsi maviri okufunga.’ Sekuru vakanga vasingadi maminitsi maviri. Vakabva vangopindura kuti: ‘Vasile, wamapfura, ndakamuziva kwemakore akawanda. Zvino ndava kutarisira kusonganiswa zvakare naye murumuko munyika itsva. Ndine chivimbo chakazara chokuti ndichava munyika itsva, pamwe chete naVasile. Asi imi muchavamo here?’
“Iyoyo haisiriyo mhinduro yaitarisirwa nomukuru mukuru uyu. Akadzosera Sekuru nevamwe kumusasa. Zvakazoitika ndezvokuti, Sekuru vaisafanira kumirira kusvikira parumuko kuti vaone Vasile. Zvose zvaiitwa hwaingova unyengeri hwoutsinye hwakagadzirirwa kunetesa hama.”
Kuparadzira Mashoko Enhema kwevaKomonisiti Kunovapindukira
Kuti vavengese Zvapupu zvaJehovha uye kuti vaite kuti zvifungirwe zvakaipa, vaKomonisiti vakabudisa mabhuku, mabhurocha, nemafirimu aitaura nhema pamusoro pevanhu vaMwari. Rimwe bhurocha raiva nomusoro unoti Pasi Paviri—mashoko aishandiswa kureva nzvimbo yaivanzwa mabhuku yaigadzirwa nehama pasi pemasutukezi nemabhegi adzo. Nicolai Voloşanovschi anoyeuka nzira iyo mutungamiriri womusasa uyu akaedza kushandisa nayo bhurocha iri kumunyadzisa pamberi pevamwe vasungwa.
Nicolai anoti: “Mutungamiriri womusasa akaunganidza vasungwa vose mune rimwe bharaki. Zvadaro akabva atanga kutaura dzimwe ndima dzaiva muPasi Paviri, kusanganisira ndima dzaiva nemashoko enhema pamusoro pangu. Paakapedza kutaura, ndakakumbira mvumo yokubvunza mibvunzo. Mutungamiriri uyu anofanira kuve akafunga kuti izvi zvaizomupa mukana wokunditsvinyira nokuti akabvuma chikumbiro changu.
“Ndichitaura nomutungamiriri womusasa, ndakabvunza kana akanga achiri kuyeuka nguva yokutanga yaakanga andibvunzurudza pandakapinzwa mumusasa wechibharo. Akayeuka kubvunzurudza kwacho. Zvadaro ndakamubvunza kana akanga achiri kuyeuka mibvunzo yaakanga andibvunza maererano nenyika yandaibva, kwandaigara, nezvimwewo paaizadza mapepa okuiswa mumusasa. Akapindurazve kuti hungu. Akatoudza vateereri mhinduro dzandakapa. Zvadaro ndakamukumbira kurondedzera zvaakanga anyora chaizvo pamafomu acho. Akabvuma kuti zvaakanga anyora zvakanga zvisingapindirani nemhinduro dzangu. Ndakabva ndatarisa vateereri ndokuti: ‘Maonaka, ndiyo nzira imwe chete yakanyorwa nayo bhurocha iri.’ Vasungwa vakaombera maoko, uye mutungamiriri wacho akabvapo atsamwa.”
Zano Rokuparadzanisa Zvapupu
Muma1960, vakuru vakuru veSoviet vakanga vapererwa ava vakatanga nzira itsva mukuedza kwavo kuvhiringidza kubatana kweZvapupu zvaJehovha. Bhuku rinonzi The Sword and the Shield, rakabudiswa muna 1999, rinotaura nezvezvimwe zvinyorwa zveKGB zvaimbova zvakavanzika izvo zviri mudura rehurumende rokuchengetera zvinyorwa. Rinoti: “Musangano wakaitwa muna March 1959 wevakuru vakuru veKGB vaitungamirira ‘hondo yokurwisa [Zvapupu zvaJehovha]’ wakati nzira yakarurama yaiva yo‘kuenderera mberi nokudzvinyirira nokuvhiringidza.’ KGB yakatsunga kuparadzanisa, kuodza mwoyo nokunyadzisa Zvapupu, uyewo kusungira vatungamiriri vavo vaiva nesimba zvikuru mhosva dzenhema.”
“Kuvhiringidza” kwacho kwaisanganisira kushingairira kudyara kusavimbana pakati pehama muSoviet Union yose. Kuti iite izvi, KGB yakatanga kuparadzira runyerekupe runokuvadza, ichiti hama dzaitungamirira dzakati kuti dzakanga dzatanga kuita zvaidiwa nemapurisa eHurumende. KGB yakavanza nhema dzayo noungwaru zvokuti Zvapupu zvakawanda zvakatanga kunetseka kuti zvovimba naani.
Rimwe zano reKGB raiva rokudzidzisa vamwe vamiririri vavo kuita seZvapupu zvaJehovha “zvinoshingaira” zvaizobva zvaedza kuwana zvinzvimbo zvomutoro musangano. Sezviri pachena, tsori idzi dzaizoramba dzichizivisa KGB zvinenge zviri kuitika. KGB yakaendawo kuZvapupu chaizvo pachivande, ichiedza kuzvipa mari yakawanda kuti zvishandire pamwe nayo.
Zvinosuruvarisa kuti nzira idzi dzakati budirirei mukuvhiringidza kubatana kwehama, kusanganisira dziya dzomuMoldova. Izvi zvakaita kuti pave nokusavimbana. Dzimwe hama dzakabuda musangano ndokuumba boka rakatsauka rakasvika pakuzivikanwa sevapikisi.
Izvi zvisati zvaitika, hama dzaiva muSoviet Union dzaitarisira kusangano raJehovha, zvokudya zvomudzimu zvaraibudisa, uye hama dzaiva nomutoro dzarakagadza senzira yadzaitungamirirwa nayo. Zvino kuvhiringidzika uye kusava nechokwadi pamusoro penzira iyoyo kwakatanga kukura. Hama dzakagadzirisa sei kuvhiringidzika uku? Zvinoshamisa kuti dzakaita izvi dzichibatsirwa neHurumende yeSoviet. Chokwadi, vakanga varonga mazano aya ndivo pachavo vakabatsira kugadzirisa zvinetso zvacho zvavakanga vatanga. Sei?
Havana Kufunga Nezvomudzimu waMwari
Kumavambo kwema1960, mapurisa eSoviet akaisa “vatungamiriri” vakawanda veZvapupu vomuSoviet Union yose pamwe chete mumusasa mumwe uri makiromita anenge 150 kubva kuguta reSaransk, riri muruwa rweMordvinia, kumadokero kweRussia. Nguva iyi isati yasvika, madaro akareba akanga akaparadzanisa hama, zvichitadzisa kukurukurirana nokuita kuti pave nokusanzwisisana. Asi iye zvino vaya vaiva mune rainzi boka revapikisi uye vaya vaisavamo vose vakanga vava pamwe chete. Saka, vaigona kutaura vachinyatsoonana vonyatsojekeserana zvinhu. Nei mapurisa akaisa hama dzose idzi pamwe chete? Zviri pachena kuti vaifunga kuti hama dzacho dzaizopesana, nokudaro zvichiita kuti dzibva dzanyatsoparadzana. Kunyange zvazvo rakanga riri rokuchenjera, zano racho rinoratidza kuti vakatadza kufunga nezvomudzimu waJehovha unoita kuti vanhu vabatane.—1 VaK. 14:33.
Imwe yehama dzakanga dzaiswa mujeri muMordvinia yaiva Gheorghe Gorobeţ. Anoyeuka kuti: “Isiri nguva refu pashure pokunge ndasungwa nokutumirwa kujeri, imwe hama yakanga ichisonganira nevapikisi yakaiswa mujeri nesu. Payakaona kuti hama dzine mutoro dzakanga dzichakasungwa, yakashamiswa, nokuti yakanga yaudzwa kuti tose takanga takasununguka seshiri uye tichirarama upenyu hwomutambarakede tichitsigirwa neKGB!”
Hama Gorobeţ vanoenderera mberi vachiti: “Mugore rangu rokutanga ndiri mujeri, vanhu vanopfuura 700 vakasungwa nokuda kwezvikonzero zvechitendero. Ruzhinji rwaiva Zvapupu zvaJehovha. Tose taishanda mufekitari uye taiva nenguva yokutaura nevaya vakanga vabatana neboka rakatsauka. Saka, zvinhu zvakawanda zvakajekeswa mumakore a1960 na1961. Pakupedzisira, muna 1962, dare renyika rakanga richitarisira Soviet Union rakanyora tsamba riri imomo chaimo mumusasa wechibharo. Tsamba yacho yakaenda kuungano dzose dzomuSoviet Union uye yakatanga kugadzirisa kusanzwisisa kukuru kwakanga kwakonzerwa nenhema dzakanga dzaparadzirwa neKGB.”
Kuziva Nzira Chaiyo Yokutevera
Hama Gorobeţ vakabudiswa mumusasa wechibharo muna June 1964, uye vakabva vadzoka kuMoldova. Pavakasvika kuTabani, vakaona kuti Zvapupu zvakawanda zvemo zvakanga zvichakavhiringidzika kuti ndiani akanga achishandiswa naJehovha kupa vanhu Vake zvokudya nokuvatungamirira. Hama dzinoverengeka dzaingoverenga Bhaibheri bedzi.
Dare rehama nhatu dzakakura mumudzimu rakagadzwa kuti rijekese zvinhu. Chimwe chezvinhu zvokutanga zvavakaita kwaiva kushanyira ungano dzaiva kumusoro kweMoldova, kwaigara Zvapupu zvakawanda. Kuramba kwavo vakatendeka pamwe nevamwe vatariri vechiKristu, pasinei nokuti vakanga vatambudzwa zvikuru, kwakaita kuti vakawanda vagutsikane kuti Jehovha akanga achiri kushandisa sangano rimwe chete iroro rakanga ravadzidzisa chokwadi pakutanga.
Mukupera kwema1960, zvakava pachena kuKGB kuti basa rokuparidzira rakaramba richifambira mberi pasinei nokutambudza uye mamwewo mazano. Richirondedzera zvakaitwa neKGB, bhuku rinonzi The Sword and the Shield rinoti: “Muzinda [weKGB] wakavhiringidzwa nemishumo yokuti, kunyange mumisasa yechibharo, ‘vatungamiriri nevakuru vakuru vevanhu vokwaJehovha havana kuramba zvitendero zvavo zvakakasharara uye vari mumusasa imomo vakaramba vachiita basa raJehovha wavo.’ Dare revakuru vakuru veKGB raironga mazano okurwisa Zvapupu zvaJehovha rakasangana pa[Chisinau] muna November 1967 kuti vakurukure matanho matsva ‘okudzivisa basa rakakasharara revanhu vekapoka ikako’ ne‘dzidziso dzinopesana nechiKomonisiti.’”
Kunetswa Nedzaimbova Hama
Zvinosuruvarisa kuti vamwe vanhu vakanyengedzwa ne“matanho matsva” aya ndokuita zvaidiwa neKGB chaizvo. Vamwe vakanga vakurirwa nemakaro kana kuti kutya vanhu; vamwe vaimbova hama dzaivenga Zvapupu. Zviremera zvakatanga kushandisa ivava mukuedza kuputsa kutendeseka kwevakanga vakatendeka. Zvapupu zvakanga zvatsungirira kuiswa mujeri nemisasa yechibharo zvakataura kuti, chimwe chezvinhu zvaiodza mwoyo zvikuru kwaiva kunetswa nedzaimbova hama, dzimwe dzacho zvino dzakanga dzaramba kutenda.
Vakaramba kutenda vakawanda vaiva nhengo dzevapikisi vambotaurwa. Pakutanga, boka iri raiva nevamwe vainge vangovhiringidzwa nemashoko asiriwo aitaurwa neKGB. Asi vaya vakanga vachakabatana nevapikisi mukupera kwema1960 vaisanganisira vakati kuti vakaratidza mudzimu wakaipa weboka romuranda akaipa. Vachiramba kuteerera nyevero yaJesu, vakatanga “kurova varanda pamwe” navo.—Mat. 24:48, 49.
Asi, zano rokuparadzanisa vanhu vaMwari rakatadza kushanda, pasinei nokumanikidza kunopfuurira kwaiitwa neKGB nevateveri vayo. Mumavambo ema1960 apo hama dzakatendeka dzakatanga kushandira kubatanidza sangano muMoldova, hama dzakawanda munyika iyoyo dzakanga dzakabatana nevapikisi. Asi pakazosvika 1972, vazhinji vacho vakanga vadzoka kuzoshanda vakatendeka pamwe chete nesangano raJehovha.
Mutambudzi Aiyemura
Vakatendeka vakaramba vari muMoldova munguva yechiKomonisiti vakaramba vachiita basa rokuparidza zvakanakisisa sezvavaigona. Vaipupurira zvisina kurongwa kumhuri, shamwari, vavaidzidza navo kuchikoro, uye vavaishanda navo. Asi vaiva vakangwarira, nokuti vakuru vakuru vakawanda vebato muMoldova vaiva vakazvipira zvakanyanyisa kupfungwa yechiKomonisiti. Zvisinei, havasi vaKomonisiti vose vaivenga Zvapupu zvaJehovha.
Simeon Voloşanovschi anoyeuka kuti: “Mapurisa akasecha musha wedu ndokutora mabhuku akawanda kwazvo, ayo mukuru wavo akanyora pasi. Gare gare akadzoka nepaakanga anyora ndokundikumbira kuti ndione kana akanga anyora zvakarurama. Pandaiongorora zvinhu zvaakanga anyora, ndakacherechedza chimwe chakanga chisina kunyorwa—imwe Nharireyomurindi yaitaura nezvemhuri uye nzira yokuita nayo kuti upenyu hwepamusha hufadze zvikuru. Ndakabvunza mukuru wemapurisa uyu nezvayo. ‘Aa, ndakaenda nayo kumba, uye takaiverenga semhuri,’ akapindura kudaro achinyara-nyara. ‘Asi, makafarira here zvamakaverenga?’ ndakabvunza kudaro. ‘Aa, chaizvo! Takazvifarira!’ akadaro.”
Kushora Kunoderera, uye Kuwedzera Kunoenderera Mberi
Muma1970, vakuru vakuru vechiKomonisiti vakasiyana netsika yavo yokusunga nokudzinga vanhu vaJehovha. Kunyange zvakadaro, dzimwe hama dzaisungwa dzotongerwa kupupurira kana kupinda misangano yechiKristu. Zvisinei, mitongo yacho yaiva yakati rerukei.
Mugore ra1972 urongwa hwevakuru hwakatangawo muMoldova, sokumwe kwose. Gheorghe Gorobeţ anoyeuka kuti: “Hama dzakagamuchira urongwa hutsva nomufaro mukuru, dzichiona mahuri humwe uchapupu hwokuti mudzimu waJehovha wakanga uchishanda. Uyezve, kuwedzera kwenhamba yevarume vakagadzwa kwakabatsira ungano muMoldova kuti dzikure mumudzimu uye kuti dziwande.”
Uyewo, pakasvika nguva iyi hama dzakanga dzawana ruzivo rwakati kuti rwokuronga basa rokuparidza uye rwokudhinda mabhuku eBhaibheri nokungwarira. Pakatanga udzvinyiriri hwechiKomonisiti, mabhuku aigadzirirwa kunzvimbo mbiri muMoldova, uye idzodzi dzaingoshanda usiku chete mumakumi emakore okutambudzwa kwakanyanya. Saka vashandi vacho vaifanira kuita mabasa maviri—rimwe remasikati, apo vaiita mabasa avo enguva dzose sezvaingoita vamwewo vanhu, uye rimwe racho usiku, apo vaishanda kusvikira mangwanani-ngwanani vachigadzirira ungano mabhuku.
Zvisinei, izvi zvakachinja apo kushorwa nokuongororwa kwakaderera. Hama zvino dzakanga dzava kukwanisa kushandisa michina yokudhinda pachivande zviri nani zvikuru uye kugadza vamwe vazvipiri kuti vaite basa racho. Saka, mabhuku aidhindwa akawedzera.
Hama dzakavandudzawo unyanzvi hwokudhinda nahwo. Somuenzaniso, dzaishandisa pepa rokushandisa pakudhinda raitaipwa patapureta. Vakagadzirisawo michina yokudhinda kuti idhinde pamativi ose epepa panguva imwe chete. Kuvandudza kwose uku kwakatowedzera zvikuru mabhuku aibudiswa. Mazuva emabhuku okuyamura kudzidza Bhaibheri ainyorwa nemaoko zvino akanga oita seakapfuura kare kare!
Sezviri pachena, mabhuku akawanda aireva kuti hama dzakanga dzava kugona kuwedzera kudzidza Bhaibheri dziri dzoga. Izvi pamwe chete nenzira dzokukurukurirana nadzo dzakanga dzavandudzika zvikuru zvakabatsira kujekesa zvisaririra zvose zvokuvhiringidzika kwakanga kwamboitika. Asi, kuvandudzika uku kwaingova kufanoravidzwa kwezvinhu zviri nani zvaizouya nokuda kwevanhu vaJehovha muMoldova.
Kunamata Kwechokwadi Kunobudirira
Kunyange zvazvo chiKomonisiti cheSoviet chaiva hofori yezvematongerwe enyika nehondo mumazuva achaipisa, chakatadza kuparadza kunamata kwechokwadi. Zviripo ndezvokuti, kuburikidza nechirongwa chavo chokubudisa vanhu munyika, vanhu veSoviet nokusaziva vakabatsira kuparadzira mashoko akanaka kune dzimwe dze‘nzvimbo dziri kure zvikuru dzepasi.’ (Mab. 1:8) Jehovha akapikira achishandisa Isaya kuti: “Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu . . . Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kunobva kwandiri.” (Isa. 54:17) Mashoko iwayo aratidza kuva echokwadi kwazvo!
Kuchinja kwehurumende muna 1985 kwakaita kuti Zvapupu zvaJehovha muSoviet Union zviti rerukirwei. Vakanga vasingachateverwi nemapurisa epachivande kana kubhadhariswa faindi yokupinda misangano yechitendero. Kunyange zvazvo hama muMoldova dzakaramba dzichiita misangano yadzo yenguva dzose mumapoka maduku evanhu gumi kana vashoma pane ivava, dzakatanga kushandisa zviitiko chaizvo, zvakadai semichato nemariro, kuita magungano edunhu maduku.
Ipapo muchirimo cha1989, basa rokuparidza rakasimudzirwa pakaitwa kokorodzano nhatu dzemarudzi akawanda mumaguta ePoland eChorzow (pedyo neKatowice), Poznan, neWarsaw. Mazana enhume dzakabva kuMoldova akapinda. Chaiva chiitiko chinofadza kwazvo kuhama dzakatendeka idzi dzakanga dzakajaira kusangana pachivande dziri shoma kuti dzive pakati peboka guru remarudzi akawanda reZvapupu zvinofara—vose vachinamata Jehovha pamwe chete!
Hama dzomuMoldova dzakawanazve imwe ropafadzo yomudzimu muna 1991 padzakakwanisa kuita magungano edunhu pachena kwenguva yokutanga munhoroondo yebasa munyika iyoyo. Mugore ra1992 makaitikazve chimwe chiitiko chinokosha zvikuru—kokorodzano yemarudzi akawanda muSt. Petersburg, Russia. Nhume dzakatowanda zvikuru dzokuMoldova dzakapinda kokorodzano iyi kupfuura vakapinda nhatu dzakaitwa muPoland muna 1989. Chokwadi, Jehovha akanga azarura masuo okudenga uye akanga atanga kudurura zvikomborero zvakatevedzana pavashumiri vake vakavimbika, vanoonga.
Kudzidzisa Vatariri Vanofambira
Kuwedzera kworusununguko kwakarevawo kubatana zvikuru kwedare renyika reSoviet Union nevatariri vanofambira. Muna December 1989 hama idzi dzakakura mumudzimu, panguva iyoyo dzaiva 60, dzakaungana nokuda kwomurayiridzo muLvov, Ukraine. Tichifunga kuti vose vaivapo vakanga vatsungirira kuiswa mumajeri, misasa yechibharo, nemamwe marudzi okutambudzwa, kirasi iyoyo yakava chiitiko chinofadza, uye chinokurudzira kwazvo! Zvechokwadi, vakawanda vakanga vatotanga ushamwari hwepedyo zvikuru munguva idzodzo dzekare dzakanga dzakaoma.
Pavatariri vanofambira vaiva mukirasi iyoyo, vana vavo vaibva kuMoldova. Pavakadzoka, vakataurira ungano mazano ouchenjeri avakanga vagamuchira kuLvov, kunyanya ane chokuita nebasa rokuparidza. Somuenzaniso, vakakurudzira hama kuramba dzichiparidza Shoko raMwari dzakachenjera, pasinei norusununguko rwadzakanga dzichangobva kuwana. (Mat. 10:16) Nei vaifanira kuramba vakangwarira? Nokuti kutaura zvazviri, basa rakanga richiri kurambidzwa.
Kudiwa kweDzimba dzoUmambo Nokukurumidza
Kubvira panguva yakatanga basa rokuparidza muMoldova, hama dzaiziva kuti dzaifanira kuva nedzimba dzadzo pachadzo dzokusanganira. Chaizvoizvo, muna 1922 Vadzidzi veBhaibheri mumusha weCorjeuţi vakavaka imba, vachishandisa mari nezvinhu zvavo pachavo. Imba yemisangano iyi, yakavabatsira kwemakore akawanda.
Mukupera kwema1980, apo kushora basa kwepamutemo kwakatanga kuti dererei, mataundi akawanda nemisha yaiva neungano dzaiva nevaparidzi vane mazana akati kuti. Ivava vaisangana mumapoka maduku mumisha yehama. Saka nguva yakanga yasvika here yokutanga kuvaka Dzimba dzoUmambo? Kuti dzizive, hama dzakaenda kunotaura nevakuru vakuru vemisha yakasiyana-siyana.
Vamwe vevakuru vakuru ava vaida kubatsira zvikuru. Izvi ndizvo zvakaitika muFeteşti, mumwe musha unogara vanhu 3 150 kumusoro kweMoldova. Muna January 1990, hama dzeko dzakaonana nameya wacho, uyo akavaudza kuti mumusha wake vaigona kutora basa ravo serisingacharambidzwi pamutemo. Hama dzacho, dzichiri kuratidza kuchenjerera, dzakaona izvi zvisiri nyore kudavira. Saka vakamukumbira mvumo yokugadziridza musha weimwe hama kuitira kuti hama dzishandise imba yacho seImba duku yoUmambo, kunyange zvazvo ungano yacho yaiva nevaparidzi 185!
Meya wacho akatendera chirongwa ichi, uye hama dzacho dzakatanga kuita basa. Zvisinei, pasina nguva refu vakawana chipingamupinyi chikuru. Kana vaizobvisa mumwe mudhuri kuti vapfuurire nokuvaka, imba yacho yaigona kudhirika! Saka basa rakabva rangomira pakarepo. Vaizoita sei? Hama dzakafunga kunotaura zvakare nameya wacho kuti dzitsanangure chinetso chacho. Vakafara kwazvo paakavabvumira kuvaka Imba yoUmambo itsva! Zvino ungano yacho yakabva yangotanga basa iri ichishanda nomwoyo wose, vakaripedza mumazuva 27 chete.
Kuitira kuti vanhu vose vakwane muImba yoUmambo itsva, Ungano yeFeteşti yakakamurwa dzikaita mbiri. Zvisinei, vaparidzi vatsva vakawanda vakanga vasati vabhabhatidzwa. Saka zvakadini nokupinza rubhabhatidzo mupurogiramu yokutsaurira? Hama dzakaita izvi. Nokudaro, pashure pehurukuro yorubhabhatidzo, vose vakaenda kurwizi rwaiva pedyo naipapo, uko vanhu 80 vakaratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha.
Ichokwadi kuti dzimwe ungano dzakawanda dzaidawo Imba yoUmambo nokukurumidza. Dzaona mifananidzo yeDzimba dzoUmambo mumabhuku, dzimwe ungano dzakafunga kuti dzaigona kuvaka dzakafanana naidzodzo. Saka dzakaita mudeme mudeme, dzikaratidza chido chakakura kwazvo chokubatsira, ndokutanga kuita basa. Uye dzaisava ungano shoma dzakaita izvi. Pakati pa1990 na1995, hama dzakavaka Dzimba dzoUmambo dzinopfuura 30—dzichizvivakira dzoga nemari yadzo.
Dzimwe Dzimba dzoUmambo dzakasarudzwa dzakashandiswawo kuitira magungano edunhu. Zvisinei, aipindwa nevanhu vakawanda kwazvo zvokuti vakawanda vaitoteerera purogiramu vari panze. Saka, hama dzakatanga kufunga nezvokuvaka Imba Yemagungano. Zvakare, hadzina kuverengera. Muna 1992, mukati memwedzi mitatu chete, vakavaka Imba Yemagungano yokutanga muMoldova—chivako chinogara vanhu 800 muCorjeuţi. Gore rakatevera racho, zvichishandisa mari yazvo nesimba razvo zvakare, Zvapupu zvakavaka Imba Yemagungano inogara vanhu 1 500 muFeteşti.
Nguva yokuvakwa kweimba iyi inenge yakanga yakanaka, nokuti pakati pema1990, kuchinja kwezvematongerwe enyika uye kuderera kwoupfumi kwakakonzera kuderera nokukurumidza kwesimba remari yeMoldova. Somugumisiro, mari yaidiwa kuvaka Imba yoUmambo yose mumavambo ema1990 yaisazokwana kutenga kunyange zvigaro zvishomanana makore mashomanana gare gare!
Kuvaka Dzimba dzoUmambo Zasi kweMoldova
Kusiyana neungano dzaiva kumusoro kweMoldova, dzaiva zasi dzakanga dzine Dzimba dzoUmambo shoma. Saka, sezvo basa rakawedzera nokukurumidza muma1990, ungano dzakawanda dzakanga dzichangobva kuumbwa zasi dzaiva nezvinetso zvokuwana nzvimbo dzakakodzera dzokuunganira. Zvikoro zvakanga zvamboshandiswa, asi zvakatanga kunetsa kurenda.
Zvakare, Jehovha akayamura hama idzi achishandisa sangano rake. Panguva yakakodzera chaiyo, Dare Rinodzora, richishandisa urongwa hweHomwe yeDzimba dzoUmambo, rakaita kuti pawanike mari yokuvaka Dzimba dzoUmambo munyika dzakadai seMoldova, uko ungano dzine mari shoma.
Hama dzakashandisa urongwa uhwu zvakanaka. Chisinau muenzaniso wakanaka. Muna 1999, muguta guru iri makanga musina chero Imba yoUmambo imwe zvayo. Asi pakasvika July 2002, dzimba gumi dzakanga dzava kushandiswa neungano 30 pa37 dzaiva muguta racho, uye dzimwe nhatu dzakanga dzichivakwa.
Kuzivikanwa Pamutemo Pakupedzisira!
Musi waAugust 27, 1991, Moldova yakava nyika yakazvimirira. Nokuti kurambidzwa kwebasa reZvapupu zvaJehovha kwakanga kwaitwa neSoviet, iye zvino kwakanga kusingachashandi. Kunyange zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha, izvo panguva iyoyo zvakanga zvava zvinenge 4 000, zvakanga zvisati zvanyoreswa pamutemo sesangano rechitendero.
Yapiwa nhungamiro inobatsira neDare Rinodzora, hofisi yeMoldova yakataura nevamiririri vehurumende vakakodzera nokukurumidza ichida kunyoresa Zvapupu zvaJehovha pamutemo. Vatungamiriri vatsva vakabvuma chikumbiro chacho. Zvakatora kanguva kuti mapepa anodiwa agadziriswe, asi pakupedzisira, musi waJuly 27, 1994, hofisi yakagamuchira gwaro repamutemo rokunyoreswa.
Iroro rakava zuva rinofadza kwazvo kuZvapupu zvaJehovha muMoldova! Pashure pokutsungirira makumi matanhatu emakore okurambidzwa, kutambudzwa, uye kuiswa mujeri, iye zvino vaigona kunamata Jehovha nokuparidza mashoko akanaka pachena. Vakanga vava kukwanisawo kuita kokorodzano dzavo voga dzoruwa. Zvechokwadi, muna August 1994, mwedzi mumwe chete pashure pokunge zvava kuzivikanwa pamutemo, Zvapupu zvaJehovha zvakaungana munhandare huru kupfuura dzose muChisinau kuti zviite kokorodzano yoruwa yokutanga muMoldova. Ichocho chakava chiitiko chinofadza kwazvo!
Kukura kweBheteri
Pakasvika 1995 nhamba yevaparidzi voUmambo yakanga yakwira kusvika kuvanopfuura 10 000. Hofisi duku muChisinau yaitarisira mamwe mabasa muMoldova, asi hofisi yebazi yeRussia—yaiva makiromita 2 000 kubva ikoko—ndiyo yaitarisira zvimwe zvose. Zvisinei, bazi reRomania raiva makiromita 500 chete kubva ikoko, uye vanhu vakawanda vokuMoldova vaitaura chiRomania. Zvechokwadi, chiRomania chakaitwa mutauro unonyanya kushandiswa pazvinhu zvizhinji munyika yacho. Saka pashure pokunyatsoongorora zvose zvaibatanidzwa, Dare Rinodzora rakarumbidza kuti bazi reRomania ritarisire basa muMoldova.
Panguva ino kukura kwairamba kuchiitika kwakatanga kuremera hofisi yokuChisinau, iyo yaingova chivako chiduku chete. Sezviri pachena, nguva yakanga yasvika yokuti pave nemhuri yeBheteri. Pakati penhengo dzokutanga paiva naIon naIulia Rusu. Hama Rusu vakanga vashanda somutsivi womutariri wedunhu kubva muna 1991 kusvika muna 1994. Imwe nhengo yemhuri yeBheteri aiva Gheorghe Gorobeţ, uyo akashanda somutariri woruwa kusvika achinjira kumugove mutsva uyu. Akanga asingagari ipapo uye aienda kuBheteri mazuva ose. Guenther naRosaria Matzura, vakadzidza mukirasi yechi67 yeGiriyedhi, vakasvika musi waMay 1, 1996, vamboshanda kwemakore anoverengeka muRomania.
Nhamba yevaparidzi sezvayakaramba ichiwedzera, ndiko kuwedzerawo kwakaita kudiwa kwevamwe vashandi vepaBheteri. Asi nzvimbo yaiva duku. Uyezve, pakasvika 1998 musha weBheteri weMoldova wakanga wava zvivako zvishanu zvakapararira munzvimbo dzakasiyana-siyana dzeguta racho! Saka, pakatanga kutsvakwa nzvimbo imwe chete yakakodzera yokuvakira zvivako zveBheteri. Vakuru vakuru vehurumende muChisinau vakapa hama nzvimbo yakakura mamita 3 000 kumativi ose pakati chaipo peguta, iyo vakagamuchira nomufaro. Dzichitarisira kumwezve kuwedzera, hama dzacho dzakatengawo imwe nzvimbo yakanga yakabatana naipapo.
Imwe femu yomunzvimbo yacho yakapiwa basa rokuvaka. Vashandi vanobva kune dzimwe nyika nehama nehanzvadzi dzomunzvimbo yacho vakazopedzisa zvakanga zvasara zvacho. Kuvaka kwakatanga muna September 1998, uye mwedzi 14 bedzi gare gare, mhuri yeBheteri yaifara zvikuru yakatamira mumusha wayo mutsva, ichifara kuti yose yakanga yava pamwe chete pakupedzisira.
Purogiramu yokutsaurira chivako cheBheteri chitsva yakaitwa musi waSeptember 16, 2000. Kwakauya vaeni vakabva kunyika 11. Zuva rakatevera racho, Gerrit Lösch weDare Rinodzora akakurukurira vateereri vanopfuura 10 000 hurukuro pane imwe nhandare yeko yemitambo. Vose vakanga varipo vakanzwa chisungo chorudo rwoushamwari chinobatanidza vanhu vaJehovha pasi pose.
Panguva ino, mhuri yeBheteri yokuMoldova ine nhengo 26. Vamwe, vakadai saDavid naMiriam Grozescu, vakabva mhiri kwemakungwa kuzoshumira sevashandi vepaBheteri munyika isiri yavo. Vamwe, vakadai saEnno Schlenzig, vakapinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri munyika yokumusha kwavo ndokugamuchira basa romunyika isiri yavo kuMoldova. Saka, kunyange zvazvo mhuri yeBheteri iri duku ine vanhu vemarudzi akawanda.
Kudzidzisa Vashandi Vokukohwa
Mumakumi emakore avairambidzwa nokutambudzwa, vanhu vaJehovha muMoldova vaiudza vamwe mashoko akanaka nokungwarira uyewo zvisina kurongwa. Asi zvino, nguva yakanga yasvika yokuti vashande pachena mubasa repaimba neimba uye kupupurira mumugwagwa. Hama dzakateerera dzikatanga kushanda muushumiri hworudzi urwu, kupupurira mumugwagwa zvikurukuru kuchiva ndiko kwainyanya kuitwa. Zvisinei, nhamba yevaparidzi sezvayaiwedzera, zvakanga zvava kudiwa kuti vaite mativi ose oushumiri. Maererano neizvi, ungano dzakakurudzirwa kuisa pfungwa pabasa repaimba neimba, izvo dzakaita nokutendeka.
Iye zvino vaparidzi vakatanga kunzwisisa zvavakanga vasati vamboita nzara yakanga ine vavakidzani vavo yezvokudya chaizvo zvomudzimu. Kuti ribatsire kugovera zvokudya izvi, sangano raJehovha rakapa ungano Nharireyomurindi, Mukai!, nemamwe mabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri muchiRomania nechiRussia. Panguva iyiwo, vaparidzi vakashanda nesimba kuvandudza ushumiri hwavo nokushandisa mharidzo dzaipiwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Vakashandisawo zvakanaka kudzidziswa kunofambira mberi kwavaiitwa muChikoro chaMwari Choushumiri.
Rumwe rubatsiro, kunyanya rwesangano, rwave ruchipiwa nehama dzakakura mumudzimu uye dzine ruzivo dzinobva kune dzimwe nyika. Kufanana nematanda anotsigira mizambiringa inobereka zvibereko, vabatsiri vemarudzi akasiyana-siyana ava vanokwanisa kuita mabasa uye vane chido chokushumira vakatsigira uye vakadzikamisa ungano.
Nguva Yokuwedzera Nokukurumidza
Kuwedzera nokukurumidza kwenhamba yevadzidzi muMoldova kunooneka zvakajeka muguta guru racho, Chisinau, iro rinogara vanhu 662 000. Muna July 1991, Zvapupu zvaJehovha zvisati zvava kuzivikanwa pamutemo, Chisinau raingova neungano mbiri chete dzaiva nevaparidzi 350. Asi pakasvika January 2003, nhamba iyoyo yakawedzera kusvika kuungano 37 dzine vaparidzi vanopfuura 3 870 nokure! Mune imwe ungano vadzidzi veBhaibheri 101 vakatanga kushanda sevaparidzi vasina kubhabhatidzwa mumwedzi mipfumbamwe bedzi! Nokuwedzera nokukurumidza kwakadai, hazvishamisi kuti ungano dziri muguta racho dzikamurwe pashure peanenge makore maviri.
Muna August 1993, Moldova yose yaiva nevaparidzi 6 551. Asi pakasvika March 2002, nhamba iyoyo yakanga yawedzera kusvika pa18 425—kuwedzera kwe280 muzana mumakore mapfumbamwe! Munguva iyoyo zvakare, nhamba yemapiyona enguva dzose yakakwira kubva pa28 kusvika ku1 232.
Kubva Pakuva Mutevedzeri Wameya Ndokuva Piyona
Pakati pevaya vakasvika pakuziva Jehovha pane vakawanda vaiva vaKomonisiti, vamwe vavo vaitova nezvinzvimbo zvematongerwe enyika. Mumwe munhu akadaro ndiValeriu Mârza, aimbova mutevedzeri wameya weSoroca, taundi rinogara vanhu vanenge 39 000. Pazviitiko zvinokosha paiva nevaifora, Valeriu aiva pakati pevairemekedzwa vaiva panzvimbo yakakwirira vaiitirwa sarupu nevaifora vacho sezvavaipfuura. Saka, aizivikanwa zvikuru muguta racho.
Zvisinei, pakupedzisira, Valeriu akatanga kudzidza Bhaibheri ndokubhabhatidzwa. Vanhu vaiita sei paaipupurira kwavari? “Anenge munhu wose aindipinza mumba,” vanodaro Hama Mârza. “Ndakawana mikana yakanaka kwazvo yokuparidza, uye ini nomudzimai wangu takaona kuti taundi redu indima inobereka zvibereko zvikuru!” Pasina nguva refu, Hama Mârza vakagadzwa kuva piyona chaiye. Ivo nomudzimai wavo vakashandawo paBheteri kwegore rimwe. Iye zvino vane ropafadzo yokushanda mubasa redunhu.
Mapiyona Anobatsira
Nhamba yevaparidzi kana vachienzaniswa nevagari vomuMoldova yava imwe yedzakanakisisa muEurope. Kunyange zvakadaro, misha yakawanda nemataundi maduku hazvisati zvava neZvapupu. Pamusana pokuomerwa nokushaya mari, vaparidzi nemapiyona akawanda haakwanisi kushanda kunodiwa vaparidzi zvikuru. Kuti ribatsire kuita kuti mashoko akanaka asvike kuvanhu vari mundima yose, bazi reRomania rakagadza mapiyona chaiwo anoda kusvika 50 muMoldova. Anopfuura 20 awo akabatsirwawo nokudzidzisa kunoitwa neChikoro Chokudzidzisa Vashumiri, icho chave chichiitwa muRomania, Russia, neUkraine.
Vaparidzi veevhangeri vanoshanda nesimba ava vari kuwana zvibereko zvakanaka kwazvo. Somuenzaniso, apo mapiyona chaiwo akaroorana Serghei naOxana Zighel vakatumirwa kuCauşeni muna 1995, taundi racho raingova neboka rimwe chete revaparidzi 15. VanaZighel vakabatsira hama dzomutaundi iri kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvitsva zvakawanda. Vakaratidzawo kufarira kupayona, zvokuti vamwe vakawanda vakabatana navo mubasa renguva yakazara. Iye zvino Căuşeni ine ungano mbiri dzine vaparidzi vanenge 155—vakawedzera kakapetwa kagumi mumakore manomwe chete! Panguva ino, vanaZighel vava kuita basa redunhu, iro rinoita kuti vakwanise kubatsira dzimwe ungano dzakawanda.
Rusununguko asi Rune Zvinetso
Kutonga kwomunhu kune zvinetso zvakwo pasinei nokuti ndokworudzii. Mukutonga kwoumambo hweRomania, udzvinyiriri kwechiFascist, uye kutonga kwechiKomonisiti, vanhu vaJehovha muMoldova vairwisana nokushora kwevafundisi, kurambidzwa basa, kutambudzwa, uye kubudiswa munyika. Mazuva ano, kufanana nevavakidzani vazvo Zvapupu zvaJehovha zvinorarama nezvinetso zvemari, izvo zvinogona kumanikidza vabereki vose vari vaviri kuti vashande. Vamwe vanotova nedambudziko rokuwana basa.
Zvichingunodai, utsotsi nouori zviri kuwedzera sezvo kudisa zvenyama nokuora kwetsika zviri kukanganisa vanhu zvakanyanya. Vanhu vaJehovha vangakunda here ipo pane zvinhu zvakadai zvinonyengera zviri kuisa kunamata kwavo pangozi? Hungu, vanokunda! Vakadzidza nokuzvionera pachavo kuti Jehovha haasiyi vakavimbika vake, avo vanotarisira kubatsirwa naye pavanosangana nemiedzo.—2 Tim. 3:1-5; Jak. 1:2-4.
Mamiriro ezvinhu aripo aya anotiyeuchidza nezvechitsauko chechi14 chaZvakazarurwa, icho chinotaura nezvokukohwa kuviri kwokufananidzira. Kumwe kukohwewa kwo“muzambiringa wepasi”—chirimwa chinomiririra uipi chiri kuwedzera mumazuva ano okupedzisira, sezvakaprofitwa chaizvo. (Zvak. 14:17-20; Pis. 92:7) Nokukurumidza “muzambiringa” uyu, pamwe chete nezvibereko zvawo zvakaora, uchadzurwa wokandirwa “muchisviniro chikuru chewaini chokutsamwa kwaMwari.” Vashumiri vaJehovha vanoda kwazvo kuona nguva iyoyo!
Iye zvino, vaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo vanofara nokubudirira kwavo kwomudzimu. Chokwadi, ‘Munda waJehovha wemizambiringa wewaini inopupuma’ ucharamba uchibereka zvokudya zvomudzimu zvakawanda zvinovaka, uchikwevera vakafanana nemakwai kuzvibereko zvawo zvakawanda. Nei vanhu vaMwari vachigona kuvimba neizvi? Nokuti Jehovha pachake ari kudzivirira munda wake wemizambiringa unokosha. (Isa. 27:2-4, NW) Izvozvo zvakaratidzwa muMoldova zvechokwadi! Zvechokwadi, mazano aSatani—kungava kutambudza, kubudisa munyika, mashoko enhema anoparadzirwa, kana kuti hama dzenhema—zvakaita kuti vanhu vaMwari vatambure asi havana kumbokundwa mumudzimu.—Isa. 54:17.
Chokwadi, “anofara munhu anoramba achitsungirira muedzo, nokuti pakuva anotenderwa achagamuchira korona youpenyu, yakapikirwa naJehovha vaya vanoramba vachimuda.” (Jak. 1:12) Uchifunga mashoko iwayo anokosha, dai ukakurudzirwa nenhoroondo yeZvapupu zvaJehovha zviri muMoldova kuti ‘urambe uchida’ Jehovha, ‘urambe uchitsungirira muedzo,’ uye ‘urambe uchibereka zvibereko zvakawanda.’—Joh. 15:8.
[Mashoko Omuzasi]
a Zita rokuti Moldova ndiro richashandiswa, kutoti zviri kutaurwa zvichida kuti pashandiswe rokuti Bessarabia neMoldavia. Zvisinei, yeuka kuti miganhu iripo zvino yeMoldova haisiriyo yaiva miganhu yeBessarabia neMoldavia yekare. Somuenzaniso, chimwe chikamu cheBessarabia iye zvino chiri muUkraine, uye chikamu cheMoldavia chiri muRomania.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 71]
Dura Rewaini reRussia neEastern Europe
Mwaka yechirimo yakareba yomuMoldova nevhu rakaorera zvinoita kuti ive nyika yakanaka yokugadzirira waini—indasitiri yakatanga zviuru zvemakore zvakapfuura. Pamugumo wezana remakore rechitatu B.C.E., kugadzirwa kwewaini kwakasimukira chaizvo apo vagari vemo vakatanga kufambidzana nevaGiriki uye gare gare muzana remakore rechipiri C.E., nevaRoma.
Nhasi, kugadzira waini ndiwo musimboti mukuru wezvokurima weMoldova, nenzvimbo dzinogadzirwa waini dzinoda kusvika 130 idzo dzinogadzira marita anosvika kumamiriyoni 140 pagore. Inenge 90 muzana yewaini yacho inotengeswa kunze kwenyika, kunyanya kuRussia, iyo inotenga 80 muzana, uye Ukraine, iyo inotenga 7 muzana.
[Bhokisi riri papeji 72]
Moldova Muchidimbu
Nyika: Pakati uye kuchamhembe kweMoldova isango rine nzvimbo dzakakwirira dzine miti yakawanda nenzvimbo dzakati sandara dzisina miti, kana kuti mapani ane uswa. Kumaodzanyemba inzvimbo yakati sandara inowanzorimwa.
Vanhu: Dzinza revaMoldova ndiro rinoumba zvikamu zviviri muzvitatu zvevagari vemo. Chimwe chikamu chasara, tichitanga nevakawanda, chinoumbwa zvikurukuru nevaRussia, vaUkraine, vaGagauz, vaBulgaria, uye vaJudha. Vanhu vakawanda vokuMoldova ndeveChechi yeEastern Orthodox.
Mutauro: ChiRomania ndiwo mutauro unonyanya kushandiswa pazvinhu zvizhinji. Vanhu vakawanda vanotaurawo chiRussia, kunyanya mumaguta, zvichiita kuti kushandiswa kwemitauro miviri iyi kuve chinhu chakajairika.
Mararamiro: Kurima nokugadzirwa kwezvokudya ndiwo musimboti woupfumi hwemo. Zvokugadzirwa kwezvinhu zvichiri kutotangawo.
Zvokudya: Zvimwe zvinhu zvinorimwako mazambiringa, gorosi, chibage, sugar beet, nemaringazuva. Zvipfuyo zvakawanda imombe dzenyama nedzomukaka, nenguruve.
Mamiriro Okunze: Tembiricha yacho iri panenge pakati pe-4°C muna January kusvika panenge pa21°C muna July. Nzvimbo dzakawanda dzenyika yacho dzinodziya uye dzinotonhora zviri pakati nepakati muchando. Mvura inonaya pagore masendimita anenge 50 paavhareji.
[Bhokisi riri papeji 83-85]
Mienzaniso Mikuru Yokusapindira Mune Zvenyika KwevaKristu
George Vacarciuc: Hama Vacarciuc vakarerwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Muna December 1942 vaFascist vakavadaidza kubasa rechiuto. Vakaramba kuita basa rechiuto uye vakavharirwa muchitokisi chaiva chakati tsva nerima kwemazuva 16 vachipiwa zvokudya zvishomanana. Mapurisa akavadanazve, achivimbisa kudzima mutongo wavo—wavakanga vasati vaudzwa—kana vaizoita sezvakanga zvarayirwa pakutanga. Vakaramba zvakare.
Nokuda kweizvi, Hama Vacarciuc vakatongerwa makore 25 mujeri. Asi mutongo wavo wakadimburirwa panzira pakasvika mauto eSoviet musi waSeptember 25, 1944. Zvisinei, mwedzi isingasviki miviri gare gare vaSoviet vakaedza kuvapinza muchiuto. Sezvo vakanga vasingadi kuita zvinopesana nehana yavo yakadzidziswa neBhaibheri, vakatongerwa makore gumi ebasa rechibharo mumisasa yakasiyana-siyana. Kwemwedzi gumi nemiviri mhuri yavo yakanga isingazivi kuti vaiva kupi. Pashure pokupika makore mashanu, Hama Vacarciuc vakasunungurwa musi waDecember 5, 1949. Vakadzoka kumusha kwavo kuCorjeuţi uye vakaramba vakatendeka kusvikira parufu rwavo musi waMarch 12, 1980.
Parfin Goreacioc: Hama Goreacioc vakazvarwa muna 1900 uye vakawana zivo yechokwadi cheBhaibheri mumusha weHlina mumakore a1925 kusvikira 1927. Pamwe chete nevanun’una vavo, Nicolae naIon, vakadzidziswa chokwadi naDamian naAlexandru Roşu, Vadzidzi veBhaibheri vokutanga mumusha wacho.
Muna 1933, Hama Goreacioc, pamwe chete nezvimwe Zvapupu, vakasungwa ndokuendeswa kutaundi reKhotin, kwavakabvunzurudzwa ndokubhadhariswa faindi nokuda kwokuparidza. Muna 1939, zvichikonzerwa nomupristi womumusha wacho, Hama Goreacioc vakaunzwa kukamba yemapurisa mumusha wakavakidzana nowavo weGhilavăţ. Ikoko mapurisa akavasungirira pamubhedha wemapuranga usina matiresi vakarara nedumbu ndokuramba vachivarova pasi petsoka dzavo.
VaFascist pavakanga vava kutongazve, Hama Goreacioc vakasungwa zvakare ndokuendeswa kujeri. Zvisinei, gore rimwe chete iroro vaSoviet vakavasunungura, vachibva vavasunga zvakare nokuti vakaramba basa rechiuto. Vakavachengeta mujeri muChisinau kwemwedzi inoverengeka ndokuzovasunungura.
Muna 1947 vaSoviet vakasunga Hama Goreacioc zvakare, panguva ino vachivatongera makore masere outapwa nemhaka yokuparidza Umambo hwaMwari. Muna 1951 vana vavo vakaendeswa kuSiberia. Zvisinei, havana kuenda kwaiva nababa vavo. Zviripo ndezvokuti havana kuzombovaonazve. Hama Goreacioc vakarwara kwazvo pavaiva muutapwa ndokufa muna 1953, vakatendeka kusvikira kumugumo.
Vasile Pădureţ: Hama Pădureţ vakazvarwa muna 1920 kuCorjeuţi uye vakadzidza chokwadi muna 1941 munguva yevaFascist. Naizvozvo, ivowo vakatambudzwa nevaFascist uye nevaSoviet. KuvaSoviet, vakataura vakashinga kuti: “Handina kumbopfura vaBolshevik, uye handisi kuzouraya vaFascist.”
Nokuda kwechisarudzo ichi chokutungamirirwa nehana, chakavakirwa muBhaibheri, Hama Pădureţ vakatongerwa makore gumi mumusasa wechibharo weSoviet. Zvisinei, mutongo wacho wakaderedzwa kusvika pamakore mashanu, uye vakadzoka kumusha musi waAugust 5, 1949. Pavakazosungwa kechitatu, Operation North yakanga yatanga. Saka musi waApril 1, 1951, Hama Pădureţ nemhuri yavo vakakwira mutiroko rechitima vachienda kuSiberia. Vapedza makore anenge mashanu vari ikoko, vakabvumirwa kudzoka kuCorjeuţi, Moldova. Hama Pădureţ vakafa vakatendeka kuna Jehovha musi waJuly 6, 2002, pakanga pachinyorwa nyaya ino.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 89, 90]
‘Hapana Chandaizochinjanisa Nacho Upenyu Hwangu Hwokushumira Musiki’
Ion Sava Ursoi
Akazvarwa: 1920
Akabhabhatidzwa: 1943
Nhoroondo: Akashanda somutariri wedunhu munguva yechiKomonisiti.
Ndakazvarirwa kuCaracuşeni, Moldova, uye ndakadzidza chokwadi Hondo Yenyika II isati yatsviriridza. Mudzimai wangu akafa muna 1942. Pashure pemariro ake chikwata chevanhu chakandidzinga kumakuva. Nei? Nokuti ndakanga ndachinja chitendero changu. Gare gare gore iroro, Hurumende yechiFascist yakaedza kundipinza muchiuto. Pamusana pechido changu chokuramba ndisina kwandakarerekera mune zvematongerwe enyika, ndakaramba kushanda muchiuto. Ndakatongerwa rufu, asi gare gare mutongo wacho wakazoderedzwa ukava makore 25 okupika jeri. Ndaichinjwa-chinjwa misasa. Pandaiva musungwa muCraiova, Romania, mauto eSoviet akasvika ndokutisunungura.
Ndichangosunungurwa kudaro, vaKomonisiti vakandiisazve mujeri. Vakandiendesa kuKalinin, Russia. Makore maviri gare gare, muna 1946, vakandibvumira kuenda kumusha kwangu, kwandakanobatsira kuronga patsva basa rokuparidza. Zvadaro, muna 1951 vaSoviet vakandisungazve. Panguva iyi vakandiendesa kuSiberia pamwe chete nezvimwe Zvapupu zvakawanda. Ndakatozodzoka kumusha muna 1969.
Ndichitarira shure muupenyu hwangu, ndinoyeuka kakawanda apo Jehovha akandipa simba rokuramba ndakatendeka. Munyika yose hapana chandaizochinjanisa nacho upenyu hwangu hwokushumira Musiki wangu. Iye zvino ndiri kurwisana noukweguru noutano husina kunaka zviri kunditadzisa kuita zvakawanda. Asi tariro yechokwadi youpenyu munyika itsva, apo muviri wangu uchawanazve simba rawo rouduku, inondisimbisa mukutsunga kwangu ku“sarega kuita zvakanaka kwazvo.”—VaG. 6:9.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 100-102]
Ndine Zvakawanda Zvokuimba Nezvazvo
Alexandra Cordon
Akazvarwa: 1929
Akabhabhatidzwa: 1957
Nhoroondo: Akatambudzwa muutongi hweSoviet uye panguva ino muparidzi muungano.
Kuda kwangu kuimba kwakandibatsira kuwana chokwadi, uye gare gare, kuramba ndakasimba mumudzimu pakaedzwa kutenda kwangu. Nyaya yangu inotangira pandakanga ndichiri kuyaruka muma1940 pandakasangana neboka revechiduku muCorjeuţi avo vaifarira kuimba nziyo dzoUmambo nokukurukura Bhaibheri pavainge vakasununguka. Chokwadi chomudzimu chandakadzidza muhurukuro idzodzo uye munziyo dzacho chakandibatsira chaizvo.
Pasina nguva refu ndakava muparidzi wemashoko akanaka. Izvi zvakandisungisa muna 1953, pamwe chete nezvimwe Zvapupu gumi. Pandakanga ndakamirira kutongwa, ndakaiswa mujeri kuChisinau. Ndakaramba ndichizvisimbisa mumudzimu nokuimba nziyo dzoUmambo, idzo dzakatogumbura mumwe wevarindi. Akati, “Uri mujeri. Ino haisi nzvimbo yokuimbira!”
Ndakapindura kuti: “Ndave ndichiimba muupenyu hwangu hwose. Ndozoregerei iye zvino? Munogona kundivharira, asi hamugoni kuvhara muromo wangu. Mwoyo wangu wakasununguka, uye ndinoda Jehovha. Saka ndine zvakawanda zvokuimba nezvazvo.”
Ndakatongerwa makore 25 mumusasa wechibharo muInta, pedyo neArctic Circle. Mumwedzi mipfupi yomuchirimo, ini nezvimwe Zvapupu taishanda musango raiva pedyo. Zvakare, nziyo dzoUmambo, dzakawanda dzacho dzataiziva nomusoro, dzakatibatsira kuramba takasimba mumudzimu uye kunzwa takasununguka pamwoyo. Uyezve, varindi vedu, kusiyana nouya wokuChisinau, vaitikurudzira kuimba.
Ndakagara kumusasa wokuInta kwemakore matatu, mwedzi mitatu, nemazuva matatu. Ndakasunungurwa apo vasungwa vakaregererwa nehurumende. Sezvo ndakanga ndisati ndava kubvumirwa kudzoka kumusha kuMoldova, ndakaenda kuTomsk, Russia. Ikoko ndakabatanazve nomurume wangu, uyo akanga apedzawo nguva ari mujeri. Takanga taparadzana kwemakore mana.
Nemhaka yokusungwa kwangu, ndakanga ndisati ndaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura. Saka ndakabvunza hama dzokuTomsk nezvenyaya yacho. Sezvo vamwe vanoverengeka vaidawo kubhabhatidzwa, hama dzacho dzakakurumidza kuronga nezvorubhabhatidzo. Zvisinei, nemhaka yokurambidzwa kwebasa redu, dzakasarudza kuzviita usiku pane rimwe dhamu musango raiva pedyo.
Panguva yatakanga tarangana, takabuda kunze kweTomsk tikapinda musango tiri vaviri vaviri kuitira kuti tisanyumwirwe. Vaviri voga voga vaifanira kutevera vaviri vaiva pamberi pavo kusvikira tose tasvika takachengeteka padhamu racho. Ndingati ndizvo zvakanga zvarongwa. Sezvineiwo, hanzvadzi mbiri dzakwegura dzaiva pamberi pedu nomumwe wangu dzakarasika. Takatevera, uye vaiva shure kwedu vakatiteverawo. Pasina nguva refu vanenge gumi vedu takanga tava kudzungaira murima, tatoteswa nemakwenzi aiva nedova uye tichidedera. Mabheya nemhumhi zvairura munharaunda yacho, saka takatanga kufungidzira tichisangana nazvo. Takanga tichitya kwazvo zvokuti taiti tikangonzwa changoti chokoto, tovhunduka.
Ndichiona kuti zvakanga zvakakosha kuti tisatya kana kuora mwoyo, ndakauya nezano rokuti timire takanyarara toimba rwiyo rwoUmambo nomuridzo, nepfungwa yokuti vamwe vedu vangatinzwa. Takanyengeterawo nomwoyo wose. Saka fungidzira mufaro wedu patakanzwa rwiyo irworwo ruchiimbwa nomuridzo nechokune rimwe divi! Chokwadi, hama dzedu dzakanga dzatinzwa! Nokukurumidza dzakavheneka netochi kuitira kuti tikwanise kusvika kwadzaiva. Munguva pfupi pashure peizvi, takanyudzwa mumvura yaiva nechando, tisingambonzwi kutonhora kwacho nokuti taifara zvikuru.
Iye zvino ndava nemakore 74 uye ndakadzoka kuCorjeuţi, kwandakawanira chokwadi. Pasinei nokukwegura, ndichine zvakawanda zvokuimba nezvazvo, kunyanya mukurumbidzwa kwaBaba vedu vokudenga.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 104-106]
Ndakaedza Kutevedzera Muenzaniso Wevabereki Vangu
Vasile Ursu
Akazvarwa: 1927
Akabhabhatidzwa: 1941
Nhoroondo: Akashanda somuranda weungano uye akashanda mukudhindwa kwemabhuku pachivande.
Vabereki vangu, Simeon naMaria Ursu, vakabhabhatidzwa muna 1929. Pavana vavo vashanu, ndini ndaiva mukuru. Munguva yechiFascist, Baba naAmai vakasungwa ndokutongerwa basa rechibharo kwemakore 25 pamusana pokusava kwavo nokwavakarerekera mune zvematongerwe enyika. Hama nehanzvadzi dzomudzimu dzomuungano yaiva pedyo yeCorjeuţi dzakatichengeta isu vana uye dzakatarisira purazi remhuri yedu. Saka, nguva dzose taiva nezvokudya zvakakwana. Ambuya vedu vakanga vakwegura, avo vaisava muchokwadi, vakabatsirawo kutitarisira. Ndaiva nemakore 14 panguva iyoyo.
Pamusana pomuenzaniso wakanaka wevabereki vangu, ndakaedza zvakasimba kutarisira vanun’una vangu mumudzimu. Kuti ndiite izvozvo, ndaivamutsa mangwana-ngwanani zuva rimwe nerimwe kuti tikurukure pamwe chete chikamu cherimwe remabhuku edu eBhaibheri. Haisi nguva yose yavaida kumuka, asi ndaitoita kuti vamuke. Ndakaona kukosha kwetsika dzakanaka dzokudzidza. Somugumisiro, vabereki vedu pavakakurumidza kubudiswa mujeri ndokudzoka kumusha muna 1944, vakafara kuona kusimba kwatakanga takaita mumudzimu. Takafara zvikuru kusanganiswazve navo! Kunyange zvakadaro, mufaro wedu wakanga uri wenguva pfupi.
Gore rakatevera racho vaSoviet vakasunga Baba ndokuvaisa mujeri kuNorilsk, Siberia, nechokumusoro kweArctic Circle. Makore matatu gare gare, ndakaroora Emilia, hanzvadzi yakachangamuka, inofarira zvokumudzimu. Takanga takura tose, saka ndainyatsomuziva. Zvisinei, pashure pegore rimwe bedzi tachata, ndakasungwa pamwe chete naamai. Takaendeswa kuChisinau, kwatakatongerwa makore 25 ebasa rechibharo. Emilia akatarisira norudo vanun’una vangu, avo vakanga vatorerwa vabereki vavo uye mukoma wavo.
Pakupedzisira, ndakatumirwa kumigodhi yemarasha kuVorkuta, musasa waiva nomukurumbira wakaipa kwazvo waiva kuchamhembe kweArctic Circle. Makore maviri gare gare, muna 1951, Emilia nevanun’una vangu vatatu uye hanzvadzi yangu vakadzingirwa kuTomsk, iri kumadokero kweSiberia. Muna 1955, Emilia akakumbira kuchinjirwa kuVorkuta kuti ave neni. Ikoko akabereka wokutanga wevana vedu vatatu, musikana watakatumidza kuti Tamara.
Muna September 1957 hurumende yakazivisa kuti vasungwa varegererwe, uye takasunungurwa. Asi mwedzi mumwe gare gare ndakasungwazve. Panguva ino ndakatongerwa makore manomwe mumusasa wechibharo kuMordvinia, pedyo neSaransk, Russia. Dzimwe hama dzakawanda dzakaiswawo mujeri ikoko, uye dzimwe dzakanga dzichizouya. Vadzimai vedu pavaiuya kuzotishanyira, nguva dzose vaikwanisa kupinza mabhuku zvisingazivikanwi, ayo taifarira zvikuru. Muna December 1957, Emilia akatamira kuKurgan, kumadokero kweSiberia, kuti anotarisira mwanasikana wedu, Tamara, uyo akanga achigara nevabereki vaEmilia. Izvi zvakaita kuti ini naEmilia tiparadzane kwemakore manomwe. Asi, iyi ndiyo bedzi yaiva nzira yataigona kuita nayo kuti Tamara asaendeswa kumusha wevana vasina vabereki waitarisirwa nehurumende.
Muna 1964, ndakasunungurwa asi handina kubvumirwa kudzoka kumusha kuMoldova. Kunyange ndakanga ndisingabvumirwi kufamba, ndakakwanisa kuenda kwaiva nomudzimai wangu nomwanasikana kuKurgan, kwandakanoshanda somuitisi wechidzidzo chebhuku muungano. Muna 1969 takatamira kuKrasnodar, kuCaucasus. Tashumira ikoko kwemakore masere, takatamira kuChirchik, Uzbekistan. Ikoko ndakashanda ndichidhinda mabhuku zvepachivande. Pakupedzisira, muna 1984 takabvumirwa kudzoka kuMoldova. Takanogara kuTighina, guta revanhu 160 000 uye raiva nevaparidzi 18 chete. Kwemakore ose aya, boka duku iri rakura kuva ungano pfumbamwe dzine vaparidzi vanoda kusvika 1 000 nemapiyona.
Ndinozvidemba here nokuda kwemakore akawanda andakapedzera mumisasa yechibharo nemajeri nokuda kwaShe? Kana! Kwandiri paiva nenyaya chaipo ndaipaziva, kunyange pandaiva mukomana ane makore 14 akanga achangobva kubhabhatidzwa: inongova nyaya yokuti unoda Mwari kana kuti unoda nyika! Sezvo ndakanga ndasarudza kushumira Jehovha, handina kumbofunga nezvokurega.—Jak. 4:4.
[Mifananidzo]
Kuruboshwe: Vasile Ursu
Kuruboshwe kwokupedzisira: Vasile nomudzimai wake, Emilia nomwanasikana wavo, Tamara
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 108-110]
Kakomana Kaiva Neruva Kakafadza Mwoyo Wangu
Valentina Cojocaru
Akazvarwa: 1952
Akabhabhatidzwa: 1997
Nhoroondo: Aiva mudzidzisi muutongi hweSoviet uye muzvidzidzo zvake aidzidzisawo kuti hakuna Mwari.
Muna 1978, ndaiva mudzidzisi wekireshi kuFeteşti, Moldova. Ndaivawo ndisingadaviri kuti kuna Mwari. Pane mumwe musangano wevadzidzisi, takarayirwa kudzidzisa zvikurukuru vana veZvapupu zvaJehovha kuti vadavire kuti Mwari haako. Ndakafunga kuti iyi yaiva pfungwa yakanaka. Saka ndakaedza kufunga nezvenzira dzokusvika nadzo pamwoyo yevana veZvapupu. Ndakafunga imwe pfungwa yandakaona sezano rakanaka.
Ndakaudza kirasi kuti igadzire mihomba miviri yemaruva. Mune mumwe, vana vaifanira kudyara maruva, kuadiridza, nokubvisa masora ose zvawo. Asi mumwe muhomba wacho vaifanira kuurega wakadaro. Ndakavaudza kuti ndowaMwari. Ndiye aizoutarisira oga. Kirasi yakafara nebasa iri. Ichokwadi, vana pavaidyara, kudiridza, nokubvisa masora mumuhomba wavo, “muhomba muduku waMwari” waimera masora akawanda.
Zvadaro, mumwe musi kuine nezuva, ndakaunganidza kirasi pamberi pemihomba miviri iya. Ndakarumbidza vana nokuda kwebasa rakanaka ravakanga vaita, ndokubva ndatanga kutaura mazano angu aya andakanga ndanyatsofunga. “Mazviona here kuti Mwari haana chaakaita nomuhomba wake?” ndakabvunza kudaro. “Muri kuona here kuti zviri pachena sei kuti muhomba uyu hauna muridzi?”
Vana vakabvumirana neni kuti wairatidzika saizvozvo chaizvo. Ipapo ndakataura pfungwa yandaifunga kuti ichapedza nyaya: “Maonaka vana, muhomba wemaruva uyu unoratidzika saizvozvo nokuti vanhu vanoita zvokufungidzira kuti Mwari ariko. Saka kana Mwari asiko chaizvoizvo, angatarisira sei maruva kana chimwewo chinhu zvacho?”
Pandaitaura, ndaitarisa vana kuti ndione kuti vakanga vachifungei. Ndakaona kamwe kakomana, kane vabereki vaiva Zvapupu, kachiramba kachiwedzera kuvhiringidzika. Pakupedzisira, hakana kuzokwanisa kuramba kakazvibata. Kakamhanyira pasango raiva pedyo, kakatemha rimwe ruva, ndokubva kandipa, kakati: “Kana Mwari asiko, saka ndiani akaita kuti ruva iri rikure? Hatisisu tairitarisira.” Zvakakataura zvakandishayisa romuromo. Nechomumwoyo, ndakaona kuti mwana uyu akanga ataura zvine musoro kwazvo.
Sezvo ndakanga ndarerwa somuKomonisiti, zvakanditorera makore kuti nditore danho rechipiri—kuongorora Bhaibheri. Zvisinei, muna 1995, ndakataura neZvapupu zvomunharaunda yangu ndokukumbira kudzidza. Fungidzira kufara kwandakaita pandakaziva kuti mumwe wevana vandaimbodzidzisa akanga ava mumwe wevadzidzisi vangu!
Kutaura chokwadi, utongi hwechiKomonisiti hwakandipa dzidzo yokunyika yakanaka. Asi hwakatadza kundidzidzisa chidzidzo chinokosha kupfuura zvose muupenyu hwangu. Nhasi, nokuda kwaJehovha uye kakomana kaiva noushingi, ndava kukwanisa kushandisa zivo yangu yomudzimu neyokunyika kubatsira vamwe kunzwisisa kuti chaizvoizvo kuna Mwari uye kuti ane hanya zvikuru nevanhu vake vaakasika.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 113-115]
Ndakazvarirwa Kwakanga Kwadzingirwa Vabereki Vangu
Lidia Sevastian
Akazvarwa: 1954
Akabhabhatidzwa: 1995
Nhoroondo: Pashure pokurerwa naamai vaiva Chapupu nababa vakanga vasingatendi, akapedza makore akawanda asingaonani neZvapupu zvaJehovha.
Amai vangu naambuya vakava Zvapupu zvaJehovha kumavambo kwema1940. Baba havana kugamuchira chokwadi cheBhaibheri panguva iyoyo, kunyange zvazvo vaiva murume akanaka. Mugore ra1951, Amai vakanga vava nevana vaviri uye vakanga vaine pamuviri pemapatya. Muna April wegore iroro, mapurisa akaedza kuparadzanisa mhuri yedu. Baba pavaiva kubasa, akaisa Amai—avo vakanga vava kuda kusununguka—nevakoma vangu muchitima chaienda kuSiberia. Zvisinei, izvozvo zvisati zvaitika Amai vakakwanisa kutumira Baba shoko, avo vakabva vamhanyira kumba. Kunyange zvazvo vakanga vasiri Chapupu, vakakwira chitima chacho ndokuenda nemhuri yavo kwayakanga yadzingirwa.
Murwendo rwokuSiberia, Amai vakabvumirwa kumbogara mutaundi reAsino kuti vasununguke mapatya avo. Imwe mhuri yose yakapfuurira kuruwa rweTomsk, uko Baba vakaronga pokugara. Vakanzi vashande pamwe chete nehama. Vhiki shomanana gare gare, Amai nemapatya avo akanga achangobva kuzvarwa vakabatana nemhuri. Zvinorwadza kuti vacheche vacho vakafa nokuti mhuri yacho yaigara mumamiriro ezvinhu asina kukodzera vanhu.
Kunyange zvakadaro, vamwe vana vana vakazvarirwa ikoko, kusanganisira ini nehanzvadzi yangu yandakazvarwa nayo tiri mapatya. Baba vakatitarisira tose nokuvimbika. Pakupedzisira, muna 1957, takazobvumirwa kudzoka kumusha kwedu. Amai vakaramba vachipinza dzidziso dzeBhaibheri mumwoyo yedu, kunyange zvazvo vaiongororwa nemapurisa epachivande.
Ukuwo, Baba vakanga vachinyanyoda kuti vana vavo vawane dzidzo yakanaka yokunyika. Saka ndava nemakore 16, ndakaenda kuChisinau kunodzidza payunivhesiti. Gare gare, ndakaroorwa ndokutamira kuKazakhstan, kwandakanga ndava kure, kwete nevabereki vangu chete asiwo nesangano raJehovha. Ndakadzoka kuChisinau muna 1982 ndokubva ndangotanga kutsvaka ungano yevanhu vaJehovha, asi handina kuiwana. Kwemakore masere ndakanzwa sokuti ndini ndoga munhu aida kunamata Jehovha muguta racho.
Zvino rimwe zuva ndakamira pachiteshi chebhazi, ndakaita manzwira vamwe vakadzi vaviri vachitaurirana nezvaJehovha. Ndakaswedera pedyo kuti ndinyatsonzwa. Vachifunga kuti ndakanga ndiri mumiriri weKGB, vakadzi vacho vakachinja nyaya. Pavakatanga kufamba vachienda, ndakatevera, izvo zvakatovavhundutsa. Saka ndakakurumidza kutaura navo uye, pashure pokuti kurukuriranei, vakabata chokwadi kuti ndakanga ndisiri kuda kuvanyengedza. Pakupedzisira ndakaona chido changu chokusonganira nesangano raJehovha chichizadzika! Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti murume wangu haana kufarira zvandakanga ndasarudza.
Panguva iyoyo, takanga tava nevana vaviri. Muna 1992, ndakavhiyiwa musana uye zvakaita kuti ndingogara ndakarara kwemwedzi mitanhatu muchipatara. Panguva iyoyo inoodza mwoyo muupenyu hwangu, chimwe chinhu chinofadza kwazvo chakaitika: Mwanakomana wangu, Pavel, akasarudza kunamata Jehovha ndokubhabhatidzwa pakokorodzano yemarudzi akawanda ya1993 muKiev. Nokufamba kwenguva ndakanaya zvokuti ndakanga ndava kukwanisa kufamba zvakare. Naizvozvo, muna 1995, iniwo ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha.
Nhasi, nhengo dzakawanda dzemhuri yangu Zvapupu, uye nokuda kweizvi ndinoonga Jehovha naAmai, vane muenzaniso wokusazununguka wandakaramba ndichitevedzera. Kana vari baba vangu vakanga vakavimbika zvinoshamisa, ndinofara kuti vasati vafa, naivowo vakava mumwe wevashumiri vaJehovha.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 117, 188]
Kuzvibayira Kwedu Hapana Zviripo Kana Kuchienzaniswa nokwaJehovha
Mihai Ursoi
Akazvarwa: 1927
Akabhabhatidzwa: 1945
Nhoroondo: Akatambudzwa nevaFascist uye vaKomonisiti.
Ndakava muparidzi wemashoko akanaka muna 1941. Muna 1942, pandakanga ndava nemakore 15, ndaifanira kudzidziswa zvechiuto pane chimwe chikoro chokwedu. Mifananidzo yaMambo weRomania Michael, General Antonescu, neMhandara Maria yaiva yakaturikwa muimba yokudzidzira. Pakapinda boka redu muimba iyi, taifanira kukotamira mifananidzo yacho toita chiratidzo chomuchinjikwa. Vatatu vedu takaramba kuita kudaro.
Izvozvo takazviroverwa noutsinye husingaiti nemapurisa okwedu. Takapedza usiku hwacho tiri pachikoro ipapo. Mangwanani takaendeswa kuCorjeuţi, kwatakanorohwazve. Tichibva kuCorjeuţi takaendeswa kune dzimwezve nzvimbo shomanana tisati tafambiswa, netsoka, makiromita 100 tichienda kwatainofanira kutongwa nedare rechiuto. Tsoka dzangu dzakabuda ropa nokufamba ikoko. Pakupedzisira, ndakadzorerwa kumusha ndisina kutongwa, zvichida nokuda kwezera rangu.
Pandakanga ndava nemakore 18, ndakanyoreswa muchiuto nevakuru vakuru veSoviet. Ndakarambazve kutsigira zvematongerwe enyika uye ndakarohwa zvakaipa, sezvakaitwawo shamwari yangu Gheorghe Nimenco. Akatozofa vhiki nhanhatu gare gare nemhaka yokukuvara kwaakanga aita. Zvakare, ndakadzorerwa kumusha, ndinofungidzira kuti nemhaka yezera rangu. VaSoviet vakandisunga muna 1947, panguva ino vachiti vaizondipfura kana ndaizoramba basa rechiuto. Zvisinei, pane kudaro vakazondiisa muchitokisi changu ndoga kwemwedzi miviri, ndokuzondiendesa kunoshanda basa rechibharo pachirongwa chokuchera Mugero weVolga-Don. Raiva basa rine ngozi chaizvo, uye vakawanda vakafa. Mune imwe tsaona yakapedza vakawanda ndakapotsa ndakuvara ndokupona nepaburi retsono uye ndakadzorerwa kumusha kuMoldova.
Ndava ikoko ndakaroora. Muna 1951 ini nomudzimai wangu akanga ava nepamuviri takadzingwa munyika iyoyo, takatanga takwira chitima ndokuzokwira igwa tichienda kumasango eSiberia, nharaunda yakakura yemasango anotonhora, kwandaifanira kucheka matanda. Ini naVera taigara mune chimwe chiimba chemapuranga pamwe chete nedzimwe mhuri 16. Zvinofadza kuti muna 1959 takazobvumirwa kudzoka kumusha kuMoldova.
Pane zvinhu zvinoverengeka zvakandisimbisa mumakore iwayo akanga akaoma kusvika nanhasi. Chimwe chacho muenzaniso wokutenda wakaratidzwa nomukoma wangu Ion. (Ona peji 89.) Akatongerwa rufu, uye kunyange zvazvo akanga asingazivi kuti mutongo wake waizochinjwa, akatsunga kuramba akatendeka. Ndinosimbiswawo pandinofunga nezvokuti Jehovha ave achinditarisira sei nguva dzose uye, gare gare, mudzimai wangu munguva dzemiedzo yatakatsungirira nokuda kwezita rake. Kunyange zvakadaro, kuzvibayira kwedu hapana zviripo kana kuchienzaniswa nezvatakaitirwa naJehovha nokutitumira Mwanakomana wake kuzotifira sorudzikinuro. Kufungisisa nezvechipo ichocho chinoshamisa kunondibatsira kurarama zuva roga roga nomufaro.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 121-123]
Ndakaona Kutarisira kwaJehovha Kwounyoro
Mihailina Gheorghiţa
Akazvarwa: 1930
Akabhabhatidzwa: 1947
Nhoroondo: Aishanda senhume uye mushanduri mumakore okurambidzwa kwebasa.
Ndakadzidza chokwadi muna 1945 uye ndaifarira kutaurira vavakidzani vangu mashoko akanaka munharaunda yokumusha kwangu, Glodeni, uye munharaunda yaiva pedyo yePetrunea. Vakuru vakuru vechikoro vakaramba kundipa chitupa nokuti ndaiparidza pachikoro. Kunyange zvakadaro, ndaifara kushandisa dzidzo yangu kubatsira kushandurira mabhuku eBhaibheri muchiRussia kubva muchiRomania nechiUkrainia.
Ndichangobva kubhabhatidzwa, ndakawanikidzwa ndichishandura ndikabva ndatongerwa makore 25 ebasa rechibharo paVorkuta, kuchamhembe kweArctic Circle, kwaiva nedzimwe hanzvadzi dzakawanda. Pasinei nemamiriro ezvinhu anoedza, tose takaramba tichiparidza. Taikwanisawo kuwana mabhuku. Kutaura zvazviri, taitogadzira mamwe okuti tishandise mumusasa imomo chaimo.
Rimwe zuva ndakasangana nomumwe mukadzi wechiduku akanga asungwa nokuti mapurisa akanga amufungira kuti aiva Chapupu. Ndakamukurudzira kuti atarire muShoko raMwari, sezvo Jehovha aine simba rokusunungura vanhu vake kana akada kuita kudaro. Pakupedzisira, akabvuma kudzidza Bhaibheri akava mumwe wehanzvadzi dzedu. Pasina nguva refu izvi zvaitika, akakurumidza kusunungurwa mumusasa iwoyo.
Gare gare, ndakatamisirwa kuKaraganda, Kazakhstan. Pakupedzisira iniwo ndakasunungurwa musi waJuly 5, 1956. Ndakatamira kuTomsk, kwandakaonana naAlexandru Gheorghiţa, uyo akanga apedza makore matanhatu ari mujeri pamusana pokutenda kwake, tikabva taroorana. Tose takaramba tichiparidza mundima huru yeSiberia, tichiziva kuti mapurisa epachivande ainge achiri kutiongorora. Gare gare takatamira kuIrkutsk, iri nechokumadokero zvishoma kweLake Baikal. Ikoko takaramba tichibudisa mabhuku pachivande. Gare gare takashumirawo kuBishkek, Kyrgyzstan. Kunyange zvazvo aive akachenjerera paaipupurira, Alexandru akabatwa akatongerwa makore gumi mujeri.
Muchuchisi akati ndaigona kushanyira Alexandru paaiva mujeri achimirira kutongwa. Sezvo izvi zvakanga zvisingawanzobvumirwi, ndakamubvunza kuti nei aindiitira mutsa uyu. “Muchangobva kuroorana,” akadaro, “uye mune mwana. Pamwe muchafungisisa zvamakasarudza.” Ndakaudza muchuchisi kuti ini naAlexandru takanga tasarudza kare kushumira Jehovha uye kuti takanga takatsunga kuramba takatendeka. Akapindura achiti: “Kunyange Bhaibheri renyu rinoti imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa.” (Mup. 9:4) “Chokwadi” ndakadaro, “asi imbwa mhenyu yauri kutaura haizogari nhaka nyika itsva yaMwari.”
Alexandru akapedza makore ake gumi ari mujeri uye rimwezve gore agere pamba akarindwa. Asunungurwa, takatamira kuKazakhstan ndokuzoenda kuUzbekistan kunobatsira. Pakupedzisira, muna 1983 takadzokera kuMoldova, tichifara kuti takanga tawana ropafadzo isina kuenzana nedzimwe yokubatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka munzvimbo dzakawanda dzakasiyana-siyana kuti vadzidze nezvaJehovha.
Pandinofungisisa, ndinonyatsoona kuti upenyu hwangu hauna kunge huri nyore nguva dzose. Asi ndizvo zvakangoitawo vavakidzani vangu vasiri Zvapupu. Ivowo vave vane nhamo dzakawanda dzokutsungirira. Asi zvakasiyana pakuti isu takatamburira mashoko akanaka. Saka takaona kudzivirira nokutarisira kwaJehovha kwounyoro. Uyezve, tinogona kuona kuti pashure pemiedzo yedu kune nguva yemberi ine mbiri uye isingagumi.
[Chati/Girafu riri papeji 80, 81]
MOLDOVA—ZVIITIKO ZVINOKOSHA
1891: C. T. Russell anoshanyira Kishinev, Bessarabia (zvino Chisinau, Moldova).
1895
1921: Mushumo wegore negore unoratidza kuti vanopfuura 200 vakagamuchira chokwadi cheBhaibheri.
1922: “Imba yemisangano” yokutanga inovakwa, muCorjeuţi.
1925: Basa reVadzidzi veBhaibheri rinorambidzwa.
1930
1940: Romania inotorerwa Bessarabia neUSSR, uye inopiwa zita idzva rokuti Moldavian SSR.
1941: Romania inotorazve Moldova. ChiFascism nehondo zvinoguma nokutambudzwa kweZvapupu.
1944: USSR inopindazve muMoldova. Kutambudzwa kunoenderera mberi.
1949: VaSoviet vanotanga kubudisa Zvapupu zvaJehovha nevamwewo munyika.
1951: Stalin anotanga Operation North.
Ma1960: KGB inoedza kuvhiringidza uye kupesanisa vanhu vaMwari.
1965
1989: Zvapupu zvinova norusununguko rwakawedzerwa rwokunamata. Nhume dzokuMoldova dzinopinda kokorodzano muPoland.
1991: Moldavian SSR inopiwazve zita rokuti Republic of Moldova. Magungano edunhu okutanga anoitwa. Kushanya kwokutanga kwomutariri wenyika dzakawanda kunoitwa nomumiriri wokudzimbahwe.
1994: Zvapupu zvaJehovha zvinonyoreswa pamutemo. Kokorodzano yoruwa yokutanga inoitwa muChisinau.
2000
2000: Musha weBheteri mutsva muChisinau unotsaurirwa.
2003: Vaparidzi 18 473 vari kushingaira muMoldova.
[Girafu]
(Ona bhuku racho)
Mapiyona Ose
Vaparidzi Vose
20 000
10 000
1895 1930 1965 2000
[Mepu dziri papeji 73]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
UKRAINE
MOLDOVA
Briceni
Tabani
Lipcani
Şirăuţi
Corjeuţi
Ţaul
Feteşti
Soroca
Bălţi
Petrunea
CHISINAU
Căuşeni
Rwizi rweDniester
Rwizi rwePrut
ROMANIA
Iasi
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 66]
[Mufananidzo uri papeji 74]
Ilie Groza, mumwe weZvapupu zvokutanga muMoldova
[Mufananidzo uri papeji 75]
Tudor Groza
[Mufananidzo uri papeji 78]
Ioana Groza
[Mifananidzo iri papeji 92]
Parfin Palamarciuc nomwanakomana wake Nicolae
[Mufananidzo uri papeji 93]
Vasile Gherman
[Mufananidzo uri papeji 94]
Nicolae Anischevici
[Mufananidzo uri papeji 95]
Maria Gherman
[Mifananidzo iri papeji 96]
Matiroko akashandiswa kutakura Zvapupu kuenda kuSiberia
[Mufananidzo uri papeji 98]
Ivan Mikitkov
[Mufananidzo uri papeji 99]
Constantin Şobe
[Mifananidzo iri papeji 107]
Nicolai Voloşanovschi nebhurocha rinonzi Pasi Paviri
[Mufananidzo uri papeji 111]
Gheorghe Gorobeţ
[Mufananidzo uri papeji 126]
Imba Yemagungano muFeteşti
[Mufananidzo uri papeji 131]
Dare renyika reMoldova, kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: David Grozescu, Anatolie Cravciuc, uye Tiberiu Kovacs