-
Chandinoraramira Chii?Mukai!—2014 | May
-
-
NYAYA IRI PAKAVHA
Chandinoraramira Chii?
KANA ukasangana naDiana,a uchaona kuti musikana ane pfungwa dzakapinza, ane ushamwari uye akasununguka. Asi pasinei nounhu hwake hwakanaka kudaro, ane dambudziko rinomushayisa mufaro zvokuti anozviona semunhu asingabatsiri chinhu. Izvi zvinogona kutora mazuva, mavhiki, kana mwedzi yakati wandei achinzwa saizvozvo. “Mazuva ose ndinogara ndichifunga kuti dai ndafa hangu,” anodaro. “Ndinoona sokuti kufa kuri nani.”
“Dzimwe ongororo dzakaratidza kuti pamunhu mumwe chete anozviuraya, kune vamwe 200 vanoedza kuzviuraya uye vamwe 400 vanofunga zvekuzviuraya.”—THE GAZETTE, MONTREAL, CANADA.
Diana anoti haazombofi akazviuraya. Asi dzimwe nguva anoona sokuti hapana chikonzero chokurarama. “Ndinoshuva kuti dai ndafa hangu netsaona,” anodaro. “Rufu harundityisi, ishamwari yangu.”
Zviri kuitika kuna Diana zviri kuitikawo kune vanhu vakawanda, zvokuti vamwe vavo vakambofunga kana kuti vakamboedza kuzviuraya. Vanamazvikokota panyaya yokuti sei vanhu vachida kuzviuraya, vanotaura kuti vanhu vakawanda vanoedza kuzviuraya vanenge vasingadi kufa; chavanoda kupedza matambudziko avanawo. Ivo vanoona sokuti hapana chikonzero chokuti varambe vachirarama, saka vanobva vaona sokuti kufa kuri nani.
Chandinoraramira chii? Funga zvikonzero zvitatu nei uchifanira kurarama.
a Mazita akachinjwa.
-
-
1 Nokuti Zvinhu ZvinochinjaMukai!—2014 | May
-
-
NYAYA IRI PAKAVHA | CHANDINORARAMIRA CHII?
1 Nokuti Zvinhu Zvinochinja
“Tinomanikidzwa munzira dzose, asi hatimanikidziki zvokusagona kufamba; tinovhiringidzika, asi kwete zvokushaya pokubuda napo zvachose.”—2 VAKORINDE 4:8.
Kuzviuraya kunogona kufananidzwa nomunhu ari kurwadziwa nomusoro obva ati ndava kudimbura musoro wacho. Kunyange zvazvo uchiona sokuti dambudziko racho rakakura zvisingaiti uye harifi rakapera, zvinhu zvinogona kuerekana zvachinja kuva nani.—Ona bhokisi rakanzi “Upenyu Hwavo Hwakachinja.”
Kunyange dambudziko racho rikasapera, zvakanaka kuedza kurigadzirisa zvishoma nezvishoma. Jesu akati: “Musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nouipi hwaro.”—Mateu 6:34.
Ko kana dambudziko racho rikasapera? Ungaita sei kana une chirwere chava nenguva refu, kana kuti uri kunetseka nemhaka yokurambana kwawakaita nomumwe wako kana kuti kufa kwemumwe munhu wawaida?
Kunyange zvinhu zvakamira saizvozvo, pane chimwe chaunogona kuchinja padambudziko racho: maonero aunoriita. Kuziva kuti pane zvimwe zvinhu zvausingakwanisi kugadzirisa kuchaita kuti uve nemaonero akanaka nezvedambudziko rako. (Zvirevo 15:15) Zvichaitawo kuti utsvake nzira dzokurarama uine dambudziko iroro panzvimbo pokufunga kuzviuraya. Kuita izvi kunobatsirei? Unenge wava kukwanisa kuona kuti dambudziko rawaifunga kuti haufi wakarikunda, uchange wava kukwanisa kurarama kunyange riripo.—Jobho 2:10.
YEUKA IZVI: Pasinei nokuti dambudziko rako rakakura sei, edza kurigadzirisa zvishoma nezvishoma.
ZVAUNGAITA NHASI: Udza mumwe munhu, angava shamwari yako kana kuti hama yako nezvedambudziko rako. Munhu iyeye anogona kukubatsira kuti uve nemaonero akanaka nezvedambudziko rako.—Zvirevo 11:14.
-
-
2 Nokuti Rubatsiro RwuripoMukai!—2014 | May
-
-
NYAYA IRI PAKAVHA | CHANDINORARAMIRA CHII?
2 Nokuti Rubatsiro Rwuripo
‘Kanda kuzvidya mwoyo kwako kwose pana Mwari, nokuti iye ane hanya newe.’—1 PETRO 5:7.
Paunenge uchiona sokuti hapana zvaungaita kuti ugadzirise dambudziko raunaro, unogona kufunga kuti kufa kuri nani. Asi imboona zvimwe zvinhu zvinogona kukubatsira.
Munyengetero. Kunyengetera haisi nzira yokuti ungonzwa kugadzikana mupfungwa; kana kuti chinhu chaunofanira kuita kana wapererwa. Unenge uchinyatsotaura naJehovha Mwari uyo ane hanya newe. Jehovha anoda kuti umuudze zviri kukudya mwoyo. Bhaibheri rinototikurudzira richiti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira.”—Pisarema 55:22.
Wadii kunyengetera uchitaura naMwari nhasi? Shandisa zita rake rokuti Jehovha, uye taura zvose zviri pamwoyo pako. (Pisarema 62:8) Jehovha anoda kuti usvike pakumuona seshamwari yako. (Isaya 55:6; Jakobho 2:23) Kunyengetera inzira yokuti utaure zvaunoda chero nguva pasinei nokuti uri kupi.
Sangano rinonzi American Foundation for Suicide Prevention rinoti, “ongororo dzinogara dzichiratidza kuti pavanhu vakawanda vanozviuraya, vanopfuura 90 pa100 voga voga vanogona kunge vaiva nechirwere chokunyanya kusuwa. Kakawanda kacho chirwere ichi chinogona kunge chisina kuonekwa kana kuti chisina kurapwa zvakakwana”
Vanhu vane hanya. Upenyu hwako hunokosha kune vamwe, kusanganisira hama dzako kana kuti shamwari idzo dzingatove dzakatombokuratidza kuti dzine hanya newe. Vamwe vanhu vane hanya newe ndevaya vaunogona kunge usati wamboonana navo. Somuenzaniso, pane dzimwe nguva Zvapupu zvaJehovha pazvinenge zvichiparidzira zvinosangana nevanhu vanenge vakaora mwoyo, vamwe vacho vachitotaura kuti vanoda chaizvo kubatsirwa uye vanga vachifunga kuzviuraya. Kuparidzira paimba neimba kunoita kuti Zvapupu zvaJehovha zviwane mukana wokubatsira vanhu vakadaro. Zvinotevedzera Jesu pakuva nehanya nevamwe. Vane hanya newe.—Johani 13:35.
Rubatsiro rwavanachiremba. Pfungwa dzokuda kuzviuraya dzinoratidza kuti unogona kunge uine chirwere chokunyanya kusuwa (depression) chinotoda chiremba. Kana uine dambudziko iri usanyara naro nokuti hazvina kumbosiyana nokurwara nechimwewo chirwere. Kutaura zvazviri, chirwere chokunyanya kusuwa chinofananidzwa “nefuruu yomupfungwa.” Munhu wose anogona kubatwa nacho uye chinogona kurapika.a
YEUKA IZVI: Kakawanda kacho hazvisi nyore kuti uri woga ukunde dambudziko rokunyanya kusuwa. Ukabatsirwa nevamwe unogona kurikunda.
ZVAUNGAITA NHASI: Tsvaka chiremba anogona kurapa dambudziko rokunyanya kusuwa.
a Kana pfungwa dzokuzviuraya dzichiramba dziripo, tsvaka rubatsiro rwakadai sokuenda kuchipatara. Vashandi variko vakadzidziswa kupa rubatsiro rwakadaro.
-
-
3 Nokuti Tariro IripoMukai!—2014 | May
-
-
NYAYA IRI PAKAVHA | CHANDINORARAMIRA CHII?
3 Nokuti Tariro Iripo
“Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—PISAREMA 37:11.
Bhaibheri rinotaura kuti upenyu ‘hwakazara nematambudziko.’ (Jobho 14:1) Mazuva ano hapana asina dambudziko raanosangana naro. Asi vamwe vanoona sokuti hapana chikonzero chokurarama, sokunge kuti hazviiti kuti vararame upenyu huri nani mune ramangwana. Ndiwo mafungiro aunoitawo here? Kana ari iwo, simbisirwa kuti Bhaibheri rinogona kukupa tariro ichakubatsira uye ichabatsirawo vamwe. Somuenzaniso:
Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jehovha Mwari paakatisika ane zvinhu zvakanaka zvaaitifungira.—Genesisi 1:28.
Jehovha Mwari anovimbisa kuti nyika ino ichava paradhiso.—Isaya 65:21-25.
Zvaakavimbisa ndezvechokwadi. Zvakazarurwa 21:3, 4 inoti:
“Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”
Tarisiro idzi hadzisi dzokuda kungofadzana. Jehovha Mwari achanyatsozvizadzisa uye ane simba nechido chokuzviita. Tarisiro dziri muBhaibheri ndedzechokwadi uye dzinoita kuti tiwane mhinduro dzomubvunzo wokuti “Chandinoraramira chii?”
YEUKA IZVI: Kunyanya kufunga kunogona kukudya, asi mashoko anonyaradza ari muBhaibheri anogona kuita kuti usanyanya kuzvidya mwoyo.
ZVAUNGAITA NHASI: Ongorora uone kuti Bhaibheri rinoti chii nezveramangwana. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira. Unogona kutaura nevanogara pedyo newe kana kuti kutsvaka mashoko anobatsira panzvimbo yavo yepaIndaneti inonzi, jw.org.a
a Zvaungaita: Enda paIndaneti pajw.org wovhura pakanzi MABHUKU > RAIBHURARI YEPAINDANETI. Chibva wanyora mashoko akadai sokuti “kuora mwoyo,” “depression” kana kuti “kuzviuraya” kuti uwane mashoko angakubatsira.
-