RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kufirwa Kunorwadza
    Mukai!—2018 | No. 3
    • Murume ari muresitorendi ari kufunga kufirwa kwaakaitwa

      MAZANO EKUBATSIRA VAKAFIRWA

      Kufirwa Kunorwadza

      “Ini naSophiaa takanga tava nemakore 39 taroorana paakazofa pashure pekunge arwara kwenguva yakareba. Ndaitsigirwa neshamwari uye ndaigara ndiine zvekuita. Asi kwegore rese ndairwadziwa chaizvo. Ndainzwa sekuti zvava kundikunda. Kunyange pari zvino pashure peanenge makore matatu mudzimai wangu afa, ndinongoerekana ndava kushungurudzika.”​—Kostas.

      Wakafirwa nemunhu wawaida here? Kana zvakadaro, unogona kunge uchinzwa sezvinoita Kostas. Hapana chinhu chinorwadza uye chinoshungurudza kupfuura kufirwa nemurume, mudzimai, hama kana kuti shamwari. Nyanzvi dzinoongorora kurwadziwa kunoita vanhu vanenge vafirwa dzinobvumirana nazvo. Nyaya yakabudiswa mumagazini inonzi The American Journal of Psychiatry inoti “kufirwa nemunhu wepedyo kunorwadza chaizvo uye vanhu vakawanda vanoona sekuti havachazombomuonizve.” Munhu anenge achirwadziwa zvakadaro anogona kutanga kufunga kuti: ‘Ndicharamba ndichirwadziwa zvakadai kusvikira rini? Ndichazombofara zvekare here? Ndingaitei kuti ndisanyanya kurwadziwa?’

      Magazini ino ichapindura mibvunzo iyoyo. Nyaya inotevera ichataura zvaunogona kutarisira kana uchangobva kufirwa. Dzimwe dzinozotevera dzichataura mazano anogona kukubatsira kuti usanyanya kushungurudzika.

      Tinovimba kuti nyaya dziri mumagazini ino dzichanyaradza uye dzichabatsira vaya vari kurwadziwa nekufirwa.

      a Mamwe mazita ari munyaya ino nedzinotevera akachinjwa.

  • Zvaunofanira Kutarisira
    Mukai!—2018 | No. 3
    • Murume nemudzimai vari kurwadziwa nekufirwa kwavakaitwa

      MAZANO EKUBATSIRA VAKAFIRWA

      Zvaunofanira Kutarisira

      Dzimwe nyanzvi dzinoti kurwadziwa kunoita munhu kunochinja nekufamba kwenguva, asi chokwadi ndechekuti vanhu vanosiyana. Vamwe pavanofirwa vanozvishingisa kunyange zvazvo vachirwadziwa. Kubvuma kuti wafirwa uye kuchema kunoita kuti usanyanya kushungurudzika uye vanhu vanozviita nenzira dzakasiyana-siyana. Zvinoenderana netsika, unhu hwemunhu, zvaakasangana nazvo muupenyu uyewo mafiro aita munhu wacho.

      NDICHARWADZIWA KUSVIKA PAPI?

      Vamwe pavanofirwa havazivi kuti zvii zvichaitika. Asi pane zvimwe zvakajairika zvinoitika kune vakawanda. Zvimwe zvacho ndeizvi:

      Kukundwa neshungu. Unogona kuchema, kusuwa munhu wacho akashaya, uye kungoerekana usingachadi zvekutaura nevamwe. Kushungurudzika kwacho kunogona kuwedzera kana pakaita chinhu chinokufungisa nezvake kana kuti paunomurota. Paunotanga kunzwa nezverufu rwacho unogona kuvhunduka uye kumbozviramba. Tina akangoerekana afirwa nemurume wake Timo uye anoti, “Pakutanga ndakatadza kuzvibvuma. Misodzi yakaramba kubuda. Ndakarwadziwa zvekuti dzimwe nguva ndaitadza kufema. Ndakatadza kuzvitambira.”

      Kuzvidya mwoyo, hasha uye kuzvipa mhosva. “Mwana wedu Eric paakashaya aine makore 24 ini nemudzimai wangu Yolanda takamboita kanguva tiine hasha,” anodaro Ivan. “Izvi zvakatishamisa nekuti hatina kumbobvira tafunga kuti tiri vanhu vane hasha. Takazvipawo mhosva tichiti pamwe pane zvimwe zvataigona kunge takaita kuti mwana wedu asafa.” Alejandro akambozvipawo mhosva pashure pekunge ashayikirwa nemudzimai wake uyo ainge arwara kwenguva refu. Anoti: “Pakutanga ndaifunga kuti pamwe ndiri munhu akaipa ndosaka Mwari akarega mudzimai wangu achifa. Ndakatangazve kuzvipa mhosva yekuti ndiri kupomera Mwari.” Kostas ambotaurwa munyaya yekutanga anoti: “Dzimwe nguva ndaigumbukira Sophia nekufa kwaakaita. Ndaibva ndatanga kuzvitongesa. Yakanga isiriwo mhosva yake.”

      Kuvhiringidzika pfungwa. Dzimwe nguva unoita sekunge kuti pfungwa dzava kurasika. Unogona kufunga kuti hama yako yakashaya uri kuiona kana kuti uri kuinzwa. Unogona kuita hanganwa kana kuti kutadza kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete. Tina anoti: “Dzimwe nguva ndaiti ndichitaura nemunhu ndozoona kuti pfungwa dzangu dzanga dzisitombori ipapo! Dzainge dzichitofunga nezvekufa kwaTimo. Kutadza kuisa pfungwa pachinhu chimwe chete kwaitoita kuti ndinetseke.”

      Kusada kuva nevamwe. Kostas anoti: “Pandaiva nevanhu vakaroorana ndainzwa sekuti handikodzeri kuvapo. Pandaiendazve pane vasina kuroora ndainzwa sekuti handikwani zvekare.” Yolanda wekushayikirwa nemwana anoti: “Zvakanga zvisingatinakidzi kutandara nevanhu vaingochema-chema nematambudziko ataiona sekuti madiki kana tichienzanisa needu! Kunewo vamwe vaitiudza nyaya dzine chekuita nevana vavo. Ndaifarawo navo asi mumwoyo ndairwadziwa. Ini nemurume wangu taiziva kuti tinofanira kuenderera mberi neupenyu asi zvakanga zvakatiomera.”

      Dambudziko reutano. Zvinowanzoitika kuti unogona kusada kudya kana kuti kutanga kudyisa, kufuta kana kuonda kana kuti kuita dambudziko rekurara. Pashure pegore, baba vake vashaya, Aaron anoti: “Hope dzairamba kubata. Mazuva ese ndaimuka pakati peusiku ndichifunga baba vangu.”

      Alejandro akatanga kurwara-rwara. Anoti: “Ndakaenda kwachiremba kakawanda uye ndaiudzwa kuti handina chirwere chandiinacho. Ndakafunga kuti kushungurudzika kwandaiita ndiko kwaiita kuti ndinzwe sendiri kurwara.” Asi zvakazopera. Asi zvakaitwa naAlejandro zvekuenda kwachiremba zvakanga zvakanaka. Kushungurudzika kunogona kuita kuti muviri uve nyore kubatwa nezvirwere kana kutowedzera zvanga zvagara zviripo.

      Kuomerwa nekuita mamwe mabasa. Ivan anoti: “Kunze kwekungoudza hama neshamwari nezverufu rwaEric, taifanira kuudzawo waaishandira uye muridzi wepamba paaigara. Pane mapepa akawanda aifanira kufambirwa. Taifanirawo kuona kuti todii nezvinhu zvaaishandisa. Kuita zvese izvi kwakanga kusiri nyore nekuti panguva iyoyo pfungwa dzedu dzainge dzakatoneta uye takatovhiringidzika.”

      Kune vamwe, dambudziko rinozovapo nderekuita mamwe mabasa aiitwa nemufi. Ndizvo zvakaitika kuna Tina. Anoti: “Timo ndiye aienda kubhengi nekuona nezvebhizinesi redu. Panguva iyoyo ndini ndakanga ndava kufanira kuzviita, uye zvakatowedzera nhamo pane yandanga ndagara ndiinayo. Ndaizvibvunza kuti ndichazvigona here kana kuti ndichatovhiringa zvinhu?”

      Matambudziko ataurwa pamusoro apa anogona kuita kuti ufunge kuti dambudziko rekufirwa rakaoma zvekuti haukwanisi kuritsungirira. Chokwadi ndechekuti paunofirwa unotomboita kanguva zvichikushungurudza, asi kuziva izvi kunogona kutobatsira vaya vachangobva kufirwa. Yeuka kuti hakusi kuti munhu anenge afirwa achatosangana nematambudziko ese aya. Uyezve kuziva kuti munhu wese agara anotomborwadziwa kana achinge afirwa, kunonyaradza.

      NDICHAZOMBOFARA ZVEKARE HERE?

      Zvaunofanira kutarisira: Marwadzo auinawo achadzikira nekufamba kwenguva. Hazvirevi hazvo kuti unenge usingachatorwadziwi kana kuti unenge wakanganwa hama yako. Asi zvishoma nezvishoma, bundu ranga riri pamwoyo rinotanga kuserera. Marwadzo anogona kudzoka kana pakaita zvimwe zvinhu zvakufungisa hama yako. Nekufamba kwenguva, vakawanda vanosvika pakukwanisa kuenderera mberi neupenyu. Izvi zvinogoneka kana hama neshamwari vachikubatsira uye iwe uchiedzawo kuita zvinhu zvinoita kuti usanyanya kurwadziwa.

      Zvichatora nguva yakareba sei? Kune vamwe zvinogona kungotora mwedzi mishoma kuti marwadzo adzikire. Kune vakawanda zvinotoda gore kana makore maviri. Asiwo kune vamwe zvinotoda anopfuura ipapo.a Alejandro anoti, “Ini ndakaramba ndichirwadziwa zvakanyanya kwemakore matatu.”

      Iva nemwoyo murefu. Ita zvaunogona uye ziva kuti marwadzo auinawo achapera. Pane zvinhu zvaunogona kuita here zvinogona kukubatsira kuderedza marwadzo uye kuti usaramba uchingoshungurudzika?

      Munhu wese anotorwadziwa kana achinge afirwa

      a Vamwe vashoma ndivo vanoramba vachingoshungurudzika kwenguva refu. Vanhu vakadaro vangada kunoona chiremba.

  • Zvaungaita Kuti Utsungirire Kana Wafirwa
    Mukai!—2018 | No. 3
    • Vanhu vari kutamba uye vachitorana mapikicha

      MAZANO EKUBATSIRA VAKAFIRWA

      Zvaungaita Kuti Utsungirire Kana Wafirwa

      Mazano ezvaungaita kana wafirwa igumi nefararira asi mamwe acho haanyatsoshandi. Chimwe chinoita kuti asashanda ndechekuti vanhu havarwadziwi zvakafanana. Zvinobatsira mumwe zvinogona kusabatsira kune mumwe.

      Asi pane mamwe mazano ari kubatsira vakawanda. Mazano acho anowanzotaurwa nezvawo nanachipangamazano, uye anoenderana nezviri muBhaibheri.

      1: BVUMA KUBATSIRWA NEHAMA NESHAMWARI

      • Vanhu vari kutamba uye vachitorana mapikicha

        Vamwe vanachipangamazano vanoti kuita izvi kunobatsira chaizvo kuti munhu asaramba achishungurudzika. Asi pane dzimwe nguva unogona kunzwa kuda kungova wega. Unogona kutogumbukira vanhu vanenge vachida kukubatsira. Ngazvisakushamisa nekuti ndizvo zvinoitika kumunhu kana afirwa.

      • Hazvina kuipa kumbova wega, asi usazobva wadzingira vanhu kure nekuti mangwana uchazoda kuti vakubatsire. Vaudze zvaunoda kubatsirwa uye zvaunokwanisa kuzviitira wega, asi taura zvakanaka.

      • Iva nenguva yekuva wega asi usabva wazonyanyisa kungoramba uri wega.

      ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete, . . . Nokuti kana mumwe wavo akawa, mumwe wacho anogona kusimudza mumwe wake.”​—Muparidzi 4:9, 10.

      2: IDYA ZVINE UTANO UYE ITA MAEKISESAIZI

      • Kudya zvinhu zvinovaka muviri kunogona kukubatsira kuti usazonyanya kuita matambudziko eutano anokonzerwa nekushungurudzika. Idya michero yakasiyana-siyana, miriwo, uye zvinhu zvisina mafuta akawanda.

      • Inwa mvura yakawanda uye zvimwe zvinwiwa zvine utano.

      • Kana uchinzwa usiri kuda kudya, idya zvinhu zvishoma wozviita kakati wandei mukati mezuva. Unogona kuona chiremba kuti akuudze zvimwe zvaunogona kushandisa.a

      • Kufamba uye kuita maekisesaizi kunobatsira kuti usanyanya kufungisisa. Kuita maekisesaizi kunokupa mukana wekufunga kuti zvii zvaungaita kuti uenderere mberi neupenyu kana kuti kufunga zvimwewo zvinhu.

      ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Hapana munhu akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira.’​—VaEfeso 5:29.

      3: NYATSORARA

      • Mubhedha

        Kurara kwagara kunokosha, asi kunotonyanya kukosha kune vanenge vachishungurudzika nekuti kushungurudzika pachako kunonetesa.

      • Usanyanya kudya zvinhu zvine caffeine kana kunwa doro nekuti zvinovhiringa hope.

      ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.”​—Muparidzi 4:6.

      4: ITA ZVINOKUSHANDIRA

      • Mukadzi akafirwa ari kuudza shamwari yake zviri kumunetsa

        Yeuka kuti vanhu vanosiyana pakurwadziwa. Iwe ndiwe unoona kuti ndezvipi zvingaita kuti usanyanya kurwadziwa.

      • Vakawanda vakaona zvichibatsira kuudza vamwe zvinenge zvichivashungurudza, asi vamwe havafariri kutaura nezvazvo. Vanachipangamazano vanotaura zvakasiyana-siyana nezvekuti zvinobatsira here kuudza mumwe munhu zvinenge zvichikushungurudza. Kana uchizeza kuudza mumwe munhu zviri pamwoyo pako, unogona kutanga nekuudza shamwari yako zvimwewo zvinhu zvidiki zvinokunetsa.

      • Vamwe vanoona kuchema kuchivabatsira asi vamwe vanotanga kunzwa zviri nani kunyange vasina kunyanya kuchema.

      ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo.”​—Zvirevo 14:10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

      5: USAITA ZVINHU ZVINOKUKUVADZA

      • Murume ari kunwa doro

        Vamwe vanoedza kushandisa zvinhu zvinodhaka kana kuti kunwa mishonga zvakapfurikidza kuti vaderedze kushungurudzika. Kuita izvi kunokukuvadza. Unogona kunzwa zviri nani kwenguva pfupi asi zvinokupinza mune mamwe matambudziko. Tsvaga dzimwe nzira dzisingakuvadzi.

      ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa.”​—2 VaKorinde 7:1.

      6: TSVAGA ZVIMWE ZVEKUITA

      • Vakawanda vanoona zvichibatsira kumbopota vachiita zvimwe zvinhu zvinoita kuti vasafunga nezvekufirwa kwavakaitwa.

      • Kutsvaga zvinhu zvinokuvaraidza, kudzidzira zvimwe zvinhu uye kusimbisa ushamwari kana kuti kutsvaga dzimwe, kunogona kukubatsira kuti unzwe zviri nani.

      • Nekufamba kwenguva uchaona kuti nguva yakawanda yava kuperera pazvimwe zvinhu pane kungofunga nezvekufirwa kwawakaitwa.

      ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa, . . . nguva yokusvimha misodzi nenguva yokuseka; nguva yokuungudza nenguva yokusvetuka-svetuka.”​—Muparidzi 3:1, 4.

      7: RONGA ZVINHU ZVAKO

      • Mukadzi ari kunyora pakarenda zvaachada kuzoita

        Chitanga kuronga zvinhu zvako kuti uenderere mberi neupenyu.

      • Ukaronga nguva yako yekurara, yekuita basa uye yekuita zvimwewo zvinhu uchaona zvichikuitira nyore kuti uenderere mberi neupenyu.

      • Ukava nezvekuita zvinogona kukubatsira kuti usanyanya kushungurudzika.

      ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Haazoyeuki mazuva oupenyu hwake kazhinji, nokuti Mwari wechokwadi ari kumubatikanisa nokufara kwomwoyo wake.”​—Muparidzi 5:20.

      8: USAMHANYIRA KUITA ZVISARUDZO ZVAKAKURA

      • Vaya vanomhanyira kuita zvisarudzo zvakakura vachangobva kufirwa vanozozvidemba.

      • Kana zvichiita, imboti mirei kutama, kutsvaga rimwe basa, kugova kana kuti kutengesa zvinhu zvemufi.

      ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira, asi munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.”​—Zvirevo 21:5.

      9: CHENGETA ZVINHU ZVINOKUYEUCHIDZA HAMA YAKO

      • Murume ari kuratidza shamwari dzake mapikicha emudzimai wake akashaya

        Vakawanda vakafirwa vanoona zvichibatsira kuita zvinhu zvinovayeuchidza nezvehama yavo yakafa.

      • Kuchengeta mapikicha, zvimwe zvinhu zvemufi kana kuti kunyora mubhuku zvimwe zvinhu zvaunoda kuzoyeuka, kunogona kukunyaradza.

      • Chengeta zvinhu zvinokuyeuchidza nguva dzamaifara kuitira paunenge wava kuda kuzozviona.

      ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Yeukai mazuva ekare.”​—Dheuteronomio 32:7.

      10: CHIMBOITA ZVINOITA KUTI UFURWE NEMHEPO

      • Unogona kumboshanya.

      • Kana usingakwanisi kushanya kwenguva yakareba, unogona kutsvaga zvekuita kwezuva rimwe chete kana kuti maviri, zvakadai sekuenda kumiziyamu, kunoredza hove, kana kuti kunoona imwe nzvimbo inoyevedza.

      • Kunyange kuita zvimwe zvinhu zvausingagari uchiita mazuva ese kunogona kukubatsira kuti uderedze kushungurudzika.

      ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Uyai, imi, muri moga kunzvimbo isina vanhu muzorore zvishoma.”​—Mako 6:31.

      11: BATSIRA VAMWE

      • Mukadzi ari kubatsira vamwe mbuya kutenga zvinhu

        Kubatsira vamwe kuchaita kuti iwe wacho unzwewo zviri nani.

      • Unogona kutanga nekubatsira vaya vari kurwadziwawo nekufa kwaita hama yako, vakadai seshamwari kana kuti dzimwe hama.

      • Kubatsira uye kunyaradza vamwe kunoita kuti ufare uye unzwe kuti uchiine zvimwe zvaunogona kuitawo.

      ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”​—Mabasa 20:35.

      12: ONGORORA ZVINHU ZVAUNOKOSHESA

      • Kufirwa kunogona kukupa mukana wekuti uone zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu.

      • Shandisa mukana iwoyo kuongorora mararamiro auri kuita.

      • Ukaona kuti pane panoda kugadziriswa ibva wapagadzirisa.

      ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pane kuenda kuimba yemabiko, nokuti ndiwo mugumo wevanhu vose; uye munhu mupenyu anofanira kuzvifungisisa nomwoyo wake.”​—Muparidzi 7:2.

      ZVAUNGAITA KANA WAFIRWA | PFUPISO

      • 1: BVUMA KUBATSIRWA NEHAMA NESHAMWARI

        Iva nenguva yekuva wega asi usabva wazonyanyisa kungoramba uri wega.

      • 2: IDYA ZVINE UTANO UYE ITA MAEKISESAIZI

        Idya zvinhu zvinovaka muviri, inwa mvura yakawanda, uye ita maekisesaizi.

      • 3: NYATSORARA

        Yeuka kuti kurara kunokosha nekuti kushungurudzika kunonetesa.

      • 4: ITA ZVINOKUSHANDIRA

        Vanhu vanosiyana pakurwadziwa, saka ona kuti ndezvipi zvingaita kuti usanyanya kurwadziwa.

      • 5: USAITA ZVINHU ZVINOKUKUVADZA

        Usadhakwa nekuti zvinotokupinza mune mamwe matambudziko.

      • 6: TSVAGA ZVIMWE ZVEKUITA

        Pota uchiita zvimwe zvinhu zvinoita kuti usafunga nezvekufirwa kwawakaitwa.

      • 7: RONGA ZVINHU ZVAKO

        Ukaronga zvinhu zvako, zvinokuitira nyore kuti uenderere mberi neupenyu.

      • 8: USAMHANYIRA KUITA ZVISARUDZO ZVAKAKURA

        Kana zvichiita, imbomira kwegore kana kuti kupfuura usati waita zvisarudzo zvakakura zvaungazodemba.

      • 9: CHENGETA ZVINHU ZVINOKUYEUCHIDZA HAMA YAKO

        Chengeta mapikicha, zvimwe zvinhu zvemufi kana kuti nyora mubhuku zvimwe zvinhu zvaunoda kuzoyeuka.

      • 10: CHIMBOITA ZVINOITA KUTI UFURWE NEMHEPO

        Ita zvimwe zvinhu zvausingagari uchiita kunyange kwezuva rimwe chete kana kuti maawa.

      • 11: BATSIRA VAMWE

        Batsira vamwe kusanganisira vaya vari kurwadziwawo nekufa kwakaita hama yako. Izvi zvinoita kuti unzwe kuti uchiine zvimwe zvaunogona kuitawo.

      • 12: ONGORORA ZVINHU ZVAUNOKOSHESA

        Kufirwa kunogona kukupa mukana wekuti uone zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu uye ukaona kuti pane panoda kugadziriswa ibva wapagadzirisa.

      Chokwadi ndechekuti hapana zvingaita kuti marwadzo ako abve apera zvachose. Asi vakawanda vakafirwa vanotaura kuti kushandisa mazano akaita seataurwa munyaya ino kwakavabatsira chaizvo. Mazano aya handiwo ega anobatsira, asi ukaedza kushandisa mamwe acho uchaona kuti uchatanga kunzwa zviri nani.

      a Mukai! haisarudziri munhu kuti orapwa sei.

  • Mazano Anonyatsobatsira Vakafirwa
    Mukai!—2018 | No. 3
    • Vanhu vari kufara nekuona hama dzavo dzamutswa muParadhiso

      MAZANO EKUBATSIRA VAKAFIRWA

      Mazano Anonyatsobatsira Vakafirwa

      MAZUVA ANO PANE ONGORORO DZAKAWANDA DZIRI KUITWA NEZVEKURWADZIWA KUNOITA MUNHU PAANOFIRWA NEMUNHU WEPEDYO. Sezvambotaurwa munyaya dzapfuura, mazano akanaka ndeaya anoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri. Izvi zvinoratidza kuti mazano ari muBhaibheri anoshanda. Zvarinotaura hazviwaniki mune mamwe mabhuku uye zvinonyaradza vaya vakafirwa.

      • Kuziva kuti vakafa havasi kutambura

        Pana Muparidzi 9:5 panoti: “Vakafa havana chavanoziva.” Pfungwa dzavo “dzinoparara.” (Pisarema 146:4) Ndosaka Bhaibheri richiti kufa kwakafanana nekurara.​—Johani 11:11.

      • Kuziva kuti Mwari anotida kunonyaradza

        Pana Pisarema 34:15 panoti: “Maziso aJehovhaa ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuchemera kwavo kubatsirwa.” Kunyengetera kuna Mwari tichimuudza zviri pamwoyo kunonyaradza kupfuura kuudza chero ani zvake. Kunototibatsira kuti tive pedyo neMusiki wedu uyo ane simba rekutinyaradza.

      • Kutarisira ramangwana rakanaka

        Chimbofungidzira kufara kwatichaita vakafa pavachamutswa kuti vazoraramazve pano panyika! Bhaibheri rinotaura kakawanda nezvenguva iyoyo. Rinoti Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso [edu], rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.”​—Zvakazarurwa 21:3, 4.

      Vakawanda vanotenda muna Jehovha, Mwari anotaurwa muBhaibheri, vanowana simba rekutsungirira marwadzo ekufirwa nekuti vane tariro yekuzoonazve hama dzavo dzakafa. Semuenzaniso, Ann, uyo akafirwa nemurume wake pashure pemakore 65 vakaroorana, anoti: “Bhaibheri rinondivimbisa kuti hama dzedu dzakafa hadzisi kutambura uye kuti Mwari achadzimutsa. Pese pandinofunga nezvekufirwa kwandakaitwa ndinobva ndafunga zvinotaurwa neBhaibheri uye zvinoita kuti ndikwanise kutsungirira!”

      Tina, ambotaurwa nezvake anoti: “Kubvira pakafa Timo, ndiri kunyatsoona kutsigirwa kwandiri kuitwa naMwari. Ndinonyatsotenda zvinotaurwa neBhaibheri kuti vakafa vachamutswa. Zvinondipa simba rekuenderera mberi neupenyu kusvikira pandichazoonanazve naTimo.”

      Zvataurwa nevanhu ava ndizvo zvinotendwawo nemamiriyoni evanhu anovimba nezvinotaurwa neBhaibheri. Kunyange uchifunga kuti zvinotaurwa neBhaibheri hazviitiki kana kuti kurota, edza kuongorora zvarinotaura kuti uone kana zvichishanda uye zvarinovimbisa kana zviine musoro. Uchaona kuti Bhaibheri ndiro rinonyatsobatsira vaya vakafirwa.

      INZWA ZVIMWE NEZVEKUMUTSWA KWEVAKAFA

      Ona mavhidhiyo anotaura nezvazvo ari pawebsite yedu inonzi jw.org

      Vanhu vari kufara nekuona hama dzavo dzamutswa muParadhiso

      Bhaibheri rinovimbisa kuti tichazoonazve hama dzedu dzakafa

      CHII CHINOITIKA KANA MUNHU AFA?

      Chii Chinoitika Kana Munhu Afa?

      Chii chinoitika kana tafa? Zvinotaurwa neBhaibheri zvakajeka uye zvinonyaradza

      Tarisa pakanzi RAIBHURARI > MAVHIDHIYO (Chikamu Chemavhidhiyo Chakanzi: Bhaibheri)

      UNODA KUNZWA MASHOKO AKANAKA HERE?

      Unoda Kunzwa Mashoko Akanaka Here?

      Munhau munogara muchibuda zvinhu zvinosuruvarisa. Ungawanepi mashoko akanaka?

      Tarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI >RUGARE UYE MUFARO

      a Jehovha ndiro zita raMwari rinowanika muBhaibheri.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe