Rwiyo 178
“Rugare rwaMwari” Rukuru
1. Rugare rwaMwari
Rukuru runodzinga
Rutyo nefunganyo yose,
Tova vakadzikama.
Rugare rwaMwari,
Rwunotidzivirira,
Nokutitsigisa kwazvo
—Tichiva voUmambo.
2. Kufunganya kwazvo
Kwadzvinyirira vanhu.
Vanhu vavhiringidzika,
Nokuva vane shungu.
Asi ha titsamwi,
Mwari haakanganwi.
Rudo nokudzivirirwa
Zvinotipa rugare.
3. Tovimba naMwari.
Achagovera zvose.
Une ngoni nguva dzose,
Mutungamiri wedu.
Rugare rwake’rwu,
Rwunounza mafaro.
Kuterera Ja kwoti’ta
Tienderere mberi.