Rwiyo 154
Jehovha, Musiki Wedu
1. Jehovha wakasanogadzira pasi.
Wakapa vanhu kuti vagarepo.
Ngirozi dzakadanidzira nom’faro.
Chisiko chaMwari chinoshamisa.
2. Pasi pano pachaitwa Paradhiso.
Mwari akakuita donzo rake.
Chivi chakatanga nokupandukira.
Tofara kuti izvi zvichaguma.
3. Kuuya kwoUshe kuchapedza zvose.
Nekariro tomirira nguva’yo.
Ngatizivise mashoko akanaka,
Tibvise rima ndokupa zvokwadi.
4. Tonangidzira meso kuna Jehovha,
M’siki wedu tofanira kum’kudza.
Akaita zvose nokuda kwavanhu!
Tom’kudza nomwoyo, mweya nepfungwa.