Rwiyo 208
Rwiyo Rwokufara
1. Tonzwa hwamanda. M’faro mukuru.
Mwana waMwari wakagadzwa.
Makandirawo onzwika kwose.
Mupasi danidzo yonzwika:
(Korasi)
2. Nokuparidza Nokudzidzisa,
Vazhinji vounzwa kuna Ja.
Ivo voimba Nziyo dzom’faro,
Dzichinzwika kure zvikuru!
(Korasi)
3. Isu ti’tire Zvakanakawo
Vanhu vaMwari, hama dzedu.
Kuimba kwedu ku’nze ruzhinji
Rumbidzo kuna Mwari m’tsvene.
(KORASI)
Izuva raMwari. (Farai.)
Umambo hwogara. (M’fare.)
Chinhu chirichose (Farai.)
Rumbidzai She norwiyo:
‘Towana ruponeso kwamuri
NaKristu ari Mambo zvino.’