Rwiyo 121
Zvokwadi Inosunungura Vanhu
1. M’temo waMosesi nezviprofita zvakare
Zvinonongedzera kuzvokwadi dzakadzidzwa.
Izvokwadi yonunura zvokwadi yembeu
—Kuti naJesu vanhu vachawana upenyu.
2. ‘Ndini nzira noupenyu,’ anodaro Jesu.
Akatakura zvivi zvedu nokutifira,
Achibvumikisa Mwari kuva wazvokwadi
“Munguva’yi yom’gumo” anokunda vavengi.
3. Mwana waShe Jehovha akaunza zvokwadi.
Inosimbisira kuti chivi chichaguma.
Imbeu yakapikirwa inokudza Mwari.
Iye wotonga saMambo; tizivise izvi.
4. Nezvokwadi yonyandura toparidza Jesu.
Todudza mashoko akanaka norugare
Isu totsigira Umambo hwoUmesia.
Tihusimudzire nokushandira nesimba.