Rwiyo 225
Kuswedera Pedyo naJehovha
1. Fariro yenyu Mwari,
Tinoikoshesa.
Savana vanodiwa,
Tova pedyo nemi.
Ipfuma inokosha
Kana m’ri Shamwari.
Rudo rwenyu rwakachena.
Tinokuongai.
2. Zvamuri M’fudzi wedu,
Makatsvaka isu
M’katidaidza na’She,
Tikaramba nyika.
Makatikanganwira
Mune ngoni kwazvo.
Mune mutsa, tinofara
Zvatogara nemi.
3. Takaudzwa nezvenyu
Ndizvo tom’rumbidza.
Kunaka kwenyu Mwari,
Kunotishamisa.
To’da kukuzivai,
Kuva pedyo nemi.
Tirambe tiri shamwari;
Ti’te kuda kwenyu.