Vaka Chivimbo Muna Jehovha—Kupfurikidza Nokufunda Shoko Rake Nokushingaira
“Teererai nemwoyo yenyu mashoko ose andinokupupurirai nhasi . . . Nokuti hachizi chinhu chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu hwenyu.”—DHEUTERONOMIO 32:46, 47.
1, 2. (a) Ikariroi yakatarisana naIsraeri sezvo vaiva mumusasa pamapani aMoabhi? (b) Izanoi iro Mosesi akapa rudzi rwacho?
KUGARA kwavo kwenguva refu murenje kwakanga kwaswedera pedyo nomugumo wako. Joridhani anomonereka bedzi zvino akaparadzanisa rudzi rwacho neNyika Yakapikirwa yakamirirwa kwenguva refu. Nokuda kwomutungamiriri worudzi rwacho, Mosesi, zvisinei, kariro yaIsraeri yokupinda munyika iyoyo yakanyandura rangariro yakakomba. Iye aigona kuyeuka kuti rudzi rwacho pane imwe nguva pamberi pezvi rwakanga rwagumbuka sei nemhaka yokushaiwa kwarwo chivimbo muna Jehovha uye nokudaro rwakanga rwarambidzwa kupinda muKanani.—Numeri 13:25–14:30.
2 Mosesi nokudaro akaunganidza rudzi rwacho pamapani ane makakwira nomakadzika aMoabhi. Pashure pokuhwirudzura nhau yavo yorudzi nokudzokorora Mutemo waMwari, Mosesi akapa yakanzi nhau [yake] yakaisvonaka. Mumutauro wamadetembedzo wakaisvonaka, iye akakurudzira Israeri kuvimba nokuteerera Jehovha, “Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.” Mumhedziso, Mosesi akapa zano, achiti: “Teererai nemwoyo yenyu mashoko ose andinokupupurirai nhasi, kuti muraire vana venyu, vagochenjera kuita mashoko ose omurairo uyu. Nokuti hachizi chinhu chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu hwenyu.”—Dheuteronomio 32:4, 46, 47.
‘Kushandisa Mwoyo Yavo’ kuShoko raMwari
3, 4. (a) Kuchii uko vaIsraeri vaifanira ‘kushandisa mwoyo yavo,’ uye ikoku kwakabatanidzei? (b) Zvizvarwa zvapashure zvakashandisa sei zano raMosesi?
3 Mosesi akapangira vaIsraeri ku‘shandisa mwoyo yavo’ kwete bedzi kurwiyo rwake rwunonyandura asi kumanyoro ose anoyera. Ivo vaifanira “kuteerera zvakanaka” (Knox), “kuva nechokwadi chokuteerera” (Today’s English Version), kana kuti “kufungisisa pa” (The Living Bible) Mutemo waMwari. Ivo vaigona ‘kuraira vanakomana vavo kungwarira kuita mashoko ose ouyu mutemo’ kupfurikidza bedzi nokusanorovedzana nawo. Pana Dheuteronomio 6:6-8, Mosesi akanyora, kuti: “Mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako . . . Unofanira kuasungira paruoko rwako, chive chiratidzo; uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso ako.”
4 Mutsinhiri weBhaibheri W. H. Davey anotaura nezvenzira iyo munguva dzapashure, aya mashoko “akaturikirwa [nayo] chaizvoizvo navaJudha, uye murairo waiva maari wakachinjirwa kushandiso dzokutenda mashura. Ndima dzakati . . . dzakanyorwa pamakanda emhuka ainyorwa paari, uye aipfekwa paruoko napahuma mukati menguva yomunyengetero.” Mabhokisi akagadzirwa zvakanaka ane magwaro, kana kuti mafirakitera, aipfekwa munguva yaJesu uye achiri kushandiswa namasekete akati echiJudha nhasi. (Mateo 23:5) Asi, Davey anowedzera, kuti: “Varume muubenzi hwavo vamene vaizvigutsa vamene nokufamba vakatakura kopi yamashokowo zvawo omutemo, panzvimbo pokuratidzira muupenyu hwavo kuchengetwa kwomurairo waivamo.”
5. Ndokupi kwaiva kushandiswa kwakafanira kwamashoko aMosesi ari pana Dheuteronomio 6:6-8?
5 Aiwa, pakanga pasiri pamaoko avo chaiwoiwo kana kuti huma apo Mutemo waMwari waifanira kugara asi ‘pamwoyo yavo.’ Kupfurikidza nokuwana kwete chete zivo yawo asi nzwisiso huru yawo, Mutemo iwoyo waizoramba uchionwa nguva dzose, sokunge wakanga wakanyorwa pahwendefa pamberi pameso avo kana kuti wakasungirirwa pamaoko avo.
Gadziriro Dzokudzidza Mutemo waMwari
6, 7. (a) Igadziriroi dzakaita Jehovha kurovedzanisa vaIsraeri noMutemo waMosesi? (b) Kungava kwaivawo kunobvirira sei vanhu vaMwari munguva dzakare kuraidzwa muShoko raMwari?
6 Kunyanguvezvo, vaIsraeri vaigona sei kudzidza mirairo 600 yoMutemo? Makopi awo pasina panikiro aisawanzowanika pakutanga. Mambo womunguva yemberi waIsraeri aifanira “kunyora murairo uyu mubhuku yake . . . , kuti arave mumazuva ose oupenyu hwake; kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, nokuchengeta mashoko ose omurairo uyu nezvakatemwa izvi, kuti azviite.” (Dheuteronomio 17:18, 19) Mwari akaronga kuti Mutemo uraviwe gore rechinomwe riri rose paMutambo waMatumba. (Dheuteronomio 31:10-13) Nepo nhambo yakadaro pasina panikiro yakanga ichikurudzira, yakanga iri shoma zvikuru zvokusagona kupa zivo yakakwana.
7 Jehovha akarongawo kuti rudzi rwaRevhi ru‘raidze Jakobho muzvisarudzo zvokutonga zvaMwari naIsraeri muMutemo waMwari.’ (Dheuteronomio 33:8, 10; enzanisa naMaraki 2:7.) Padzimwe nhambo, vaRevhi vaiita nhimbe dzokudzidzisa idzo dzakabatira rudzi rwose. (2 Makoronike 17:7-9; Nehemia 8:7-9) Kunoratidzika kuti, pashure penguva yakati, zvinenge zvikamu zveShoko raMwari zvaiwanikawo kuvanhu vose zvavo.a Nokudaro, wezvamapisarema aigona kunyora, kuti: “Wakakomborerwa munhu . . . unofarira murairo waJehovha; unofungisisa murairo wake masikati nousiku.” (Pisarema 1:1, 2) Zano raMosesi ro‘kushandisa mwoyo yavo kuShoko raMwari’ nokudaro rakasvika pakuva murairo wokuita fundo yokushingaira yeBhaibheri.
‘Kushandisa Mwoyo Yedu’ kuShoko raMwari Nhasi
8. Israeri akateerera zano raMosesi kusvikira patambanukoi, uye nemiuyoi?
8 Israeri akakundikana kuteerera zano raMosesi. Apo rudzi rwacho pakupedzisira rwakatanga umambo hwarwo, sezviri pachena vazhinjisa vamadzimambo arwo vakakundikana ‘kuzvinyorera vamene kopi yomutemo ndokurava mairi mazuva ose oupenyu hwavo.’ Pakasvika zana ramakore rechinomwe P.N.V., mumazuva aMambo Josia, “bhuku rimene romutemo” rakanga rarasika. (2 Madzimambo 22:8-13, NW) Muenzaniso wakashata wavatungamiriri vorudzi rwacho pasina panikiro wakakurumidzisa kupinda kworudzi rwacho mukuwa pakutenda. Mukuwirirana nenyevero yaMosesi, ngwavaira yorudzi yakaitika muna 607 P.N.V.—Dheuteronomio 28:15-37; 32:23-35.
9. Mugariro wamaKristu nhasi wakafanana sei nouyo wavaIsraeri vakare?
9 Kufanana navaIsraeri vakare, maKristu nhasi ari pamuganhu wenyika yakapikirwa—nyika itsva yakarurama yaMwari. (2 Petro 3:13) Zvinoitika zvinokatyamadza zvinooneka pajengachenga: kuziviswa kwo“rugare nechengeteko,” kuwa kwe“Bhabhironi Guru,” denho ya‘Gogi waMagogi.’ Izvi zvinoitika zvichaedza chivimbo chedu muna Jehovha. Kunokosha, ipapoka, kuti ‘tishandise mwoyo yedu kushoko raMwari’ zvino!—1 VaTesaronika 5:3; Zvakazarurwa, ganhuro 18, NW; Ezekieri, ganhuro 38.
10. Neiko vamwe vangaderera mufundo yomunhu oga?
10 Kuita saizvozvo, zvisinei, kunogona kuva denho chaiyoiyo muidzi “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1, NW) Basa rokunyika, kurera vana, chikoro, uye mitoro yeungano zvinogona zvose kuda zvikuru nguva yedu. Somuuyo, tingakombamira kuzvipembedza timene ndokuderera mufundo yedu yeBhaibheri, tichirangarira kuti ‘ndiri kuita zvakakwana kuti ndipfuurire.’ Bva, Bhaibheri rinopa zano maKristu, kuti: “Rangarira pamusoro pezvinhu izvozvi; nyura mazviri.” (1 Timotio 4:15, 16, NW) Ngatirangarirei zvino zvikonzero zvakasimba zvokuita saizvozvo.
Kusimbisa Ukama Hwedu naMwari
11, 12. (a) Kuwana zivo huru zvikuru yaMwari kwakatapura sei Jobho? (b) Neiko chiono chedu chaMwari chichigona kuva chakajeka kupfuura muzuva raJobho?
11 Jobho akanga ari munhu “waitya Mwari achinzvenga zvakaipa.” Asi pashure pokunge Jehovha azvizivisazve amene muchamupupuri, Jobho aigona kuti: “Ndakanga ndanzwa zvenyu nokunzwa kwenzeve; asi zvino ziso rangu rinokuonai.” (Jobho 1:1; 42:5) Ko isu nhasi tinogona here “kuona” Mwari, ndiko kuti, kupfuura kungozivana chete, kusanoziva mativi akawanda ohunhu hwake? Zvamazvirokwazvo tinogona! Kupfurikidza namapeji eBhaibheri, Jehovha akazvizivisa amene zvikuru kupfuura zvaaizivikanwa kunyange kuna Jobho.
12 Tine murangariro wakajeka zvikuru woukuru hworudo rwaMwari, kuziva kuti iye “akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi.” (Johane 3:16, NW) Kupfurikidza namauporofita eBhaibheri, tine ndaza yemibato yaMwari—kusvikira kumugumo chaiko kwaMakore ane Chiuru! (Zvakazarurwa, ganhuro 18-22) Tine chinyorwa chokubata kwaMwari neungano yechiKristu: kupinza kwake Vamarudzi, kugadza kwake “muranda akatendeka nowakachenjera” kuti adyise vanhu vake, kudana kwake “boka guru” rine tariro yokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano. (Mateo 24:45; Zvakazarurwa 7:9, 14-17, NW; VaEfeso 3:3-6) Pashure pokuongorora zvinhu zvakadzama zvaMwari nokufungisisa mabasa ake anoshamisa nokuda kwedu, hapana chatinogona kuita kunze kwokuti: “Haiwa kupfuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei!”—VaRoma 11:33.
13. Tinogona sei ‘kutsvaka Mwari,’ uye ndedzipi dziri betsero dzokuita saizvozvo?
13 Wezvamapisarema akati: “Ndakakutsvakai nomwoyo wangu wose.” Tinogona kuita zvimwe chetezvo kupfurikidza nokuita kurangarirwa kwezuva nezuva kwamashoko apaMagwaro; kunoita zvakawanda kusimbisa chisungo chedu naJehovha. Fundo yapachokwadi inobetserawo kuita kuti nzira yedu ive ‘yakasimbiswa zvikuru kuti tichengete mirairo yaMwari.’—Pisarema 119:5, 10.
Fundo Inotibetsera Kudzivirira Kutenda Kwedu
14. Enzanisira ukoshi hwokuva ‘akagadzirira kudzivirira’ tariro yedu yechiKristu.
14 “Handikudii imi Zvapupu mumba mangu!” akadaro mumwe murume weGhana kuvaviri vakashanyira musha wake. Iye akatukazve Zvapupu nokuda “kwokusabvuma kuisirwa ropa nokusakwazisa mureza worudzi.” Zvirambidzo zvakadaro zvinowanzosanganwa nazvo muushumiri hwomumunda. Kwaizova ruzvidzo—uye manyadzi—akadini kudai taisakwanisa “kuita dziviriro pamberi pomunhu ari wose anoda kwauri chikonzero chetariro iri mauri”! (1 Petro 3:15, NW) Sezvineiwo, izvi Zvapupu zvakakwanisa kushandisa Bhaibheri zvinobudirira kutsanangura murangariro wakafanira weropa uye kuti muKristu anodzikamisa sei kuremekedzwa kwezviratidzo zvehurumende zvorudzi nokudziviswa kwokunamata zvidhori. Muuyo wacho? Murume wacho akaororwa nemhinduro dzavo dzakananga. Nhasi, vose vari vaviri iye nomudzimai wake Zvapupu zvakabhapatidzwa.
15. Fundo yomunhu oga inotishongedzera sei nokuda kwoushumiri hwedu?
15 Pauro anokurudzira, kuti: “Ita unani hwako kuti uzvipe umene wakatendeka kuna Mwari, mushandi asina chinhu chokunyadziswa nacho, anobata shoko rezvokwadi zvakarurama.” Fundo yomunhu oga ichatibetsera kwete bedzi kurambira munzira youpenyu isu timene asiwo kuva “vanokwanisa zvizere, vakashongedzerwa zvakakwana” kubetsera vamwe kuita saizvozvo.—2 Timotio 2:15; 3:17, NW.
Kudzivisa Misungo yaSatani
16. Ndeipi iri mimwe misungo yaSatani inonangana navanhu vaJehovha?
16 Nhasi, kuzivisa kunotidenha nezvinofadza ku“chishuvo chenyama nechishuvo chameso neratidzirwo yokuzvitutumadza yemitoo yomunhu youpenyu.” (1 Johane 2:16, NW) Utere hwevatano hunorumbidzwa nezvinobudisa nhau uye kazhinji kazhinji hunosimudzirwa nokushingaira navashandi biyedu novokuchikoro biyedu. Mabhuku okuwa pakutenda anonyandura angatumirwa asina kukumbirwa kumisha yedu. Kuda kuziva kwavo kwanyandurwa, dzimwe hama dzakarava mashoko anoshatisa akadaro—kukuparadzwa kwokutenda kwavo. Kunewo “mudzimu [woudyire, wokunyama] uyo zvino unoshanda muvanakomana vokusateerera.” Kuri nyore sei kutapurwa nawo nokukudziridza mudzimu wakashata, wokutsoropodza!—VaEfeso 2:2, NW.
17, 18. Fundo yomunhu oga inogona sei kutidzivirira pa‘kukukurwa’?
17 Vashomanene, chokwadika, vanotanga kupinzwa mumusungo naSatani. Panzvimbo pezvo, kupfurikidza nokuregeredza fundo yomunhu oga, kufanana neigwa rasunungurwa munzvimbo marinosungwa, ivo pashoma napashoma “vanokukurwa” ndokuva zvipfuro zvikurusa zvedenho inoitwa naSatani. (VaHebheru 2:1) Imwe hama duku, somuenzaniso, yakabatanidzwa muutere nomusikana muduku kuchikoro. “Ndakawana,” iye anoyeuka, “kuti chisakiso chikuru chaikoku rakanga riri idi rokuti ndakanga ndine nzara yomudzimu. Ndaisaita fundo yomunhu oga. Ndokusaka ndisina kugona kukurira muedzo wacho.” Purogiramu yefundo yomunhu oga, zvisinei, yakabetsera hama yacho kusimba mumudzimu.
18 Satani akatsunga kuparadza vakawanda vavanhu vaJehovha savaanogona. Kupfurikidza nokudyisa ndangariro yedu nguva dzose nezvinhu zvakanaka zvinobva muShoko raMwari nomuranda wake akatendeka, tinogona kudzivisa kupinzwa mumusungo. (VaFiripi 4:8) Zviyeuchidzo zvokudzivisa kudisa zvenyika, utere hwevatano, kufunga kwokuwa pakutenda, uye mudzimu wakashata zvakazara muzvose zviri zviviri muBhaibheri nomuzvinyorwa zveWatch Tower Society. Kana zvamazvirokwazvo tichipa ngwariro inopfuura yenguva dzose, hatisati tichizotongokukurwa.
Gadziriro Dzinobva Musangano raJehovha Dzokutibetsera
19. Ngomwa yeEtiopia inoenzanisira chii pamusoro pokuda kwedu nhungamiro yomudzimu?
19 Fundo ibasa rakaoma. Tinogona naizvoizvo kuonga kuti sangano raJehovha rinotipa betsero huru. Mumakore achangobva kupfuura aya vamwe vakataura kuti vanhu vanofanira kubvumirwa kuzviturikirira vamene Bhaibheri. Ngomwa yeEtiopia, zvisinei, yakabvuma pachena kuda kwayo nhungamiriro yomudzimu. Somupuroserite akadzingiswa, iye pasina panikiro aitova nezivo yakati yeBhaibheri. Idi rimene rokuti iye aizoedza kufunda chimwe chinhu chikuru souporofita hwaIsaya 53 rinoratidzira ikoku. Bva, payakabvunzwa kana yainzwisisa zvayakanga ichirava, yakabvuma, ichiti: “Chaizvoizvo, ndingambogona sei kuita saizvozvo, kutoti mumwe munhu akanditungamirira?”—Mabasa 8:26-33, NW.
20. (a) Ndedzipi dziri dzimwe dzegadziriro sangano raJehovha rakaita kutibetsera mufundo yedu yomunhu oga yeBhaibheri? (b) Iwe unonzwa sei pamusoro pegadziriro dzakadaro?
20 Vanhu vaJehovha nhasi nenzira yakafanana vanoda nhungamiriro yomudzimu. Vachishuva “kutaura nebvumirano” pakunouya kuzvinhu zvomudzimu, ivo vanogamuchira betsero inopiwa nesangano raJehovha—uye iyoyo ibetsero yakaisvonaka zvakadini! (1 VaKorinte 1:10, NW) Tine kuyerera kwenguva dzose kwamashoko kupfurikidza namagazini eNharireyomurindi naMukai! Tine mabhuku akawanda namabhurocha anofukidza misoro yeBhaibheri yakawanda. Varavi vanotaura chiNgezi vakakomborerwa zvikuru nokuva neWatch Tower Publications Index 1930-1985, chishandiswo chinogona kubetsera munhu ‘kuramba achitsvaka uchenjeri senesirivha uye sepfuma yakavanzwa.’—Zvirevo 2:2-4.
21. (a) Muapostora Pauro akaratidzira sei fariro mufundo yomunhu oga? (b) Ndezvipi zviri zvimwe zvikarakadzo zvokuita kuti fundo yomunhu oga ive nyore?
21 Ko iwe uri kushandisa zvakazara here zvinyorwa zveSosaiti kupfurikidza nokuzvishandisa nokuda kwefundo uye nenzvero? Kana kuti zvinyorwa zvakadaro zvinobatira hazvo here sezvishongo zvapasherufu? Nenzira inofadza, muapostora Pauro akamboraidza Timotio kuti “uuye . . . nebhuku, zvikuru magwaro amatehwe” kwaari paRoma; sezviri pachena, Pauro akanga achinongedzera kuzvikamu zvaMagwaro echiHebheru. (2 Timotio 4:13) Iye pasina panikiro aiada kuti avepo kuti fundo nenzvero zvive nyore. Kana iwe usati watoita saizvozvo, kuregerereiko kutanga kuunganidza raibhurari yako umene yamabhuku oushe kuti iwewo ugogona uita nzvero? Ita kuti zvinyorwa zvakadaro zvive nyore kusvika, zvive munhevedzano, zvakatsvinda, uye zvakachena. Tsaura nzvimbo yokufunda iyo yakanyarara neine mwoto wakanaka. Ronga nguva dzenguva dzose dzefundo yomunhu oga.
22. Neiko ‘kushandisa mwoyo yedu kushoko raMwari’ kuchikosha zvikuru nhasi kupfuura nakare kose?
22 Kufanana navaIsraeri vaiva mumusasa pamapani akaorera aMoabhi, takamira pamucheto penyika itsva. Kupfuura nakare kose, tinoda kufunda Shoko raMwari nokushingaira ndoku‘tenga nguva yakafanira’ yefundo, zvichida kurega dzimwe fariro, zvakadai sokutarira terevhizheni. (VaEfeso 5:16) “Umba chishuvo chomukaka usina kushatiswa weshoko,” anopa zano kudaro Petro, “kuti kupfurikidza nawo mugokura” kwete bedzi kuukuru mumudzimu asi “kuruponeso.” (1 Petro 2:2, NW; enzanisa naVaHebheru 5:12-14.) Upenyu hwedu humene hunobatanidzwa. Naizvozvo dzivisa kombamiro ipi neipi yokuderera mufundo yomunhu oga. Ishandise somutoo wokukudza nawo rudo rwako nokuda kwaMwari nechivimbo chako maari; inzirawo yokukudza nayo nzwisiso yako yesangano raari kushandisa kutibetsera. Hungu, ‘shandisa mwoyo wako’ kuShoko raMwari, nokushingaira, nguva dzose. “Nokuti hachizi chinhu chisina maturo kwauri, asi ndihwo upenyu hwenyu.”
[Mashoko Omuzasi]
a Zvidimbu zvakapunzika zvezviumbwa, kana kuti ostraca, zvaiwanzoshandiswa munguva dzeBhaibheri sepokunyorera pasingadhuri. The International Standard Bible Encyclopedia (1986) inoti: “Ostraca yaigona kushandiswa kunyange namapoka marombo zvikurusa, aisagona kutenga chinhu chipi nechipi chokunyorera pachiri.” Kuti ostraca yaishandiswa navaIsraeri vakare nokuda kwokunyora magwaro eBhaibheri kusvikira patambanuko yakadini hakuzivikanwi. Nenzira inofadza, kunyanguvezvo, ostraca dzomuzana ramakore rechinomwe N.V. dzine magwaro eBhaibheri dzakawanwa muEgipita, kuchikarakadza mutoo mumwe kupfurikidza nawo vanhuwo zvavo vaiwana nawo zvikamu zveBhaibheri.
Mapfundo Ehwirudzuro
◻ Neiko Mosesi akapa zano vaIsraeri ‘kushandisa mwoyo yavo kuShoko raMwari,’ uye ivo vaifanira kuita sei saizvozvo?
◻ Fundo yomunhu oga inosimbisa sei ukama hwedu naMwari ndokutibetsera kudzivirira kutenda kwedu?
◻ Ibasai rinoita fundo yomunhu oga mukudzivisa kwedu misungo yaSatani?
◻ Sangano raJehovha rakaita gadziriroi dzokuita kuti fundo yedu yeShoko raMwari ive iri nyore?
[Mufananidzo uri papeji 11]
Panzvimbo pokunyora Mutemo waMwari pamwoyo yavo, vaJudha vaisungirira mabhokisi aiva namagwaro