Rwiyo 76
Jehovha, Shamwari Yedu Yakanakisisa
1. Jehovha Akavimbika,
Tinomuda kwazvo.
Wakatipa pasi som’sha,
Pamwe noupenyu.
Vabereki vakaramba
Nzira yaJehovha,
Iye anoda vatendi
Vomirira Zuva.
2. Murume wakatendeka
Abra’mu m’dikani.
Pakaedzwa naJehovha,
Ha’na kutsauka.
Mwana wake waizom’tswa
Kana aterera.
Mwari waida Abra’mu,
Munhu weperero.
3. Jesu akauya pasi
Zvaakada vanhu.
Akafa kuti adzose
Vanhu kuna Mwari.
M’vengi woda kum’tsausa
Pakubatira Ja,
Jesu wakavimbikawo,
Akatendeseka.
4. Hakuna shamwari yova
SaMwari naKristu.
Upenyu husingaperi
Togona ku’wana.
Ushamwari nenyika’yi
Mwari haaudi.
Ngative shamwari dzake,
Dzakatsiga kwazvo.