Rwiyo 36
“Vanofara Vano Mwoyo Munyoro”
1. Vanyoro vanoropafadzwa;
Mufaro wavo mukuru.
Vakanetswa, havagumbuki;
Vanomira pana Mwari.
Havatyiswi navaipi,
Vanongozvikwidziridza.
Vanoziva kuti ivava,
Vachaparadzwa souswa.
2. “Kubvira pahupwere hwangu,
A si zvino ndakura”wo
“Handina kumboona munhu
WaJa achipemha sadza.”
Fambai wo zvakanaka,
Muve vakatendeseka.
Mu kafara muna Jehovha,
Achakuropafadzai.
3. Vakaipa vachaparadzwa;
Havazoviwo nenzvimbo,
Vanyoro vachafarisisa
Nepasi richava ravo.
Ngatisanokunzwisisa,
Shoko raShe izvokwadi,
Uye ngativeivanyoro
Muzvose zvatinoita.