Shoko raMwari Rine Simba
1 Bhaibheri rakapesvedzera zvikuru kwazvo upenyu hwamamiriyoni. Zvarinotaura zvinonyandura zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi icho munhu angagona kuita. (VaH. 4:12) Tarira zvarakatiitira. Zvirokwazvo, ukoshi hwaro hahuenzaniswi.
2 Zvapupu zvaJehovha vadzidzi navatsigiri vari pamberi zvikurusa veBhaibheri. Tinofanira kurangarira kurava Bhaibheri sorutivi runokosha rworudungwe rwedu rwenguva dzose rwoubati ushe hwaMwari, tichikupa nzvimbo yokutanga pamusoro pokuona terevhizheni nezvimwe zvirondwa zvose zvenhandaro.
3 Uite Muitiro Wenguva Dzose: Vanhu vaJehovha vakasvika pakunzwisisa pesvedzero ine simba iyo kurava Bhaibheri kwenguva dzose kunogona kushandisa. Kwamakore akawanda chiratidzo chikuru pachimwe chezvivako zvedu zvefekitari muBrooklyn chave chichikurudzira anopfuura ku“Rava Shoko raMwari Bhaibheri Dzvene Zuva Nezuva.” Mitezo mitsva yemhuri yeBheteri inodikanirwa kurava Bhaibheri rose mukati megore rayo rokutanga rebasa reBheteri.
4 Pasinei zvapo norudungwe rwako rwokubatikana, uri kuvambirana nokurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki kwakakarakadzwa kwakarongwa muRudungwe rweChikoro choUshumiri choUbati Ushe hwaMwari here? Kana wakawana chinetso mukuita ikoku, kuregererei kushandira kuvandudza mukati maNovember? Kurava Bhaibheri kwomwedzi wose ndiPisarema 95-109, uko kunoda kurava mapeji anenge matatu kana kuti mana pavhiki. Vamwe vanosarudza kuita kurava kushomanene zuva rimwe nerimwe, zvichida pakuvamba mumangwanani kana kuti vasati varara usiku. Api naapi angave maitire ako, chinhu chinokosha ndechokuti uwane betsero dzakanaka dzichawanwa kupfurikidza nokurava nguva dzose Shoko raMwari.
5 Govera Bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Mukati maNovember: Vanhu vakawanda vachiri kuremekedza Bhaibheri uye vanodisa kuteerera apo tinorava mariri. Mukati maNovember tichave tichigovera bhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? Ikoku kunopa mukana wakaisvonaka wokuratidza vanhu vane mwoyo wakatendeseka ukoshi hweShoko raMwari. Iva ane mbavarira mukuita ikoko.
6 Gadzirira tsinhiro dzine mufungo pamusoro pamativi akatanhamara ebhuku raShoko raMwari ayo achanyandura kufarira kwavanhu kuriwana. Simbisa ukoshi hwaro hunoshanda. Ungagona kusimbisa ipi neipi yenhau dziri muzviri mukati mebhuku racho. Mapfundo akaisvonaka omuganhuro 7 pamusoro pokuti “Bhaibheri Rinozvipokanidza Rimene Here?” anogona kunyandura fariro mune vamwe. Pikicha iri papeji 4 inogona kushandiswa nenzira inobudirira kana ikabatanidzwa neganhuro yokutanga kupfurikidza nokuratidza ukoshi hwayo mufundo yeBhaibheri.
7 Mapfundo anofadza pamusoro pokuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri uye kuti hwakarurama sei anogona kunyandura fariro mune vamwe. Betsero inoshanda inobva muBhaibheri inosimbiswa muganhuro rokupedzisira, rinoti: “Bhaibheri Newe.”
8 Hungu, Bhaibheri iShoko raMwari. Kana tikarirava, kuridavira, uye kushandisa zano raro muupenyu hwedu, tichawana betsero huru. Rakanyorwa kuti ritipe murayiridzo netariro. (VaR. 15:4) Kunokosha kuti tirinzvere zuva riri rose uye kuti tive vakagadzirira kurishandisa kudzidzisa vamwe.