Rwiyo 61
“Ndini Jehovha”!
1. Inzwai madzishe enyika
Anofuratira Mwari.
Anoramba uchangamire hwake,
Achishora masimba ake.
Shamwari dzavo dzakakundwa nani,
Dzikaparadzwa zvinonyadzisa?
Kuganza kwavo kwonyaradzwa nani
Achi’tavanhu vake vakunde?
(Korasi)
2. Masimba enyika onzwana
Kurwisana naShe Jesu!
Bva rutyo rwunobata varwi vavo,
Varombo vari kugomera.
Mudzvinyiriri achabviswa nani
Nokununura vanyoro vose?
Vachasimbiswa nani m’kururama
Uye kushuwa kuchi’twa nziyo?
(KORASI)
Ndini Ishe; hakuna mumwe.
Ndini Ishe; Zita ndiJehovha.
Mambo wangu uripagomo dzvene;
Kotamai! Jesu anotonga.