Rwiyo 25
Zvinhu Zvakanaka zvaMwari
1. Mwari wakaita
Zvakanaka chose.
Kudya uye kunwa.
Chipo chikurusa.
Kusingagumiwo
Kuri m’mwoyo yedu.
Tariro yo’penyu
Takabatisisa.
2. Kuda kwaJehovha
Kupa kuna vanhu
Makomborerowo
Kuti vamudise.
Tinobatikana
Nezvaakaita;
Nokusingagumi
Tichava naMwari.
3. Basa guru kwazvo
Iro takadzidza
Nderokupupura;
Tinoringwarira.
Chipo chaJehovha
Chinounza m’faro.
Chinhu chakanaka
Icho tiinacho.
4. Nenjere tose’su
Tinoraramawo
Tozivisa donzo
Ti’te zvakanaka.
Rutivi rukuru
Totora nom’faro,
Zvose tinozvi’ta
Nokuda kwaMwari.