RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 10/1 pp. 26-30
  • Uri Kubetsera Mwana Wako Kusarudza Jehovha Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kubetsera Mwana Wako Kusarudza Jehovha Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Dzimwe Pwere Dzichisiya Jehovha
  • Kurumidza Kutanga
  • Ipa Vana Vako Nguva Yako
  • Songaniro Nomuenzaniso Zvakanaka
  • Mufaro Mukuona Vana Vachisarudza Jehovha
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kuvaka Mhuri Yakasimba Mumudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Dzidzisai Vana Venyu Kuda Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vabereki—Ivai Muenzaniso Wakanaka Kuvana Venyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 10/1 pp. 26-30

Uri Kubetsera Mwana Wako Kusarudza Jehovha Here?

“NDAKANZWA kuti kufunda Bhaibheri kwakanga kuchifinha uye kuchinetesa chaizvoizvo. Nenzira yakavanzika, ndakasarudza mumwoyo mangu kuti ndaisazova mumwe weZvapupu zvaJehovha apo ndaizokura,” rakazivisa kudaro rimwe jaya. Kunyange zvazvo nenzira ine tariro voruzhinji vavana vari mumisha yechiKristu pakupedzisira vachasarudza kumira kurutivi rwaJehovha, vaduku kufanana naro vangapfuura nomunguva yakaoma vachisarudza Jehovha saMwari wavo.

Vabereki pane dzimwe nguva vanonzwa vasina chokwadi pamusoro penzira yokutungamirira nayo vana vavo zvinobudirira. Vanoita nzvero huru, kufanana nababa vanofunganya avo vakamboti: “Kuva akatendeseka, pakanga pane nguva apo ndaitarira zviso zvavana vangu vakarara, misodzi yokuodzwa mwoyo ichiri pamatama avo, uye ndakashamisika kana ndaisafanira kuva ndiri munyoro zvikuru.” Vanakomana vake vaviri vakakura ndokusarudza kubatira Jehovha.

Bva kune pwere dzinosiya Jehovha uye dzinosiya boka rechiKristu dzichida nyika yaSatani. Naizvoizvo vabereki vanobudirira sei chaizvo mukubetsera vana vavo kusarudza Jehovha? Kupindura mubvunzo iwoyo, ngatitange kuwana chikonzero nei dzimwe pwere dzichisiya Jehovha apo vabereki vadzo vanoda zvikuru kuti dzigare naye.

Chikonzero Nei Dzimwe Pwere Dzichisiya Jehovha

Chimwe chezvinhu zvinozivikanwa zvikuru navose ndechokuti dzimwe pwere hadzitongosviki chaizvoizvo pakuziva Jehovha kana nzira dzake. Kunyange zvazvo dzichipinda misangano yechiKristu kubvira paucheche, dzinongoitawo zvadzo vanagudzamudungwe, uye hadzitsvaki chaizvo Jehovha. (Isaya 55:6; Mabasa 17:27) Mukomana adudzwa pamusoro apo akanga afinhwa pamisangano yechiKristu nemhaka yokuti aisanzwisisa zvakanga zvichitaurwa navakurukuri pachikuva.

Mbeu dzezvokwadi dzinosimwa muvamwe, asi vanobvumira mwoyo yavo kunyengedzwa namararamire amadiro, okudisa zvenyika ari pachena enyika yaSatani. Vamwe havagoni kugonana nechishuvo chakasimba zvikuru chokusonganirana uye chokuva vakafanana navaenzani vavo.—1 Makoronike 28:9; Ruka 8:12-14; 1 VaKorinte 15:33.

Munyika yose, zvisinei, vana vakawanda mumisha yechiKristu vakasarudza kumira kurutivi rwaJehovha. Chimwe chinhu chinogona kudzidzwa mumatanho akanaka ayo vabereki vavo vakaita here?

Kurumidza Kutanga

Chinhu chinokosha mukubetsera vana vako kusarudza Jehovha kukurumidza kutanga. Mune zvinoitika zvakawanda zvikurusa, mifungo inogamuchirwa uye zvidzidzo zvinodzidzwa apo mwoyo unenge uri muduku uye unogamuchira zvichagara kwoupenyu hwose. (Zvirevo 22:6) Naizvozvo kurumidza kutanga kuudza vana vako pamusoro porunako rwaJehovha, rudo uye kutyisa kwake, uchivavarira kuvaka mumwoyo yavo kuda Jehovha uye kuonga izvo Jehovha akavaitira. Kuti vaite ikoku, vabereki vakawanda vakashandisa nenzira inobudirira nyaya dzakawanda pamusoro pezvisiko zvaJehovha dzinowanika muzvinyorwa zveWatchtower Society.

Kuteerera uye kuremekedza Jehovha nokunamatwa kwake zviri pakati pamamwe mavara anofanira kurovererwa nokukurumidza muupenyu. Kunofadza kuona vana vasati vaenda kuchikoro pamisangano yechiKristu vachitambura kuita zvinonyorwa zvakapfava uye vachitarira magwaro mumaBhaibheri avo vamene kana kuenda navabereki vavo kukamuri rokugezera kundogeza kumeso kwavo nemvura inotonhora apo vanenge vava kutsimwaira. Izvi zvinhu zvakapfava, asi zvinokosha sei mukuroverera pandangariro duku kuti ruremekedzo nokuteerera zvinofanira kuratidzwa kuna Jehovha!

Murayiridzo weBhaibheri womunhu oga wakakomba unofanirawo kukurumidza kutanga. Apo vakomana vavo vakanga vava namakore maviri okukura, vamwe vachati vakatanga kurava navo bhuku raKuTerera kunoMudzidzisi muKuru.a Gare gare, apo vakomana vacho vakavamba chikoro, vaikurumidza kumuka ndokufunda mangwanani mamwe namamwe namai vavo mabhuku aBhuku Rangu reNhau dzeBhaibheri uye Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano.* Ikoku kwaiteverwa nekurukurirano yorugwaro rwezuva yaiitiswa nababa vacho vasati vadya chisvusvuro. Nhamburiko dzavabereki vacho dzakatuswa zvikuru apo vanakomana vavo misi ichangobva kupfuura iyi vakasarudza kubatira Jehovha, vachiratidzira tsauriro yavo kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura pamazera amakore gumi uye gumi nerimwe.

Rimwe jaya rakaisvonaka riri kubatira pahofisi yebazu yeWatch Tower Society muJapan rakayeuka kuti apo rakanga riri muduku zvikuru, mai varo vakaribetsera kukudziridza ukama naJehovha kupfurikidza nokugara parutivi rwaro usiku, vachiribetsera kunyengetera. Harina kutongokanganwa chidzidzo chakadzidziswa—pasinei zvapo nokwarakaenda kana icho rakaita, Jehovha akanga ari pedyo uye akagadzirira kubetsera nguva dzose.

Vabereki vanobudirira vanodzidza kuziva miitiro isina kururama inoparirwa nokusakwana kwakagarwa nhaka kwavana vavo, uye vabereki vanokurumidza kutanga kubetsera vana vavo kururamisa iyoyi. (Zvirevo 22:15) Mirangariro yokuudyire, chisimbwa, rudado, kuva anonyanyotsoropodza vamwe, inofanira kubatwa nayo nokukurumidza. Kana zvikasadaro, mbeu dzakadaro dzichakura kuva kupandukira Mwari nenzira dzake gare gare. Somuenzaniso, vabereki vane vavariro dzakanaka asi vakanyanyopfava kazhinji kazhinji vanorega vana vavo vachikudziridza zvimiro zvendangariro zvoundirini. Ava vana vanokuwana kwakaoma kuremekedza vabereki vavo kana zvimwe Jehovha, vachiva vakafanana na‘vasingaongi’ vanodudzwa muBhaibheri. (Zvirevo 29:21) Kune rumwe rutivi, vana vanopiwa mabasa apamusha uye vanodzidziswa kusvinurira zvinodikanwa zvavamwe vanova vanoonga zvikuru vose vari vaviri vabereki vavo naJehovha.

Chimwe chinokosha kukurumidza kutanga kugadza nharidzano dzoubati ushe hwamwari idzo mwana anogona kuita nenzira ine mufungo. Kana ikoku kukasaitwa nokukurumidza uye nenzira ine tsinhirano, vamwe vangazadza ndangariro yake nomwoyo nenharidzano dzakasiyana. Kurava Bhaibheri rose, kufunda somunhu oga chimwe chezvinyorwa zveWatchtower Society, kukumbanira Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, kuva muzivisi wamashoko akanaka, uye kubhapatidzwa zvinofanira kubatanidzwa pakati peidzi nharidzano.

Takafumi anoyeuka kuti mai vake vakamupinza mumuitiro wokurava magazini eNharireyomurindi neMukai! kupfurikidza nokunyora mibvunzo yakapfava ndokuisiya patafura yomukicheni kuti aiwane apo aiuya kumba achibva kuchikoro. Yuri anoyeuka kuti kugara kwamazuva mashomanene namapiyonab aibatira uko kushaikwa kwavashumiri vechiKristu kwaiva kukuru, kubuda nawo muushumiri, kuaona achibika zvokudya zvakanaka, uye kucherekedza mufaro wawo neshingairo zvakapesvedzera zvikuru chishuvo chake chokubatira Jehovha nenzira imwe cheteyo. Pwere dzakawanda dzinorondedzera kuti vabereki vadzo vaidziunza nguva dzose kuBheteri, sokudaidzwa kunoitwa madzimbahwe uye mapazu eWatch Tower Society, uko vaigona kucherekedza vamwe varume navakadzi vaduku vanobatira Jehovha nenzira yomufaro. Dzakawanda dzedzakashanyira savana zvino dzinobatira mumaBheteri kupota nyika.

Ipa Vana Vako Nguva Yako

Uwandu noukoshi hwenguva yaunopedza navana vako zvichava sezvingabvira nepesvedzero yakananga pamusoro pokuti vanosarudza kubatira Jehovha here kana kwete. Vanokurumidza kucherekedza kuti inguva negadziriro zvakawanda sei zvaunoisa mufundo yeBhaibheri yaunovaitisa. Kana usingagoni kuyeuka apo makasiyira pafundo yakapfuura kana uchirega fundo yacho nokuda kwezvikonzero zvisina maturo, uri kupa shoko rokuti fundo yacho haikoshi zvikuru. Zvisinei, apo vanoona kuti vabereki vanorega zvimwe zvinhu nokuda kwefundo yacho, vanosanoigadzirira ndokuitisa fundo yacho nguva dzose kunyange zviite sei, shoko rakasiyana chose rinopiwa. Kunyange zvazvo chisiri chinodikanwa, vamwe vanamai vanopfeka zvakanaka nokuda kwefundo yavana vavo, zvimwe chetezvo saapo vanoenda kumisangano kana kuitisa muvakidzani fundo yeBhaibheri. Mufungo unopiwa ndowokuti kunamatwa kwaJehovha kunokosha.

Nguva yakawanda nenhamburiko zvichadikanwa kuita kuti dzidzo yeBhaibheri yavana vako ive inofadza, uchisvika mwoyo yavo. Vana vaduku zvikurukuru vanoororwa apo vanoona zvinhu zvavari kudzidza zvichiitwa pamberi pavo. Vamwe baba, somuenzaniso, vakabetsera vana vavo kuisa muchiona rumuko kupfurikidza nokuenzanisira nhauro yeBhaibheri yorumuko rwaRazaro. Vakapinda muhodhiropu uye ipapo kubuda saRazaro amutswa.—Johane 11:17-44.

Sezvo vana vanosvika ukuru, kunoda kunyange nguva yakawanda nounyanzvi kubata nemirangariro yakawanda, panikiro, uye funganyo dzavanotarisana nadzo. Nguva inoiswa parutivi navabereki vane rudo uye vanonzwisisa panhambo ino inokosha kana vana vachizokudziridza chivimbo muna Jehovha. Vamwe baba vanobudirira vane vana vana vakarondedzera kuti apo vana vavo vaitarisana nezvinetso zvakasiyana-siyana, vaitarira ndokukurukura navo nyaya dzinowirirana dziri muzvinyorwa zveWatchtower zuva riri rose kutozosvikira zvinetso zvacho zvakurirwa chose.

Vamwe mai vari piyona anobatikana vane vana vaviri vakacherekedza kuti mwanasikana wavo akanga achiva anozviparadzanisa uye achishaya mufaro mumibato youbati ushe hwamwari. Naizvozvo mai vacho vakatsunga kuva pamusha apo mwana wacho aidzoka achibva kuchikoro masikati mamwe namamwe, vachipinza mwanasikana wacho mukurukurirano apo vakanga vachinwa tii. Kupfurikidza nekurukurirano yamai nomwanasika youshamwari, musikana wacho akagamuchira betsero yaaida. Zvino, pakupedza kufunda pachikoro chapamusoro, akakumbanira mai wake mubasa roupiyona.—Zvirevo 20:5.

Songaniro Nomuenzaniso Zvakanaka

Mukuwedzera kukupa nguva yavo, vabereki vanofanira kugovera vana vavo songaniro yakanaka. Zvirevo 13:20 inoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiriswa.”

Vabereki vanobudirira vakawanda vanoziva zvokwadi yechirevo ichocho. Vamwe baba vane vana vana vanoti: “Apo ndinotarira shure, ndinofunga kuti rakanga riri boka guru reshamwari dzavana vedu dzaiva muzvokwadi rakabetsera kuvasunda kubatira Jehovha. Ndakavakurudzira kuita shamwari mune dzimwe ungano pamwe chete neyedu timene uye kusakurira ushamwari ihwohwo.” Mumwe mukuru wechiKristu uyo abatira paBheteri kwamakore akawanda anoyeuka, kuti: “Apo ndakanga ndiri muduku, taigara muimba duku, asi yaipiwa nguva dzose sopokugara pomutariri wedunhu. Mukuwedzera, mapiyona chaiwo omuungano yedu nguva dzose aidya dhina nesu. Aigeza muviri pamba pedu uye aisonganirana nesu. Kunzwa zvakaitika zvawo uye kuona mufaro wawo zvakandibetsera kusakurira nzwisiso yebasa renguva yakazara.”

Songaniro yakanaka inobetsera avo vari kutambura zvinetso. Vamwe mai vane mwanakomana akanga achitambura nguva yakaoma vakakurukura chinetso chacho nomutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha. Akarumbidza kuti vabude nomukomana wacho mubasa romumunda. “Kana mukadaro, umudzimu hwake uye chimwe chinhu chiri chose zvacho chichavandudzika,” mutariri wacho akadaro. Anoshuma, kuti: “Muungano yedu makanga mune gadziriro yokupupura madekwana, uye vana vezera rechikoro vakawanda, mapiyona enguva dzose akura anoverengeka, uye anenge mukuru mumwe vaigoverana makuri. Pakutanga kwakanga kuri kurwisa kuti mwanakomana wangu abude nguva dzose, asi ikoko hakuna kupfuurira kwenguva refu sezvo nguva dzose aiuya kumusha achifara zvikuru uye akurudzirwa nesonganiro yakanaka. Apo akanga ari mudzidzi muchikoro chapamusoro, akabhapatidzwa ndokubatira sapiyona webetsero mwedzi uri wose, uye apo akapedza kufunda, akava piyona wenguva dzose.” Songaniro yakanaka yakabatanidzwa nokuita kuda kwaJehovha yakaunza migumisiro yakanaka.

Pangasava navaduku munzvimbomo vanogona kuva pesvedzero yakanaka pamwana wako, asi kutaura kunoitwa kwaitwazve nepwere dzakawanda dzakasarudza kubatira Jehovha kune chokuita nemienzaniso yavabereki vavo. Pwere dzakawanda dzakayemura vabereki vadzo uye dzakada kuvatevedzera. Yuri anoyeuka mutsa wamai wake uye nzira yavaitarisira nayo vamwe, kuridzira runhare uye kugadzirira vanorwara zvokudya. Tatsuo, uyo anobva mumhuri ine vakomana vana, vose zvino vakura uye vari kubatira Jehovha, akati: “Amai vaisagona kufunda nesu nguva dzose nemhaka yokuti Baba vakanga vasiri mutendi uye vaiwana chishoro chikuru chaibva kuhama dzokunyama. Asi kucherekedza kutsigira kwavo zvokwadi uye mufaro wavo mukubatira Jehovha zvakandipesvedzera zvikuru. Vakanga vachidisawo kuramba vakasvinura kutozosvikira mumaawa okuvamba amangwanani vachitibetsera nezvinetso zvedu.” Mashoko omubereki ouchenjeri ane simba apo anotsigirwa namabasa okutendeka. Yoichiro akati pamusoro pavabereki vake: “Handigoni kuyeuka kuti vaimbotaura mifungo yakaipa pamusoro pavamwe vomuungano; kana kutibvumira isu vana kutaura guhwa pamusoro pezvikanganiso zvavamwe.”—Ruka 6:40-42.

Mufaro Mukuona Vana Vachisarudza Jehovha

Hapana mutoo chaiwo wokubetsera nawo vana vako kusarudza Jehovha. Kuchava nenhambo dzokufunganya dzakawanda. Asi baba vanonetseka vadudzwa pakuvamba vakati: “Savabereki takaedza nguva dzose nokutendeka kutevera zvikarakadzo zvesangano rinooneka raJehovha. Ikoku kwakanga kuri betsero huru mukukurira zvinetso.” Nhamburiko dzavo dzakabudirira.

Hungu, kupfurikidza nokuita unani hwako kutevera nhungamiro dzeBhaibheri, kupa vana vako zvikonzero zvakanaka zvokuda Jehovha, zvichitsigirwa nomuenzaniso wako wokutendeka uye nhamburiko dzapachokwadi dzokubetsera, iwewo pakupedzisira ungawana nhamburiko dzako dzichibudirira. Unoyeuka here mukomana adudzwa pakuvamba, uyo akanga ambotsunga kusava mumwe weZvapupu zvaJehovha? Eya pashure pokunge mai wake vamubetsera nenzira inobudirira mumakore ake akaoma, akati: “Ndinofara kuti havana kurega!” Ungava nemigumisiro yakafanana navana vako.—VaGaratia 6:9.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

b Vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha vanonzi mapiyona. Piyona webetsero anopedzera anenge maawa 60 muushumiri mwedzi uri wose, piyona wenguva dzose maawa 90, uye piyona chaiye maawa 140.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Unogona kutarira shure kukurera vana neyeuko dzinofadza here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe