Rwiyo 83
Chikonzero Chokufara kweZioni
1. Jehovha ane rudzi;
Ruchangoberekwa.
“Nyika” yakaunzwawo
Isina kuchema.
Zioni yaJehovha
Iyo yobereka
Vana vanozivisa
Zita raShe m’pasi.
(Korasi)
2. Kuberekwa kworudzi
Kwakaunza m’faro.
Kwobatira Umambo
Nokufudza boka.
Vana veZioni’va
Votya Shoko raJa.
Vakashinga mubasa.
Havambotadziswa.
(Korasi)
3. Idonzo raJehovha
Kuzunguza ndudzi.
Zvakanaka zvendudzi
Zvokwira Zioni.
Iropafadzo huru
Kukudza Jehovha,
Tichimukotamira,
Nokumurumbidza.
(KORASI)
Tifarire Zioni kum’soro!
Jehovha anorida zvikuru!
Vana varo vari Kubatira,
Patafura yaMwari vogara.