Rwiyo 40
Kuita Kuti Nzira Yedu Ibudirire
1. Mwari akaudza Joshwa:
‘Rambira m’mutemo.
Ufungisise pauri,
Uye uterere.
Ngaukutungamirire,
Pam’romo usabve (zvachose).
Uchabudirira m’zvose,
Kana uchifamba (m’zvokwadi).
Uchabudirira m’zvose,
Wafamba m’zvokwadi.’
2. Madzishe muIsraeri,
Akanzwa mutemo:
Madzishe azvinyorere
Mutemo waMwari,
Achiurava kazhinji
Azvininipise (zvikuru).’
Ja achamukomborera;
Woona mazuva (mazhinji).
Ja achamukomborera;
M’mazuva mazhinji.
3. M’Bhaibheri mune nzira
Yokufamba nayo.
Zvatisingazvifambiri,
Tinoda betsero.
Kudya pamifungo yake
Kwoita tim’zive (zvikuru).
Tikarovedzwa naMwari,
Tichamuterera (zvikuru).
Tikarovedzwa naMwari,
Tichamuterera.